Wagadzirira Zuva raJehovha Here?
“Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo.”—ZEFANIA 1:14.
1. Magwaro anorondedzera sei zuva raJehovha?
“ZUVA guru raJehovha rinotyisa” richakurumidza kuwira tsika ino yakaipa yezvinhu. Magwaro anorondedzera zuva raJehovha serekurwa, rerima, rehasha, remarwadzo, renhamo, rerutyo, uye reruparadziko. Bva, kuchava navapukunyuki, nokuti “ani naani unodana zita raJehovha ucharwirwa.” (Joere 2:30-32; Amosi 5:18-20) Hungu, Mwari panguva iyoyo achaparadza vavengi vake ndokuponesa vanhu vake.
2. Nei tichifanira kuva nepfungwa yekurumidziro pamusoro pezuva raJehovha?
2 Vaporofita vaMwari vakabatanidza pfungwa yekurumidziro kuzuva raJehovha. Somuenzaniso, Zefania akanyora kuti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo.” (Zefania 1:14) Mumiriro wacho wezvinhu unotova wokukurumidzira zvikuru nhasi nemhaka yekuti Muurayi Mukuru waMwari, Mambo Jesu Kristu, odoku‘sungira munondo wake pachidya chake ndokutasva nokuda kwechokwadi, kuzvininipisa, uye kururama.’ (Pisarema 45:3, 4) Wagadzirira zuva iroro here?
Vakanga Vaine Kariro Huru
3. Ikariroi dzaiva nevamwe vaKristu veTesaronika, uye vakanga vasina kururama nokuda kwezvikonzeroi zviviri?
3 Vazhinji vakava nekariro dzisina kuzadzikwa pamusoro pezuva raJehovha. Vamwe vaKristu vapakuvamba vaiva muTesaronika vakati, ‘Zuva raJehovha rasvika!’ (2 VaTesaronika 2:2) Asi pakanga pane zvikonzero zviviri zvinokosha nei rakanga risiri pedyo. Achidudza chimwe chaizvozvi, muapostora Pauro akanga ati: “Kana vachiti, Rugare, nokugarika—ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira.” (1 VaTesaronika 5:1-6) Muino “nguva yokupedzisira,” isu timene tinomirira kuzadzikwa kwemashoko iwayo. (Dhanieri 12:4) VaTesaronika vaisavawo nehumwe ufakazi hwokuti zuva guru raJehovha rakanga rasvika, nokuti Pauro akavaudza kuti: “Harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya.” (2 VaTesaronika 2:3) Apo Pauro akanyora mashoko iwayo (munenge muna 51 C.E.), “kutsauka” pachiKristu chechokwadi kwakanga kusati kwatanga chose chose. Nhasi, tinokuona zvakazara muchiKristudhomu. Pasinei zvapo nekariro dzavo dzisina kuzadzikwa, kunyange zvakadaro, vakazodzwa ivavo vakatendeka vaiva muTesaronika, avo vakaramba vachibatira Mwari nokutendeka kutozosvikira kurufu, pakupedzisira vakagamuchira tuso yokudenga. (Zvakazarurwa 2:10) Isuwo tichatuswa kana tikaramba takatendeka sezvatinomirira zuva raJehovha.
4. (a) Zuva raJehovha rinobatanidzwa nei pana 2 VaTesaronika 2:1, 2? (b) Mirangariroi iyo vanonzi Vanyori VechiKristu veChechi vaiva nayo pamusoro pokudzoka kwaKristu nezvinhu zvakafanana?
4 Bhaibheri rinobatanidza “zuva guru raJehovha” ne“kuuya kwaShe wedu Jesu Kristu.” (2 VaTesaronika 2:1, 2) Vanonzi Vanyori vechiKristu veChechi vaiva nepfungwa dzakasiyana-siyana pamusoro pokudzoka kwaKristu, kuvapo kwake, uye Kutonga Kwake Kwamakore Ane Chiuru. (Zvakazarurwa 20:4) Muzana ramakore rechipiri C.E., Papias weHirapori aiva nekariro dzekubereka kunoshamisa kwepasi mukati meKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu. Justin Martyr akataura ataurazve nezvokuvapo kwaJesu uye aikarira Jerusarema rakadzorerwa kuva dzimbahwe roUmambo Hwake. Irenæus weLyons akadzidzisa kuti pashure pokunge Umambo hweRoma hwaparadzwa, Jesu aizooneka, aizosunga Satani, uye aizotonga muJerusarema rapasi.
