Ganhuro 6
Nyika Iya Yakaparadzwa
1. (a) Ko kuparadzwa kwenyika kwakambonanganwa nako kare navanhu here? (b) Neiko tichifanira kuva vanoonga kuti Noa haana kuseka kunyeverwa kwako?
KARE KARE, kwakambova nenguva apo kuparadzwa kwenyika kwakanga kuchiswedera pedyo. Vanhu vamarudzi ose vanogona kuva vanoonga kuti pakati pamadzisekuru avo pakava nomumwe murume uyo asina kuseka nyevero yaMwari yamafashamo emburumbwa yose. Nemhaka yokuti Noa akanzwa ndokuteerera, iye nomudzimai wake, vanakomana vake vatatu navadzimai vavo vakapukunyuka. Isu tose, takabva kwavari.—Genesi 10:1, 32.
2. Neiko Mwari akaparadza nyika iyeyo?
2 Mwari akaparadza nyika iyeyo nokuti iye akaona kuti pasi rakanga rizerwe namasimba masimba. “Ushati hwomunhu hwakanga hwakawanda mupasi.” (Genesi 6:3, 5, 13) Migariro yakanga yakafanana zvikuru kwazvo neyeyo yomuzana redu ramakore rechi 20.
3. Chii chakanga chaparira mugarirowo kuva wakaipisisa?
3 Chii chakanga chaparira mugariro womuzuva raNoa kuva wakaipisisa kudaro? Chinhu chikurusa chinowadzanyurwa pana Genesi 6:2, iyo inoshuma, kuti: “Vanakomana vaMwari wechokwadi vakavamba kucherekedza vanasikana vavanhu, kuti ivo vakanga vakatsvinda; nokudaro ivo vakazvitorera vamene vakadzi, ndiko kuti, vose vavaisarudza.” Asika chiiko chakanga chisinokururama naikoko? Eya, ivava vakanga vasati vachingova havo varume vohunhu vakasarudza kuroora. Ava “vanakomana vaMwari” vaiva ngirozi, zvisikwa zvomudzimu, vakacherekedza vakadzi vakatsvinda pasi pano nemifaro yeroorano uye avo vakapfeka chimiro chohunhu. (Enzanisa Jobho 1:6.) Kupfeka kwavo miviri yohunhu nokuroora kwakanga kuri zviito zvokusateerera Mwari. Magwaro anorondedzera kuti ivo “vakasia nzvimbo yavo imene yakafanira yokugara” uye kuti kuvatana kwavo navakadzi kwakanga “kusiri kwomusikirwo,” kwakashata. (Judhasi 6, 7; 1 Petro 3:19, 20) Vana vavo vasati vari vomuzvarirwo vakanga vari vakuru mumuzvarirwo. Ivava vainzi maNefirimi, kana kuti “vane pfini,” nemhaka yokuti vaiva vamasimba masimba.—Genesi 6:4.
4. (a) Neiko Noa akaitirwa nyasha naMwari? (b) Igadziriroi yakaitwa yokuchengeta upenyu?
4 Kunyange zvazvo airarama pakati penyika iyeyo yakashata, Noa akawana nyasha mumeso aJehovha. Neiko? Nokuti “Noa akanga ari munhu akarurama.” Iye akanga akarovedzana nezvirevo zvakamutswa muEdheni, nokudaro iye akabvumikisa kuva asina mhaka, “munhu wokuperera.” (Genesi 6:8, 9; The Jerusalem Bible) Achirangarira kuponeswa kwaNoa nemhuri yake, uyewo mapoka orudzi rwuri rwose rwemhuka yapasi nechisikwa chinobhururuka, Jehovha akamurairidza kuvaka areka, chivako chihombe chakafanana nechikwembe. Sokutsanangura kwakaita Mwari, kuti: “Tarira ini ndinounza mafashamo emvura papasi kuparadza nyama yose iyo ine simba roupenyu rinobata basa mairi pasi pamatenga. Chinhu chiri chose chiri mupasi chichaparara.” (Genesi 6:13-17) Nomutoo wokuchenjera, Noa akanzwa Mwari uye akateerera.
