RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?
    Nharireyomurindi—1995 | October 15
    • Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kweboka Rimwe Nerimwe?

      16, 17. Makwai achava nenguva yemberi yakadini?

      16 Jesu akapa rutongeso rwake rwamakwai, achiti: “Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.” Kukokwa kwoushamwari kwakadini—“Uyai”! Kuchii? Kuupenyu husingaperi, sezvaakataura mukupfupikisa, kuti: “Vakarurama [vachapinda] kuupenyu husingaperi.”—Mateo 25:34, 46.

      17 Mumufananidzo wamatarenda, Jesu akaratidza chinodiwa nokuda kwaavo vachatonga naye mudenga, asi mumufananidzo uyu anoratidza chinokarirwa vadzorwi voUmambo. (Mateo 25:14-23) Nenzira yakananga, nemhaka yokutsigira kwavo kusina kukamuraniswa hama dzaJesu, makwai anogara nhaka nzvimbo iri munzvimbo yapasi yoUmambo hwake. Achafarikanya upenyu paparadhiso yapasi—kariro iyo Mwari akavagadzirira “kubva pakuvamba kwenyika” yavanhu vanodzikinurika.—Ruka 11:50, 51.

  • Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?
    Nharireyomurindi—1995 | October 15
    • 19 Vadzidzi veBhaibheri vanoziva kuti ikoku hakugoni kureva kuti mweya isingafi yavanhu vakafanana nembudzi ichatambura mumwoto usingagumi. Aiwa, nokuti vanhu ndivo mweya; havasati vane mweya isingafi. (Genesi 2:7; Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4) Kupfurikidza nokutongera mbudzi ku“mwoto usingaperi,” Mutongi anoreva ruparadziko rusina tariro yenguva yemberi, urwo ruchavawo mugumo wechigarire waDhiyabhorosi namadhimoni ake. (Zvakazarurwa 20:10, 14) Nokudaro, Mutongi waJehovha anosiyanisa. Anoudza makwai, kuti “Uyai”; mbudzi, “Ibvai kwandiri.” Makwai achagara nhaka “upenyu husingaperi.” Mbudzi dzichagamuchira “kurohwa kusingaperi.”—Mateo 25:46.b

  • Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?
    Nharireyomurindi—1995 | October 15
    • 21 Chii, kunyanguvezvo, icho nzwisiso yokuwedzera yomufananidzo wamakwai nembudzi inoreva kwatiri? Eya, vanhu vari kutotora rutivi. Vamwe vari mu‘nzira yakapamhama inotungamirira kukuparadzwa,’ nepo vamwe vachiedza kurambira mu‘nzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu.’ (Mateo 7:13, 14) Asi nguva apo Jesu achazivisa rutongeso rwokupedzisira pamakwai nembudzi runoratidzirwa mumufananidzo ichiri mberi. Apo Mwanakomana womunhu anouya mubasa roMutongi, achawana kuti vaKristu vechokwadi vakawanda—chaizvoizvo “vazhinji-zhinji” vemakwai akazvitsaurira—vachakwanirisa kupfuura nomurutivi rwokupedzisira rwe“kutambudzika kukuru” ndokupinda munyika itsva. Kariro iyoyo inofanira kuva manyuko omufaro zvino. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Pane rumwe rutivi, nhamba huru inobva mu“marudzi ose” ichava yazvibvumikisa imene kuva yakafanana nembudzi dzakasindimara. Ivo “vachaenda kukurohwa kusingaperi.” Kusunungurwa kwakadini nokuda kwapasi!

  • Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?
    Nharireyomurindi—1995 | October 15
    • b El Evangelio de Mateo rinoti: “Upenyu husingagumi upenyu hwakakwana; mhesano yahwo chirango chakakwana. Chipauro chechiGiriki aionios hachirevi zvikurukuru urefu hwenguva, asi unaku. Chirango chakakwana rufu nokusingaperi.”—Purofesa akarega basa Juan Mateos (Pontifical Biblical Institute, Rome) naPurofesa Fernando Camacho (Theological Center, Seville), Madrid, Spain, 1981.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe