Ganhuro 15
Ko Jehovha Anotungamirira Sei Sangano Rake?
1. Ko Bhaibheri rinowadzanyura mashokoi pamsoro pesangano raJehovha, uye nei achikosha kwatiri?
KUPFURIKIDZA naMagwaro akafuridzirwa, Jehovha anotipa rumbonera rwesangano rake rokudenga rinoshamisa. (Isa. 6:2, 3; Ezek. 1:1, 4-28; Dhan. 7:9, 10, 13, 14) Kunyange zvazvo tisingagoni kuona zvisikwa zvomudzimu, iye anotisvinudzira kunzira idzo mubato wengirozi tsvene unotapura nomadziri vanamati vechokwadi pasi pano. (Gen. 28:12, 13; 2 Madz. 6:15-17; Pis. 34:7; Mat. 13:41, 42; 25:31, 32) Bhaibheri rinorondedzerawo rutivi runooneka rwesangano raJehovha ndokutibetsera kunzwisisa matungamirire aanoriita. Kana tichinzwisisa zvomenemene mumudzimu zvinhu izvi, ikoku kuchatibetsera ku“famba zvakafanira Jehovha kusvikira kumugumo wokumufadza zvizere.”—VaK. 1:9, 10.
Kutsauranisa Rutivi Runooneka
2. Chifo chePentekosta ya 33 N.V. ndeipi yave iri ungano yaMwari?
2 Kwamakore ane 1 545 rudzi rwaIsraeri rwakanga rwuri ungano yaMwari. Asika rwakakundikana kuchengeta sungano yoMutemo ndokuramba Mwanakomana waMwari amene. Naizvozvo Jehovha akaita kuti ungano itsva ivepo, iyo iye akaita nayo sungano itsva. Ungano iyi inotsauraniswa muMagwaro so“mwenga” waKristu, anoumbwa navane 144 000 vakasarudzwa naMwari kuti vagobatana noMwanakomana wake mudenga. (VaEf. 5:22-32; Zvak. 14:1; 21:9, 10) Vokutanga vakazodzwa nomudzimu mutsvene panguva yePentekosita, 33 N.V. Kupfurikidza nomudzimu mutsvene Jehovha akapa ufakazi husingakanganisi hwokuti iyi zvino yakanga iri ungano yaaizoshandisa kuita donzo rake.—VaH. 2:2-4.
3. Ndivanaaniko nhasi vanoumba sangano rinooneka raJehovha?
3 Nhasi vakasarira bedzi vavane 144 000 vari pasi pano. Asika, mukuzadzika kwechiporofita cheBhaibheri, boka guru ra“mamwe makwai” rakabatanidzwa pamwe chete navo mukuita basa. Jesu Kristu, Mufudzi Akaisvonaka, akabatanidza aya “mamwe makwai” naawo ari avakasarira vavateveri vake vakaberekwa nomudzimu zvokuti iwo anoumba “boka rimwe” chete rinotungamirirwa naye so“mufudzi mumwe” wao. (Johane 10:11, 16; Zvak. 7:9, 10) Iwawa ose anoumba sangano rimwe rakabatana, sangano rinooneka raJehovha nhasi.
Nderoubati Ushe hwouMwari Muchimiro
4. Ndianiko anotungamirira sangano, uye sei?
4 Kutaura kwapaMagwaro kwokuti “ungano yaMwari mupenyu” kunojekesa kuti ndiani anoitungamirira. Sangano racho nderoubati ushe hwoumwari, kana kuti rinodzorwa naMwari. Jehovha anogovera nhungamiro nokuda kwavanhu vake kupfurikidza nouyo Iye akagadza kuva musoro usingaoneki weungano, Ishe Jesu Kristu, kupfurikidza neShoko rakafuridzirwa Rake amene, Bhaibheri.—1 Timotio 3:14, 15; VaEf. 1:22, 23; 2 Tim. 3:16, 17.
5. (a) Ko kutungamirirwa kweungano kwokudenga kwakaratidzirwa sei muzana rokutanga ramakore? (b) Chii chinoratidzira kuti Jesu achiri musoro weungano?
