RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ‘Endai Munoita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi’
    Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2020 | January
    • 1-2. Ngirozi yakaudza vakadzi vaiva paguva raJesu kutii, uye Jesu akavaudza kuti vaitei?

      WAIVA musi waNisani 16, 33 C.E., uye akanga achiri mangwanani-ngwanani. Vamwe vakadzi vaitya Mwari vairwadziwa chaizvo uye vakaenda kuguva kwainge kwavigwa mutumbi waIshe Jesu Kristu marimwezuro acho. Pavakasvika paguva vachida kuzora zvinonhuwirira pamutumbi wake, vakashamiswa nekuti vakaona mutumbi wacho usisimo! Ngirozi yakabva yavaudza kuti Jesu akanga amutswa uye yakawedzera kuti: “Ari kutofanotungamira kuGarireya. Muchanomuona ikoko.”—Mat. 28:1-7; Ruka 23:56; 24:10.

  • ‘Endai Munoita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi’
    Nharireyomurindi (Yekudzidza)—2020 | January
    • 4 Jesu anoda kuti vateveri vake vese vaparidze. Murayiro uyu haana kungoupa vaapostora 11 vakatendeka chete. Tingava sei nechokwadi nazvo? Vaapostora havasi ivo vega vaiva pagomo iroro remuGarireya pakapiwa murayiro wekuita kuti vanhu vave vadzidzi. Yeuka kuti ngirozi yakaudza vakadzi vaya kuti: “Muchanomuona [kuGarireya].” Saka vakadzi vakatendeka vanofanira kunge vaivapowo pamusangano iwoyo. Asi havasi ivo vega vaivapo. Muapostora Pauro akataura kuti Jesu akazviratidza “kuhama dzinopfuura 500 dzakaungana pamwe chete.” (1 VaK. 15:6) Vainge vakaungana kupi?

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe