Upenyu hwaJesu Noushumiri
Vasikana Vakachenjera Namapenzi
JESU ave achipindura chikumbiro chavaapostora vake chechiratidzo chokuvapo kwake musimba roUmambo. Zvino iye anogovera mamwe mativi echiratidzo mumifananidzo mitatu, kana kuti mienzanisiro.
Zadziko yomuenzanisiro mumwe nomumwe yaizova inocherechedzwa naavo vanorarama mukati mokuvapo kwake. Iye anotanga wokutanga namashoko, anoti: “Zvino ushe hwokudenga hungafananidzwa navasikana vane gumi, vakatora mwenje yavo vakabuda kundochingamidza chikomba. Vashanu vavo vakanga vari mapenzi, vashanu vakanga vakachenjera.”
Nokutaura kwokuti “ushe hwokudenga hungafananidzwa navasikana vane gumi,” Jesu haarevi kuti hafu yaavo vanogara nhaka Umambo hwokudenga mapenzi uye hafu vakachenjera! Aiwa, asi iye anoreva kuti pamusoro poUmambo hwamatenga, pane rutivi rwakafanana naikoku kana kuti rwakafanana naikoko, kana kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvichiva zvakafanana nechinhu chakati nechakati.
Vasikana vane gumi vanofananidzira maKristu ose ari mumutsara kana kuti anotaura kuva mumutsara nokuda kwoUmambo hwokudenga. Pakanga pari paPentekosta 33 N.V. apo ungano yechiKristu yakavimbiswa muroorano kuChikomba chakamutswa, chakapiwa mbiri, Jesu Kristu. Asi roorano yaizoitika mudenga panguva isina kutaurwa munguva yemberi.
Mumuenzanisiro wacho, vasikana vane gumi vanobuda vane donzo rokuchingamidza chikomba nerokukumbanira vanofamba vomuchato. Apo iye anosvika, vachavhenekera nzira yavanofamba nemwenje yavo, nokudaro vachimukudza sezvaanounza mwenga wake kuimba yakamugadzirirwa. Zvisinei, Jesu anotsanangura, kuti: “Mapenzi akatora mwenje yavo, akasatora mafuta. Asi vakachenjera vakatora mafuta mumidziyo yavo nemwenje yavo. Zvino chikomba chakati chichinonoka, vakakotsira vose, vakavata.”
Kunonoka kurefu kwechikomba kunoratidzira kuti kuvapo kwaKristu saMambo anotonga kunofanira kuva munguva yemberi iri kure. Iye pakupedzisira anouya kuchigaro chake choumambo mugore ra 1914. Mukati mousiku hurefu pamberi paikoko, vasikana vose vanovata. Asi havasati vachishurikidzwa nokuda kwaikoku. Kushurikidzwa kwavasikana mapenzi kuri nokuda kwokusava kwavo namafuta emidziyo yavo. Jesu anotsanangura kuti vasikana vanomuka sei chikomba chisati chasvika:
“Pakati pousiku vakanzwa mheremhere: ‘Chikomba chouya! Budai mumuchingamidzei.’ Zvino vasikana vose vakamuka vakagadzira mwenje yavo. Mapenzi akati kuna vakachenjera: ‘Tipeiwo mamwe mafuta enyu, nokuti mwenje yedu yodzima.’ Asi vakachenjera vakapindura, vakati: ‘Kwete, zvimwe haangakwaniri isu nemi tose; endai henyu kuna vanotengesa, muzvitengere.’”
Mafuta anofananidzira icho chinochengeta maKristu echokwadi achipenya savavhenekeri, ndiko kuti, Shoko rakafuridzirwa raMwari, ravanoramba vakabatisisa, pamwe chete nomudzimu mutsvene, uyo unobetsera mukunzwisisa Shoko iroro. Mafuta omudzimu anogonesa vasikana vakachenjera kupa chiedza mukugamuchira chikomba mukati mokufamba vachienda kumadyo eroorano. Asi boka ravasikana mapenzi havana mavari vamene, mumidziyo yavo, mafuta omudzimu anodikanwa. Naizvozvo Jesu anorondedzera chinoitika:
“Vakati [vasikana mapenzi] vachienda kundotenga [mafuta], chikomba ndokusvika; zvino, vakanga vakazvigadzira vakapinda nacho pamutambo wokuwana, mukova ukapfigwa. Pashure vamwe vavasikana vakasvika, vakati: ‘Ishe, Ishe, tizarurirei!’ Akapindura, akati: ‘Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: handikuzivii imi.’”
Pashure pokunge Kristu asvika muUmambo hwake hwokudenga, boka ravasikana vakachenjera ramaKristu echokwadi akazodzwa rakamuka kuropafadzo yavo yokuvhenekera munyika ino yakasvibiswa mukurumbidzwa kweChikomba chakadzokera. Asi avo vanofananidzirwa navasikana mapenzi vakanga vasina kugadzirira kugovera iyi rumbidzo yokugamuchira. Naizvozvo apo nguva inosvika, Kristu haasati achizarura suo rokupinda kumadyo eroorano mudenga kwavari. Iye anovasiya vari kunze murima rousiku hukurusa hwenyika, kuti vaparare navamwe vaiti vose vokusateerera mutemo. “Naizvozvo rindai,” Jesu anogumisa, “nokuti hamuzivi zuva kana nguva.” Mateo 25:1-13.
◆ Ndivanaani vanofananidzirwa navasikana vane gumi?
◆ Vimbiso muroorano kuchikomba inoitwa rini, asi iye anosvika rini kuzotora mwenga wake kuti vaende kumadyo eroorano?
◆ Mafuta anomirirei, uye kuva nawo kunogonesa vasikana vakachenjera kuitei?
◆ Madyo eroorano anoitika kupi?
◆ Itusoi yakaisvonaka iyo vasikana mapenzi vanorasikirwa nayo, uye nderipi riri jambwa ravo?