Ganhuro 23
Sanorangarira Zuva raJehovha
1. (a) Pawakatanga kudzidza kuti kununurwa munhamo dzetsika ino yakaipa kwava pedyo, wakaita sei? (b) Ko isu tinofanira kurangarira nomutoo wakakomba mibvunzoi pamsoro paikoku?
MUKUSAPANIKIRA chimwe chezvinhu zvokutanga zvawakadzidza mukufunda Bhaibheri chakanga chiri chokuti kununurwa munhamo dzoupenyu mutsika yezvinhu iripoyi kwava pedyo. (Ruka 21:28) Wakasvika pakuziva kuti donzo raMwari nderokuti pasi rose rive Paradhiso. Ubhinya, hondo, chirwere norufu hazvichazovipozve, uye kunyange vadikanwa vakafa vachararamazve. Haiwa ikariro inofadza zvakadini! Kuva pedyo kwakwo kose kwakasimbiswa nohufakazi hwokuti kuvapo kusingaoneki kwaKristu saMambo anobata ushe kwakavamba muna 1914 N.V. uye kuti chifocho tave tiri mumazuva okupedzisira enyika ino yakaipa. Ko kuziva ikoko kwakaparira kuchinja muupenyu hwako here? Ko mararamire ako anoratidzira zvomenemene kupwiswa kwokuti “zuva raJehovha” rava pedyo here?
2. (a) Ko “zuva raJehovha” richasvika riini? (b) Idi rokuti Jehovha haana kuwadzanyura “zuva kana kuti nguva” rakabvumikisa kuva rinobetsera sei?
2 Magwaro anoratidzira zvakajeka kuti “chizvarwa” chakaona mavambo okuvapo kwaKristu chaizoonawo “zuva guru raJehovha” iro iye anoita rutongeso mariri pana vose vanoita kusarurama. (Mat. 24:34; Zef. 1:14–2:3) “Chizvarwa” ichecho chakwegura kwazvo mumakore. Asika Bhaibheri harizati richinongedzera musi chaiwoiwo apo Jesu Kristu achauya somuputsi waJehovha patsika yezvinhu yapasi yaSatani. “Pamsoro pezuva irero kana kuti nguva hakuna munhu anoziva, uyewo ngirozi dziri mudenga kana kuti Mwanakomana, asi Baba,” akataura kudaro Jesu. (Marko 13:32) Ikoku kwakabvumikisa kuva kunobetsera zvikuru. Munziraiko? Kwakabetsera kuwadzanyura zviri mumwoyo yavanhu. Kana vapi navapi vasingadi zvomenemene Jehovha, ivo vanokombamira kukusundira mberi “zuva” rake mumirangariro yavo ndokutendeukira kuzvinorondwa zvenyika uko mwoyo yavo yakakombamira kwazviri. Jehovha anotendera savabatiri vake avo bedzi vanomuda zvomenemene uye vanokuratidzira kupfurikidza nokumubatira nomwoyo wose, pasinei zvapo nokuti mugumo wetsika yakaipa uchasvika riini. Tendero yaMwari neyoMwanakomana wake haizati iri kuna avo vanoshaiwa kupwiswa kana kuti vane mifungo miviri.—Zvak. 3:16; Pis. 37:4; 1 Johane 5:3.
3. Ko Jesu akataurei senyevero nokuda kwedu pamsoro peiyi nhau?
3 Mushoko renyevero kuna vanoda Jehovha, Jesu akati: “Rindai, svinurai, nokuti imi hamuzati muchiziva apo nguva yakagadzwa inosvika.” (Marko 13:33-37) Anotikuchidzira kusarega kudya nokunwa kana kuti “kufunganya kwoupenyu” kuchitora ngwariro yedu zvokuti tinorasikirwa nokuona kukomba kwenguva yedu.—Ruka 21:34-36; Mat. 24:37-42.
