Chii Chinokusunda Kubatira Mwari?
“Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.”—MARKO 12:30.
1, 2. Zvinhui zvinofadza zviri kupedzwa maererano nebasa rokuparidza?
UKOSHI hwechokwadi hwemotokari hausarudzwi nechitarisiko chayo bedzi. Pendi inganakisa kunze kwayo, uye kugadzirwa kwakanaka kungakweva ngwariro yomutengi anobvira; asi zvoukoshi hukuru zvikuru ndizvo zvinhu zvisingakurumidzi kuonekwa—injini inofambisa motokari, pamwe chete nezvimwe zvishandiso zvose zvinoidzora.
2 Zvakafanana nebasa romuKristu kuna Mwari. Zvapupu zvaJehovha zvizere namabasa oumwari. Gore rimwe nerimwe, maawa anopfuura bhiriyoni rimwe anopedzwa zvichiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Kupfuurirazve, mamiriyoni efundo dzeBhaibheri anoitiswa, uye avo vari kubhapatidzwa vanosvika mazana ezviuru. Kana uri muzivisi wamashoko akanaka, wakava negoverano—kunyange kana ichiratidzika seduku—muidzi nhamba dzinofadza. Uye unogona kuvimbiswa kuti “Mwari haazati ari usakarurama, ungakanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.”—VaHebheru 6:10.
3. Kunze kwamabasa chii chinofanira kuva cheitiro hanya huru kuvaKristu, uye nemhaka yei?
3 Zvisinei, ukoshi hwechokwadi hwebasa redu—seboka kana kuti somunhu oga—hauyerwi bedzi munhamba. Sezvakaudzwa Samueri, “munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” (1 Samueri 16:7) Hungu, ndizvo zvatiri mukati izvo zvinokosha kuna Mwari. Sezvinobvumwa, mabasa anokosha. Mabasa okuzvipira kwoumwari anoshongedza dzidziso yaJehovha uye anokweva vadzidzi vanobvira. (Mateo 5:14-16; Tito 2:10; 2 Petro 3:11) Bva, mabasa edu haazivisi zvose. Jesu akamutswa akanga ane chisakiso cheitiro hanya pamusoro peungano yaiva paEfeso—pasinei zvapo nechinyorwa chavo chamabasa akanaka. “Ndinoziva mabasa ako,” akavaudza kudaro. “Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.”—Zvakazarurwa 2:1-4.
4. (a) Basa redu kuna Mwari ringagona sei kuva rakafanana nomuitiro wokungoti ibasa? (b) Neiko pane dikanwo yokuzvinzvera?
4 Ngozi iripo. Pashure penhambo yakati yenguva, basa redu kuna Mwari ringagona kuva muitiro wokungoti ibasa. Mumwe mukadzi wechiKristu akakurondedzera neiyi nzira: “Ndaibuda mubasa, kuenda kumisangano, kufunda, kunyengetera—asi ndaierekana ndaita zvose, ndisingambonzwi chinhu chipi nechipi.” Chokwadika, vabatiri vaMwari vanofanira kurumbidzwa apo vanozvishandisa vamene pasinei zvapo nokunzwa “[va]kawisirwa pasi” kana kuti “vakaora mwoyo.” (2 VaKorinte 4:9; 7:6) Kunyange zvakadaro, apo muitiro wedu wechiKristu unova usingafambiri mberi, tinoda kutarisa mukati muinjini, sokunge zvakadaro. Kunyange motokari dzakanakisisa dzinoda kutarisirwa kwenguva nenguva; nenzira yakafanana, vaKristu vose vanofanira kuita kuzvinzvera kwenguva dzose. (2 VaKorinte 13:5) Vamwe vanogona kuona mabasa edu, asi havagoni kunzwisisa chinosunda zviito zvedu. Mumwe nomumwe wedu, naizvozvo, anofanira kuitira hanya mubvunzo, wokuti: ‘Chii chinondisunda kubatira Mwari?’
