Ganhuro 3
Zvapupu zvechiKristu zvaJehovha Muzana Rokutanga Ramakore
“IMI muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kuresa rwapasi.” (Mabasa 1:8, NW) Namashoko iwayo eonekano, Jesu akatuma vadzidzi vake kuti vave zvapupu. Asi zvapupu zvaaniko? “Zvapupu zvangu,” akadaro Jesu. Aya mashoko anoreva here kuti ivo vaisazofanira kuva zvapupu zvaJehovha? Nyangwe napaduku zvapo!
Chaizvoizvo, vadzidzi vaJesu vakapiwa ropafadzo isingaenzanisirwi—iya yokuva zvapupu zvavose vari vaviri Jehovha naJesu. SavaJudha vakatendeka, vadzidzi vapakuvamba vaJesu vaitova zvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10-12) Asi zvino vaifanira kupupurawo pamusoro pebasa rinokosha raJesu mukutsvenesa zita raJehovha kupfurikidza noUmambo Hwake hwouMesiya. Nokudaro kupupurira kwavo Jesu kwakanga kune chinangwa chembiri yaJehovha. (VaR. 16:25-27; VaF. 2:9-11) Vakapupura kuti Jehovha akanga asina kureva nhema, kuti pashure paanopfuura makore 4 000 iye pakupedzisira akanga amutsa Mesiya akanguve apikirwa, kana kuti Kristu!
Zvapupu zvechiKristu zvaJehovha muzana rokutanga ramakore zvakapiwawo mutoro wechienzi—uyo uri pavaKristu vechokwadi kusvikira kuzuva rino.
“Endai . . . Muite Vadzidzi”
Pashure porumuko rwaJesu muna vakafa, akaoneka kuna vadzidzi vake avo vakanga vaungana pagomo muGarirea. Ipapo, Jesu akaratidzira mutoro wavo, achiti: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana uye mudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai. Uye, tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira kumhedziso yetsika yezvinhu.” (Mat. 28:19, 20, NW) Rangarira chakanga chichibatanidzwa mune iri basa rinokosha.
“Endai,” akadaro Jesu. Asi kuna aniko? Ku“vanhu vamarudzi ose.” Uyu wakanga uri murayiro mutsva, waidenha zvikurukuru nokuda kwavatendi vechiJudha. (Enzanisa naMabasa 10:9-16, 28.) Zuva raJesu risati rasvika, Vamarudzi vaigamuchirwa apo ivo vaiuya kuna Israeri nemhaka yekufarira kunamata kwechokwadi. (1 Madz. 8:41-43) Pakuvamba zvikuru muushumiri hwake, Jesu akanga audza vaapostora kuti “mufambe, muparidze,” asi bedzi ku“makwai akarashika eimba yavaIsraeri.” (Mat. 10:1, 6, 7) Zvino kunyange zvazvo zvakadaro vakarayirwa kuenda kuvanhu vamarudzi ose. Nokuda kwechinangwaiko?
“Muite vadzidzi,” akarayira kudaro Jesu. Hungu, vadzidzi vake vakatumwa kuti vaite vadzidzi vavamwe. Ikoku kunobatanidzei? Mudzidzi ndiye anodzidza, anodzidziswa—kwete chete mufundi, zvisinei, asi muteveri. Mudzidziswa anogamuchira chiremera chaJesu kwete chete mukati kupfurikidza nokumudavira asi kunze kupfurikidza nokumuteerera. Maererano neTheological Dictionary of the New Testament, shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “mudzidzi” (ma·the·tesʹ) “rinoreva kuvapo kwebatano yomunhu iyo inoumba upenyu hwose hwouyo anorondedzerwa so[mudzidzi].”
“Muchivadzidzisa,” akawedzera kudaro Jesu, “kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” Kuti atange batano yomunhu naJesu, munhu anofanira kudzidziswa ku“chengeta zvinhu zvose” Kristu akarayira, kubatanidza nomurayiro wake wokuparidza “mashoko akanaka oumambo.” (Mat. 24:14, NW) Anogona kuva mudzidzi neiyi nzira bedzi mupfungwa yechokwadi yeshoko racho. Uye avo bedzi vanogamuchira kudzidzisa kwacho ndokuva vadzidzi vechokwadi vanobhapatidzwa.
