Ganhuro 17
Wana Chengeteko Pakati Pavanhu vaMwari
FUNGIDZIRA kuti dutu rine masimba masimba raparadza nharaunda umo unogara. Musha wako waparadzwa, uye zvinhu zvako zvose zvatsakatika. Zvokudya zvava zvishoma. Mamiriro ezvinhu anoratidzika kuva asina tariro. Ipapo, migove yokubetsera isingakarirwi inosvika. Zvokudya nezvipfeko zvakawanda zvinogoverwa. Unovakirwa imba itsva. Zvirokwazvo ungaonga munhu akaita kuti idzi gadziriro dziwanike.
2 Chimwe chinhu chakaenzana chiri kuitika nhasi. Kufanana nedutu iroro, kupanduka kwaAdhama naEvha kwakaparira kuvadziko huru kudzinza romunhu. Musha weParadhiso worudzi rwomunhu wakatsakatika. Kubvira panguva iyeyo, hurumende dzavanhu dzakakundikana kudzivirira vanhu pahondo, utsotsi, uye kusaruramisira. Rudzidziso rwakasiya vakawanda vachiziya nenzara yezvokudya zvomudzimu zvakanaka. Kutaura nenzira yomudzimu, zvisinei, Jehovha Mwari zvino ari kugovera zvokudya, zvipfeko, uye pokugara. Ari kuita sei izvozvo?
“MURANDA WAKATENDEKA, WAKANGWARA”
3 Migove yokubetsera inowanzopiwa kupfurikidza nomutoo wakarongwa, uye Jehovha akaita nenzira yakafanana gadziriro yomudzimu nokuda kwavanhu vake. Somuenzaniso, vaIsraeri vakanga vari “ungano yaJehovha” kwamakore anenge 1 500. Pakati pavo pakanga pane avo vaibatira somutoo waMwari wokudzidzisa nawo Mutemo wake. (1 Makoronike 28:8; 2 Makoronike 17:7-9) Muzana rokutanga ramakore C.E., Jehovha akaburitsa sangano rechiKristu. Ungano dzakaumbwa, uye dzakashanda munhungamiro yomutumbi unodzora wakaumbwa navaapostora navarume vakuru. (Mabasa 15:22-31) Nenzira yakafanana nhasi, Jehovha anobata navanhu vake kupfurikidza neboka rakarongwa. Tinoziva sei ikoku?
4 Jesu akataura kuti panguva yokuvapo kwake musimba roUmambo, “muranda wakatendeka, wakangwara” aizowanwa achigovera “zvokudya nenguva yakafanira” nokuda kwavateveri Vake. (Mateo 24:45-47) Apo Jesu akagadzwa saMambo wokudenga muna 1914, uyu “muranda” akabvumikisa kuva ani? Zvirokwazvo kwete vafundisi vechiKristudhomu. Zvikurukuru, vakanga vachidyisa mapoka avo mashoko anoparadzirwa ayo akatsigira hurumende dzavo vamene dzorudzi muHondo yeNyika I. Asi zvokudya zvomudzimu zvakafanira nezvapanguva yakafanira zvakanga zvichipiwa neboka ravaKristu vechokwadi vakazodzwa nomudzimu mutsvene waMwari uye vakanga vari rutivi rweako Jesu akadana kuti “kapoka kaduku.” (Ruka 12:32) Ava vaKristu vakazodzwa vakaparidza Umambo hwaMwari panzvimbo pehurumende dzomunhu. Somugumisiro, mumakore apfuura mamiriyoni a“mamwe makwai” akarurama akakumbanira “muranda” akazodzwa mukushandisa rudzidziso rwechokwadi. (Johane 10:16) Achishandisa ‘muranda akatendeka’ noMutumbi Unodzora wake womuzuva razvino, Mwari anorayira vanhu vake vakarongwa kuita kuti zvokudya zvomudzimu, zvipfeko, uye pokugara zviwanike kuvose vanoda kuva neidzi gadziriro.
