-
“Hamuzivi Zuva Racho Kana Awa Yacho”Nharireyomurindi—2012 | September 15
-
-
“Hamuzivi Zuva Racho Kana Awa Yacho”
“Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi zuva racho kana awa yacho.”—MAT. 25:13.
-
-
“Hamuzivi Zuva Racho Kana Awa Yacho”Nharireyomurindi—2012 | September 15
-
-
1-3. (a) Mienzaniso ipi inotibatsira kunzwisisa chidzidzo chiri mumifananidzo miviri yaJesu? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kupindura?
NGATITII wakumbirwa negurukota rehurumende kuti uriendese nemotokari kumusangano unokosha. Zvisinei, kwangosara maminitsi mashomanana kuti unomutora, unoona kuti motokari yako haina mafuta akakwana. Unotofanira kumhanya kunotenga mafuta acho. Waenda, anosara achisvika. Anokutsvaga kwose kwose okushaya. Hazviiti kuti akumirire, saka anokumbira mumwe kuti amuendese. Paunodzoka unobva waona kuti gurukota racho raenda. Waizonzwa sei?
2 Iye zvino ngatitii iwe ndiwe gurukota racho uye wasarudza varume vatatu kuti vaite basa rinokosha. Unovatsanangurira zvavanofanira kuita, uye vose vanobvuma basa racho. Zvisinei, paunodzoka kwapera chinguva, unoona kuti vaviri chete ndivo vaita basa ravo. Asi uya asina chaaita ari kutopa tuzvikonzero. Chokwadi ndechokuti haana kutomboedza. Waizonzwa sei?
3 Jesu akataura zvakada kufanana neizvi mumifananidzo yake miviri, wemhandara newematarenda, achiratidza zvaizoita kuti munguva yokuguma vamwe vaKristu vakazodzwa vave vakatendeka uye vakangwara, asi vamwe vasina.a (Mat. 25:1-30) Akasimbisa pfungwa yacho nokuti: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi zuva racho kana awa yacho,” kureva nguva iyo Jesu aizounza mutongo waMwari panyika yaSatani. (Mat. 25:13) Mazuva ano tinogona kushandisawo zano iroro. Tingabatsirwa sei nokuramba takarinda sezvatakakurudzirwa naJesu? Ndivanaani vakaratidza kuti vakagadzirira kupona? Uye tinofanira kuitei iye zvino kuti tirambe takarinda?
-