5 Nhungamiro yakadaro youbati ushe hwoumwari yakaoneka zvikuru kwazvo apo mitezo yokutanga yeungano yakanyandurirwa kuchiito kupfurikidza nomudzimu mutsvene paPentekosta ya 33 N.V. (Mabasa 2:1-4, 32, 33) Yakaoneka apo ngirozi yaJehovha yakatungamirira zvinoitika zvakaparira kuparadzirwa kwamashoko akanaka muAfrica. (Mabasa 8:26-39) Nenzira imwe cheteyo, apo inzwi raJesu rakapa nhungamiro pakutendeuka kwaSauro weTarso uyezve apo basa roufundisi pakati paVamarudzi rakatangwa. (Mabasa 9:3-7, 10-17; 10:9-16, 19-23; 11:12) Asi nhungamiro inodikanwa yakanga isati ichigarogoverwa munzira dzakadaro dzechienzi. Pakupedzisira kwakanga kusinazve manzwi ainzwiwa achibva kudenga, kusinazve ngirozi dzaioneka kuvanhu uye kusinazve zvipo zvezvishamiso zvomudzimu. Asika Jesu akanga apikira vateveri vake vakatendeka kuti: “Tarirai! Ini ndinemi mazuva ose kusvikira kumhedziso yetsika yezvinhu,” uye maidi anoratidzira kuti iye akadaro. (Mat. 28:20; 1 VaK. 13:8) Zvapupu zvaJehovha hazvizati zvichingobvuma bedzi umusoro hwake, asi kunooneka kuti kwaizova kwave kusingazvibviriri kupfuurira kuparidza shoko roUmambo mukunangana nechishooro chikuru kunze kwebetsero yake.
6. (a) Ndivanaaniko vanoumba “muranda akatendeka nowakachenjera,” uye nei? (b) Ko iye akapa “muranda” iyeyo mugovei?
6 Chinguvana pamberi porufu rwaJesu iye akataura kuna vadzidzi vake pamsoro po“muranda akatendeka nowakachenjera” uyo iye saTenzi aizoronzesa mutoro chaiwo. “Muranda” iyeyo, mukuwirirana nerondedzero yaJesu, aizovapo apo Ishe aizoenda kudenga uye aizove achiri mupenyu panguva yokudzoka kwaKristu. Rondedzero yakadaro hayati yaigona kukodzera munhu mumwe. Asi inokodzera chaizvoizvo ungano yakazodzwa yakatendeka yaKristu ichirangarirwa yose zvayo. Jesu aiziva kuti iye aizovadzikinura neropa rake amene, naizvozvo nomutoo wakakodzera iye akataura nezvavo seboka so“muranda” wake. Akavapa basa rokuita, achituma ivo vose kundoita vadzidzi uye nomutoo unofambira mberi kudyisa ivava mumudzimu, vachivapa “zvokudya zvavo [zvomudzimu] panguva yakafanira.” Kugadzwa kwavo kwakasimbiswa nomudzimu mutsvene paPentekosta ya 33 N.V.—Mat. 24:45-47; 28:19, 20; 1 VaK. 6:19, 20; enzanisa Isaya 43:10.
7. (a) Ko zvino “muranda” ane mitoroi yakakudziridzwa? (b) Neiko kudavidza kwedu kumurairidzo unopiwa nokunouyu mukoto kuchikosha?
7 Pakudzoka kwaTenzi, kana “muranda” akanga achiita basa rake mukutendeka, iye aizoronzeswa mitoro yakakudziridzwa. Makore akatevera aizova nguva yokupupurira denderedzwa rose pamsoro poUmambo, uye “boka guru” ravanamati vaJehovha raizounganidzwa nomurangariro wokuchengetwa kwaro richipfuura nomu“dambudziko guru.” (Mat. 24:14; Zvak. 7:9, 10) Ivavawo, vaizodawo zvokudya zvomudzimu, nokudaro zvaizogoverwa kwavari no“muranda” womubatanidzwa, vabatiri vakazodzwa nomudzimu vaKristu. Kuti tigofadza Jehovha, tinodikanirwa kugamuchira murairidzo waanogovera kupfurikidza nouyu mukoto ndokuita mukutsinhirana nawo zvizere.
8, 9. (a) Muzana rokutanga ramakore igadziriroi yakanga iripo yokupedza mibvunzo pamsoro pedzidziso nokupa nhungamiro inodikanwa pakutaura nezvokuparidza mashoko akanaka? (b) Igadziriroi yakafanana iripo nhasi?
8 Padzimwe nguva, chokwadika, mibvunzo pamsoro pedzidziso nomuitiro ingamuka. Chii chingaitwa ipapo? Ganhuro rechi 15 raMabasa rinotizivisa mapedzerwe akaitwa chirevo pamsoro pezvinodikanwa zvavatendeuki vaVamarudzi. Chakarereudzirwa kuna vaapostora navarume vakuru vaiva paJerusarema, vaibatira somutumbi unodzora womusimboti. Varume vakuru ivavo vakanga vari vasiri vasingakanganisi; vakanga vasati vari vanhu vasakamboita mhosho. (Enzanisa naVaGaratia 2:11-14.) Asi Mwari akavashandisa. Vakarangarira zvakarehwa naMagwaro akafuridzirwa pamsoro penyaya yakanga ichikurukurwa uye soufakazi hwokushanda kwomudzimu waMwari mukuzarura ndima yaVamarudzi, uye ipapo vakaita chisarudzo. Mwari akakomborera gadziriro iyoyo. (Mabasa 15:1-29; 16:4, 5) Kubva mumutumbi iwowo womusimboti, vanhu vaitumirwawo kundopfuuridzira mberi kuparidzirwa kwamashoko akanaka mukutsinhirana neizvo Ishe amene akanga araira.—Mabasa 8:14; VaG. 2:9.
9 Muzuva redu Mutumbi Unodzora unoumbwa nehama dzakazodzwa nomudzimu dzinobva munyika dzakasiana-siana. Unowanika padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha. Mukutendeka unofambisira mberi fariro dzokunamata kwakachena mukutungamirira kwoumusoro hwaJesu Kristu. Idzi hama dzinomurangariro womuapostora Pauro, uyo, pakutumira zano romudzimu kumaKristu biyake, akanyora, kuti: “Hakuzati kuri kuti isu tiri vatenzi pakutenda kwenyu, asi tiri vashandi biyenyu nokuda kwomufaro wenyu, nokuti makamira kupfurikidza nokutenda kwenyu.”—2 VaK. 1:24.
10. (a) Kuti ndivanaani vachava vakuru kana kuti vabatiri vanoshumira kunotemwa sei? (b) Neiko tichifanira kusanobatira pamwe naavo vakagadzwa munzvimbo dzakadaro?
10 Iyi gadziriro youbati ushe hwoumwari inozivikanwa neZvapupu zvaJehovha munyika yose. Ungano dzazvo dzose dzomunzvimbomo dzinoshandira kusanobatira pamwe nayo. Zvinovimba noMutumbi Unodzora kugovera kugadzwa kwavakuru navabatiri vanoshumira vokutarisira kusanoshanda kweungano. Ko vanhu vanosarudzwa nokuda kwokugadzwa kwakadaro pahwaroi? Zvinodikanwa zvinosanorondedzerwa muBhaibheri. Vose vari vaviri varume vakuru vanorumbidza naavo vakapiwa chiremera chokuita kugadza vanomutoro wakakomba pamberi paMwari wokuomerera kwazviri. (1 Tim. 3:1-10, 12, 13; 5:22; Tito 1:5-9) Hapana kusarudza pakati pemitezo yeungano uyewo hapana kuvhota kupi nokupi kweungano. Panzvimbo pakwo, mukutsinhirana nezvakanga zvichiitwa navaapostora apo kugadza kwaiitwa muzana rokutanga ramakore, vatariri vaya vanomutoro wokurumbidza, naavo vanogadza pashure, vanopa munyengetero nokuda kweyamuro yomudzimu waMwari ndokutsvaka nhungamiro inobva muShoko rake. (Mabasa 6:2-4, 6; 14:23; enzanisa Pis. 75:6, 7.) Kupfurikidza nokuita kwedu kunhungamiro inopiwa navakuru, tinogona kuratidzira kuonga kwedu gadziriro yorudo yaKristu yeizvi “zvipo muvanhu” kutiyamura mukusvika “kuhumwe mukutenda.”—VaEf. 4:8, 11-16.
