Mibvunzo Inobva Kuvaravi
“Nharireyomurindi” yaNovember 1, 1995, yakanangidzira ngwariro paizvo Jesu akataura pana Mateo 24:34 pamusoro pe“ichi chizvarwa.” (NW) Ikoku kunoreva kuti pane kusava nechokwadi pamusoro pokuti Umambo hwaMwari hwakagadzwa mudenga muna 1914 kana kuti kwete here?
Kurukurirano iyoyo muNharireyomurindi haina kuita kuchinja kupi nokupi pamusoro pedzidziso yedu inokosha pamusoro pa1914. Jesu akarondedzera chiratidzo chokuzivisa kuvapo kwake musimba roUmambo. Tine ufakazi hwakakwana hwokuti ichi chiratidzo chave chichizadzika kubvira muna 1914. Maidi pamusoro penzara, matambudziko, kudengenyeka kwepasi, uye humwe ufakazi zvinopupurira kuti kubvira muna 1914, Jesu ave achishingaira saMambo weUmambo hwaMwari. Ikoku kunoratidzira kuti kubvira ipapo tave tiri mumhedziso yetsika yezvinhu.
Chii, ipapoka, icho Nharireyomurindi yakanga ichijekesa? Eya, chinokosha chakanga chiri mufungo uyo Jesu akashandisa mauri shoko rokuti “chizvarwa” pana Mateo 24:34 (NW). Chikamu ichocho chinorava kuti: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachisati chichizotongopfuura kutozosvikira izvi zvinhu zvose zvaitika.” Jesu akarevei nokuti “chizvarwa,” (NW) mumazuva ose ari maviri rake uye redu?
Magwaro akawanda anosimbisa kuti Jesu haana kushandisa “chizvarwa” (NW) muzvine chokuita neboka duku rakati kana kuti rakasiyana, kuchireva bedzi vatungamiriri vechiJudha kana kuti vadzidzi vake vakavimbika bedzi. Panzvimbo pezvo, akashandisa “chizvarwa” (NW) mukupa mhosva vazhinji vevaJudha vakamuramba. Nenzira inofadza, kunyange zvakadaro, vanhu vamwe nevamwe vaigona kuita izvo muapostora Petro akakurudzira pazuva rePentekosta, kupfidza ndo“kuponeswa paichi chizvarwa chakakombama.”—Mabasa 2:40, NW.
Mukutaura ikoko, Petro nenzira yakajeka akanga asiri kuva akananga kuzera ripi neripi rakagadzwa kana kuti urefu hwenguva, uyewo akanga asiri kubatanidza “chizvarwa” (NW) nemusi wakati upi noupi. Haana kutaura kuti vanhu vanofanira kuponeswa pachizvarwa chakaberekwa mugore rimwe chetero nerakaberekwa Jesu kana kuti chizvarwa chakaberekwa muna 29 C.E. Petro akanga achitaura nezvevaJudha vakanga vasingatendi venhambo iyoyo—vamwe zvimwe vakanga vari vaduku, vamwe vakanga vati kurei—avo vakanga vaziva kudzidzisa kwaJesu, vakanga vaona kana kuti kunzwa zvishamiso zvake, uye vakanga vasina kumugamuchira saMesiya.
Sezviri pachena ikoko ndiko kunzwisisa kwakaita Petro kushandisa kwaJesu “chizvarwa” (NW) apo iye nevamwe vaapostora vatatu vakanga vana Jesu paGomo reMiorivhi. Maererano nokutaura kwaJesu kweuporofita, vaJudha venhambo iyoyo—zvikurukuru, vakararama nguva yaJesu—vakanga vachizoona kana kuti kunzwa nezvehondo, kudengenyeka kwepasi, nzara, uye humwe ufakazi hwokuti mugumo wetsika yechiJudha wakanga wava pedyo. Kutaura idi, chizvarwa ichocho hachina kupfuura mugumo usati wasvika muna 70 C.E.—Mateo 24:3-14, 34.
Kunofanira kubvumwa kuti hatina kurangarira nguva dzose mashoko aJesu mupfungwa iyoyo. Kune chimiro chendangariro chokuti vanhu vasina kukwana vade kuva vakananga pamusoro pomusi apo mugumo uchauya. Yeuka kuti kunyange vaapostora vakatsvaka zvakananga zvakawanda, vachibvunza kuti: “Ishe, modzosera ushe kuna vaIsraeri nenguva ino here?”—Mabasa 1:6.
Nevavariro dzechokwadi dzakafanana, vabatiri vaMwari munguva dzazvino uno vakaedza kuwana kubva muizvo Jesu akataura pamusoro pe“chizvarwa” (NW) nguva yakananga inoverengwa kubvira muna 1914. Somuenzaniso, imwe mhedziso yave iri yokuti chizvarwa chinogona kuva makore 70 kana kuti 80, chichiumbwa nevanhu vakura zvakakwana kunzwisisa ukoshi hwehondo yekutanga yenyika nezvimwe zviitiko; nokudaro tinogona kuverenga nokufungidzira kuva pedyo kwaita mugumo.
Zvisinei hazvo nokuti kufunga kwakadaro kwakanga kune vavariro dzakanaka sei, kwaitsinhirana here nezano iro Jesu akapfuurira kupa? Jesu akati: “Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga. . . . Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro.”—Mateo 24:36-42.
Naizvozvo mashoko enguva pfupi ichangobva kupfuura muNharireyomurindi pamusoro pe“chizvarwa” (NW) haana kuchinja nzwisiso yedu yezvakaitika muna 1914. Asi akatipa nzwisiso yakajeka zvikuru yekushandisa kwaJesu kutaura kwekuti “chizvarwa,” (NW) kuchitibetsera kuona kuti kushandisa kwake kwakanga kusiri hwaro hwekuverenga—kuverenga kubva muna 1914—kuti tava pedyo sei nemugumo.