Mhinganidzo Kusundo Yakafanira
5. Murayiro upi Jesu akati wakanga uri wokutanga pane yose?
5 Apo akabvunzwa kuti ndoupi wemitemo yakapiwa kuna vaIsraeri wakanga uri wokutanga pane yose, Jesu akanokora murayiro wakanangidzira ngwariro, kwete pachitarisiko chokunze, asi pasundo yomukati: “Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.” (Marko 12:28-30) Jesu nokudaro akazivisa chinofanira kuva simba rinosunda rinotsigira basa redu kuna Mwari—rudo.
6, 7. (a) Satani nokunyengera akadenha boka remhuri nenzirai, uye nemhaka yei? (2 VaKorinte 2:11) (b) Kurera kunogona sei kutapura chimiro chendangariro chomunhu kuchiremera choumwari?
6 Satani anoda kutadzisa mano edu okusakurira vara rinokosha rerudo. Kuti aite ikoku, mutoo mumwe waakashandisa ndiko kudenha boka remhuri. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti ndimo umo mirangariro yedu yokutanga uye inogarisa zvikurusa pamusoro perudo inoumbwa. Satani anosanoziva nheyo yeBhaibheri yokuti zvinodzidzwa muuhwana zvinogona kuva zvoukoshi muukuru. (Zvirevo 22:6) Iye nokunyengera anoedza kuvhiringidza murangariro wedu werudo pazera rapakuvamba. Sa“mwari wenyika ino,” Satani anoona zvinangwa zvake zvichisanobatirwa apo vakawanda vanokurira mumisha isiri nzvimbo dzorudo asi nzvimbo dzerwisano dzokukakavara, kutsamwa, uye kutaura kwokutuka.—2 VaKorinte 4:4; VaEfeso 4:31, 32; 6:4 (NW), mashoko omuzasi; VaKorose 3:21.
7 Bhuku rinonzi Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze rakati nzira iyo baba vanotarisira nayo basa ravo roubereki “inogona kuva netapuro huru pachimiro chendangariro chavana vake gare gare kune chiremera, zvose zviri zviviri chavanhu nechoumwari.”a Mumwe murume wechiKristu uyo akarerwa muudzvinyiriri hwababa vane hasha anobvuma, kuti: “Nokuda kwangu, kuteerera Jehovha kuri nyore; kumuda kwakaoma zvikuru kwazvo.” Chokwadika, kuteerera kunokosha, nokuti mumaziso aMwari “kuteerera kunokunda zvibayiro.” (1 Samueri 15:22) Asi chii chinogona kutibetsera kupfuura kuteererawo zvako ndokusakurira kuda Jehovha sesimba rinosunda rinotsigira kunamata kwedu?
“Rudo rwaKristu Rwunotimanikidza”
8, 9. Chibayiro chorudzikinuro chaJesu chinofanira sei kunyandura kuda kwedu Jehovha?
8 Chinonyandurira kusakurira kuda Jehovha nomwoyo wose chikurusa kuonga chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. “Rudo rwaMwari rwakaratidzwa kwatiri nechinhu ichi, kuti Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa ari mumwe chete, munyika, kuti tive noupenyu naye.” (1 Johane 4:9) Kana tangorunzwisisa nokuruonga, urwu rudzi rwerudo rwunonyandura chiito cherudo. “Isu tinoda, nokuti [Jehovha] wakatanga kutida.”—1 Johane 4:19.
9 Jesu nokudisa akagamuchira mugove wake wokubatira soMuponesi wavanhu. “Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti wakatipa upenyu hwake.” (1 Johane 3:16; Johane 15:13) Rudo rwaJesu rwokuzvibayira runofanira kunyandura davidzo yokuonga matiri. Kuenzanisira: Ngatitii wanunurwa mukunyura. Ungagona kungoenda kumusha, ndokuzviomesa, uye kukanganwa nezvazvo here? Chokwadika kwete! Waizonzwa une mungava kumunhu uyo akakununura. Pashure pokurangarira zvose, une mungava woupenyu hwako kumunhu iyeyo. Tine mungava kuna Jehovha Mwari naJesu Kristu zvinotova zvishomanene here? Pasina rudzikinuro, mumwe nomumwe wedu aizonyura, sokunge zvakadaro, muchivi norufu. Panzvimbo pezvo, nemhaka yeichi chiito chikuru chorudo, tine kariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yapasi.—VaRoma 5:12, 18; 1 Petro 2:24.