4. Sokurondedzera kwakaita Petro, ko “zuva raJehovha” richaunzei?
4 Gare gare, muapostora Petro akapa zano vose avo vaiva nokutenda kwechokwadi ro“kumirira nokusanorangarira kuvapo kwezuva raJehovha, muiro matenga anotsva achanyunguduka nezvinhu zvokudenga zvinopisa nomwero mukurusa zvichanyunguduka.’ Kuva pedyo kwe“zuva raJehovha” iidi iro risina nomumwe wedu anofanira kumboridukupisa. Matenga anooneka ehurumende nechaunga chavanhu chakaipa nokukurumidza zvichatsiviwa na“matenga matsva napasi idzva” zvinoitwa naMwari, uye “zvinhu” zvose zvinoendedzana netsika iripoyi yenyika—chimiro chayo chokuzvitonga, mararamire ayo outere neokudisa zvenyika—zvichagumiswa mukupisa kunoparadza kwe“zuva raJehovha.” (2 Pet. 3:10-13) Tinodikanirwa kusvinura, tichiziva kuti zvinoitika izvi zvinoputsanya nyika zvingavamba pachinguvana chipi nechipi.—Mat. 24:44.
Svinurai Kuzvinoitika Zvinozadzika Chiratidzo
5. (a) Ko mhinduro yaJesu yomubvunzo wakanyorwa pana Mateo 24:3 yakashanda kusvikira kutambanukoi kumugumo wetsika yechiJudha? (b) Zvikamui zvemhinduro yake zvakazivisa pamsoro pezvinoitika zvinovambira muna 1914 N.V. zvichienda mberi?
5 Zvikurukuru mukurangarira nguva yatiri kurarama mairi, tinofanira kusanorovedzana namashoko ose oudzame echiratidzo chomubatanidzwa chinozivisa “mazuva okupedzisira,” kana kuti “mhedziso yetsika yezvinhu.” Kurava chiratidzo nomutoo wakarurama, tinofanira kurangarira kuti apo Jesu akapindura mubvunzo wavadzidzi vake sowakanyorwa pana Mateo 24:3, zvimwe zvezvaakataura zvakashanda kumugumo wetsika yechiJudha muzana rokutanga ramakore, asi kushanda kukuru kwakasvika kure kupfuura ikoko. Zvaakarondedzera mundima duku 4 kusvikira ku 22 zvakava nokuzadzika kuno mwero muduku pakati pa 33 na 70 N.V. Asi chiporofita chine kuzadzika kwacho kukuru muzuva redu uye chinoratidzira nhambo chifo cha 1914 N.V. kuva nguva yo“kuvapo kwaKristu neyemhedziso yetsika yezvinhu.” (Uyewo Marko 13:5-20 naRuka 21:8-24) Mateo 24:23-28 inotizivisa chaizoitika kubvira muna 70 N.V. zvichienda mberi kunguva yokuvapo kwaKristu. (Uyewo Marko 13:21-23) Kana zviri zvinoitika zvinorondedzerwa kubvira pana Mateo 24:29-25:46 kusvikira kumugumo weganhuro 25, izvozvi zvinonongedzera kunhambo inobvira muna 1914 N.V.—Uyewo Marko 13:24-37 naRuka 21:25-36.
6. (a) Neiko isu somunhu oga tichifanira kusvinurira mazadzikire anoita zvinoitika zvazvino uno “chiratidzo”? (b) Pindura mibvunzo iri pamugumo pendima ino kuratidzira kuti “chiratidzo” chakazadzika sei chifo cha 1914.
6 Isu somunhu mumwe nomumwe tinotofanira kuva vanocherekedza zvinoitika zvazvino uno zvinozadzika “chiratidzo.” Kuwiriranisa kwedu zvinoitika izvi nechiporofita cheBhaibheri kuchatibetsera ku“sanorangarira” zuva raJehovha. Kuchatigonesawo kuva tinopesvedzera pakunyevera vamwe nezvekuva pedyo kwe“zuva ramatsive raMwari wedu.” (Isa. 61:1, 2) Uchirangarira nharidzano idzi, hwirudzura mativi anotevera e“chiratidzo.”