5. Dzimwe nyanzvi dzakataurei pamusoro pe“Kuuya Kwechipiri” kwaKristu neKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwake?
5 Wezvenhau Philip Schaff akataura kuti “pfundo rinoshamisa zvikurusa” munhambo yakatangira Council of Nicaea muna 325 C.E. rakanga riri “kudavira kutonga kunooneka kwaKristu mumbiri pasi pano nevasande vakamutswa kwemakore ane chiuru, kumutswa kwavose nokutongwa zvisati zvaitika.” A Dictionary of the Bible, rakapepetwa naJames Hastings, rinoti: “Tertullian, Irenæus, uye Hippolytus vachiri kutsvaka Kuuya Kwechipiri [kwaJesu Kristu] kwokukurumidza; asi neVanyori Vechechi veAlexandria tinova nemamwe mafungire matsva. . . . Nekuzivisa kwaAugustine Makore Ane Chiuru nenhambo yeChechi pasi pano, Kuuya Kwechipiri kunosundirwa mberi kunguva yemberi iri kure.”
Zuva raJehovha Nokuvapo kwaJesu
6. Nei tisingafaniri kugumisa kuti zuva raJehovha riri kure zvikuru?
6 Mirangariro isina kururama yakatungamirira kukuodzwa mwoyo, asi ngatiregei kufunga kuti zuva raJehovha riri kure zvikuru. Kuvapo kwaJesu kusingaoneki, kwarakabatanidzwa nako muMagwaro, kwakatovamba. Nharireyomurindi nezvinyorwa zvakafanana zveZvapupu zvaJehovha kazhinji kazhinji zvakagovera ufakazi hweMagwaro hwokuti kuvapo kwaKristu kwakavamba mugore ra1914.a Naizvozvo, ipapo, Jesu akataurei pamusoro pekuvapo kwake?
7. (a) Ndeapi ari mamwe mativi echiratidzo chekuvapo kwaJesu nemhedziso yetsika yezvinhu? (b) Tingaponeswa sei?
7 Kuvapo kwaJesu kwakava musoro wekurukurirano chinguvana asati afa. Pashure pokumunzwa achifanotaura kuparadzwa kwetembere yeJerusarema, vaapostora vake Petro, Jakobho, Johane, uye Andrea vakabvunza kuti: “Izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” (Mateo 24:1-3; Marko 13:3, 4) Mukupindura, Jesu akafanotaura hondo, nzara, kudengenyeka kwapasi, uye mamwe mativi e“chiratidzo” chokuvapo kwake nemhedziso yetsika yezvinhu. Akatiwo: “Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.” (Mateo 24:13) Tichaponeswa kana tikatsungirira nokutendeka kusvikira kumugumo weupenyu hwedu hwazvino kana kuti kusvikira kumugumo wetsika ino yakaipa.
8. Tsika yechiJudha isati yaguma, chii chaifanira kuitwa, uye chii chiri kuitwa pamusoro paikoku nhasi?
8 Mugumo usati wasvika, rutivi rwunokosha zvikuru rwekuvapo kwaJesu rwaizozadzikwa. Pamusoro parwo, akati: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.” (Mateo 24:14) VaRoma vasati vaparadza Jerusarema uye tsika yechiJudha yezvinhu isati yaguma muna 70 C.E., Pauro aigona kutaura kuti mashoko akanaka “akaparidzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga.” (VaKorose 1:23) Nhasi, zvisinei, basa guru zvikuru rokuparidza riri kuitwa neZvapupu zvaJehovha “munyika dzose.” Mukati memakore mashomanene apfuura, Mwari akazarura nzira yokuti uchapupu hukuru hupiwe muEastern Europe. Nenzvimbo dzokudhindira nezvimwe zvivako munyika yose, sangano raJehovha rakagadzirira mubato wakawedzerwa, kunyange mu“ndima dzisina kushandwa.” (VaRoma 15:22, 23, NW) Mwoyo wako unokusunda kuita unani hwako mukupa uchapupu mugumo usati wasvika here? Kana zvakadaro, Mwari anogona kukusimbisa kuti uve negoverano inotusa mubasa riri mberi.—VaFiripi 4:13; 2 Timotio 4:17.
