“Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
“Uyewo, mashoko akanaka anofanira kutanga kuparidzirwa mumarudzi ose.”—MARKO 13:10, NW.
1. Ndechipi chiri chinhu chimwe chinoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvive zvakasiana namamwe marudzidziso ose echiKristudhomu, uye nei?
PAAVO VOSE vanotaura kuva vechiKristu, Zvapupu zvaJehovha bedzi zvinorangarira zvakakomba kuparidzirwa kwamashoko akanaka. Izvo zvinoumba boka bedzi umo mutezo uri wose unonzwa musengwa womunhu oga wokusvika muvakidzani wake pahwaro hwenguva dzose kuti utaure kwaari pamsoro pamadonzo aMwari. Neiko ikoku kwakadaro? Nemhaka yokuti Chapupu chimwe nechimwe chinonzwa kuti, somuKristu, chinofanira kuva muteveri wamakwara aKristu. (1 Petro 2:21) Ikoku kunorevei?
2. Vanhu vazhinji vanorangarira sei Jesu Kristu, asi ndoupi waiva mubato wake mukuru pasi pano?
2 Mundangariro dzavazhinji, Jesu Kristu akanga achingova zvake munhu aiita mabasa akanaka. Iye akarapa vanorwara, akadyisa vane nzara, uye akaratidza rudo nomutsa kuavo vaishaiwa. Asi Jesu akaita zvakawanda zvikuru. Iye pakutanga pazvose akanga ari muparidziri anoshingaira wamashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Mwedzi mishomanene pashure porubhapatidzo rwake murwizi rwaJoridhani, Jesu akavamba pachena kuparidzira kuti: “Pfidzai, imi vanhu, nokuti umambo hwamatenga hwaswedera pedyo.” (Mateo 4:17, NW) Nhauro yaMarko inoti: “Jesu akapinda muGarirea, achiparidzira mashoko akanaka aMwari achiti: ‘Nguva yakagadzwa yazadzika, uye umambo hwaMwari hwaswedera pedyo. Pfidzai, imi vanhu, uye ivai nokutenda mumashoko akanaka.’”—Marko 1:14, 15, NW.
3, 4. (a) Kunyange zvazvo Jesu akaporesa rudzi rwuri rwose rwehosha, chii chaakasimbisa muushumiri hwake? (b) Neiko Jesu akatumwa? (c) Jesu akafananidza basa rake rokuparidzira nechii, uye chii chaakaudza vadzidzi vake kuita?
3 Jesu akadana Petro, Andrea, Jakobho, uye Johane kuti vamutevere, uye tinorava kuti: “Akapfuura neGarirea rose, akadzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza evhangeri youshe, achiporesa hosha dzose namarwere ose avanhu.” Apo mapoka aiva muGarirea akaedza kumudzivisa, iye akati: “Uyewo ndinofanira kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kumamwe maguta, nemhaka yokuti ndakatumirwa ikoku.” Ipapo iye akaenda achiparidzira mumasinagoge eJudhea.—Mateo 4:18-23; Ruka 4:43, 44, NW.
4 Achidzokera zvakare kuGarirea, Jesu “akapota nokumaguta nemisha, achiparidza nokureva zveevhangeri youshe hwaMwari.” (Ruka 8:1) Iye akafananidza basa rake rokuparidzira nokucheka ndokuti: “Kucheka kukuru, asi vabati vashoma. Naizvozvo kumbirai kunaShe wokucheka kuti abudise vabati pakucheka kwake.” (Mateo 9:35-38) Kunyange apo mapoka asina kumupa zororo, “akavagamuchira, akavaudza zvoushe hwaMwari, akaporesa vakanga vachida kuporeswa.”—Ruka 9:11.
5. Apo Jesu akatuma vaapostora vake navamwe vadzidzi muushumiri, miraidzoi yaakapa?
5 Chokwadi, Jesu akarapa vanorwara uye pane imwe nhambo akadyisa vaiva nenzara. Asi kupfuura zvimwe zvinhu zvose hazvo, iye akanga akabatikana achiudza vanhu pamsoro poUmambo hwaMwari. Uye iye aida kuti vateveri vake vaite zvimwe chetezvo. Zvaakanga arovedza vaapostora vake, iye akavatuma vaviri vaviri kundoparidza, achiti: “Sezvamunoenda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwamatenga hwaswedera pedyo.’” (Mateo 10:7, NW) Ruka anoti: “Iye akavatuma kundoparidzira umambo hwaMwari nokurapa.” (Ruka 9:2, NW) Kuvadzidzi 70, Jesu akapawo murairo wokuti ‘poresai vanorwara uye rambai muchivaudza kuti umambo hwaMwari hwaswedera pedyo.’—Ruka 10:9.