“ZVOKUDYA NENGUVA YAKAFANIRA”
5 Jesu akati: “Munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo wa[Jehovha, NW].” (Mateo 4:4) Nenzira inosuruvarisa, kunyange zvazvo zvakadaro, ruzhinji zvikuru rwavanhu harwusati rwuri kupa ngwariro kumashoko aMwari. Sezvakafanotaurwa nomuporofita waJehovha Amosi, kune “nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.” (Amosi 8:11) Kunyange vanhu vorudzidziso zvikuru vane nzara mumudzimu. Kunyange zvazvo zvakadaro, kuda kwaJehovha ndokwokuti “marudzi ose avanhu anofanira kuponeswa ndokusvika pazivo yakarurama yezvokwadi.” (1 Timotio 2:3, 4, NW) Nenzira inowirirana, ari kugovera zvokudya zvomudzimu zvakawanda. Asi zvinogona kuwanikwa kupi?
6 Munhau yose, Jehovha akapa zvokudya zvomudzimu kuvanhu vake seboka. (Isaya 65:13) Somuenzaniso, vaprista vechiIsraeri vaiunganidza varume, vakadzi, uye vana nokuda kwomurayiridzo weboka muMutemo waMwari. (Dheuteronomio 31:9, 12) Munhungamiro yomutumbi unodzora, vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakaronga ungano ndokuva nemisangano nokuda kwomurayiridzo nekurudzirwo yavose. (VaRoma 16:5; Firemoni 1, 2) Zvapupu zvaJehovha zvinotevera uyu mutoo. Unokokwa noushamwari kupinda misangano yazvo yose.
7 Chokwadika, ungave wakatodzidza zvakawanda mufundo yako yomunhu oga yeBhaibheri. Zvichida mumwe munhu akakubatsira. (Mabasa 8:30-35) Asi kutenda kwako kungafananidzwa nomuti uyo uchauna ndokufa kana usati uchitarisirwa zvakakodzera. Nokudaro, unofanira kugamuchira zvokudya zvomudzimu zvakafanira. (1 Timotio 4:6) Misangano yechiKristu inogovera gadziriro inopfuurira yomurayiridzo wakagadzirirwa kukudyisa mumudzimu ndokukubetsera kuramba uchikura mukutenda sezvaunowedzera mukuziva Mwari.—VaKorose 1:9, 10.
8 Misangano inobatira chimwe chinangwa chinokosha. Pauro akanyora, kuti: “Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka, tisarega kuungana kwedu.” (VaHebheru 10:24, 25) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “timutsane mwoyo” rinogona kurevawo kuti “kurodza.” Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Simbi inorodza simbi; saizvozvo munhu unorodza chiso cheshamwari yake.” (Zvirevo 27:17) Tose zvedu tinoda ‘kurodzwa’ kunopfuurira. Dzvinyiriro dzezuva nezuva dzinobva munyika dzinogona kugomadza kutenda kwedu. Apo tinopinda misangano yechiKristu, pane tsinhano yekurudziro. (VaRoma 1:11, 12) Mitezo yeungano inotevera zano romuapostora Pauro rokuti “nyaradzanai, musimbisane,” uye zvinhu zvakadaro zvinorodza kutenda kwedu. (1 VaTesaronika 5:11) Kuva pamisangano yechiKristu nguva dzose kunoratidzirawo kuti tinoda Mwari uye kunotipa mikana yokumurumbidza.—Pisarema 35:18.
“FUKAI RUDO”
9 Pauro akanyora, kuti: “Fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.” (VaKorose 3:14) Jehovha akatigovera nenzira yenyasha ichi chipfeko. Munzirai? VaKristu vanogona kuratidzira rudo nemhaka yokuti ndichimwe chezvibereko zvinopiwa naMwari zvomudzimu mutsvene waJehovha. (VaGaratia 5:22, 23) Jehovha amene akaratidzira rudo rukurusa kupfurikidza nokutuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kuti tigova noupenyu husingaperi. (Johane 3:16) Uku kuratidzirwa kukurusa kworudo kwakatigovera muenzaniso mukuratidzira iri vara. “Kana Mwari akatida saizvozvo,” akanyora kudaro muapostora Johane, “nesuwo tinofanira kudana.”—1 Johane 4:11.
