-
Mashoko Akanaka Ari Kuparidzwa Sei?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
CHIDZIDZO 21
Mashoko Akanaka Ari Kuparidzwa Sei?
Munguva pfupi iri kutevera, Jehovha achabvisa matambudziko edu ese achishandisa Umambo hwake. Hatingambotadza kuudza vamwe mashoko akadaro. Jesu aida kuti vateveri vake vazoudza munhu wese mashoko aya. (Mateu 28:19, 20) Zvapupu zvaJehovha zviri kuteerera sei murayiro uyu wakapiwa naJesu?
1. Mateu 24:14 iri kuzadziswa sei mazuva ano?
Jesu akataura kuti: “Mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese.” (Mateu 24:14) Zvapupu zvaJehovha zvinoita basa iri rinokosha nemufaro. Tiri kuparidza mashoko akanaka pasi rese mumitauro inopfuura 1 000! Basa rakakura zvakadaro rinotoda kushanda nesimba uye kunyatsorongeka. Kudai pasina rubatsiro rwatinopiwa naJehovha taisamborikwanisa.
2. Tinoitei kuti tikwanise kuparidzira vanhu?
Tinoparidza kwese kunowanikwa vanhu. Tinoparidza “paimba neimba” sezvaingoitwa pakatanga chiKristu. (Mabasa 5:42) Nzira iyi yakarongeka inoita kuti tikwanise kutaura nemamiriyoni evanhu gore negore. Sezvo vanhu vasingagari vari padzimba dzavo, tinoparidzawo munzvimbo dzakasiyana-siyana dzinowanika vanhu. Tinogara tichitsvaga mikana yekuudza vamwe nezvaJehovha nezvinangwa zvake.
3. Kuparidza mashoko akanaka ibasa raani?
Ushumiri, kana kuti kuparidza mashoko akanaka, ibasa remuKristu wese wechokwadi. Tinoita basa iri nemwoyo wese. Tinoita zvese zvatinogona kuti tiparidze, maererano nemamiriro edu ezvinhu, nekuti tinoziva kuti zvinoponesa vanhu. (Verengai 1 Timoti 4:16.) Hatibhadharwe kuti tiite basa iri nekuti Bhaibheri rinoti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:7, 8) Havasi vese vanoteerera mashoko edu. Asi tinoramba tichiparidza nekuti ndiko kunamata kwedu uye Jehovha anofara nazvo.
WEDZERA KUONGORORA
Dzidza zvimwe zvinoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoshanda nesimba pakuparidza pasi rese uye kuti Jehovha anotibatsira sei pabasa iri.
Kuparidza pasi rese: (A) Costa Rica, (B) United States, (C) Benin, (D) Thailand, (E) Yap, (F) Sweden
4. Tinoshanda nesimba kuti tisvitse mashoko akanaka kuvanhu vese
Tinoita zvese zvatinogona kuti tiparidze mashoko akanaka kwese kwese. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:
Unoona sei zvinoedza kuitwa neZvapupu zvaJehovha kuti zviparidzire vamwe?
Verengai Mateu 22:39 uye VaRoma 10:13-15, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Ushumiri hwedu hunoratidza sei kuti tinoda vavakidzani vedu?
Jehovha anoona sei vanhu vanoparidza mashoko akanaka?—Ona vhesi 15.
5. Tinoshanda pamwe chete naMwari
Imwe nyaya inoratidza kuti ichocho ichokwadi yakaitika kuNew Zealand, uko mumwe murume anonzi Paul akasangana nemumwe mukadzi paaiparidza paimba neimba. Mangwanani emusi iwoyo mukadzi iyeye akanga anyengetera kuna Mwari achishandisa zita rake rekuti Jehovha, achikumbira kuti mumwe munhu amushanyire. Paul akati, “Ndakasvika pamba pake pachangopfuura maawa matatu kubva paakanyengetera.”
Verengai 1 VaKorinde 3:9, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Nyaya dzakadai seyakaitika kuNew Zealand dzinoratidza sei kuti Jehovha ndiye ari kutungamirira pabasa rekuparidza?
Verengai Mabasa 1:8, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Nei tichitoda kubatsirwa naJehovha kuti basa redu rekuparidza ribudirire?
Waizviziva here?