“Ndinemi,” Jesu akavavimbisa kudaro, “mazuva ose kusvikira kumhedziso yetsika yezvinhu.” Kudzidzisa kwaJesu nguva dzose kunotsinhirana, hakutongovi kwechinyakare. Pahwaro ihwohwo, vaKristu kusvikira kuzuva rino rimene vane musengwa wokuita vamwe vadzidzi.
Nokudaro basa rinokosha rakaiswa pavateveri vaKristu, ndiko kuti, kuita basa rokuita vadzidzi pakati pamarudzi ose. Kuti vaite vadzidzi vaKristu, kunyange zvazvo zvakadaro, vaifanira kupupura pamusoro pezita raJehovha noUmambo, nokuti izvozvo ndizvo izvo Muenzaniso wavo, Jesu, akanga aita. (Ruka 4:43; Joh. 17:26) Avo vakagamuchira kudzidzisa kwaKristu ndokuva vadzidzi nokudaro vakava zvapupu zvechiKristu zvaJehovha. Kuva chapupu chaJehovha kwakanga kusati kuchasitongovazve nhau yokuberekwa—murudzi rwechiJudha—asi yechisarudzo. Avo vakava zvapupu vakaita kudaro nemhaka yokuti vaida Jehovha uye vaida zvapachokwadi kuzviisa pasi pokutonga kwake kwouchangamire.—1 Joh. 5:3.
Asi zvapupu zvechiKristu zvaJehovha muzana rokutanga ramakore zvakaita basa razvo rokubatira sezvapupu zvaMwari naKristu uye ku‘ita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose’ here?
“Kusvikira Kurutivi Ruri Kure Zvikurusa Rwapasi”
Nokukurumidza pashure pokupa vadzidzi vake basa ravo, Jesu akadzokera kuugaro hwokudenga hwaBaba vake. (Mabasa 1:9-11) Mazuva gumi gare gare, pazuva rePentekosta ya33 C.E., basa guru rokuita vadzidzi rakatanga. Jesu akadururira mudzimu mutsvene wakapikirwa pavadzidzi vake vakamirira. (Mabasa 2:1-4; enzanisa naRuka 24:49 naMabasa 1:4, 5.) Iwoyu wakavazadza norushingairo kuti vaparidze pamusoro paKristu akamutswa nokudzoka kwake kweramangwana aine simba roUmambo.
Maererano nemirayiridzo yaJesu, vadzidzi ivavo vomuzana rokutanga ramakore vakatanga kupupura kwavo pamusoro paMwari naKristu imomo chaimo muJerusarema. (Mabasa 1:8) Achitungamirira, paMutambo wePentekosta, muapostora Petro “akapupura kwazvo” kuzviuru zvavachengeti vechiJudha vakabva kumarudzi mazhinji. (Mabasa 2:5-11, 40) Nokukurumidza nhamba yavarume vaitenda voga yakanga iri vanenge 5 000. (Mabasa 4:4; 6:7) Gare gare, kuna vaSamaria, Firipo akazivisa “mashoko akanaka oumambo hwaMwari neezita raJesu Kristu.”—Mabasa 8:12, NW.
Asi kwakanga kune basa rakawanda zvikuru rainofanira kuitwa. Kutanga muna 36 C.E.; nokutendeuka kwaKornerio, waVamarudzi asina kudzingiswa, mashoko akanaka akavamba kupararira kuvanhu vaisava vechiJudha vamarudzi ose. (Mabasa ganh. 10) Kutaura idi, akapararira nokukurumidza kwazvo zvokuti pakasvika panenge pana 60 C.E., muapostora Pauro aigona kutaura kuti mashoko akanaka akanga ave “aparidzwa muchisiko chose chiri pasi pedenga.” (VaK. 1:23, NW) Nokudaro, pakasvika kupera kwezana rokutanga ramakore, vateveri vaJesu vakatendeka vakanga vaita vadzidzi muUmambo hweRoma hwose—muAsia, Europe, uye Africa!