Ko kudeya kuzivisa kumuka kwo‘rudzi ruchimukirana norudzi noumambo huchimukirana noumambo’ kwakazadzika kutangira muna 1914, N.V. munzirai yechienzi? Chii chakaitika kunyange mumwedzi yazvino uno chinowedzera kuzadzikako?
Ko kuperevedza kwezvokudya kwakatapura pasi kusvikira kutambanukoi pasinei zvapo nokuziva kwesayenzi kwomuzana rechi 20 ramakore?
Ko zvomenemene pave pane mutsaukano upi noupi here muchiverengero chokuitika kwokudengenyeka kwapasi munzvimbo imwe neimwe chifo cha 1914 N.V.?
Muna 1918 inhendai yakauraya upenyu hwakawanda hunopfuura hondo yenyika? Pasinei zvapo nokuziva kwokurapa, ihoshai dzichiri dzomwero unopomeranwa?
Hufakazii hwaunoona hwokuti vanhu zvomenemene vari kupera simba nokuda kwokutya, sezvakadeya kutaurwa pana Ruka 21:26?
Chii chinokubvumikisa kuti migariro inorondedzerwa muna 2 Timotio 3:1-5 haizati ichingovawo zvayo nzira upenyu hwanguve hwakadaro asi kuti iri kukudziridzika kusvikira kumwero unokatyamadza sezvatinonanga mugumo wamazuva okupedzisira?
Kuparadzaniswa Kwavanhu
7. (a) Ndichimwei chinoitika, chinorondedzerwa pana Mateo 13:36-43, icho Jesu akabatanidza nemhedziso yetsika yezvinhu? (b) Ko muenzanisiro iwowo unorevei?
7 Kune zvimwewo zvinoitika zvine revo izvo Jesu akabatanidza nomutoo wakatanhamara nemhedziso yetsika yezvinhu. Chimwe chaizvozvi ndiko kuparadzaniswa kwa“vanakomana voumambo” na“vanakomana vowakaipa.” Jesu akataura nezvaikoku mumuenzaniso wake pamsoro pomunda wegorosi uyo muvengi akakusha masora. “Gorosi” mumuenzanisiro wake rinomirira maKristu echokwadi akazodzwa. “Sora” ndiwo maKristu okuedzesera. Mumhedziso yetsika yezvinhu “sora”—avo vanoedzesera kuva maKristu asi vanozvibvumikisa ivo vamene kuva “vanakomana vowakaipa” nokuti vanobatirira kunyika iyo Dhiabhorosi ari mubati ushe wayo—vanoparadzaniswa na“vanakomana voumambo” hwaMwari uye vanoiswa chiratidzo nokuda kwokuparadzwa. (Mat. 13:36-43) Ko ikoku kwakaitika zvomenemene here?
8. (a) Pashure peHondo yeNyika I, kuparadzaniswai kukuru kwavose vanokambira kuva maKristu kwakaitika? (b) Ko maKristu echokwadi akazodzwa akapupurira sei kuti iwo, zvamazvirokwazvo, aiva “vanakomana voumambo”?
8 Pashure peHondo yeNyika I, zvamazvirokwazvo, kwakanga kunokuparadzaniswa kukuru kwavanhu vose vaikambira kuva maKristu kuva mapoka maviri: (1) Vakuru vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu navateveri vavo, avo vakatsigira zvakasimba Chinzwano chaMarudzi (zvino chonzi Chibatanwa chaMarudzi), kunyange vachiri vakabatisisa kuurudzi hwavo. (2) MaKristu echokwadi akazodzwa mashomanene zvikuru ezera irero rapashure pehondo, awo akapa tsigiro yawo izere kuUmambo hwaMwari hwaMesia. Kupfurikidza nokutsigira kwapamhene hurumende dzenyika somutoo wokuwana nawo rugare nechengeteko, boka rokutanga rakakujekesa kuti iro rakanga risiri maKristu echokwadi. (Johane 17:16) Mukusiana, vabatiri vaJehovha nomutoo wakarurama vakazivisa Chinzwano chaMarudzi kuva “chinhu chinonyangadza chinoparira ruparadziko” chomuzuva razvino uno chinotaurwa nezvacho muna Mateo 24:15. Vachizviratidzira ivo vamene kuva “vanakomana voumambo” hwaMwari vechokwadi, ivo vakaita kuparidzirwa kwa“aya mashoko akanaka oumambo . . . mupasi rose rinogarwa.” (Mat. 24:14) Nemiuyoiko?