10. (a) Tinogona sei kuita rudzikinuro chimwe chinhu chomunhu oga? (b) Rudo runa Kristu runotimanikidza sei?
10 Fungisisa rudzikinuro. Rushandise somunhu oga, sezvakaita Pauro: “Kurarama uku, kwandinorarama nako munyama zvino, ndinorarama nokutenda kuri muMwanakomana waMwari, wakandida, akazvipa nokuda kwangu.” (VaGaratia 2:20) Kurangarira kwakadaro kuchanyandura kusundwa kwomwoyo wose, nokuti Pauro akanyorera vaKorinte, kuti: “Rudo rwaKristu runotimanikidza; . . . iye wakafira vose, kuti avo vanorarama varege kuzozviraramira ivo, asi uyo wakafa nokumutswa nokuda kwavo.” (2 VaKorinte 5:14, 15) The Jerusalem Bible rinotaura kuti rudo rwaKristu runo“tikurira.” Apo tinorangarira rudo rwaKristu, tinomanikidzwa, kusundwa zvikuru, kunyange kukurirwa. Runotapura mwoyo yedu ndokutisundira kuchiito. Seizvo shanduro yaJ. B. Phillips inonyora namamwe mashoko kuti, “manyuko amene ezviito zvedu rudo rwaKristu.” Rumwe rudzi rwupi norwupi rwesundo harusati ruchizoparira zvibereko zvinogarisa matiri, sezvinoratidzwa nomuenzaniso wavaFarise.
“Muchenjere Mbiriso yavaFarise”
11. Rondedzera chimiro chendangariro chavaFarise kumabasa orudzidziso.
11 VaFarise vakabvisa upenyu hwose mukunamatwa kwaMwari. Panzvimbo pokusimbisa kuda Mwari, vakasimbisa mabasa sechiyereso choumudzimu. Kubatikana kwavo nemitemo ine udzame kwakaita kuti vaoneke kuva vakarurama kunze, asi mukati vaiva va“zere namafupa avakafa netsvina yose.”—Mateo 23:27.
12. Pashure pokunge Jesu arapa mumwe murume, vaFarise vakazviratidza vamene sei kuva vasina murangariro pamwoyo?
12 Pane imwe nhambo Jesu nokunzwira tsitsi akarapa murume aiva ane ruoko rwakaoma. Uyu murume anofanira kuva akafara sei kuwana kuporeswa kwapakarepo kwechirwere icho pasina kupokana chaiparira nhamo huru yomumuviri nomurangariro! Bva, vaFarise havana kufara naye. Panzvimbo pezvo, vakatsoropodza udzame huduku—kuti Jesu akanga ayamura paSabata. Vabatikana nokududzira kwavo Mutemo kuduku, vaFarise vakapotsa chose chose revo chaiyoiyo yoMutemo. Hakushamisi kuti Jesu akava “ane shungu nokuda kwokuoma kwemwoyo yavo”! (Marko 3:1-5) Kupfuurirazve, akanyevera vadzidzi vake, kuti: “Muchenjere mbiriso yavaFarise navaSadhuse.” (Mateo 16:6) Zviito zvavo nezvimiro zvendangariro zvinoratidzirwa muBhaibheri nokuda kwekubetserwa kwedu.
13. Chidzidzoi chiripo nokuda kwedu mumuenzaniso wavaFarise?
13 Muenzaniso wavaFarise unotidzidzisa kuti tinofanira kuva nomurangariro une mufungo wamabasa. Zvirokwazvo, mabasa anokosha, nokuti “kutenda kusina mabasa kwakafa.” (Jakobho 2:26) Zvisinei, vanhu vasina kukwana vane kombamiro yokurangarira vamwe nezvavanoita panzvimbo pezvavari. Padzimwe nguva, tingatozvirangarira timene neiyi nzira. Tingava vanonyanyisa nezvinoitwa, sokunge kuti izvi ndizvo mupimo woga woumudzimu hwedu. Tingagona kukanganwa ukoshi hwokunzvera vavariro dzedu. (Enzanisa na 2 VaKorinte 5:12.) Tingava vaomereri kumutemo vane rumano avo “vanomimina runyunyu [va]chimedza kamera,” tichiteerera shoko romutemo nepo tichikanganisa chinangwa chawo.—Mateo 23:24.