Sezvo zvapupu zvechiKristu zvaJehovha muzana rokutanga ramakore zvakaita zvakawanda kwazvo munguva pfupi yakadaro, mubvunzo unomuka: Zvakanga zvakarongwa here? Kana zvakadaro, sei?
Kurongwa Kweungano yechiKristu
Kubvira munguva yaMosesi zvichienda mberi, rudzi rwechiJudha rwakanga rwuri munzvimbo yechienzi—rwakabatira seungano yaMwari. Ungano iyeyo yakanga yakarongwa zvikuru naMwari mukutungamirira kwavarume vakuru, misoro, vatongi, uye vakuru vakuru. (Josh. 23:1, 2) Asi rudzi rwechiJudha rwakarasikirwa nenzvimbo yakaropafadzwa nemhaka yokuti rwakaramba Mwanakomana waJehovha. (Mat. 21:42, 43; 23:37, 38; Mabasa 4:24-28) PaPentekosta ya33 C.E., ungano yechiKristu yaMwari yakatsiva ungano yaIsraeri.a Iyi ungano yechiKristu yakanga yakarongwa sei?
Nechekare pazuva rePentekosta, vadzidzi vakanga vachi“zvipa vamene kukudzidzisa kwavaapostora,” kuratidzira kuti vakavamba nechinzwano chakavakirwa pakudzidzisa. Kubvira pazuva irero rokutanga, vakaungana pamwe chete “nomwoyo mumwe.” (Mabasa 2:42, 46, NW) Sezvo basa rokuita vadzidzi rakapararira, ungano dzavatendi dzakavamba kuumbika, kutanga muJerusarema uye tevere kunze kweJerusarema. (Mabasa 8:1; 9:31; 11:19-21; 14:21-23) Wakanga uri muitiro wavo kuungana pamwe chete munzvimbo dzapachena pamwe chete nomumisha yavanhu.—Mabasa 19:8, 9; VaR. 16:3, 5; VaK. 4:15.
Chii chakadzivisa ungano yechiKristu yaikura kuva boka risingadzorwi reungano dzomunzvimbomo dzakazvimirira? Dzakanga dzakabatana mukutungamirira kwoMutungamiriri mumwe. Kubvira pamavambo, Jesu Kristu akanga ari Ishe akagadzwa uye Musoro weungano, uye iye aizivikanwa saakadaro neungano dzose. (Mabasa 2:34-36; VaEf. 1:22) Ari kumatenga, Kristu nomutoo wokushingaira akatungamirira zvinhu zveungano pasi pano. Seiko? Kupfurikidza nomudzimu mutsvene nengirozi, zvaakapiwa naJehovha kuti ashandise.—Mabasa 2:33; enzanisa naMabasa 5:19, 20; 8:26; 1 Pet. 3:22.
Kristu akanga ane chimwezve chinhu chokuti ashandise nokuda kwokuchengeta chinzwano cheungano yechiKristu—mutumbi unodzora unooneka. Pakutanga, mutumbi unodzora wakanga wakaumbwa navaapostora vakatendeka vaJesu. Gare gare, wakabatanidza vamwe varume vakuru veungano yeJerusarema pamwe chete nomuapostora Pauro, kunyange zvazvo aisagara muJerusarema. Ungano imwe neimwe yaiziva chiremera chouyu mutumbi wapakati wavarume vakuru uye yaivimba nawo nokuda kwenhungamiro apo nhau dzesangano kana kuti dzedzidziso dzaimuka. (Mabasa 2:42; 6:1-6; 8:14-17; 11:22; 15:1-31) Pakava nomugumisiroi? “Naizvozvo, zvirokwazvo, ungano dzakapfuurira kusimbiswa mukutenda uye kuwedzera munhamba zuva nezuva.”—Mabasa 16:4, 5, NW.
