Ganhuro 15
Kukamuraniswa Kwavanhu Pamsoro Pechirevo choUmambo
1. Neiko kukamuraniswa pamsoro pechirevo choUmambo iri nhau yakakomba nokuda kwomumwe nomumwe wedu?
MUNHU MUMWE NOMUMWE wedu akanangana nechisarudzo chakakomba. Chiri pachirevo ndicho chimiro chedu kuUmambo hwaMesia hwaJehovha hunodzorwa naJesu Kristu. Kukamuraniswa kwavanhu vamarudzi ose kuri kuitika pamsoro peichi chirevo. Nemhaka yenzira yechiito yomunhu mumwe nomumwe iye ari kuiswa murimwe ramapoka maviri. Rimwe bedzi raaya mapoka richapukunyuka kuparadzwa kwenyika kwosvika.—Mateo 24:40, 41.
2. (a) Ko Umambo hwaMesia hunowirirana sei nechirevo chouchangamire hwaJehovha? (b) Ko nokukurumidza Umambo huchavei, uye naizvozvo chii chatinofanira kufungisisa pamsoro pacho?
2 Jehovha akatogadza pachigaro choumambo Mwanakomana wake akazodzwa, Mesia, mumatenga. Pakupera kwe“nguva dzakagadzwa dzamarudzi” muna 1914, Mwari akapa Jesu Kristu marudzi senhaka yake—pasi rose sepfuma yake. (Pisarema 2:6, 8) Hurumende yaMesia, ina Mambo akazodzwa waJehovha ari pachigaro choumambo, ndiwo mutoo waMwari wokuita nawo donzo rake amene rokuchenjera nerorudo pamsoro pepasi. Chimiro chako chendangariro kuUmambo, nokuda kwechikonzero ichocho, chinoratidzira marangarire aunoita pamsoro pouchangamire hwapose pose hwaJehovha. Nokukurumidza Umambo hwaMesia ihwohwo hucha“putsanya ndokugumisa” tsika yose yezvamatongerwe enyika zvino inodzora zvinhu zvavanhu uye ichava hurumende imwe pamusoro papasi rose. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 19:11-21) Painopfuurira kushandura pasi kuva Paradhiso, iwe uchave uri kupiko? Uchave uri pakati paavo vanotungamirirwa nayo kukufarikanya kukwana kwoupenyu here? Jesu akataura nheyo apo vanhu vanorarama zvino vanogona kugoverana pakariro yakadaro.
MAMBO NE“HAMA” DZAKE
3. Pana Mateo 25:31-33, ko Jesu akarondedzera chii?
3 Pakuzivisa vaapostora vake pamsoro pe“mhedziso yetsika yezvinhu,” Jesu akashandisa mifananidzo inoverengeka, kana kuti mienzanisiro. Muno mumwe wokupedzisira iye akati: “Apo Mwanakomana womunhu anosvika ari mukubwinya kwake, nengirozi dzose dzinaye, ipapo achagara pachigaro chake choumambo chokubwinya. Uye marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye iye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kuno mumwe, kungofanana nomufudzi anoparadzanisa makwai achibva mumbudzi. Uye iye achaisa makwai kuruoko rwake rworudyi, asi mbudzi kuruboshwe rwake.”—Mateo 24:3; 25:31-33.
4. (a) Ko mufananidzo uyu unowirirana sei naDhanieri 7:13, 14? (b) Ko isu nomutoo wokubetserekana tingazvibvunza timene mibvunzoi?
