-
Zvatinodzidza Mumufananidzo WematarendaNharireyomurindi—2015 | March 15
-
-
MURANDA AKAIPA UYE ANE USIMBE
14, 15. Jesu paakataura nezvemuranda akaipa uye ane usimbe, aireva here kuti hama dzake dzakazodzwa dzakawanda dzaizova dzakaipa uye dzaizova neusimbe? Tsanangura.
14 Mumufananidzo uyu, muranda wokupedzisira akanoviga tarenda rake muvhu pane kuita bhizimisi naro kana kuriisa mubhengi. Muranda uyu akaita zvakaipa chaizvo, nokuti akasarudza kuita zvaipesana nezvaidiwa natenzi wake. Saka tenzi wake akamuti aiva muranda “akaipa uye ane usimbe.” Akamutorera tarenda raaiva naro akaripa uya aiva nematarenda gumi. Muranda akaipa iyeye akabva akandwa ‘murima rekunze.’ ‘Ikoko ndiko kwaaizosvimha misodzi ari nokugeda-geda mazino ake.’—Mat. 25:24-30; Ruka 19:22, 23.
15 Jesu paakataura nezvemuranda akaviga tarenda rake, aireva here kuti pavateveri vake vakazodzwa paizova nevamwe vakaipa uye vane usimbe? Kwete. Ngatimbofungai nezvemashoko aakanga ambotaura. Mumufananidzo wemuranda akatendeka akangwara, Jesu akataura nezvemuranda anorova vamwe varanda. Apa Jesu akanga asingarevi kuti kwaizova neboka remuranda akaipa. Asi ainyevera muranda akatendeka kuti asapedzisira ava muranda akaipa. Jesu paakataurawo mufananidzo wemhandara gumi akanga asingarevi kuti hafu yevateveri vake vakazodzwa yaizoita semhandara shanu dzakapusa. Asi ainyevera hama dzake dzakazodzwa nezvezvinhu zvinogona kuitika kana dzikasarinda uye dzikagara dzisina kugadzirira.f Saka tichifunga zvakanga zvambotaurwa naJesu, tinogona kuti paakataura mufananidzo wematarenda, akanga asingarevi kuti mumazuva okupedzisira vakazodzwa vakawanda vaizova vakaipa uye vane usimbe. Asi ainyevera hama dzake dzakazodzwa kuti dzirambe dzichishingaira, kureva ‘kuita bhizimisi’ nematarenda adzo, uye dzorega kuva neunhu hwakaipa kana kuti dzisaita zvinoitwa nemuranda akaipa.—Mat. 25:16.
-