Mutumbi unodzora, uchitungamirirwa nomudzimu mutsvene, wakatarisira kugadzwa kwavatariri navabatsiri, vabatiri vanoshumira, kuti vatarisire ungano imwe neimwe. Ava vaiva varume vanosvitsa zvikwaniriso zvomudzimu zvaishanda muungano dzose, kwete mipimowo zvayo yakagadzwa munzvimbomo. (1 Tim. 3:1-13; Tito 1:5-9; 1 Pet. 5:1-3) Vatariri vaikurudzirwa kutevera Magwaro ndokuzviisa pasi pokutungamirira kwomudzimu mutsvene. (Mabasa 20:28; Tito 1:9) Vose vaiva muungano vaikurudzirwa kuti ‘vateerere avo vanotungamirira.’ (VaH. 13:17) Neiyi nzira chinzwano chaichengetwa musati muchingova bedzi mukati meungano imwe neimwe asi mukati meungano yechiKristu yose zvayo.
Kunyange zvazvo vamwe varume vaiva nenzvimbo dzaikosha, pakanga pasina mutsaukano wavafundisi navanhuwo zvavo pakati pezvapupu zvechiKristu zvaJehovha zvomuzana rokutanga ramakore. Vose vaiva hama; kwaingova noMutungamiriri mumwe bedzi, Kristu.—Mat. 23:8, 10.
Zvaizivikanwa Nomufambiro Mutsvene uye Rudo
Chipupuriro chezvapupu zvaJehovha zvomuzana rokutanga ramakore chakanga chisina kuganhurirwa ku“chibereko chemiromo.” (VaH. 13:15) Kuita vadzidzi kwakaumba upenyu hwose hwechapupu chechiKristu. Nokudaro, vaKristu ivavo havana kungozivisa bedzi zvitendero zvavo asi zvitendero zvavo zvakashandura upenyu hwavo. Vakapfekenura unhu hwekare nemiitiro yahwo inotadza uye vakaedza kuzvipfekedza vamene unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari. (VaK. 3:5-10) Vakanga vari vapachokwadi uye vakatendeka, pamwe chete nokushanda nesimba uye kuvimbika. (VaEf. 4:25, 28) Vakanga vakachena mutsika—utere hwakanga huchidziviswa nomutoo worumano. Ndozvaiitwawo udhakwa nokunamata zvidhori. (VaG. 5:19-21) Nokuda kwechikonzero chakanaka, ipapoka, chiKristu chakazivikanwa se“Nzira,” nzira kana kuti mararamire akavakirwa pakutenda Jesu, kusanotevera makwara ake.—Mabasa 9:1, 2; 1 Pet. 2:21, 22.
Vara rimwe, kunyange zvakadaro, rakatanhamara kupfuura mamwe ose—rudo. VaKristu vapakuvamba vakaratidzira kuitira hanya kworudo zvinodikanwa zvavatendi biyavo. (VaR. 15:26; VaG. 2:10) Vaidanana kwete saivo vamene asi kupfuura ivo vamene. (Enzanisa naVaFiripi 2:25-30.) Vaidisisa kunyange kufirana. Asi ikoku kwakanga kusingakatyamadzi. Ko Jesu akanga asingadisi kuvafira here? (Joh. 15:13; enzanisa naRuka 6:40.) Aigona kuudza vadzidzi vake, kuti: “Ndinokupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sezvo ini ndakakudai, kuti imiwo mudanane. Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu mumene.” (Joh. 13:34, 35, NW) Kristu akarayira kuti vateveri vake varatidze rudo rwokuzvibayira rwakadaro; uye uyu murayiro wakasanochengetwa navadzidzi vake vomuzana rokutanga ramakore.—Mat. 28:20.
“Hamusati Muri Rutivi Rwenyika”
Kuti vaite mutoro wavo wokuita vadzidzi uye kuti vave zvapupu zvaMwari naKristu, vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vaisagona kuzvibvumidza vamene kutsauswa nezvinhu zvenyika; vaifanira kupa basa ravo ngwariro yakafanira. Zvirokwazvo Jesu akanga aita kudaro. Kuna Pirato akati: “Umambo hwangu hausati huri rutivi rwenyika ino.” (Joh. 18:36, NW) Uye kuna vadzidzi vake akataura nomutoo wakajeka, kuti: “Imi hamusati muri rutivi rwenyika.” (Joh. 15:19, NW) SaJesu, ipapoka, vaKristu vapakuvamba vakaramba vakaparadzana nenyika; havana kubatanidzwa mune zvamatongerwe enyika kana kuti hondo. (Enzanisa naJohane 6:15.) Havana kubatwa nenzira dzenyika—kuronda kwayo kwokudisa zvinhu zvokunyama nokunyanyisa kwayo mumufaro.—Ruka 12:29-31; VaR. 12:2; 1 Pet. 4:3, 4.