11. (a) Mabasai anokosha anoitwa navakadzi mukati megadziriro youbati ushe hwoumwari? (b) Ndiriini pavanodikanirwa kupfeka chifukidziro chomusoro, uye nei?
11 Magwaro anoraira kuti nzvimbo dzokutarisira muungano dzitarisirwe navarume. Ikoku hakuzati kuchitongoderedza vakadzi, nokutika vazhinji vavo vanobatanidzwa pakati pavadyi venhaka voUmambo hwokudenga. Kupfurikidza nomufambiro uno mwero, wakachena nokushingaira mukutarisira mhuri dzavo, vakadzi vechiKristu vanobetserawo kumukurumbira wakaisvonaka weungano. (Tito 2:3-5) Vanowanzoita zvizhinji zvebasa mukuwana vachangobva kufarira ndokuvabatanidza nesangano. (Pis. 68:11) Asi kudzidzisa mukati meungano kunotarisirwa navarume vakagadzwa. (1 Tim. 2:12, 13) Uye kana pasina varume vanokwaniriswa pamusangano unogadzirwa neungano, ipapo mukadzi angapfeka chifukidziro chomusoro paanotungamirira kana kuti kunyengetera.a Nenzira iyeyo anoratidzira kuremekedza gadziriro yaJehovha, sezvo Jesu akagadza muenzaniso nokuda kwavose mukuzviisa pasi paBaba vake.—1 VaK. 11:3-16; Johane 8:28, 29.
12. (a) Ko Bhaibheri rinokuchidzira vakuru kuva nomurangariroi kunzvimbo yavo? (b) Ko isu tose tingagoverana muropafadzoi yakaisvonaka?
12 Munyika munhu ane nzvimbo yakatanhamara anorangarirwa kuva anokosha, asi musangano raMwari murairo ndowokuti: “Uyo anozviita iye amene somudukusa pakati penyu imi mose ndiye mukuru.” (Ruka 9:46-48; 22:24-26) Naizvozvo Magwaro anozanura vakuru kuva vanongwarira kusadzora avo vari nhaka yaMwari asi, panzvimbo pakwo, kuva mienzaniso kuboka. (1 Pet. 5:2, 3) Kwete bedzi vashomanene vakasarudzwa, asi vose veZvapupu zvaJehovha, vanhurume navanhukadzi vane ropafadzo yakaisvonaka yokumirira Changamire wechisiko chapose pose, vachitaura nokuzvininipisa muzita rake uye vachizivisa vanhu munzvimbo iri yose pamsoro poUmambo hwake.
