Upenyu hwaJesu Noushumiri
Pamberi peSanihedrini, Ipapo Kuna Pirato
USIKU hwava kuswedera kumugumo. Petro aramba Jesu kwenguva yechitatu, uye mitezo yeSanihedrini yapedza nokutonga kwayo kwokunyomba uye yapararira. Zvisinei, ivo vanosangana zvakare Chishanu mangwanani nokukurumidza apo kunoedza, nguva ino paHoro yavo yeSanihedrini. Donzo ravo sezvingabvira kupa chitarisiko chapamutemo kukutonga kwousiku. Apo Jesu anounzwa pamberi pavo, ivo vanoti, sezvavakaita mukati mousiku: “Kana uri Kristu, utiudze.”
“Kana ndikakuudzai, hamungatendi,” Jesu anopindura kudaro. “Kana ndikakubvunzai, hamungandipinduri.” Zvisinei, Jesu anonongedzera noushingi kuzivikanwo yake, achiti: “Asi kubva zvino Mwanakomana womunhu uchagara kurudyi rwesimba raMwari.”
“Uri Mwanakomana waMwari kanhi?” ivo vose vanoda kuziva.
“Mareva kuti ndini iye,” Jesu anopindura kudaro.
Nokuda kwaava varume vane donzo rokuda kuuraya, iyi mhinduro yakakwana. Ivo vanoirangarira kuva kutuka Mwari. “Tichatsvakireiko chapupu?” ivo vanobvunza kudaro. “Nokuti tazvinzwira timene pamuromo wake.” Naizvozvo vanosunga Jesu, uye vanomuendesa, vanomugamuchidza kuna gavhuna weRoma Pontio Pirato.
Judhasi, mushambadzi waJesu, ave achicherechedza zvinoitika. Apo iye anoona kuti Jesu ashurikidzwa, anonzwa urombo. Naizvozvo anoenda kuvaprista vakuru navarume vakuru kuzodzorera zvidimbu 30 zvesirivha, achitsanangura, kuti: “Ndatadza, ndapandukira ropa risine mhosva.”
“Tine mhaka yeiko nazvo? Imhaka yako!” ivo vanopindura kudaro noutsinye. Naizvozvo Judhasi anokandira zvidimbu zvesirivha mutembere uye anoenda uye anoedza kuzvisungirira amene. Zvisinei, bazu apo Judhasi anosungira tambo sezviri pachena rinopazuka, uye mutumbi wake unorovera pamabwe ari pasi, apo unoparuka.
Vaprista vakuru havana chokwadi nezvokuita nezvidimbu zvesirivha. “Hazvina kufanira kuti tiaise muchivigiro chemari,” ivo vanogumisa kudaro, “zvauri mutengo weropa.” Naizvozvo, pashure pokurangana pamwe chete, vanotenga nemari yacho munda womuumbi wehari kuti vavige vaenzi. Munda wacho nokudaro unosvika pakunzi “Munda weRopa.”
Achiri mangwanani-ngwanani apo Jesu anoendeswa kumba yagavhuna. Asi vaJudha vamuperekedza vanoramba kupinda nemhaka yokuti vanodavira kuti kuva pedyo kwakadaro naVamarudzi kuchavasvibisa. Naizvozvo kuvagamuchira, Pirato anobuda. “Munoti, munhu uyu ane mhosva yeiko?” iye anobvunza kudaro.
“Dai munhu uyu aisava mutadzi, tingadai tisina kumuisa kwamuri,” vanopindura kudaro.
Achishuva kudzivisa kubatanidzwa, Pirato anopindura, achiti: “Chimutorai imi, mumutonge nomurairo wenyu.”
Vachizivisa donzo ravo rokuuraya, vaJudha vanoti: “Hatina kutenderwa kuti isu tiuraye munhu.” Zvamazvirokwazvo, kudai ivo vakauraya Jesu mukati moMutambo wePaseka, sezvingabvira kwaizoparira nyongano yavanhu, sezvo vazhinjivachiremekedza Jesu zvikuru. Asi kana ivo vakagona kuita kuti vaRoma vamuuraye papomero yezvamatongerwe enyika, ikoku kuchavabvisira mutoro pamberi pavanhu.
Naizvozvo vatungamiriri vorudzidziso, vasingadudzi kutonga kwavo kwapamberi pezvi mukati mako vakashurikidza Jesu nokuda kwokutuka, zvino vanopa pomero dzenhema dzakasiana-siana. Ivo vanoita pomero yamativi matatu: “Takawana munhu uyu [1] achitsausa rudzi rwedu, [2] achivadzivisa kuti varege kuvigira Kesari mutero; [3] uye achizviidza Kristu mambo.”
Ndiyo pomero yokuti Jesu anotaura kuva mambo iyo inonetsa Pirato. Iye, naizvozvo, anopinda zvakare mumba mamambo, anodanira Jesu kwaari, uye anobvunza, kuti: “Ko uri mambo wavaJudha here?” Namamwe mashoko, wakapunza mutemo kupfurikidza nokuzvizivisa umene kuva mambo mukushora Kesari here?
Jesu anoda kuziva kuti Pirato akatonzwa zvakawanda sei pamusoro pake, naizvozvo anobvunza, kuti: “Unozvirevera izvi pachako here, kana wazviudzwa navamwe pamusoro pangu?”
Pirato anotaura kusamuziva uye anoshuva kudzidza maidi. “Ini ndiri muJudhasu?” iye anopindura kudaro. “Rudzi rwako navaprista vakuru vakakuisa kwandiri; waiteiko?”
Jesu haamboedza kunzvenga nhau yacho, iyo iri youmambo. Mhinduro iyo Jesu zvino anopa pasina panikiro inoshamisa Pirato. Ruka 22:66–23:3; Mateo 27:1-11; Marko 15:1; Johane 18:28-35; Mabasa 1:16-20.
◆ Sanihedrini inosangana zvakare mumangwanani nokuda kwedonzoi?
◆ Judhasi anofa sei, uye chii chinoitwa nezvidimbu 30 zvesirivha?
◆ Neiko vaJudha vachida kuti vaRoma vauraye Jesu, panzvimbo pokumuuraya ivo vamene sezvavakanga vaedza kuita panhambo dzapamberi pezvi?
◆ Ipomeroi idzo vaJudha vanoitira Jesu?