5. Ko Mafashamo akanga akakura zvakadini?
5 Mafashamo akasvika mugore ra 2370 P.N.V., sezvinoratidzirwa nokuverengwa kwenguva kwoudzame hwose kweBhaibheri. Yakanga iri ngwavaira hurusa munhau yomunhu, kunyange kusvikira kunguva iripoyi. Iwo akanga akakura zvikuru zvokuti “makomo marefu ose akanga ari pasi pamatenga ose akafukidzwa.” (Genesi 7:19) Kupfurikidza naMafashamo “nyika yapanguva iyeyo yakaparadzwa.” (2 Petro 3:6) Asika mumwe munhu angabvunza hake kuti, ‘Kana kunyange makomo marefu refu akafukidzwa nemvura, iri kupiko zvino mvura iyeyo yose?’ Sezvinooneka iri pano chaipo pasi pano.
6. Pashure paMafashamo, ko mvura yose yakaindepiko?
6 Kunofanira kuzivikanwa kuti Bhaibheri harisati richiti makomo api naapi omuzuva raNoa ose akanga ari marefu seGomo reEverest. Vezvesayenzi vakataura kuti makomo mazhinji akanga akaderera zvikuru kupinda kuri zvino uye kuti mamwe akatobuda mumakungwa. Kupfuurirazve, kunodavirwa kuti kwakanga kune nguva apo nyanza idzo dzimene dzakanga dziri duku zvikuru uye nyika dzakanga dzakakura zvikuru kupinda zvadziri zvino, sezvinopupurirwa nemikoto yenzizi inotambanukira kure munyanza. Asika pamsoro pemigariro yazvino uno, magazini yeNational Geographic, muchinyorwa chayo chaJanuary 1945, yakashuma, kuti: “Mugungwa mune mvura yakawanda zvikuru nakane gumi kupinda nyika iri pamsoro pomwero wegungwa. Nyudza nyika iyi yose zvakaenzanirana mugungwa, ipapo mvura ingamonzvera pasi rose, inganyura maera rimwe nehafu.” Naizvozvo, pashure pokunge mvura dzamafashamo dzanaya, asi kubuda kwamakomo nokudzama kwamakungwa kusati kwaparira mvura kupwa panyika uye pamberi pokuumbana kwechando kumugumegume kwechamhembe namaodzanyemba, kwakanga kune mvura yakaringanira kufukidza “makomo marefu ose,” sokurondedzera kunoita Bhaibheri.—Genesi 7:17-20; 8:1-3; enzanisa Pisarema 104:8, 9.
7, 8. Chinyorwai chaMafashamo chiripo kunze kweBhaibheri?
7 Boporodzi remburumbwa yose rakakura kudaro rinofanira kuve rakaita kutapura kusingatongokanganwiki pana avo vakaripukunyuka. Zvizvarwa zvomunguva yemberi zvaizoudzwa pamsoro paro. Chinyorwa cheBhaibheri zvachinorondedzera kuti marudzi ose akabva muboka rimwe chetero ravapukunyuki vaMafashamo, kunomufungo kukarira kuti mumativi ose apasi maizova noufakazi hwokuyeukwa kwapakuvamba kwengwavaira huru iyeyo. Ikoku kwakadaro here? Hungu, kwakadaro!
8 Vana vavapukunyuki vaMafashamo zvavaitamira kunzvimbo dziri kure uye nguva zvayaipera, mashoko ose oudzame akavhiringidzika uye nhauro yakatsinhiraniswa nemifungo yorudzidziso rwomunzvimbomo. Asika hakungatongogoni kuva kwakangoerekana kwaitikawo hako kuti mungano dzekare kupota nyika mune kuyeukwa kwamafashamo makuru akaparadza vanhu kunze kwavashomanene vakachengeterwa pamwe chete. Kuyeukwa kwaiwawa kunowanwa muMesopotamia nomuna mamwe mativi eAsia, muAustralia nomuzvitsuwa zvePacific, pakati pamakumi endudzi dzamaKura muAmerica yokuChamhembe neyokuMaodzanyemba, munhau dzaikurukurwa pakati pavaGiriki vekare navaRoma, muScandinavia, uye napakati pendudzi dzavaAfrica. Dzakawanda dzeidzi nhauro dzinodudza kuchengetwa kwemhuka muigwa pamwe chete navanhu. Dzichiwirirana nechinyorwa cheBhaibheri, dzimwe dzinorondedzera kuti shiri dzakatumwa kundowana kana mvura yakanga yapwa. (Enzanisa Genesi 7:7-10; 8:6-12.) Hakuna chimwe chinoitika chekare chinoyeukwa zvakafara zvikuru kudaro.