4 Cherekedza kuti Jesu pano anotaura nezvake iye amene so“Mwanakomana womunhu,” sezvaakanga atoita aitazve pakuvamba vamba muchiporofita ichi. (Mateo 24:27, 30, 37, 39, 44) Kushandisa kwake uku kutaura kwakanga kuri chiyeuchidzo chechiono chechiporofita chakapiwa kuna Dhanieri anenge mazana matanhatu amakore pakuvamba vamba, icho muporofita akanyora pamsoro pacho, kuti: “Ini ndakaramba ndakatarira muzviono zvousiku, ndikaona uko! mumwe munhu akafanana nomwanakomana womunhu [Jesu Kristu] akanga achiuya pamwe chete namakore okumatenga; iye akasvika kunoWakakwegura paMazuva [Jehovha Mwari], uye ivo vakamuswededza kunyange pamberi paIyeyo. Ipapo kuna iye kwakapiwa ubati ushe nembiri noumambo, kuti ndudzi, mapoka orudzi nendimi vose vagobatira kunyange iyeyu. Ubati ushe hwake ndohumwe ubati ushe hunogara kusvikira kunguva isingazivikanwi husati huchizoguma, noumambo hwake ndohumwe husati huchizoparadzwa.” (Dhanieri 7:13, 14; VaHebheru 2:5-8) Chiremera ichocho chokubata ushe chakatopiwa kuna Jesu Kristu. Chifo cha 1914 iye anobata ushe ari pachigaro chake choumambo chokudenga. Ko iwe pachako wakadavidza sei kuubati ushe hwake? Ko mararamire ako anopa hufakazi hworuremekedzo rwakafanira nokuda kwaIyeyu uyo Mwari amene akaita Mubati ushe wapasi rose here?
5. Ko Kristu anotema sei uchokwadi hwokukambira kwomunhu kuzvipira kwaari saMambo?
5 Mashokowo zvawo haana kuringanira. Kuri nyore kumunhu kutaura kuti iye anodavira Umambo hwaMwari uye kuti iye anoda Jesu Kristu. Asika mumufananidzo wake wamakwai nembudzi Jesu akaratidzira kuti, zvaaizova asingaoneki mumatenga, chinhu chikurusa chaaizorangarira mukutema uchokwadi hwokukambira kwomunhu chaiva kubata kwake avo vanomirira Kristu pasi pano, “hama” dzake.—Mateo 25:40, 45.
6. Ko idzi “hama” dzaKristu ndivanaani?
6 Ko idzo ndivanaani? Avo Mwari akasarudza pakati pavanhu kuva vadyi venhaka pamwe chete naKristu voUmambo hwokudenga. Ivava vane chiverengero chine 144 000, vane vakasarira vavo bedzi vachiri pasi pano. (Zvakazarurwa 14:1, 4) Nemhaka yokuti vaka“berekwazve” kupfurikidza nokushanda kwomudzimu waMwari, ivo vanakomana vaMwari, uye nokuda kwechikonzero ichocho vanotaurwa nezvavo muMagwaro se“hama” dzaJesu Kristu. (Johane 3:3; VaHebheru 2:10, 11) Jesu anorangarira izvo vanhu vanoitira idzi “hama,” kunyange “muduku” wadzo, kuva zviri kuitirwa kwaari amene.
7. Neiko “hama” dzaKristu dzisati dziri mitezo yamachechi echiKristudhomu?
7 Ko “hama” idzi dzaKristu dziripiko muzuva redu? Ko uchadziwana pakati pavaendi kuchechi vechiKristudhomu here? Eya, ko Jesu akataurei pamsoro pavateveri vake vechokwadi? “Ivo havasati vari rutivi rwenyika, kungofanana neni ndisati ndiri rutivi rwenyika.” (Johane 17:16) Ko ikoko kungataurwa zvomenemene pamsoro pamachechi echiKristudhomu nemitezo yawo here? Mumwero mukuru, zvimiro zvawo nendangariro nomufambiro zvinongoratidzira bedzi izvo zvinozivikanwa murutivi rwenyika rwaanowanwa. Kubatanidzwa kwamachechi muzvamatongerwe enyika kunosanozivikanwa. Apo Chibvumiro chaMaruramiro cheChibatanwa chaMarudzi chakanga chichiumbwa muna 1945, nhume dzeProtestant, dzeKaturike nedzechiJudha dzakanga dziripo savapangiri. Mumakore achangobva kupfuura, vanapapa veRoma vakarumbidza Chibatanwa chaMarudzi kuva “tariro yokupedzisira yebvumirano norugare” ne“boka rapamusoro rorugare neruramisiro.” World Council of Churches, rine mitezo yamapoka orudzidziso ane 300, rakatogovera mari dzakashandiswa mukuwanira mari kumukira kwezvamatongerwe enyika. Asika, Jesu Kristu akati kumudzori weRoma Pirato: “Umambo hwangu hahusati huri rutivi rwenyika ino.”—Johane 18:36.