Vhiki rega rega pane musangano watinoita pakati pevhiki patinodzidziswa kuita basa rekuparidza. Kana wakambopinda musangano uyu, wakaona sei madzidzisirwo atinoitwa basa iri?
6. Tinoteerera murayiro watakapiwa naMwari wekuti tiparidze
Makore akatanga chiKristu, vavengi vakaedza kumisa basa rekuparidza raiitwa nevateveri vaJesu. VaKristu vakarwira kodzero yavo yekuparidza “mashoko akanaka nekushandisa mutemo kuita kuti asarambidzwa.” (VaFiripi 1:7) Ndizvo zvinoitwawo neZvapupu zvaJehovha.a
Verengai Mabasa 5:27-42, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
MUMWE MUNHU ANOGONA KUBVUNZA KUTI: “Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiparidza paimba neimba?”
Ungamupindura sei?
PFUPISO
Jesu akarayira vateveri vake kuti vaparidze mashoko akanaka kuvanhu vemarudzi ese. Jehovha ari kubatsira vanhu vake kuti vaite basa iri.
Kudzokorora
Mashoko akanaka ari kuparidzwa sei pasi rese?
Ushumiri hwedu hunoratidza sei kuti tinoda vavakidzani vedu?
Unofunga kuti basa rekuparidza rinonakidza here? Nei uchidaro?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Ona kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoparidza sei mumaguta akakura.
Zvapupu zvaJehovha zvinoita sei kuti zviparidzire vapoteri?
Inzwa mumwe mukadzi achitaura kuti ari kunzwa sei nebasa rake semumishinari.
Verenga nezvedzimwe nyaya dzemumatare dzakabatsira kuti basa rekuparidza rirambe richifambira mberi.
“Vaparidzi voUmambo Vanoendesa Nyaya Dzavo Kumatare” (Umambo hwaMwari Huri Kutonga!, chitsauko 13)
a Mwari ndiye akatuma Zvapupu zvaJehovha kuti zviparidze. Saka hazvimiriri kupiwa mvumo nehurumende kuti zviite basa racho.
-
-
Kubhabhatidzwa Idanho RinokoshaRarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
CHIDZIDZO 23
Kubhabhatidzwa Idanho Rinokosha
Jesu akadzidzisa kuti vaKristu vanofanira kubhabhatidzwa. (Verengai Mateu 28:19, 20.) Asi chii chinonzi kubhabhatidzwa? Munhu anofanira kuita sei kuti atore danho iroro?
1. Chii chinonzi kubhabhatidzwa?
Shoko rekuti “bhabhatidza” rinobva pashoko rechiGiriki rinoreva kuti “kunyudza” mumvura. Jesu paakabhabhatidzwa, akanyudzwa mumvura muRwizi rwaJodhani, akabva ‘abuda mumvura.’ (Mako 1:9, 10) Saka vaKristu vechokwadi vanobhabhatidzwa vachiita zvekunyudzwa muviri wese mumvura.
2. Munhu paanobhabhatidzwa anenge achiratidzei?
Kana munhu achibhabhatidzwa, anenge achiratidza kuti akazvitsaurira kuna Jehovha Mwari. Munhu anozvitsaurira sei? Asati abhabhatidzwa, munhu anonyengetera ari ega achiudza Jehovha Mwari kuti azvipira kumunamata nekusingaperi. Anovimbisa Jehovha kuti achanamata iye chete uye kuti achakoshesa kuda kwaMwari kupfuura zvimwe zvese muupenyu hwake. Anosarudza ‘kuzviramba, oramba achitevera’ Jesu uye kuita zvaakadzidzisa. (Mateu 16:24) Kuzvitsaurira kwake uye kubhabhatidzwa zvinoita kuti akwanise kuva neushamwari hwepedyo naJehovha nevamwe vaanonamata navo.
3. Munhu angaita sei kuti azokwanisa kubhabhatidzwa?
Unogona kugadzirira kubhabhatidzwa nekutanga wadzidza nezvaJehovha, wotanga kutenda maari. (Verengai VaHebheru 11:6.) Ruzivo rwako parunenge rwuchiwedzera uye kutenda kwako kuchikura, kuda kwaunoita Jehovha kunowedzerawo. Uchatanga kuva nechido chekuparidza nezvake nemitemo yake. (2 Timoti 4:2; 1 Johani 5:3) Kana munhu angotanga kurarama “zvinokodzerana nezita raJehovha,” achinyatsomufadza, anogona kusarudza kutsaurira upenyu hwake kuna Mwari obva abhabhatidzwa.—VaKorose 1:9, 10.a
WEDZERA KUONGORORA
Ona kuti tingadzidzei pakubhabhatidzwa kwakaitwa Jesu uye kuti munhu angagadzirira sei danho iri rinokosha.