9. Miitiroi inoratidzira kuyeukwa kwezvinoitika zvo“mwedzi wechipiri” pakarenda raNoa?
9 Mashoko ose oudzame enhau akatapura tsika kunyange kusvikira kuzuva redu. Seiko? Eya, Bhaibheri rinoshuma kuti Mafashamo akavamba “mumwedzi wechipiri, pazuva regumi namanomwe romwedzi.” “Mwedzi wechipiri” iwoyo unowirirana norutivi rwokupedzisira rwaOctober norutivi rwokutanga rwaNovember pakarenda redu. (Genesi 7:11) Naizvozvo kunocherekedzwa kuti vanhu vazhinji kupote nyika yose vanoyeuka Zuva Ravakafa kana kuti Bira Ramadzisekuru panguva iyeyo yegore. Neiko panguva iyeyo? Nokuti tsika idzodzi dzinoratidzira kuyeukwa kwokuparadza kwakaitwa neBoporodzi.a
10. Neiko nhauro yeBhaibheri pamsoro paMafashamo ichivimbika zvikuru uye ichibetsera zvikurusa kumunhu mumwe nomumwe?
10 Zvisinei, iBhaibheri rine chipupuriro chisina kushatswa chinoreva pamsoro pechakaitika. Izvo Noa akaona nokuwana gare gare zvakanyorwa muBhaibheri. Mazana amakore gare gare, Mwari amene, pakutaura nokunomuporofita Isaya, akanongedzera ku“mvura dzaNoa.” (Isaya 54:9) Mwanakomana wedangwe waMwari akacherekedza zvinoitika zvezuva raNoa. Gare gare, paaiveri pasi pano, Iyeyu, Jesu Kristu, akataura nezvaMafashamo seidi renhau uye iye akatsanangurawo chikonzero nei vazhinji vakafa panguva iyeyo.
“HAVANA KUCHEREKEDZA”
11. Neiko vanhu vazhinjisa kudaro vakaparadzwa muMafashamo?
11 Jesu haana kutaura kuti munhu ari wose kunze kweimba yaNoa akanga ari tsotsi ramasimba masimba. Panzvimbo pakwo, iye akati: “Sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo pamberi pomurove, vaidya nokunwa, varume vachiroora navakadzi vachiroodzwa, kusvikira zuva iro Noa akapinda naro muareka; bva ivo vose havana kucherekedza kusvikira murove wasvika ukavaparadza vose, ndozvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu [Jesu Kristu].”—Mateo 24:37-39.
12. Neiko ‘kusacherekedza’ kwavo kwakanga kwakakomba zvikuru?
12 Kwakanga kusati kuri kusakarurama kwavari kudya nokunwa mumwero kana kuti kuroora nomutoo unoremekedzeka. Asi pavakanyeverwa nezvengwavaira yemburumbwa yose, kupfuurira kwavo kuvakira upenyu pazvinorondwa zvakadaro zvomunhu mumwe nomumwe kwakaratidzira kuti ivo havana kudavira zvomenemene Noa kana kuti zvimwe Jehovha Mwari, uyo Noa akaparidzira shoko rake renyevero. Kudai vakanga vadavira, vaizodai vakabvunzisisa kuti kupukunyuka kwakanga kuchibvira sei dzokonokei voita chiito chokukurumidzira chokusvitsa zvinodikanwa. Zvimwe vamwe vavanhu vakabvumira kuti chimwe chinhu chaitofanira kuitwa kudzivisa masimba masimba akapararira amazuva iwawo, asika mafashamo emburumbwa yose mukusapanikira akaratidzika kuva anopanikirika kwavari. Naizvozvo, sokutaura kwakaita Jesu, “ivo havana kucherekedza [shoko raMwari rakapiwa nokuna Noa] kutozosvikira mafashamo asvika ndokuvaparadza vose.” Ikoko kwakanyorwa somuenzaniso wenyevero nokuda kwedu.