8. (a) Chii chakakubetsera kuziva “hama” dzaKristu? (b) Ko basa rokuparidzira Umambo rinokosha sei kwadziri?
8 Maidi anoratidzira kuti boka rimwe bedzi rakaita kumira kwakatsiga nokuda kwoUmambo, richipira nhamburiko dzesimba kukuhuparidzira munyika yose richingunodzivisa kubatanidzwa kworudzi rupi norupi muzvinhu zvamatongerwe enyika zvenyika. Boka iri ndereZvapupu zvaJehovha. Pakati pavo panowanwa vakasarira ve“hama” dzaKristu. Mukutevedzera Ishe wavo navaapostora vake, ivo vakazvipira mukuenda paguta neguta napaimba neimba, vachizivisa vanhu mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Ruka 8:1; Mabasa 8:12; 19:8; 20:20, 25) Muna 1919, pakokorodzano yeZvapupu zvaJehovha (panguva iyoyo zvaizivikanwa seInternational Bible Students) muCedar Point, Ohio, vakokorodzani vakayeuchidzwa kuti “basa ravo rakanga riri uye nderokuzivisa umambo hwaMesia hune mbiri hunouya.” Pakokorodzano yakafanana muna 1922 ikoku kwakasimbiswazve, uye ivo vakakurudzirwa, kuti: “Zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Vachishandisa mutoo uri wose wavaikwanisa kushandisa, ivo vakapfuurira kuita saizvozvo munyika yose kusvikira kuzuva rino. (Mateo 24:14) Nokuda kwomubato wavo, chirevo choUmambo chakasvitswa kwauri. Chii chauri kuita pamsoro pacho?
‘VAKAZVIITIRA MUMWE WEHAMA DZANGU’
9. (a) Ko migariro inorondedzerwa pana Mateo 25:35-40 inowirirana sei nohushumiri hwoUmambo? (b) Ko vanhu kunzvimbo iri yose nenzira iyoyo vakanangana nomuedzoi?
9 “Hama” dzakazodzwa nomudzimu dzaKristu dzakaedzwa zvakakomba nokuda kwokuparidzira noushingi Umambo hwaMwari, dzichingunochengeta kuparadzana nenyika. (Johane 15:19, 21) Vamwe vakarumwa nenzara, vakanzwa nyota nokushaiwa zvokupfeka. Vazhinji vakasia misha yavo kundobatira kunharaunda uko vaiva vaeni. Vachingunoita havo hushumiri hwavo, ivo vakatambura chirwere nokupfigirwa mutorongo, kunyange rufu rwakaparirwa navatambudzi. Izvi zvinoitika zve“hama” dzaKristu zvakaparira vanhu vamarudzi ose kuva vakanangana nomuedzo. Ko kuda Mwari naKristu kwaizovaparira kubetsera idzi nhume dzoUmambo hwokudenga here? (Mateo 25:35-40; enzanisa 2 VaKorinte 5:20.) Zvikurukuru hauzati uri mutsa wohunhu asi betsero inoitwa nokuti ivo ndevaKristu inorangarirwa naMambo kuva inoitirwa iye amene pachake.—Marko 9:41; Mateo 10:42.
10. (a) Neiko kuramba kunomutswa ne“mbudzi” kusina maturo? (b) Mukusiana, ko “makwai” akatora nzvimboi?
10 Avo vanoita yamuro yakadaro vanofananidzwa naJesu kuva makwai. Vanhu vanokundikana kubetsera “hama” dzake vanotaurwa nezvavo mumufananidzo waJesu kuva mbudzi. “Mbudzi” dzingaramba kuti idzo hadzina kuona Jesu Kristu. Asika iye akatumira vabatiri vake kwadziri, uye idzodzi dzakasanozvitsauranisa dzimene. “Mbudzi” dzose hadzingatambudzi “hama” dzaKristu, asika hapana nedzimwe dzinosundwa nokuda Mambo wokudenga kuzobetsera vamiriri vake. (Mateo 25:41-45) Dzinoomerera kunyika iyo Satani Dhiabhorosi ari mubati ushe wayo asingaoneki. “Makwai” haangagoni chaizvoizvo kuonawo Kristu. Asi, mukusiana ne“mbudzi,” awa anobvumikisa kuti haazati achitya kuzvibatanidza amene ne“hama” dzaKristu, achitsigira ava vazivisi voUmambo hwaMwari. “Makwai” anoziva zvaari kuita, uye anoita chisarudzo chaichoicho nokuda kwoUmambo hunodzorwa naJesu Kristu. Ndokusaka chiito chao chichikosha mumeso aMambo.
11. (a) Vanhu vazhinji zvavasina kutongosangana nomumwe we“hama” dzaKristu, vanogona sei kutongerwa pahwaro hunorondedzerwa pano? (b) Chii chinosimbisira kubudirira kweiri basa?
11 Kunyange zvazvo zvakadaro, kunobvirira sei vanhu vamarudzi ose kuva vanotongerwa pahwaro uhwu? Ko Jesu haana kutaura here kuti “hama” dzake, idzo Baba vaizopa Umambo hwokudenga, dzaizongova bedzi “boka duku”? (Ruka 12:32) Vanhu vazhinji havana ivo vamene kutongoonana nomumwe wadzo. Chokwadi, asi “hama” dzaKristu dzinoumba musimboti wesangano ramarudzi ose reZvapupu zvaJehovha. Kupfurikidza naava vanhu vakarongwa, chirevo chinokosha choUmambo chiri kusvitswa kuvanhu munzvimbo iri yose. Kwose ikoku kuri kutungamirirwa naKristu amene ari pachigaro choumambo chake chokudenga uye kupfurikidza nebetsero yengirozi. Munyika 200 namapoka ezvitsuwa kupote mburumbwa yose—kunyange uko kuparidzirwa kwoUmambo hwaMwari kwakarambidzwa nehurumende—basa rokukamuranisa rinofambira mberi nomutoo usingadzivisiki, uye boka guru ravanhu riri kuita kumira kwaro kurutivi rwoUmambo hwaMwari.
12. (a) Ko “makwai” anojekesa sei kumira kwaakatora? (b) Neiko achikuita?
12 Ko ivo vanoita sei ikoku? Kupfurikidza nokushanda chaizvoizvo pamwe chete navakazodzwa, vachishingairira kuzivisa kuti Umambo hunobata ushe uye kuti nokukurumidza ihwo huchasvitsa tsika yenyika kumugumo wayo. Nenzira iyeyo nomutoo uri pamhene vanozvitsauranisa vamene savamire nokuda kwoUmambo hwoUmesia hwaJehovha uye ivo norudo vanokuchidzira vamwe kuita zvimwe chetezvo. Chimwe chinhu chinopfuura chishuvo chokupukunyuka chinosunda ava vanhu vane mwoyo yakarurama. Vanoda zvomenemene Jehovha nenzira dzake. Gadziriro yoUmambo hwake ina Kristu saMambo inozadza mwoyo yavo nokuonga, uye vanoda kuti vamwe vabetsereke nayo. Naizvozvo vanogovera tambanuko izere zvikuru yavanokwanisa mukupupurira Umambo. Sokurairidza kwakaita Jesu vadzidzi vake, ivo vano‘tanga kutsvaka umambo,’ vasingabvumidzi kufunganya pamsoro pezvinoshaikwa zvokunyama kuhusundira munzvimbo yechipiri. Neiyi nzira vanopinda mugadziriro yokuwana chikomborero chakaisvonaka.—Mateo 6:31-33.