Nemhaka yokuti zvakaramba zvakaparadzana nenyika, zvapupu zvechiKristu zvomuzana rokutanga ramakore zvakanga zviri vanhu vakasiyana. Anodaro wezvenhau E. G. Hardy mubhuku rake rinonzi Christianity and the Roman Government: “VaKristu vakanga vari vaenzi navadzungairi munyika yakavapota; ugaro hwavo hwakanga huri mudenga; umambo uhwo vaivimba nahwo hwakanga husati huri hwapasi rino. Mugumisiro wokufarira zvinhu zvavose nokudaro kubvira pakutanga wakava rutivi runocherekedzwa muchiKristu.”
Vakatambudzwa Nokuda Kwokururama
“Muranda haazati ari mukuru zvikuru kupfuura tenzi wake,” akanyevera kudaro Jesu. “Kana ivo vakanditambudza ini, vachakutambudzaiwo imi.” (Johane 15:20, NW) Asati afa padanda rokutambudzira, Jesu akatambura chitambudzo chakakomba. (Mat. 26:67; 27:26-31, 38-44) Uye maererano nenyevero yake, vadzidzi vake vakakurumidza kutambura kubatwa kwakafanana. (Mat. 10:22, 23) Asi nemhaka yei?
Hakuna kutorera nguva refu vaKristu vapakuvamba kucherekedzwa navamwe. Vakanga vari vanhu vane nheyo dzakakwirira dzetsika uye perero. Vaiita basa rokuita vadzidzi nokutaura zvakajeka norushingairo; somugumisiro, zviuru chaizvoizvo zvavanhu zvakasiya masangano orudzidziso rwenhema ndokuva vaKristu. Ivava vakaramba kubatanidzwa muzvinhu zvenyika. Havati vaizokumbanira mukunamatwa kwamambo. Hakusati kuchikatyamadza, ipapoka, kuti ivo vakakurumidza kuva chipfuro chechitambudzo choutsinye chakatangwa navatungamiriri vorudzidziso rwenhema navatongi vezvamatongerwe enyika vakaudzwa zvisizvo. (Mabasa 12:1-5; 13:45, 50; 14:1-7; 16:19-24) Ivava, kunyange zvazvo zvakadaro, vaingova bedzi vamiriri vavanhu vomutambudzi chaiyeiye—“nyoka yapakuvamba,” Satani. (Zvak. 12:9, NW; enzanisa naZvakazarurwa 12:12, 17.) Chii chaiva vavariro yake? Kuparadzwa kwechiKristu nokupupura kwacho kwoushingi.
Asi hakuna chitambudzo chaigona kupfiga miromo yezvapupu zvomuzana rokutanga ramakore zvechiKristu zvaJehovha! Zvakanga zvagamuchira basa razvo rokuparidza richibva kuna Mwari kupfurikidza naKristu, uye zvakanga zvakatsunga kuteerera Mwari panzvimbo pavanhu. (Mabasa 4:19, 20, 29; 5:27-32) Zvaitsamira pasimba raJehovha, zvichivimba kuti aizotusa zvapupu zvake zvakavimbika nokuda kwetsungiriro yazvo.—Mat. 5:10; VaR. 8:35-39; 15:5.
Nhau inosimbisa kuti chitambudzo chakaitwa nezviremera zvoUmambo hweRoma chakakundikana kuparadza zvapupu zvapachokwadi zvechiKristu zvaJehovha. Josephus, wezvenhau wechiJudha womuzana rokutanga ramakore C.E. anoti: “Uye rudzi rwavaKristu, rwakaidzwa kudaro pashure pa[Jesu], harusati rwatsakatika kusvikira kuzuva rino [munenge muna 93 C.E.].”—Jewish Antiquities, XVIII, 64 (iii, 3).
Chinyorwa chechipupuriro chezvapupu zvechiKristu zvaJehovha chomuzana rokutanga ramakore nokudaro chinozivisa mavara anoverengeka anozivikanwa zvakajeka: Izvo zvakaita noushingi uye nokushingaira basa razvo rokupupura pamusoro paMwari naKristu uye kuita basa rokuita vadzidzi; zvakanga zvine chimiro chesangano umo zvose zvaiva hama, pasina mutsaukano wavafundisi navanhuwo zvavo; zvaiomerera kunheyo dzakakwirira dzetsika uye zvaidanana; zvairamba zvakaparadzana nenzira dzenyika nezvinhu; uye zvaitambudzwa nokuda kwokururama.
Pakasvika mugumo wezana rokutanga ramakore, kunyange zvazvo zvakadaro, ungano imwe yechiKristu yakabatana yakatyisidzirwa nengozi yakakomba uye yamanomano.
[Mashoko Omuzasi]
a MuMagwaro echiGiriki echiKristu, “ungano” padzimwe nguva inoshandiswa mupfungwa yeboka, ichinongedzera kuungano yechiKristu yose zvayo (1 VaK. 12:28); inganongedzerawo kuboka romunzvimbomo muguta rakati kana kuti mumusha momumwe munhu.—Mabasa 8:1; VaR. 16:5.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 26]
Vadzidzi vatsva vaifanira kuva, kwete vatendiwo zvavo vakanyarara, asi vateveri vanoteerera
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]
Kuva chapupu chaJehovha kwakanga kusati kuchisiri nhau yokuberekwa asi yechisarudzo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]
Pakasvika mugumo wezana rokutanga ramakore, zvapupu zvechiKristu zvaJehovha zvakanga zvaita vadzidzi muAsia, Europe, uye Africa!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]
Pakanga pasina mutsaukano wavafundisi navanhuwo zvavo pakati pavaKristu vomuzana rokutanga ramakore
[Bhikisi riri papeji 27]
ChiKristu Chakapararira Kupfurikidza Nokuparidza Kwokushingaira
Zvichisundwa norushingairo rwaisagona kuparadzwa, zvapupu zvapakuvamba zvechiKristu zvaJehovha zvakashandisa simba gurusa mukuziviswa kukurusa kunobvira kwamashoko akanaka. Edward Gibbon, mu“The Decline and Fall of the Roman Empire,” anotaura, kuti: “rushingairo rwavaKristu . . . rwakavaparadzira muruwa rwuri rwose uye munenge muguta riri rose roumambo hwe[Roma.]” Purofesa J. W. Thompson mu“History of the Middle Ages” anoti: “ChiKristu chakanga chapararira nokukurumidza kunoshamisa munyika yeRoma. Pakasvika gore ra100 zvimwe ruwa rwuri rwose rwaiganhurana neMediterranean rwakanga rwava nenzanga yechiKristu mukati marwo.”
[Bhokisi riri papeji 30]
‘Rukundo rwechiKristu’
Manyuko omuraudzo eBhaibheri anosimbisa mufambiro wakaisvonaka norudo zvakaratidzira vaKristu vapakuvamba. Wezvenhau John Lord akati: “Rukundo rwechokwadi rwechiKristu rwakaonwa mukuita varume kwavo avo vaibvuma dzidziso dzacho. . . . Tine chipupuriro choupenyu hwavo husina mhaka, chetsika dzavo dzisingazvidziki, chougari hwemo hwavo hwakanaka, uye chenyasha dzavo dzechiKristu.”—“The Old Roman World.”
[Mufananidzo uri papeji 31]
Mutumbi unodzora wapakati wakabetsera kugovera nhungamiro nokuda kweungano, asi ivo vose vaivimba naKristu soMutungamiriri wavo mumwe
[Mufananidzo uri papeji 32]
VaKristu vapakuvamba vaiva chipfuro chechitambudzo choutsinye