9. Chii chakava muuyo wokutanga womubato wokuparidza Umambo?
9 Kutanga, kwakanga kuno kuunganidzwa kwavakasarira va“vakasarudzwa,” maKristu akazodzwa nomudzimu. Kunyange zvazvo vakanga vakapararira zvakafara pakati pamarudzi, sokunge kuti “mhepo ina,” mukutungamirira kwengirozi ivo vakapinzwa mukubatana kwesangano.—Mat. 24:31.
10. (a) Ko rimwezve basa rokuparadzanisa rakaitwa sei, uye mukutsinhirana nechiporofita chipi? (b) Ko kuzadzika kweizvi zviporofita kunoratidzirei?
10 Ipapo, sokudeya kuzivisa kwakaita Jesu, akavamba kuparadzanisa vanhu vamarudzi ose, “somufudzi anoparadzanisa makwai nembudzi.” Basa iri, rinotungamirirwa naKristu ari pachigaro chake choumambo chokudenga, rinopfuurira kusvikira kunguva ino chaiyo, uye iwe pachako unotapurwa naro. Voruzhinji vavanhu vanoramba Umambo hwaMwari na“vanakomana” vahwo vakazodzwa nomudzimu nokudaro vachaiswa ku“kugurwa kusingaperi” murufu. Zvisinei, kuna vamwe Ishe anovakokera kuzogara nhaka dunhu rapasi roUmambo hwake, vachirangarira upenyu husingaperi. Vakafanana namakwai vakadaro vakazvibatanidza ivo vamene na“vanakomana voumambo” vakazodzwa, kunyange zvazvo ivava vachitambudzwa noutsinye. (Mat. 25:31-46) Mukuvimbika vanovabetsera kuparidzira shoko rinokosha roUmambo. Boka guru rine chiverengero chinosvika mumamirioni riri kutora rutivi mune iri basa. Shoko roUmambo riri kunzwiwa kumigumo yapasi. Ko zvinoitika izvozvi zvinoratidzirei? Kuti tava pedyo zvikuru nomugumo wa“mazuva okupedzisira” uye kuti “zuva raJehovha” rava pedyo zvikuru.
Chii Chiri Mberi?
11. Ko kune basa rakawanda rokuparidzira rinoda kuitwa pamberi pokusvika kwe“zuva raJehovha” here?
11 Ko kuchine zviporofita zvinoda kuzadzika zuva guru nerinotyisa raJehovha risati ravamba here? Hungu! Kuparadzaniswa kwavanhu pamsoro pechirevo choUmambo kuchigere kupera. Mune dzimwe nharaunda uko chishoro chikuru chakawanwa kwamakore mazhinji, zvino kwava nokukohwa kukurusa kwavadzidzi vatsva. Uye kunyange uko vanhu vanoramba mashoko akanaka, ruramisiro yaJehovha nengoni zvinotsigirwa kupfurikidza nokupupurira kwedu. Naizvozvo, pamberi nebasa! Jesu anotisimbisira kuti, parinenge raitwa, “mugumo uchasvika.”—Mat. 24:14.
12. (a) Sezvinoratidzirwa pana 1 VaTesaronika 5:2, 3, ndichinoitikai chakatanhamara chichigere kuitika? (b) Chicharevei kwatiri?