KO IWE “UCHAGARA NHAKA UMAMBO” HERE?
13. (a) Ko Jehovha akanga achirangarira tuso yaava vakafanana namakwai chifo charini? (b) Ko “kugara nhaka umambo” kunorevei kwavari?
13 Chiri chakachengeterwa avo vanobvumikisa kuva “makwai” omufananidzo waJesu chinoshamisa zvamazvirokwazvo. Ari pachigaro choumambo chake chokudenga, iye anoti kwavari: “Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka umambo hwamakagadzirirwa kubvira pakuteiwa kwenyika.” (Mateo 25:34) Chifo choku“teiwa kwenyika,” panguva apo Adhama naEvha vakatanga kubereka vana vaigona kubetserekana negadziriro yaMwari yokudzikinura vanhu, mukuwirirana naGenesi 3:15, 16, Jehovha akanga achirangarira tuso yaaya “makwai.” (Enzanisira Ruka 11:50, 51.) Ravo ndiro banza rokufarikanya muParadhiso yakadzorerwa kukwana kwoupenyu hwohunhu uko Adhama akarasha. ‘Kugara nhaka umambo’ kwavo hakusati kuchireva kuti ivo vachaenda kudenga, nokuti mufananidzo unoratidzira kuti “makwai” haazati ari mamwe chetewo ne“hama” dzaMambo, dziri vadyi venhaka voUmambo hwokudenga. Naizvozvo “makwai” anofanira kuva vadzorwi vapasi vehurumende yokudenga. Greek-English Lexicon yaLiddell naScott rinotsanangura kuti shoko rechiGiriki rokuti basileiʹa, iro pano rinoshandurwa kuti “umambo,” rinogona kunzwisiswa mupfungwa yokusaita chinhu, kureva “kuva anobatwa ushe namambo” kwomunhu. Ndiyoyi pfungwa iyo sezviri pachena inoshanda pano.
14. Ko rutongeso runoitwa pa“mbudzi” rwuchasiana sei nenhaka ya“makwai”?
14 Apo “mbudzi” dzinobva chidzipinda “mukugurwa kusingaperi,” muruparadziko rwakakwana sokunge kuti rwunoitwa nomwoto, “makwai” achataviridzirwa naMambo woUmesia. (Mateo 25:41, 46; enzanisa Zvakazarurwa 21:8.) Pasina kudikanwa kupi nokupi kwokufa, iwo achachengetwa achipfuura nomudambudziko guru ndokupinda mu“pasi idzva” rine mbiri iro risati richizotongova nepesvedzero yakashata yaSatani netsika yake yezvinhu yakaipa. Chikomborero ichocho chichava chawo nokuti iwo ari kuita chisarudzo chakarurama pamsoro pechirevo choUmambo zvino.
15. (a) Ko tinoziva sei kuti uyu mufananidzo unoshanda iye zvino? (b) Naizvozvo, ibasai riri roukoshi hukuru?
15 Kungava kuposha kwakakomba kurangarira kuti, nokuti kuparadzwa kwe“mbudzi” ndokwokusingaperi, mufananidzo hawati waigona kushanda kutozosvikira gare gare, zvimwe mukati moKutonga kwaMakore ane Chiuru kwaKristu. Mukupesana, Jesu akapa mufananidzo uyu sorutivi rwechiratidzo che“mhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 24:3) Zvaanorondedzera zvinoitika pashure pokunge iye agadzwa pachigaro choumambo asiwo “hama” dzake dzichiri munyama uye dzichitambura zvitambudzo zvaanodudza. Tiri kurarama munguva iyoyo, uye iri kukurumidza kupera. Nokuda kwechikonzero ichocho, kunokosha zvikuru kusangovimba zvizere bedzi noUmambo asi kubetsera vamwe kuona kukosha kwokuita kudaro zvino.