13. (a) Sezvakadeya kutaurwa, ko vanhu vazhinji nhasi vanoita sei apo vanoudzwa kuti Kristu aripo asingaoneki, uye nei? (b) Ko Petro anoti ivo vari kufuratirei?
13 Muapostora Petro akafuridzirwa nenzira imwe cheteyo akazivisa nyevero paakanyora, kuti: “Mumazuva okupedzisira [mataveri zvino] muchauya vaseki nokuseka kwavo, vachipfuurira mukuwirirana nokuchiva kwavo vachiti: ‘Kuripiko kuvapo kwake ikoko kwakapikirwa? Chokwadi, kubvira pazuva rakavata madzibaba edu murufu, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita chaizvoizvo kubvira pamavambo echisiko.’” Vanhu vakadaro havazati vachirangarira kuzvidavirira kunomunhu upi noupi. Naizvozvo vanobvisa havo mumirangariro yavo mufungo wokuvapo kwaKristu nezvakuchareva kuna avo vanoronda mararamire asina umwari. Asi Petro anopfuurira, kuti: “Mukuwirirana nokuchiva kwavo, vanokanganwa idi iri, kuti kare kwaiva namatenga napasi rakabuda mumvura uye rakanga riri pakati pemvura kupfurikidza neshoko raMwari, uye kupfurikidza nomutoo iwowo nyika yapanguva iyeyo yakaparadzwa apo iyo yakaboporodzwa nemvura. Asi kupfurikidza neshoko rimwe chetero matenga napasi zviripo zvino zvakachengeterwa mwoto uye zviri kuchengetwa kusvikira kuzuva rorutongeso nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 3:3-7.
14. Neiko kuzadzika kwe“shoko raMwari” panguva yokusika nomuzuva raNoa kuchifanira kutiita kuti tifungisise nhasi?
14 Avo vanoseka vari kufuratira idi rokuti “shoko raMwari” harirambi risingazadziki. Kupokanidza murangariro wavo, muapostora Petro anotiratidzira shure kunguva yechisiko. Panguva iyeyo Mwari akati: “Dengezeze ngarive pakati pedzimvura uye kukamukana ngakuitike pakati pedzimvura nedzimvura.” Zvaakanga aita kutaura ikoko, “Mwari akapfuurira kuita dengezeze nokuita kukamukana pakati pedzimvura dzinofanira kuva pasi pedengezeze nemvura dzinofanira kuva pamusoro pedengezeze.” Nokudaro “shoko raMwari,” kutaura kwake donzo, kwakazadzika. (Genesi 1:6, 7) Shoko rake rakazadzikawo paakaraira boporodzi remburumbwa yose muzuva raNoa ndokushandisa mvura idzodzo kuparadza “nyika yapanguva iyeyo.” Uye kuchaitika kupfurikidza neshoko rimwe chetero risingadzivisiki raMwari kuti ruparadziko ruchawira patsika yezvinhu iripoyi isingadi Mwari.
15. (a) Neiko 2 Petro 3:7 isati ichideya kuzivisa kupiswa kwemburumbwa yedu yaPasi? (b) Ko zvino chii chiri “matenga” na“pasi” izvo zva“kachengeterwa mwoto”?
15 Chakaitika panguva yaMafashamo chakanga chiri mufananidziro wezvinhu zvinouya. Pasi harina kuparadzwa panguva iyeyo yekare, asi vanhu vasingadi Mwari vakaparadzwa. Ko zvino, chii chinorehwa nokutaura kwokuti “matenga napasi zviripo zvino zvakachengeterwa mwoto”? (2 Petro 3:7; 2:5) Eya, ko mwoto chaiwoiwo ungava netapuroi pazuva rinotopisa zvikurusa nenyeredzi zviri mumatenga anooneka? Uye kupisa pasi chairoiro kungakodzerana sei nedonzo raMwari rokuriita Paradhiso? Nomutoo wakajeka, “matenga napasi zviripo zvino,” sezvinotaurwa nezvazvo pano, zvinofanira kuva mufananidziro. (Enzanisa Genesi 11:1; 1 Madzimambo 2:1, 2; 1 Makoronike 16:31.) “Matenga” anomirira ubati ushe hwehurumende hwakasimudzirwa pamusoro pavanhu vose zvavo, uye “pasi” ndicho chaunga chavanhu vasingadi Mwari. Muzuva guru raJehovha vachaparadzwa chose chose sokunge kuti vapiswa nomwoto. Avo vanopfuurira havo kuseka nyevero youmwari yaikoku vari kupinza upenyu hwavo mungozi yakakomba.
