Upenyu hwaJesu Noushumiri
Marwadzo Padanda
PAMWE chete naJesu makororo maviri ari kubudiswa kundourawa. Kusiri kure neguta, kufamba kunomira panzvimbo inonzi Gorgota, kana kuti Nzvimbo yeDehenya.
Vasungwa vanobviswa nguvo dzavo. Ipapo waini yakavhenganiswa nemura inogoverwa. Sezviri pachena inogadzirwa navakadzi veJerusarema, uye vaRoma havanyimi ichi chikamu chinonyaradza marwadzo kuavo vari kurovererwa. Zvisinei, apo Jesu anochiravidza, anoramba kunwa. Neiko? Sezviri pachena anoda kuva namano ake ose akazara mukati mouyu muedzo mukurusa wokutenda kwake.
Jesu zvino atambanudzirwa padanda maoko ake akaiswa pamusoro pomusoro wake. Varwi ipapo vanoroverera zvipikiri zvihombe mumaoko ake nomutsoka dzake. Iye anomonyoroka namarwadzo sezvo zvipikiri zvinobaya nyama netsinga. Apo danda rinomiswa, marwadzo anorwadza zvikuru, nokuti uremu hwomuviri hunobvarura pamaronda ezvipikiri. Bva, panzvimbo pokutyisidzira, Jesu anonyengeterera varwi veRoma, kuti: “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.”
Pirato anoita kuti chiratidzo chiiswe padanda chinorava, kuti: “Jesu weNazareta, Mambo wavaJudha.” Sezviri pachena, iye anonyora ichochi kwete bedzi nemhaka yokuti anoremekedza Jesu asi nemhaka yokuti anosema vaprista vechiJudha nokuda kwokuva kwavo vakatora nechisimba tongero yorufu rwaJesu kwaari. Kuti vose vagorava chiratidzo, Pirato anoita kuti chinyorwe mumitauro mitatu—muchiHebheru, muchiRatini chehurumende, uye muchiGiriki chavose.
Vaprista vakuru, kubatanidza Kayafasi naAnasi, vanoshamiswa. Iyi ziviso yakananga inoshatisa nguva yavo yorukundo. Naizvozvo vanoramba, vachiti: “Musanyora muchiti: ‘Mambo wavaJudha,’ asi kuti, iye wakati: ‘Ndiri Mambo wavaJudha.’” Achitambudzika pakuva akabatira somudzorwi wavaprista, Pirato anopindura ruzvidzo rwakasimba, kuti: “Zvandanyora ndanyora.”
Vaprista, pamwe chete neboka guru, zvino vanoungana panzvimbo yokuuraira, uye vaprista vanoedza kuramba chipupuriro chechiratidzo. Ivo vanodzokorora chipupuriro chenhema chakapiwa pamberi pezvi pakutonga kweSanihedrini. Nenzira isingashamisi, naizvozvo, vapfuuri vanovamba kutuka, vachidzungudza misoro yavo nokunyomba uye vachiti: “Iwe, wokuputsa tembere, nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa iwe, uburuke pa[danda rokutambudzira, NW]!”
“Wakaponesa vamwe, zvino haagoni kuzviponesa!” vaprista vakuru neshamwari dzavo dzorudzidziso dzinopindira. “Ndiye Mambo wavaIsraeri; ngaaburuke zvino pa[danda rokutambudzira, NW] titende kwaari. Waivimba naMwari; ngaachimusunungura zvino kana achimuda, nokuti wakati: ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’”
Vabatwa mumudzimu wacho, varwi vanokumbanirawo mukuseka Jesu. Ivo nenzira yokunyomba vanopa Jesu waini inovava, sezviri pachena vachiiisa pamiromo yake chaipo yaoma. “Kana uri mambo wavaJudha,” ivo vanonyomba, “zviponese.” Kunyange makororo—rimwe rakarovererwa kurudyi rwaJesu, uye rimwe racho kuruboshwe rwake—anomunyomba. Funga nezvako! Munhu mukurusa ati amborarama, hungu, uyo akagoverana naJehovha Mwari mukusika zvinhu zvose, anotambura zvikuru uku kunyomba kwose!
Varwi vanotora nguvo dzokunze dzaJesu uye vanodzikamuranisa kuva mativi mana. Ivo vanokanda mijenya kuona kuti izvozvi zvichava zvaani. Nguvo yomukati, zvisinei, haina mupendero, ichiva younaku hukuru. Naizvozvo varwi vanoti kune mumwe nomumwe: “Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo tione kuti ichava yaani.” Nokudaro, vasingazivi, vanozadzika rugwaro runoti: “Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu.”
Pashure penguva yakati, mumwe wamakororo anosvika pakunzwisisa kuti Jesu zvirokwazvo anofanira kuva mambo. Naizvozvo, achituka shamwari yake, iye anoti: “Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kumwe naye? Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.” Ipapo anotaura kuna Jesu, achikumbira kuti: “Ndiyeukei apo munopinda muumambo hwenyu.”—NW.
“Zvirokwazvo ndinokuudza nhasi,” Jesu anopindura, “Iwe uchava neni muParadhiso.” Ichi chipikirwa chichazadzikwa apo Jesu anotonga saMambo mudenga uye anomutsa uyu muiti wezvakaipa anopfidza kuupenyu pasi pano muParadhiso iyo vapukunyuki veArmagedhoni neshamwari dzavo vachava neropafadzo yokurima. Mateo 27:33-44; Marko 15:22-32; Ruka 23:27, 32-43; Johane 19:17-24.
◆ Neiko Jesu achiramba kunwa waini yakavhenganiswa nemura?
◆ Neiko, sezviri pachena, chiratidzo chichiiswa padanda raJesu, uye ndiimwe tsinhanoi yachinotanga pakati paPirato navaprista vakuru?
◆ Ndikumwe kunyombai uko Jesu anogamuchira padanda, uye chii sezviri pachena chinokusunda?
◆ Uporofita hunozadzikwa sei muchinoitwa nenguvo dzaJesu?
◆ Ichinjoi inoita mumwe wamakororo, uye Jesu achazadzika sei chikumbiro chake?