10 Kupinda kwako misangano paHoro yoUmambo kuchakupa mukana wakaisvonaka wokuratidza rudo. Ikoko uchasangana nemhatsa huru yavanhu. Pasina kupokana uchanzwa uchikweverwa kuvakawanda vavo nokukurumidza. Chokwadika, unhu hunosiyana kunyange pakati paavo vanobatira Jehovha. Zvichida munguva yakapfuura waingodzivisa zvako vanhu vaisagoverana fariro dzako kana kuti mavara. VaKristu, kunyange zvazvo zvakadaro, vanofanira “kuda hama dzose.” (1 Petro 2:17) Naizvozvo, iite vavariro yako kuva akarovedzana naavo vari paHoro yoUmambo—kunyange vanhu vane zera, unhu, dzinza, kana kuti mwero wedzidzo zvingasiyana nezvako. Sezvingabvira uchawana kuti mumwe nomumwe anoita zvakanaka muvara rakati rinoita kuti adiwe.
11 Mhatsa younhu muungano haifaniri kukuvhiringidza. Kuenzanisira, fungidzira kuti motokari dzakawanda dziri kufamba parutivi pako mumugwagwa. Hadzisati dziri dzose dziri kumhanya nesipidhi imwe cheteyo, uyewo dzose hadzisati dziri muchimiro chimwe chetecho. Dzimwe dzafamba makiromita akawanda, asi kufanana newe, dzimwe dzichangobva kutanga. Pasinei zvapo neiyi misiyano, zvisinei, dzose dziri kudzika nomugwagwa. Kwakafanana navanhu vanoumba ungano. Havasati vari vose vanokudza mavara echiKristu pamwero mumwe chetewo. Kupfuurirazve, havasati vari vose vari muchimiro chimwe chetecho chomuviri kana kuti chemirangariro. Vamwe vave vachinamata Jehovha kwamakore akawanda; vamwe vachangobva kuvamba. Bva, vose vari kufamba mumugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi, “[vakabatanidzwa zvakakodzera, NW] pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.” (1 VaKorinte 1:10) Naizvozvo, tsvaka zvakanaka panzvimbo poutera zvaavo vari muungano. Kuita izvozvo kuchafadza mwoyo wako, nokuti uchaziva kuti Mwari ari chaizvoizvo pakati paava vanhu. Uye zvirokwazvo ikoku ndiko kwaunoda kuva.—1 VaKorinte 14:25.
12 Sezvo vanhu vose vasina kukwana, padzimwe nguva mumwe munhu ari muungano angataura kana kuti kuita chimwe chinhu chinokugumbura. (VaRoma 3:23) Mudzidzi Jakobho akanyora zvapachokwadi, kuti: “Tinogumburwa tose pazvinhu zvizinji. Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana.” (Jakobho 3:2) Uchaita sei kana mumwe munhu akakugumbura? Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.” (Zvirevo 19:11) Kungwara kunoreva kunzvera mamiriro ezvinhu, kunzwisisa zvinhu zvikuru izvo zvinosakisa mumwe munhu kutaura kana kuti kuita nenzira yakati. Vakawanda zvikurusa vedu tinoshandisa nzwisiso huru mukupembedza zvikanganiso zvedu timene. Kuregerereiwo kuishandisa kuti unzwisise ndokufukidza kusakwana kwavamwe?—Mateo 7:1-5; VaKorose 3:13.
13 Usatongokanganwa kuti tinofanira kukanganwira vamwe kana isu timene tichizogamuchira kanganwiro yaJehovha. (Mateo 6:9, 12, 14, 15) Kana tiri kushandisa zvokwadi, tichabata vamwe nenzira yorudo. (1 Johane 1:6, 7; 3:14-16; 4:20, 21) Naizvozvo, kana ukanangana nechinetso nomumwe munhu ari muungano, rwisa kuchengeta pfundepfunde. Kana wakapfeka rudo, uchavavarira kupedza chinetso chacho, uye hausati uchizozengurira kukumbira ruregerero kana wakaparira chigumbu chacho.—Mateo 5:23, 24; 18:15-17.
14 Chipfeko chedu chomudzimu chinofanira kubatanidza mamwe mavara akasanobatana norudo. Pauro akanyora, kuti: “Fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, nokusazvikudza, nounyoro, nomwoyo murefu.” Aya mavara, akakombwa norudo, rutivi rwo“unhu utsva” hwoumwari. (VaKorose 3:10, 12) Uchaita here nhamburiko yokuzvipfekedza umene neiyi nzira? Zvikurukuru kana ukazvipfekedza umene rudo rwouhama uchava nechiratidzo chinozivisa chavadzidzi vaJesu, nokuti iye akati: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.”—Johane 13:35.
NZVIMBO YECHENGETEKO
15 Ungano inobatirawo sedziviriro, mokupotera umo unogona kunzwa wakachengeteka. Mairi uchawana vanhu vakatendeseka vari kuvavarira kuita chiri chakarurama mumeso aMwari. Vakawanda vavo vakabvisa miitiro yakashata mimwe cheteyo nezvimiro zvendangariro izvo ungave uchiparapatika kukurira. (Tito 3:3) Vanogona kukubetsera, nokuti tinoudzwa kuti “takuriranai mitoro yenyu.” (VaGaratia 6:2) Nenzira yomuzvarirwo, kuronda nzira inotungamirira kuupenyu husingaperi pakupedzisira mutoro wako umene. (VaGaratia 6:5; VaFiripi 2:12) Bva, Jehovha akagovera ungano yechiKristu somutoo wakaisvonaka webetsero netsigiro. Hazvinei hazvo nokuti zvinetso zvako zvingava zvinotambudza sei, une tsigiro inokosha inowanika kwauri—ungano ine rudo iyo ichakutsigira munguva dzenhamo kana kuti kushayiwa.—Enzanisa naRuka 10:29-37; Mabasa 20:35.
16 Vari pakati paavo vangabatana kukutsigira “zvipo muvarume”—vakuru veungano vakagadzwa, kana kuti vatariri, avo vanofudza boka nokudisa uye nomwoyo unoda. (VaEfeso 4:8, 11, 12, NW; Mabasa 20:28; 1 Petro 5:2, 3) Pamusoro pavo, Isaya akaporofita, kuti: “Munhu mumwe nomumwe uchava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.”—Isaya 32:2.
17 Apo Jesu akanga ari pasi pano, tarisiro yorudo yaiitwa navatungamiriri vorudzidziso yaishayikwa nenzira inosuruvarisa. Mugariro wavanhu wakamunzwisa tsitsi zvikuru, uye iye aida zvikuru kuvabetsera mumudzimu. Jesu akavanzwira tsitsi nemhaka yokuti “vakanga vaneta, varashwa, samakwai asino mufudzi.” (Mateo 9:36) Ikoku kunosanorondedzera sei mugariro wakaipa womuzuva razvino wavakawanda vanotsungirira zvinetso zvinorwadza mwoyo vasina munhu wokutendeukira kwaari nokuda kwebetsero yomudzimu nenyaradzo! Asi vanhu vaJehovha vane rubatsiro rwomudzimu, nokuti iye akapikira, kuti: “Ndichaagadzira vafudzi vanoafudza; haangazotyi kana kuvhunduswa, hakuna nerimwe ringashayikwa.”—Jeremia 23:4.
18 Ziva vakuru vakagadzwa vari muungano. Ivo vane ruzivo rwokuzviwanira rukuru mukushandisa kuziva Mwari, nokuti vakasvitsa zvikwaniriso zvavatariri zvakarongwa muBhaibheri. (1 Timotio 3:1-7; Tito 1:5-9) Usazengurira kusvika mumwe wavo kana uchida betsero yomudzimu yokukurira tsika kana kuti vara rinorwisana nezvinodikanwa zvaMwari. Uchawana kuti vakuru vanotevera zano raPauro, rinoti: “Musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasine simba, muve nomwoyo murefu kuna vose.”—1 VaTesaronika 2:7, 8; 5:14.
