RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Izvozvi Zvose Zvinofanira Kumboitwa”
    Nharireyomurindi—1999 | May 1
    • Vairarama Panguva Iyoyo Vaizozviona

      11. Jesu akatii nezve“chizvarwa ichi”?

      11 VaJudha vakawanda vakafunga kuti gadziriro yavo yokunamata, yaiva patemberi, yaizoramba ichipfuurira nokusingaperi. Asi Jesu akati: “Dzidzai pamuonde: . . . Kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhezha rava pedyo. Saizvozvo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti wava pedyo pamukova. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: [Chizvarwa chino hachizombopfuuri, NW] kusvikira izvozvi zvose zvaitika. (Tisu tatsveyamisa mashoko) Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri.”—Mateo 24:32-35.

      12, 13. Vadzidzi vangava vakanzwisisa sei kutaura kwaJesu nezve“chizvarwa ichi”?

      12 Mumakore akatangira 66 C.E., vaKristu vangadai vakaona mativi akawanda okutanga echiratidzo chinoumbwa nezvizhinji achiitika—hondo, nzara, kunyange kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo kwose kwose. (Mabasa 11:28; VaKorose 1:23) Zvisinei, mugumo waizouya rini? Jesu airevei paakati: ‘Chizvarwa ichi [chiGiriki, ge·ne·a] hachizopfuuri’? Kakawanda Jesu akanga adana vaJudha vakawanda vaishora vairarama panguva iyoyo, kubatanidza vatungamiriri vezvechitendero kuti, ‘chizvarwa chakaipa, chinoita upombwe.’ (Mateo 11:16; 12:39, 45; 16:4; 17:17; 23:36) Saka, paakataurazve nezve“chizvarwa ichi,” ari paGomo reMiorivhi, zviri pachena kuti akanga asingarevi rudzi rwose rwavaJudha munhau yose; uyewo akanga asingarevi vateveri vake, kunyange zvazvo vaiva “rudzi rwakasanangurwa.” (1 Petro 2:9) Jesu akanga asiriwo kutaura kuti “chizvarwa ichi” inhambo yenguva.

      13 Panzvimbo pezvo, Jesu akanga achifunga nezvevaJudha vaishora kare ikoko vaizoona kuzadzika kwechiratidzo chaakapa. Pamusoro pokutaurwa kunoitwa “chizvarwa ichi” pana Ruka 21:32 (NW), Purofesa Joel B. Green anoti: “MuEvhangeri Yechitatu, ‘chizvarwa ichi’ (nemashoko akafanana) nguva dzose chakamirira boka ravanhu vanoramba chinangwa chaMwari. . . . [Chinoreva] vanhu vanofuratira chinangwa chaMwari nokusindimara.”b

      14. “Chizvarwa” ichocho chakaonei, asi paiva sei nomugumisiro wakasiyana pavaKristu?

      14 Chizvarwa chakaipa chevashori vechiJudha vaigona kuona chiratidzo chichiitika chaizoonawo mugumo. (Mateo 24:6, 13, 14) Uye ndizvo zvavakaita! Muna 70 C.E., uto reRoma rakadzoka, richitungamirirwa naTitus, mwanakomana waMambo Vespasian. Kutambura kwavaJudha vakanga vakavharirwazve muguta kunoita sokusingadaviriki.c Chimwe chapupu chakaona Flavius Josephus chinoti panguva iyo vaRoma vakazoparadza guta, vaJudha vanenge 1 100 000 vakanga vafa uye vamwe 100 000 vakaitwa nhapwa, vakawanda vaivavo vakanga vachizoparara zvinotyisa nenzara kana kuti munzvimbo dzemitambo dzeRoma. Zvechokwadi, dambudziko ra66-70 C.E. rakanga riri gurusa iro Jerusarema negadziriro yechiJudha zvakanga zvati zvamboona kana kuti zvaizomboona. Zvakaguma zvaitika zvacho zvakanga zvakasiyana zvakadini nokuda kwavaKristu vakanga vateerera nyevero yaJesu youprofita uye vakanga vabuda muJerusarema pashure pokuenda kwemauto eRoma muna 66 C.E.! VaKristu vakazodzwa “Vakasanangurwa” vaka“[poneswa, NW]” kana kuti vakachengetedzwa, muna 70 C.E.—Mateo 24:16, 22.

  • “Izvozvi Zvose Zvinofanira Kumboitwa”
    Nharireyomurindi—1999 | May 1
    • b Nyanzvi yeBritain G. R. Beasley-Murray inoti: “Mashoko okuti ‘chizvarwa ichi’ haafaniri kunetsa vadudziri. Nepo zvichibvumwa kuti genea muchiGiriki chokutanga zvaireva kuzvarwa, vana, uye nokudaro rudzi, . . . mu[Septuagint yechiGiriki] yaiwanzoshandura shoko rechiHebheru rokuti dôr, kureva zera, zera ravanhu, kana kuti chizvarwa mupfungwa yevakararama panguva imwe. . . . Mukutaura kwakaitwa naJesu shoko racho rinoita serinoreva zvinhu zviviri: kune rumwe rutivi nguva dzose rinoreva vaakararama navo panguva imwe, uye ukuwo nguva dzose rinoreva zvinoratidza kutsoropodza.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe