CHIDZIDZO 15
Jesu Ndiani?
Jesu ndemumwe wevanhu vakakurumbira chaizvo vakararama panyika. Asi vakawanda vanongogumira pakuziva zita rake chete, vasingazivi zvakawanda nezvake, uye vanotaura zvakasiyana-siyana nezvekuti anombova ani. Bhaibheri rinotii nezvake?
1. Jesu ndiani?
Jesu munhu wemweya, ane simba uye anogara kudenga. Ndiye akatanga kusikwa naJehovha Mwari, pasati pambosikwa zvimwe zvinhu zvese. Ndosaka achinzi “dangwe rezvisikwa zvese.” (VaKorose 1:15) Bhaibheri rinoti Jesu Mwanakomana waMwari “akaberekwa ari mumwe oga” nekuti ndiye chete akasikwa naJehovha pachake. (Johani 3:16) Jesu akashanda naBaba vake Jehovha, achivabatsira pakusika zvimwe zvinhu zvese. (Verengai Zvirevo 8:30.) Jehovha naJesu vane ushamwari hwakasimba. Jesu anonzi “Shoko” pakuti ndiye anotaura mashoko nemirayiro achimiririra Mwari.—Johani 1:14.
2. Jesu akauyirei panyika?
Makore angasvika 2 000 apfuura, Jehovha akashandisa mweya wake mutsvene kuita chishamiso chekubvisa Jesu kudenga achimuunza panyika. Akaita izvi paakaisa upenyu hwaJesu mudumbu remhandara yainzi Mariya. Izvi zvakaita kuti Jesu azvarwe semunhu wenyama. (Verengai Ruka 1:34, 35.) Jesu akauya panyika kuti azova Mesiya kana kuti Kristu ainge agara ataurwa kuti aizouya kuzoponesa vanhu.a Zvese zvakanga zvataurwa muBhaibheri nezvaMesiya zvakazadziswa pana Jesu, uye zvakabatsira vanhu kuziva kuti ndiye aiva “Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”—Mateu 16:16.
3. Iye zvino Jesu ari kupi?
Jesu paakafa, akamutswa aine muviri wemweya akabva adzokera kudenga. Ava ikoko, “Mwari akamukwidziridza pachinzvimbo chepamusoro.” (VaFiripi 2:9) Saka iye zvino Jesu ane chinzvimbo chakakwirira zvekuti Jehovha chete ndiye ari pamusoro pake.
WEDZERA KUONGORORA
Dzidza zvimwe nezvaJesu, uye ona kuti nei kumuziva kuchikosha.
4. Jesu haasi iye Mwari Wemasimbaose
Bhaibheri rinodzidzisa kuti kunyange zvazvo Jesu aine simba kupfuura zvimwe zvisikwa zviri kudenga, anozviisa pasi paMwari wake uye Baba vake, Jehovha. Nei tichidaro? Ngationei VHIDHIYO kuti tinzwe zvinotaura Bhaibheri nezvekusiyana kwakaita Jesu naMwari Wemasimbaose.
Mavhesi anotevera achatibatsira kuona kuti Jesu ndiani kana achienzaniswa naJehovha. Verengai mavhesi acho, mobva mapindura mibvunzo iri pasi pacho.
Verengai Ruka 1:30-32.
Ngirozi yakatsanangura kuti Jesu aiva ani kuna Jehovha Mwari “Wekumusorosoro”?
Verengai Mateu 3:16, 17.
Pakabhabhatidzwa Jesu inzwi rakabva kudenga rakati chii?
Unofunga kuti raiva inzwi raani?
Verengai Johani 14:28.
Ndiani mukuru uye ane simba rekuudza mumwe zvekuita, baba kana kuti mwanakomana?
Jesu airevei paakati Jehovha ndiBaba vake?
Verengai Johani 12:49.
Jesu anofunga kuti akaenzana naBaba vake here? Ko iwe unoti kudii?
5. Jesu ndiye aiva Mesiya
Bhaibheri rine uprofita hwakawanda hwakabatsira vanhu kuziva Mesiya, munhu akanga asarudzwa naMwari kuti aizoponesa vanhu. Ngationei VHIDHIYO inotaura nezvehumwe uprofita hwakazadziswa pana Jesu paaiva panyika.
Verengai uprofita huri mumavhesi aya, mobva mapindura mibvunzo iri pasi pacho:
Verengai Mika 5:2 inotaura kwaizoberekerwa Mesiya.b
Uprofita uhwu hwakazadziswa sei pakaberekwa Jesu?—Mateu 2:1.
Verengai Pisarema 34:20 uye Zekariya 12:10 muone uprofita hunotaura nezvemafiro aizoita Mesiya.
Uprofita uhwu hwakazadziswa here?—Johani 19:33-37.
Jesu akaita zvekuronga here kuti uprofita uhwu huzadziswe paari?
Zvakaitika zvinoratidzei nezvaJesu?
6. Kudzidza nezvaJesu kunotibatsira
Bhaibheri rinoratidza kuti zvakakosha kuti tidzidze nezvaJesu uye basa rake. Verengai Johani 14:6 uye 17:3, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Nei zvakakosha kuti tidzidze nezvaJesu?
VAMWE VANOTI: “Zvapupu zvaJehovha hazvitendi muna Jesu.”
Ungavapindura sei?
PFUPISO
Jesu munhu wemweya ane simba. Ndiye Mwanakomana waMwari uye Mesiya.
Kudzokorora
Nei Jesu achinzi “dangwe rezvisikwa zvese”?
Asati auya panyika, Jesu aiitei kudenga?
Tinoziva sei kuti Jesu ndiye Mesiya?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Dzidza kuti tinoziva sei kuti Jesu ndiye Mesiya.
“Jesu Ndiye Mesiya Anotaurwa Muuprofita Here?” (Nyaya iri paIndaneti)
Verenga uone kana Bhaibheri richidzidzisa zvinotaurwa nevamwe kuti Jehovha akabereka Jesu semaberekero anongoita vanhu vana vavo.
“Nei Jesu Achinzi Mwanakomana waMwari?” (Nyaya iri paIndaneti)
Verenga unzwe kuti Bhaibheri rinotii nezvedzidziso yekuti Mwari Utatu.
Verenga nezvekuchinja kwakaita upenyu hwemumwe mukadzi paakaongorora zvinotaurwa neBhaibheri nezvaJesu.
“A Jewish Woman Explains Why She Reexamined Her Faith” (Awake!, May 2013)
a Muchidzidzo 26 ne27 tichadzidza kuti nei tichida kuponeswa uye kuti Jesu anotiponesa sei.
b Ona Mamwe Mashoko 2 kuti uone uprofita hunoratidza kuti Mesiya aizooneka riini panyika.