FARIKANYA CHENGETEKO NAVANHU VAJEHOVHA
19 Kunyange zvazvo zvino tichigara pakati pemamiriro ezvinhu asina kukwana, Jehovha anotigovera zvokudya zvomudzimu, zvipfeko, uye pokugara. Chokwadika, tinofanira kumirira nyika itsva yakapikirwa yaMwari kuti tiwane betsero dzeparadhiso yokunyama. Asi avo vari rutivi rwesangano raJehovha panguva ino vari kufarikanya chengeteko yeparadhiso yomudzimu. Nezvavo, Ezekieri akaporofita, kuti: “Vachagara zvakanaka, hakuna ungavatyisa.”—Ezekieri 34:28; Pisarema 4:8.
20 Tinogona kuva vanoonga sei kuti Jehovha anoita gadziriro dzomudzimu dzorudo kupfurikidza neShoko rake nesangano! Swedera pedyo navanhu vaMwari. Usarega uchitya izvo shamwari kana kuti hama dzokunyama vangafunga nezvako nokuda kwokuziva Mwari. Vamwe vangasatendera nemhaka yokuti uri kusonganirana neZvapupu zvaJehovha nokupinda misangano paHoro yoUmambo. Asi Mwari achatsiva zvikuru chinhu chipi nechipi chaunorega nokuda kwokunamatwa kwake. (Maraki 3:10) Uyezve, Jesu akati: “Hakuno munhu wakasiya imba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweEvhangeri, usingazopiwi zvine zana nenguva ino, dzimba navanun’una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwe chete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya.” (Marko 10:29, 30) Hungu, hazvinei hazvo neizvo wakasiya shure kana kuti unofanira kutsungirira, unogona kuwana ushamwaridzani hunofadza nechengeteko yomudzimu pakati pavanhu vaMwari.
EDZA ZIVO YAKO
Ndiani ari “muranda wakatendeka, wakangwara”?
Igadziriroi iyo Jehovha akaita yokutidyisa mumudzimu?
Avo vari muungano yechiKristu vanogona sei kutibetsera?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. Mamiriro ezvinhu orudzi rwomunhu akafanana sei naayo avanhu vari munharaunda yaparadzwa nedutu?
3. Jehovha anogovera sei gadziriro nokuda kworudzi rwomunhu, sezvinoratidzwa nemienzanisoi?
4. “Muranda wakatendeka, wakangwara” wakabvumikisa kuva ani munguva dzazvino uno, uye gadziriro dzomudzimu dzaMwari dzinoitwa sei kuti dziwanike?
5. Mamiriroi ezvinhu omudzimu aripo munyika nhasi, asi chii icho Jehovha ari kuita pamusoro paiwaya?
6. Jehovha akadyisa sei vanhu vake mumudzimu munguva dzakapfuura?
7. Kupinda misangano yechiKristu nguva dzose kune chokuitai nezivo nokutenda?
8. Nei tichikurudzirwa kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha?
9. Jehovha akagadza sei muenzaniso mukuratidzira rudo?
10. Tinogona sei kubetserwa ne“hama dzose”?
11. Nei usingafaniri kuvhiringidzwa nemhatsa younhu iri pakati pavanhu vaJehovha?
12, 13. (a) Kana mumwe munhu ari muungano akakugumbura, chii chaunogona kuita? (b) Nei kuchikosha kusachengeta pfundepfunde?
14. Tinofanira kupfeka mavarai?
15. Ungano yakafanana sei nedziviriro?
16. Rubatsiroi urwo vakuru veungano vanogovera?
17. (a) Rudzii rwebetsero urwo Jesu aida zvikuru kupa? (b) Igadziriroi iyo Mwari akapikira kuitira vanhu vake?
18. Nei tichifanira kusvika mukuru kana tichida betsero yomudzimu?
19. Zvikomboreroi izvo Jehovha akaisa paavo vanotsvaka chengeteko mukati mesangano rake?
20. Jehovha achatsiva sei chinhu chipi nechipi tingarega nokuda kwokunamatwa kwake?
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 165]