9. Jesu akataurei, sezvakanyorwa pana Mateo 24:36?
9 Basa rokuparidza Umambo rakafanotaurwa nemamwe mativi echiratidzo chokuvapo kwaJesu chiri kuzadzikwa zvino chaiye. Nokudaro, mugumo wava pedyo nokuda kwetsika ino yakaipa yezvinhu. Chokwadi, Jesu akati: “Kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga.” (Mateo 24:4-14, 36) Asi uporofita hwaJesu hunogona kutibetsera kuva vakagadzirira “zuva iro nenguva iyo.”
Vakanga Vakagadzirira
10. Tinoziva sei kuti kunobvira kuramba takamuka mumudzimu?
10 Kuti tipukunyuke zuva guru raJehovha, tinofanira kuramba takamuka mumudzimu ndokumira takasimba nokuda kwekunamata kwechokwadi. (1 VaKorinte 16:13) Tinoziva kuti kutsungirira kwakadaro kunobvira, nokuti imwe mhuri youmwari yakaita saizvozvo ndokupukunyuka Mafashamo akaparadza vanhu vakaipa muna 2370 B.C.E. Achienzanisa nhambo iyoyo nokuvapo kwake, Jesu akati: “Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka, vasingazivi kusvikira mvura zhinji yauya, ikavabvisa vose; ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.”—Mateo 24:37-39.
11. Noa akaronda nzirai pasinei zvapo nemasimba masimba aiva muzuva rake?
11 Kufanana nesu, Noa nemhuri yake vaigara munyika ine masimba masimba. “Vanakomana vaMwari” ngirozi vasingateereri vakanga vapfeka miviri yenyama uye vakanga vatora vadzimai vavakabereka navo vaNefirimi vaiva nemukurumbira wakaisvoipa—vashushi avo pasina mubvunzo vakaita kuti mamiriro ezvinhu ave nemasimba masimba zvikuru. (Genesi 6:1, 2, 4; 1 Petro 3:19, 20) Zvisinei, “Noa wakafamba naMwari” mukutenda. Akanga “asina mhosva mumarudzi ake”—chizvarwa chakaipa chezuva rake. (Genesi 6:9-11) Nokuvimba naMwari kwokunyengetera, tinogona kuita chinhu chimwe chetecho munyika ino ine masimba masimba neyakaipa sezvatinomirira zuva raJehovha.
12. (a) Kunze kwokuvaka areka, ibasai iro Noa akaita? (b) Vanhu vakaita sei kukuparidza kwaNoa, uye chii chaive migumisiro nokuda kwavo?
12 Noa anozivikanwa zvikuru somuvaki weareka yokuchengetwa kwoupenyu muBoporodzi. Aivawo “muparidzi wokururama,” asi vararami panguva imwe chete naye “havana kuteerera, NW” shoko rake rakapiwa naMwari. Vakadya ndokunwa, vakawaniswa, vakarera mhuri, uye vakapfuuridzira zvinhu zvenguva dzose zveupenyu kutozosvikira Mafashamo avaparadza vose. (2 Petro 2:5; Genesi 6:14) Vaisada kunzwa nezvekutaura kwakarurama nemufambire, kunyange seizvo chizvarwa chanhasi chakaipa chisingateereri zvinotaura Zvapupu zvaJehovha pamusoro peku“tendeukir[a] kuna Mwari,” kutenda Kristu, kururama, uye “kutonga kunouya.” (Mabasa 20:20, 21; 24:24, 25) Hakuna chinyorwa chinowanika chekuti vanhu vangani vakararama pasi pano apo Noa akanga achizivisa shoko raMwari. Asi chinhu chimwe ndechechokwadi, vagari vapasi vakaderedzwa zvikuru muna 2370 B.C.E.! Boporodzi racho rakaparadza vakaipa, richisiya bedzi avo vakanga vakagadzirira chiito ichocho chaMwari—Noa nevamwe vanomwe vaive mumhuri yake.—Genesi 7:19-23; 2 Petro 3:5, 6.
