-
Kuramba Takarongeka Nokuda Kwokupukunyuka Ndokupinda MumireniyumuNharireyomurindi—1989 | September 1
-
-
6. (a) Kuberekwa kwaMambo kwakaraira basai rakadeya kutaurwa naJesu? (b) Kuita iri basa kwakadei kuvanhu vaJehovha, uye rudzii rwechitarisiko rwavanopa zvino?
6 Kuberekwa kwoUmambo hwaJehovha uhwo achareverera nahwo huchangamire hwake huna maruramiro pamusoro penyika yose—aa, pano pakanga pane chimwe chinhu chaifanirwa nokuziviswa mupasi rose! Uye ino yakanga iri nguva yezadziko yaawa mashoko aJesu pamusoro pezvibvumikiso zvo“kuvapo” kwake kusingaoneki: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:3, 14, NW) Kuparidzira zvakabatana, kune tsinhirano pamwero wamarudzi ose, wepasi rose zvamazvirokwazvo kwaizoda kuronga rutivi runooneka rwesangano renyika yose raJehovha. Watch Tower Bible and Tract Society, seyakamirirwa napurezidhendi wayo wapanguva iyeyo, J. F. Rutherford, yaida ikoku. Naizvozvo, kuvambira mugore rapashure pehondo ra 1919, kurongwa kwavatsigiri vakavimbika veSosaiti sorudzi rwakadzorerwa kwakapfuurira nenzira yokutsunga, neminyengetero nokuda kwenhungamiro nechikomborero choMurongi Mukurusa, Jehovha Mwari. Mukutarisana neHondo yeNyika II, pasinei zvapo nechishoro chakakasharara chakaitwa navaFascist, sangano raHitler reNazi, uye Chiito cheKaturike, Zvapupu zvaJehovha mupasi rose zvakapa chimiro chakabatana kunyika muvengi.
-
-
Kuramba Takarongeka Nokuda Kwokupukunyuka Ndokupinda MumireniyumuNharireyomurindi—1989 | September 1
-
-
9. Neiko makwai achikokwa kuti agare nhaka “umambo hwaka[va]gadzirirwa,” uye iwo ari munzvimbo yakaisvonakisisa sei yokuita zvakanaka kuhama dzaMambo?
9 Neiko ava vakafanana namakwai vachikokwa kuti “vagare nhaka umambo hwaka[va]gadzirirwa kuvambira pakuvambwa kwenyika”? Mambo anovaudza kuti imhaka yokuti ivo vakaita zvakanaka ku“hama” dzake, uye nomutoo iwoyo vakakuita kwaari. Kupfurikidza nokutaura kuti “hama,” Mambo anoreva vakasarira vehama dzake dzomudzimu vachiri pasi pano mumhedziso ino yetsika yezvinhu. Vachinge vava boka rimwe neidzi hama dzoMufudzi Mambo, Jesu Kristu, ivo vaizoramba vari musonganirano inobvira yapedyosa navakasarira vakadaro uye nokudaro vaizova munzvimbo yakaisvonaka yokuita zvakanaka kwavari. Kunyange munzira dzokunyama, ivo vaizobetsera hama dzaJesu kuparidzira shoko roUmambo hwakagadzwa munyika yose mugumo usati wasvika. Muna ikoku, makwai aizokoshesa ropafadzo yawo yokuramba akarongeka navakasarira seboka rimwe roMufudzi mumwe.
-
-
Kuramba Takarongeka Nokuda Kwokupukunyuka Ndokupinda MumireniyumuNharireyomurindi—1989 | September 1
-
-
11. Makwai anoratidza sei kuti anotsigira Umambo, uye nemhaka yaikoku, chikomboreroi chiri chavo?
11 Mukupesana nembudzi dzokufananidzira, vakafanana namakwai vanoratidza nenzira yakajeka kuti ivo vanotsigira Umambo. Seiko? Namabasa, kwete mashokowo zvawo. Nemhaka yokusaoneka kwaMambo mumatenga, ivo havagoni kuita zvakanaka nomutoo wakananga kwaari mukutsigirwa kwoUmambo hwake. Naizvozvo ivo vanoita zvakanaka kuhama dzake dzomudzimu dzichiri pasi pano. Kunyange zvazvo ikoku kuchiunza ruvengo, chishoro, uye chitambudzo chinobva kumbudzi, nokuda kwokuitwa kwakadaro kwezvakanaka, makwai anoudzwa naMambo kuti iwo ‘anokomborerwa naBaba vake.’
-