4. Tinogona kudzidza pakubhabhatidzwa kwakaitwa Jesu
Verengai Mateu 3:13-17 munzwe zvakawanda nezvekubhabhatidzwa kwaJesu, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
Jesu akabhabhatidzwa achiri mucheche here?
Akabhabhatidzwa sei? Akangoita zvekumwayiwa mvura here?
Jesu akatanga basa rinokosha raakapiwa pasi pano naMwari paakabhabhatidzwa. Verengai Ruka 3:21-23 uye Johani 6:38, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Jesu paakabhabhatidzwa, ibasa ripi raakatanga kuisa pekutanga muupenyu hwake?
5. Kubhabhatidzwa idanho rinokwanisika
Vamwe pavanonzwa mashoko ekuti kuzvitsaurira nekubhabhatidzwa vanobva vatya zvisingaite. Asi unogona kusvika pakuva nechivimbo chekuti unokwanisa kutora danho iroro rinokosha. Kuti tione vamwe vanhu vakaita izvozvo, ngationei VHIDHIYO.
Verengai Johani 17:3 uye Jakobho 1:5, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Munhu angaite sei kuti agadzirire kubhabhatidzwa?
Kuzvitsaurira kuudza Jehovha kuti tazvipira kumunamata nekusingaperi
Patinobhabhatidzwa, tinenge tichiratidza vamwe varipo kuti takazvitsaurira kuna Mwari
6. Kubhabhatidzwa kunoita kuti uve mumhuri yaJehovha
Patinobhabhatidzwa tinenge tava mumhuri iri pasi rese ine vanhu vakabatana. Tinotenda zvinhu zvakafanana uye tinotevedzera mitemo yekuzvibata yakafanana, pasinei nekuti tinogara kupi kana kuti tinobva kupi. Verengai Pisarema 25:14 uye 1 Petro 2:17, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Kana munhu abhabhatidzwa anenge ava neushamwari hwakaita sei naJehovha uye nevamwe vaanonamata navo?
VAMWE VANOTI: “Handisati ndava kukwanisa kubhabhatidzwa.”
Kana ariwo maonero aunoita, unofunga kuti zvinokosha here kuti uronge kuzobhabhatidzwa?
PFUPISO
Jesu akadzidzisa kuti vaKristu vanofanira kubhabhatidzwa. Kuti munhu akwanise kutora danho iroro, anofanira kuva nekutenda kwakasimba muna Jehovha, kurarama maererano nemitemo yake yekuzvibata, uye kutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha.
Kudzokorora
Chii chinonzi kubhabhatidzwa, uye nei kuchikosha?
Kuzvitsaurira kunobatana papi nekubhabhatidzwa?
Matanho api anofanira kutorwa nemunhu kuti azozvitsaurira uye azobhabhatidzwa?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Verenga unzwe zvinonyatsorehwa nekubhabhatidzwa uye zvakusingarevi.
Ona zvingaitwa nemunhu kuti azokwanisa kubhabhatidzwa.
“Kuda Jehovha Kunoita Kuti Ubhabhatidzwe” (Nharireyomurindi, March 2020)
Verenga uone kuti chii chakaita kuti mumwe murume ade kubhabhatidzwa.
“Vaida Kuti Ndizvionere Ndoga Zvinodzidziswa neBhaibheri” (Nharireyomurindi, February 1, 2013)
Ongorora zvimwe zvikonzero zvinoratidza kuti kubhabhatidzwa kunokosha uye kuti ungagadzirire sei kuti utore danho racho.
a Kana munhu akambobhabhatidzwa kune imwe chechi, anofanira kubhabhatidzwa zvakare. Nei zvakadaro? Nekuti chechi iyoyo yakanga isingadzidzise chokwadi chiri muBhaibheri.—Ona Mabasa 19:1-5 uye Chidzidzo 13.
-