13. Noa akavimba zvakakwana mumurayiroi wokutonga, uye akaita sei mutsinhirano naiwoyu?
13 Mwari haana kupa Noa makore enyevero yapachine nguva mberi pamusoro pezuva chairoiro nenguva zveMafashamo. Zvisinei, apo Noa akanga ane makore 480 okukura, Jehovha akarayira kuti: “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, zvaari wenyamawo hake; naizvozvo mazuva ake achava makore ane zana namakumi maviri.” (Genesi 6:3) Noa akavimba zvakakwana uyu murayiro waMwari wokutonga. Pashure pokusvika zera ramakore 500, “akabereka Shemi, naHami, naJafeti,” uye tsika yemazuva iwayo inokarakadza kuti makore 50 kusvikira 60 akapfuura vanakomana vake vasati varoora. Apo Noa akaudzwa kuvaka areka yokuchengetwa muMafashamo, vanakomana ivavo nevadzimai vavo sezviri pachena vakamubatsira mubasa iroro. Kuvakwa kweareka sezvingabvira kwaiitika panguva imwe chete nebasa raNoa se“muparidzi wokururama,” zvichimuchengeta akabatikana kwemakore 40 kusvikira ku50 Mafashamo asati aitika. (Genesi 5:32; 6:13-22) Kwemakore ose iwayo, iye nemhuri yake vakaita mukutenda. Ngatiratidzirewo kutenda sezvatinoparidza mashoko akanaka ndokumirira zuva raJehovha.—VaHebheru 11:7.
14. Jehovha akaudzei Noa pakupedzisira, uye nei?
14 Sezvo areka yakaswedera pedyo nokupedzwa, Noa angave akafunga kuti Mafashamo akanga ava pedyo, kunyange zvazvo aisaziva chaizvoizvo apo aizoitika. Jehovha pakupedzisira akamuudza kuti: “Kwasara mazuva manomwe, ipapo ndichanisa mvura panyika mazuva ane makumi mana nousiku hune makumi mana.” (Genesi 7:4) Ikoko kwakapa Noa nemhuri yake nguva yakakwana chaizvo yokupinza marudzi ose emhuka muareka ndokupinda vamene Mafashamo asati avamba. Hatifaniri kuziva zuva nenguva zvekutanga kwekuparadzwa kwetsika ino; kupukunyuka kwemhuka hakuna kuronzwa kwatiri, uye vapukunyuki vavanhu vanokarirwa vari kutopinda muareka yokufananidzira, paradhiso yomudzimu yevanhu vaMwari.
“Rindai”
15. (a) Mumashoko ako umene, ungatsanangura sei mashoko aJesu anowanwa pana Mateo 24:40-44? (b) Kusaziva nguva chaiyoiyo yekuuya kwaJesu kuzoita matsive aMwari kune tapuroi?
15 Pamusoro pekuvapo kwake, Jesu akatsanangura kuti: “Nenguva iyo vaviri vachava [vachishanda] mumunda, mumwe uchatorwa, mumwe akasiyiwa. Vakadzi vaviri vachakuya [zviyo kuita upfu] paguyo rimwe, mumwe uchatorwa, mumwe akasiyiwa. Rindai naizvozvo, nokuti hamuzivi zuva, Ishe wenyu raanouya naro. Asi zivai izvi, kuti mwene weimba, dai aiziva nguva yokusvika kwembavha, ungadai airinda, akasatendera kuti imba yake ipazwe. Naizvozvo nemiwo, garai makazvigadzira; nokuti Mwanakomana womunhu uchauya nenguva yamusingamutariri.” (Mateo 24:40-44; Ruka 17:34, 35) Kusaziva nguva chaiyoiyo yekuuya kwaJesu kuzoita matsive aMwari kunotiita kuti tirambe takasvinura ndokutipa mukana wezuva riri rose wokubvumikisa kuti tinobatira Jehovha nevavariro dzisiri dzoudyire.
16. Chii chichaitika kuvanhu vano“siyiwa” uye kuavo vano“torwa”?
16 Vanhu vano“siyiwa” kuruparadziko navakaipa vachabatanidza avo vaichimbova vakavhenekerwa asi vanopinda mumararamire oudyire. Ngativei pakati paavo vacha“torwa,” avo vakazvipira zvizere kuna Jehovha uye vanoonga zvirokwazvo gadziriro dzake dzomudzimu kupfurikidza ne“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Kusvikira kumugumo chaiko, ngatibatirei Mwari ne“rudo runobva pamwoyo wakachena, napahana yakanaka, napakutenda kusinganyengeri.”—1 Timotio 1:5.
