-
“Tiudzei, Zvinhu Izvi Zvichaitika Rini?”Nharireyomurindi—2013 | July 15
-
-
16. Ndeapi mamwe magwaro anotaura nezvekuuya kwaJesu?
16 Jesu akataura nezvemuranda akatendeka, akangwara achiti: “Anofara muranda iyeye kana tenzi wake akamuwana achiita saizvozvo paanosvika.” Mumufananidzo wemhandara, Jesu akati: “Pavakanga vachienda kunotenga, muroori akasvika [“akauya,” Kingdom Interlinear].” Mumufananidzo wematarenda, Jesu akataura kuti: “Pashure penguva refu, tenzi wevaranda ivavo akauya.” Mumufananidzo iwoyo, tenzi wacho akatizve: “Pakusvika kwangu ndingadai ndiri kugamuchira mari yangu.” (Mat. 24:46; 25:10, 19, 27) Ndima idzi ina dzinotaura nezvenguva ipi yokuuya kwaJesu?
17. Taiti chii nezvekuuya kwaJesu kunotaurwa pana Mateu 24:46?
17 Kare takambotaura mumabhuku edu kuti ndima idzi ina dzatapedzisira nadzo dzinotaura nezvekusvika kana kuti kuuya kwaJesu kwaakaita muna 1918. Somuenzaniso, funga nezvemashoko aJesu ane chokuita ne“muranda akatendeka, akangwara.” (Verenga Mateu 24:45-47.) Tainzwisisa kuti ‘kusvika’ kunotaurwa mundima 46 kwaiva nechokuita nenguva yakauya Jesu kuzoongorora manamatiro evakazodzwa muna 1918 uye kuti kugadzwa kwomuranda pazvinhu zvose zvaTenzi kwakaitika muna 1919. (Mar. 3:1) Zvisinei, kuongororazve uprofita hwaJesu kunoratidza kuti tinofanira kugadziridza kunzwisisa kwatinoita nguva yezvimwe zviitiko zvouprofita hwaJesu. Nei tichidaro?
18. Kuongorora uprofita hwaJesu hwose kunoita kuti titi chii nezvekuuya kwaJesu?
18 Mundima dziri pamashure paMateu 24:46 shoko rokuti “kuuya” rinongoreva kuuya kwaJesu achizopa mutongo pakutambudzika kukuru. (Mat. 24:30, 42, 44) Uyewo sokukurukura kwataita mundima 12, ‘kusvika’ kwaJesu kunotaurwa pana Mateu 25:31 kunoreva nguva imwe chete iyoyo yokutongwa kwomunguva yemberi. Saka zvine musoro kutaura kuti kusvika kwaJesu kuti azogadza muranda akatendeka pazvinhu zvake zvose, kunotaurwa pana Mateu 24:46, 47, kunorevawo kuuya kwaachaita munguva yemberi, pakutambudzika kukuru.f Chokwadi, kuongorora uprofita hwose hwaJesu kunoratidza kuti ndima imwe neimwe pandima idzi sere inotaura nezvekuuya kwake kwomunguva yemberi kuzotonga pakutambudzika kukuru.
-
-
“Tiudzei, Zvinhu Izvi Zvichaitika Rini?”Nharireyomurindi—2013 | July 15
-
-
e Ndima 15: Mashoko okuti “kuuya” uye “kusvika” akashandurwa kubva pashoko rimwe chete rechiGiriki rokuti, erʹkho·mai.
f Ndima 18: Sezvataona, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “paanosvika” pana Mateu 24:46, rakafanana nerakashandurwa kuti “kuuya” pana Mateu 24:30, 42, 44.
-