12 Chimwe chiporofita cheBhaibheri chinokosha zvikuru chinodeya kuzivisa, kuti: “Pari pose apo ivo vanoti: ‘Rugare nechengeteko!’ ipapo ruparadziko rwapakarepo ruchavawira sokurwadza kwenhamo pamukadzi une mimba; uye ivo havangatongopukunyuki.” (1 VaT. 5:2, 3) Kuti kuziviswa kwo“rugare nechengeteko” kuchava nechimiroi kwasarira kuonekwa. Asika zvamazvirokwazvo hakuzati kuchireva kuti vatungamiriri venyika zvamazvirokwazvo vagadzikisa zvinetso zvavanhu. Avo vano“sanorangarira” zuva raJehovha havazati vachizotsauswa nokuzivisa ikoko. Vanoziva kuti, nokukurumidza pashure pacho, “ruparadziko rwapakarepo” ruchasvika.
13. Ndizvinoitikai zvichakurumidza kutevera kuziviswa kwo“rugare nechengeteko,” uye munhevedzanoi?
13 Kutanga, sokuratidzira kunoita Magwaro, vabati ushe vezvamatongerwe enyika, pamwero wenyika yose, vachamukira Bhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema, ndokuriparadza. (Zvak. 17:15, 16) Zvamazvirokwazvo kunocherekedzwa kuti zvimiro zvendangariro zvoutsinye zvikurukuru kumarudzidziso echiKristudhomu zvino zvava kutozviratidzira zvimene. Hurumende dzine miitiro yakasimba yokuramba rudzidziso dzotoshandisa pesvedzero ine simba muChibatanwa chaMarudzi, uye vanhu ivo vamene munyika dzorudzidziso mune zvegamuchidzanwa vari kurega rudzidziso rwamadzisekuru avo muzviverengero zvikuru. Ko ikoko kwose kunorevei? Kuti kuparadzwa kworudzidziso rwenhema kwava pedyo. Pashure pacho, apo marudzi nomutoo wokuzvidza anomukira, musimba rizere, avo vanotsigira uchangamire hwaJehovha, hasha dzaMwari dzichasunungurirwa pahurumende dzezvamatongerwe enyika navatsigiri vadzo, kuchiparira kuparadzwa chose chose kwadzo dzose. Pakupedzisira, Satani iye amene namadhemoni ake vachakandirwa mugomba rakadzika-dzika, vachiganhurirwa chose chose pakupesvedzera vanhu. Zvamazvirokwazvo iri richava “zuva raJehovha,” zuva apo zita rake richasimudzirwa kumusoro.—Ezek. 38:18, 22, 23; Zvak. 19:11–20:3.
14. Neiko kusati kwaizova kuchenjera kurangarira kuti zuva raJehovha richiri kure zvikuru?
14 Richasvika chaizvoizvo nenguva, mukuwirirana norudungwe rwaMwari. Harizati richizononoka. (Hab. 2:3) Yeuka, kuparadzwa kweJerusarema muna 70 N.V. kwakasvika nokukurumidza, apo vaJudha vasina kurukarira, apo ivo vakafunga havo kuti ngozi yakanga yapfuura. Asika zvakadiniko neBhabhironi rekare? Rakanga rine simba, rine chivimbo, rakasimbiswa namasvingo mahombe. Asi rakawa muusiku humwe. Naizvozvowo, “ruparadziko rwapakarepo” ruchawira patsika yakaipa iripoyi. Parunodaro, isu ngatiwanikwei takabatana mukunamata kwechokwadi, zvatinenge taka“sanorangarira” zuva raJehovha.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Neiko kuchikosha ku“sanorangarira” zuva raJehovha? Tingagona sei kuita ikoku?
● Ko isu somunhu oga tinotapurwa sei nokuparadzaniswa kwavanhu kuri kuitika?
● Chii chichiri mberi zuva raJehovha risati ravamba? Naizvozvo isu somunhu oga tinofanira kuve tichiitei?