14. VaFarise vakanga vakafanana sei nekapu kana kuti ndiro isina kuchena?
14 Icho vaFarise vasina kunzwisisa ndechokuti kana munhu achida Jehovha zvirokwazvo, zviito zvokuzvipira kwoumwari zvichatevera nomuzvarirwo. Umudzimu hunoerera kubva mukati huchibuda kunze. Jesu akashurikidza zvakasimba vaFarise nokuda kwokufunga kwavo kwokukanganisa muna ikoku, achiti: “Mune nhamo, imi vanyori navaFarise, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusazvidzora. Iwe muFarise wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo.”—Mateo 23:25, 26.
15. Dudza mienzaniso inoratidza kuti Jesu anotarira zvinopfuura zvitarisiko.
15 Chitarisiko chokunze chekapu, ndiro, kana kuti kunyange chivako chinozivisa zvakati kuti bedzi. Vadzidzi vaJesu vakatyiswa norunako rwetembere yeJerusarema, iyo Jesu akadana kuti “bako ramakororo” nemhaka yezvakanga zviri kuitika mukati. (Marko 11:17; 13:1) Chakanga chiri chechokwadi nezvetembere ndechechokwadi nezvamamiriyoni avanotaurwa kuva vaKristu, sezvinoratidza chinyorwa chechiKristudhomu. Jesu akataura kuti aizorangarira vamwe vakaita “mabasa esimba” muzita rake kuva “vaiti vokusarurama.” (Mateo 7:22, 23) Mukupesana kukuru, akati nezvechirikadzi yakapa chinenge chitsama chidukusa chemari patembere: “Chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa zvizhinji kuna avo vose vakaisa muchivigiro . . . iye wakaisa achitora pakushayiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.” (Marko 12:41-44) Kurangarira kusingatsinhirani here? Nyangwe napaduku pose. Mumamiriro ezvinhu ose, Jesu akaratidzira murangariro waJehovha. (Johane 8:16) Akaona sundo dzaitsigira mabasa acho uye akarangarira nenzira inowirirana.
“Mumwe Nomumwe Zvakakwanira Simba Rake”
16. Neiko tisingafaniri nguva dzose kuenzanisa mubato wedu nouyo womumwe muKristu?
16 Kana vavariro dzedu dzakafanira, hapana dikanwo nguva dzose yokuenzanisa. Somuenzaniso, zvishomanene zvakanaka zvinoitwa nokuvavarira nenzira yamakwikwi kupedzera nguva imwe cheteyo muushumiri iyo mumwe muKristu anoita kana kuti kuenzanisa zvinopedzwa mukuparidza. Jesu akataura kuda Jehovha nomwoyo wako wose, ndangariro, mweya, uye simba—kwete zvomumwe munhuwo zvake. Mano omunhu mumwe nomumwe, simba, uye mamiriro ezvinhu anosiyana. Kana mamiriro ezvinhu zvako achikubvumira, rudo ruchakusunda kupedzera nguva yakawanda muushumiri—zvichida kunyange somushumiri piyona wenguva yakazara. Kana uri kurwisana nechirwere, zvisinei, nguva yaunopedza muushumiri ingava shoma kupfuura yawaizoshuva. Usaodzwa mwoyo. Kutendeka kuna Mwari hakupimwi mumaawa. Une vavariro dzakanaka, uchava nechikonzero chokufara. Pauro akanyora, kuti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaidze basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake iye amene oga, asingazviiti pamusoro pomumwe.”—VaGaratia 6:4.
17. Mumashoko ako umene, rondedzera nokupfupikisa mufananidzo wamatarenta.
17 Rangarira mufananidzo waJesu wamatarenta, sezvakanyorwa pana Mateo 25:14-30. Mumwe murume uyo akanga odokuenda kune imwe nyika akadana varanda vake ndokuisa zvinhu zvake kwavari. “Akapa mumwe matarenta mashanu, mumwe maviri, mumwe rimwe, mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake.” Apo tenzi akadzoka kuzogadzikisa zvinhu navaranda vake, chii chaakawana? Muranda akanga apiwa matarenta mashanu akawana mamwe matarenta mashanu. Nenzira yakafanana, muranda akanga apiwa matarenta maviri akawana mamwe matarenta maviri. Muranda uyo akanga apiwa tarenta rimwe akariviga muvhu uye hapana chaakaita kuwedzera pfuma yatenzi vake. Tenzi akanzvera sei mamiriro ezvinhu?
