-
Dzidziso dzechiKristu Dzinobatsira Sei Magariro Evanhu?Nharireyomurindi—2012 | May 1
-
-
Kuteerera murayiro waJesu ‘wokuita vadzidzi’ kunoenderana nezvaakarayira zvokuita somunyu panyika uye serambi renyika. (Mateu 5:13, 14) Zvinoenderana papi? Uye basa iroro ringabatsira sei vanhu?
-
-
Dzidziso dzechiKristu Dzinobatsira Sei Magariro Evanhu?Nharireyomurindi—2012 | May 1
-
-
Zvakadini nedimikira rechiedza? Kuti mwedzi upenye unotoda kuteyiwa nechiedza chezuva. Saizvozvowo vateveri vaKristu vanoratidza “chiedza” chinobva kuna Jehovha Mwari. Vanochiratidza nemashoko avanoparidza uye mabasa avo akanaka.—1 Petro 2:12.
Jesu akaratidzazve kuti kuva chiedza nokuva mudzidzi wake zvakafanana paakati: “Vanhu havabatidzi rambi voriisa pasi pedengu rokuyeresa, asi pamusoro pechigadziko cherambi, uye rinovhenekera vose vari mumba macho. Saizvozvowo chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu.” Rambi rinonyatsovheneka zvinoonekwa nevanhu vose kana rakaiswa pamusoro pechigadziko. Saizvozvowo basa rokuparidzira nemamwe mabasa akanaka anoitwa nevaKristu zvinofanira kunyatsoonekwa nevanhu. Nemhaka yei? Jesu akati vaya vanoona mabasa iwayo akanaka vachapa mbiri kuna Mwari, kwete kuvaKristu vacho.—Mateu 5:14-16.
Basa Rinofanira Kuitwa Nomunhu Wose
Jesu paakati, “Imi muri chiedza chenyika” uye “chiedza chenyu ngachivheneke,” akanga achitaurira vadzidzi vake vose. Basa rakataurwa naJesu iri harigoni kungoitwa nevanhu vashomanana vanenge vari muzvitendero zvakasiyana-siyana. Asi vatendi vose vanofanira kuva “chiedza.” Zvapupu zvaJehovha zvinosvika mamiriyoni 7 zviri munyika dzinopfuura 235, zvinobvuma kuti ibasa romunhu mumwe nomumwe ari musangano razvo kushanyira vavakidzani kuti avaudze mashoko avakanzi naKristu vazivise.
-