KUNUNURWA KWAVANHU VOKUZVIPIRA KWOUMWARI
16. Sezvinoratidzirwa pana 2 Petro 2:9, chii chiri chinhu chikuru chokununurwa?
16 Nhauro yaMafashamo inosanoenzanisira pfundo iro isu nhasi tinodikanirwa kufungisisa. Nderipiko? Pashure pokutaura pamsoro pezvakaitwa naMwari muzuva raNoa, muapostora Petro anotaura, kuti: “Jehovha anoziva kununura vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo, asi kuchengeta vanhu vasina kururama nokuda kwezuva rorutongeso kuti vagurwe.” (2 Petro 2:9) Ipapoka, chinhu chikuru chokununurwa, ndicho chokuva munhu wokuzvipira kwoumwari.
17. Ko Noa akafakazira sei kuzvipira kwoumwari?
17 Ko ikoko kunorevei? Sezvinooneka Noa akanga ari munhu wokuzvipira kwoumwari. “Noa akafamba naMwari wechokwadi.” (Genesi 6:9) Iye akaronda nzira youpenyu yakatsinhirana nokuda kwakaziviswa kwaJehovha. Iye akanga anoukama chaihwoihwo naMwari. Kuvaka areka nokuunganidza mapoka eshiri dzose nemhuka rakanga riri basa gurusa. Noa haana kuva nechimiro chendangariro chokuti ndichambomira ndione. Akanga ano kutenda. Noa “akapfuurira kuita mukuwirirana neizvo Mwari akanga amuraira. Iye akaita kudaro chaizvoizvo.” (Genesi 6:22; VaHebheru 11:7) Vanhu vaidikanirwa kuyeuchidzwa nezvenzira dzakarurama dzaJehovha nokunyeverwa nezvokuparadzwa kunouya kwavasingadi Mwari. Noa akaitawo izvozvo so“muparidzi wokururama.”—2 Petro 2:5.
18. Neiko munhu mumwe nomumwe akapukunyuka Mafashamo aitofanira kuva nokuzvipira kwoumwari?
18 Zvakadiniko nomudzimai waNoa, vanakomana vake navadzimai vavo—chii chakanga chichidikanwa kwavari? Nhauro yeBhaibheri inonangidzira ngwariro chaiyo pana Noa nemhaka yokuti iye akanga ari musoro wemhuri, asika vamwe vanofanirawo kuva vakanga vari vanhu vokuzvipira kwoumwari. Kunodaro seiko? Chinoitika chavanakomana vaNoa chakadudzwa gare gare naJehovha kuno muporofita Ezekieri kuratidzira kuti, kudai Noa akanga ari mupenyu muna Israeri panguva iyeyo, vana vake havazati vaizokarira kununurwa pahwaro hwokururama kwababa vavo. Vakanga vakura zvakaringanira kuteerera kana kuti kusateerera, naizvozvo ivo vamene vaidikanirwa kufakazira kuzvipira kwavo kuna Jehovha nenzira dzake dzakarurama.—Ezekieri 14:19, 20.
19. Naizvozvo, tinofanira kuve tichiitei, uye seiko?
19 Mukurangarira uchokwadi hwokuswedera pedyo kwokuparadzwa kwenyika, Bhaibheri rinotikuchidzira kusanorirangarira nokubvumikisa kuti isuwo, tiri vanhu vokuzvipira kwoumwari. (2 Petro 3:11-13) Pakati pavazukuru vaNoa, pana vanhu nhasi mumativi ose apasi vari kutetekera zano iroro rokuchenjera uye avo vachava vapukunyuki ndokupinda mu“pasi idzva.”
[Mashoko Omuzasi]
a The Worship of the Dead (London; 1904), rakanyorwa naColonel J. Garnier, mapeji 3-8; Life and Work at the Great Pyramid (Edinburgh; 1867), Vol. II, rakanyorwa naProfessor C. Piazzi Smyth, mapeji 371-424.