13. Uchishandisa magwaro akarongwa, kurukura mibvunzo yakarongwa pakupera kwendima ino.
13 Tinoita zvakanaka kuzvibvunza timene, kuti: “Ko tinosanonzwisisa matungamirire anoita Jehovha sangano rake rinooneka here? Ko zvimiro zvedu zvendangariro, mutauro nezviito zvinoratidzira izvozvo here?” Kurangarira pamsoro pamapfundo anotevera kunogona kubetsera mumwe nomumwe wedu kuita kukamuranisa kwakadaro:
Kana tichizviisa zvomenemene pasi paKristu somusoro weungano, ipapo, sezvinoratidzirwa mumagwaro anotevera, tichave tichiitei? (Mat. 24:14; 28:19, 20; Ruka 21:34-36; Johane 13:34, 35)
Munhamburiko dzavo dzokuva maKristu anobereka zvibereko, ko vose avo vari rutivi rwesangano vanofanira kunzwa vachitsamira pana Jehovha naKristu kusvikira kutambanukoi? (Johane 15:5; 1 VaK. 3:5-7)
Apo vakuru vanoedza kugadzirisa kufunga kwavanhu kuti vagorangarira zvinhu mutsinhirano navamwe vesangano, kuitira hanya kwomutsa kwaani kwatinofanira kucherekedza muna ikoku? (VaEf. 4:7, 8, 11-13; 2 VaK. 13:11)
Apo isu tinogamuchira nomutoo wokuonga gadziriro dzomudzimu dzinouya noku“boka romuranda” noMutumbi Unodzora waro, tinoratidzira ruremekedzo nokuda kwaaniko? Asika zvakadiniko kudai taizotaura nezvavo nomutoo wokuzvidza? (Ruka 10:16; enzanisa 3 Johane 9, 10)
Neiko tisati tichifanira kutsoropodza zvakakasharara vakuru vakagadzwa? (Mabasa 20:28; VaR. 12:10)
14. (a) Kupfurikidza nechimiro chedu chendangariro kusangano roubati ushe hwoumwari, tinoratidzirei? (b) Muna ikoku, mabanzai aripo okuti isu tibvumikise Dhiabhorosi kuva murevi wenhema uye kuunza mufaro kumwoyo waJehovha?
14 Jehovha ari kubata nesu nhasi kupfurikidza nesangano rake rinooneka rinodzorwa naKristu somusoro wakagadzwa. Naizvozvo chimiro chedu chendangariro kune iri sangano chinoratidzira nenzira inobetsera kumira kwatiri kutora pachirevo chouchangamire. (VaH. 13:17) Satani anokambira kuti isu tose tinosundwa nechishuvo chemhindu yedu timene, kuti kuitira hanya kwedu kukuru ndokwedu timene. Asi kana tichizviita isu timene nomufaro kuti tiwanikwe kubatira munzira ipi neipi inodikanwa, kunyange tichidzivisa kutaura nokuita zvinhu zvingakwevera ngwariro isina kufanira kwatiri, tinobvumikisa kuti Dhiabhorosi murevi wenhema. Kana tichida nokuremekedza avo vano“tungamirira” pakati pedu, tichitevedzera kutenda kwavo asi tichiramba hedu kuva rudzi rwomunhu uyo ano‘yemura vanhu nokuda kwemhindu yake amene,’ tinovigira mufaro kumwoyo waJehovha. (VaH. 13:7; Judha 16) Kupfurikidza nokukudziridza kuremekedza kwakanaka sangano raJehovha tichiita nomwoyo wose basa raanotungamirira, tinopupurira kuti Jehovha zvamazvirokwazvo ndiMwari wedu uye kuti takabatana mukunamatwa kwake.—1 VaK. 15:58.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvisinei, iye haazati achida chifukidziro chomusoro pakuparidza paimba neimba, sezvo mutoro wokuparidza mashoko akanaka uri pana maKristu ose. Asika kana migariro ichida kuti iye aitise fundo yeBhaibheri yapamusha murume wake aripo (musoro wake, kunyange zvazvo asati ari muKristu), anofanira kupfeka chifukidziro chomusoro. Uyewo, kana, somugariro usingawanzoitika, mutezorume wakazvitsaurira weungano uripo apo iye anoitisa fundo yeBhaibheri yapamusha yakafanogadzirirwa, anofanira kufukidza musoro wake, asi munhurume anofanira kupa munyengetero.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Nderipi riri sangano rinooneka raJehovha nhasi? Chii chiri donzo raro?
● Ndianiko ari musoro wakagadzwa weungano? Ko iye anogovera nhungamiro yorudo nokuda kwedu kupfurikidza negadziriroi dzinooneka?
● Ko isu tinofanira kukudziridza zvimiroi zvendangariro zvakaisvonaka kumutoro navanhu vari musangano?