Mabasa Matsvene Anokosha
17. (a) Chii chakafanotaurwa pana 2 Petro 3:10? (b) Ndeapi ari mamwe emabasa nezviito zvaizokurudzirwa na2 Petro 3:11?
17 Muapostora Petro akanyora kuti: “Zuva raShe richauya sembavha; naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa.” (2 Petro 3:10) Matenga nepasi zvokufananidzira hazvisati zvichizopukunyuka kupisa kwokutsamwa kwaMwari kunopfuta. Naizvozvo Petro anowedzera kuti: “Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambire wenyu mutsvene nokunamata Mwari!” (2 Petro 3:11) Pakati pamabasa iwayo nezviito kuvapo nguva dzose pamisangano yechiKristu, kuitira vamwe zvakanaka, uye kuva negoverano ine mufungo mukuparidza mashoko akanaka.—Mateo 24:14; VaHebheru 10:24, 25; 13:16.
18. Kana tiri kutanga batano nenyika, tinofanira kuitei?
18 “Mufambire . . . mutsvene nokunamata Mwari” zvinoda kuti ‘tizvichengete timene tisina vara remunyika.’ (Jakobho 1:27) Asi zvakadini kana tiri kutanga batano nenyika ino? Zvichida tiri kunyengerwa kupinda muchimiro chine ngozi pamberi paMwari kupfurikidza nokutsvaka varaidzo isina kuchena kana kuti kupfurikidza nokuteerera nziyo dzinotsigira mudzimu usati uri woumwari wenyika ino. (2 VaKorinte 6:14-18) Kana zvakadaro, ngatitsvakei betsero yaMwari mumunyengetero kuitira kuti tigorega kupfuura nenyika asi tigomira tichitenderwa pamberi peMwanakomana womunhu. (Ruka 21:34-36; 1 Johane 2:15-17) Kana takazvitsaurira kuna Mwari, zvirokwazvo tichada kuita unani hwedu kuvaka ndokuchengeta ukama hwakanaka naye uye nokudaro kuva takagadzirira zuva guru nerinotyisa raJehovha.
19. Nei mapoka evazivisi voUmambo achikarira kurarama mumhedziso yetsika ino yakaipa yezvinhu?
19 Noa woumwari nemhuri yake vakararama muMafashamo akaparadza nyika yakare. Vanhu vakarurama vakapukunyuka mugumo wetsika yechiJudha yezvinhu muna 70 C.E. Somuenzaniso, muapostora Johane akanga achiri kushingaira mubasa raMwari munenge muna 96-98 C.E., apo akanyora bhuku raZvakazarurwa, nhoroondo yake yeEvhangeri, uye tsamba nhatu dzakafuridzirwa. Pazviuru zvakagamuchira kutenda kwechokwadi paPentekosta ya33 C.E., sezvingabvira vazhinji vakararama mumugumo wetsika yechiJudha. (Mabasa 1:15; 2:41, 47; 4:4) Nhasi mapoka evazivisi voUmambo anogona kukarira kurarama mumhedziso yetsika yakaipa iripo yezvinhu.
20. Nei tichifanira kuva ‘vaparidzi vokururama’ vanoshingaira?
20 Nokuchengetwa tichipinda munyika itsva iri pamberi pedu, ngativei ‘vaparidzi vokururama’ vanoshingaira. Iropafadzo yakadini kubatira Mwari mumazuva ano okupedzisira! Uye mufaro wakadini kutungamirira vanhu ku“areka” yomuzuva razvino, paradhiso yomudzimu inofarikanywa navanhu vaMwari! Mamiriyoni ari mairi zvino ngaarambe akatendeka, akamuka mumudzimu, uye akagadzira zuva guru raJehovha. Asi chii chichabetsera tose zvedu kuramba takamuka?
[Mashoko Omuzasi]
a Ona ganhuro 10 ne11 ebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Ungapindura Sei?
◻ Vamwe vakava nekariroi pamusoro pezuva raJehovha nekuvapo kwaKristu?
◻ Nei tichigona kutaura kuti Noa nemhuri yake vakanga vakagadzirira Mafashamo?
◻ Chii chichaitika kuavo vano“rinda” uye kuavo vasingadaro?
◻ Nei mabasa matsvene achikosha, zvikurukuru sezvatinoswedera pedyo zvikuru nezuva raJehovha?