18, 19. (a) Neiko tenzi asina kuenzanisa muranda akapiwa matarenta maviri nemuranda akapiwa matarenta mashanu? (b) Mufananidzo wamatarenta unotidzidzisei pamusoro perumbidzo nokuenzanisa? (c) Neiko muranda wechitatu akatongwa zvakaipa?
18 Kutanga, ngatirangarirei varanda vakapiwa matarenta mashanu uye maviri mukutevedzana. Kumumwe nomumwe wavaranda ivava, tenzi akati: “Zvakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka.” Angadai akadaro kumuranda ane materenta mashanu kudai iyeyo akanga awana maviri bedzi here? Hazvingabviri! Pane rumwe rutivi, haana kuti kumuranda akawana matarenta maviri: ‘Neiko usina kuwana mashanu? Chokwadika, tarira muranda biyako uye kuti akandiwanira zvakawanda sei!’ Aiwa, tenzi ane tsitsi, uyo aifananidzira Jesu, haana kuenzanisa. Akagovera matarenta “mumwe nomumwe zvakakwanira simba rake,” uye aisakarirawo zvakawanda zvinopfuura izvo mumwe nomumwe aigona kupa. Varanda vose vari vaviri vakawana rumbidzo dzakaenzana, nokuti vose vakashandira tenzi wavo nemweya wose. Tose zvedu tinogona kudzidza muna ikoku.
19 Chokwadika, muranda wechitatu haana kurumbidzwa. Kutaura idi, akakandirwa murima kunze. Zvaakagamuchira tarenta rimwe bedzi, angadai asina kukarirwa kubereka zvakawanda somuranda ane matarenta mashanu. Iye, zvisinei, haana kutomboedza! Rutongeso rwake rwakaipa rwakanga rwuri pakupedzisira nemhaka yechimiro chemwoyo wake chokuva “wakaipa uno usimbe,” icho chakaratidza kushayikwa kwokuda tenzi.
20. Jehovha anorangarira sei ganhuriro dzedu?
20 Jehovha anokarira mumwe nomumwe wedu kumuda nesimba redu rose, bva kunofadza sei kuti “iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva”! (Pisarema 103:14) Zvirevo 21:2 inotaura kuti “Jehovha unoyera mwoyo”—kwete nhamba. Iye anonzwisisa ganhuriro dzipi nedzipi idzo tisina udzori padziri, dzingave dziri dzemari, dzomumuviri, dzemirangariro, kana kuti dzimwe. (Isaya 63:9) Panguva imwe cheteyo, anotikarira kushandisa zvikurusa pfuma yose yatingava nayo. Jehovha akakwana, asi pakubata navanamati vake vasina kukwana, haarayiri kukwana. Iye haasi asina mufungo mukubata kwake kana kuti asiri wechokwadi mukariro dzake.
21. Kana basa redu kuna Mwari richisundwa norudo, migumisiroi yakanaka ichatevera?
21 Kuda Jehovha nemwoyo wedu wose, mweya, ndangariro, uye simba “zvinopfuura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose, nezvibayiro.” (Marko 12:33) Kana tichisundwa norudo, ipapo tichaita zvose zvatinogona mubasa raMwari. Petro akanyora kuti kana mavara oumwari, kubatanidza rudo, a“chiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasino usimbe navasingashayiwi zvibereko pakuziva Ishe wedu, Jesu Kristu.”—2 Petro 1:8.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Mukuhwirudzura
◻ Chii chinofanira kuva simba rinosunda rinotsigira basa redu kuna Mwari?
◻ Rudo rwaKristu rwunotisunda sei kubatira Jehovha?
◻ Kubatikanai kwavaFarise kwatinofanira kudzivisa?
◻ Neiko kuri kusachenjera kuramba tichienzanisa basa redu neiro romumwe muKristu?
[Mifananidzo iri papeji 16]
Mano, simba, uye mamiriro ezvinhu avanhu anosiyana