6. Asati akwira kudenga, miraidzoi pamsoro poushumiri hwavo yakapa Jesu kuvateveri vake?
6 Asati akwira kudenga, Jesu akatuma vateveri vake kuti vapfuuridzire basa rokuparidzira uye kunyange kurikudza. Iye akavaraira kuti: “Naizvozvo endai muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.” (Mateo 28:19, 20, NW) Uyezve, iye akati: “Muchagamuchira simba apo mudzimu mutsvene unosvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu mose muri muviri muJerusarema nomuJudhea mose neSamaria nokusvikira kurutivi rwokumugumegume rwapasi.” (Mabasa 1:8, NW) Nokudaro, vose vari vaviri Jesu navaapostora vake vakapa ngwariro yokutanga kukuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo.
Umambo Hunofanira Kuparidzirwa Munguva Yedu
7. Chii chakataura Jesu pamsoro pebasa rokuparidzira raifanira kuitwa pa“mhedziso yetsika yezvinhu”?
7 Muuporofita hwake pamsoro pezvinoitika zvaizoitika pa“mhedziso yetsika yezvinhu,” Jesu akati: “Uye aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose uye ipapo mugumo uchasvika.” (Mateo 24:3, 14, NW) Kana kuti, sezvinotaurwa pana Marko 13:10, iye akati: “Uyewo, mashoko akanaka anofanira kutanga kuparidzirwa mumarudzi ose.”—Onawo Zvakazarurwa 14:6, 7.
8. (a) Mashoko akanaka akabatanidzei munguva yavaapostora? (b) Chii icho shoko ramashoko akanaka rinobatanidza nhasi?
8 Mu“mazuva okupedzisira,” mashoko akanaka oUmambo anobatanidza zvakawanda kupfuura zvaakaita apo Jesu akanga ari pasi pano. Jesu akaparidzira kuti Umambo hwakanga hwaswedera pedyo, achikwevera ngwariro kuidi rokuti iye akanga ari pakati pavanhu saMesia naMambo. (2 Timotio 3:1; Mateo 4:17; Ruka 17:21) Mashoko akanaka akaparidzirwa namaKristu apakuvamba akabatanidza nhau yorumuko rwaJesu nokukwira kudenga, uye akakurudzira vanyoro kuisa kutenda mukuuya kwoUmambo. (Mabasa 2:22-24, 32; 3:19-21; 17:2, 3; 26:23; 28:23, 31) Zvino zvatasvika pa“mhedziso yetsika yezvinhu,” kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo kunobatanidza shoko rinoshamisa rokuti Umambo hwakagadzwa mumatenga.—Zvakazarurwa 11:15-18; 12:10.
Ndivanaani Vachaparidzira Mashoko Akanaka?
9. (a) Vamwe vangataura sei kuti kuparidzira mashoko akanaka hakusi musengwa wamaKristu ose nhasi? (b) Ndivanaani avo Jehovha akashandisa munguva yakapfuura kuparidzira shoko rake, uye ikoku kunorevei nokuda kwedu nhasi?
9 Ndivanaani, nhasi, vanofanira kugoverana mubasa rokuparidzira? Sezviri pachena, chiKristudhomu chinorangarira kuti hakusi musengwa womunhu ari wose, uye ndokwechokwadi kuti apo Jesu akataura kuti mashoko akanaka aizoparidzirwa, haana kududza vaizoita basa racho. Ndivanaanizve, kunyanguvezvo, Jehovha aizoshandisa nokuda kwebasa rakadaro kunze kwaavo vakaisa kutenda muShoko rake ndokuvamba kurishandisa muupenyu hwavo? Apo Jehovha akasarudza mumazuva aNoa kunyevera nyika yakaipa yorudzi rwomunhu nezvoruparadziko rwaiuya, iye akashandisa murume uyo “aifamba naMwari wechokwadi.” (Genesi 6:9, 13, 14, NW; 2 Petro 2:5) Apo iye aida kuti mashoko ouporofita apiwe kuna Israeri, iye akatuma ‘vabatiri vake, vaporofita.’ (Jeremia 7:25; Amosi 3:7, 8) Rudzi rwakazvitsaurira rwaIsraeri rwaiva rudzi rwezvapupu zvake. (Eksodho 19:5, 6; Isaya 43:10-12) Hungu, Jehovha anoshandisa vabatiri vake vakazvitsaurira sezvapupu zvake.
10. Kunogona sei kuonwa mukunyorwa kwaMateo 28:19, 20 kuti murairo wokuita vadzidzi unoshanda kumaKristu ose?
10 Vamwe vakataura kuti murairo wokuita vadzidzi, wakapiwa pana Mateo 28:19, 20, wakapiwa bedzi kuvaapostora uye naizvozvo haushandi kumaKristu ose zvawo. Asi cherekedza izvo Jesu akataura: “Naizvozvo endai muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai.” Vateveri vaJesu vaifanira kudzidzisa vadzidzi vatsva kuti vachengete zvinhu zvose izvo Jesu akaraira. Uye chimwe chezvinhu iye akaraira kwaiva ku‘enda ndokuita vadzidzi.’ Zvirokwazvo, vadzidzi vatsva vose vaizofanira kudzidziswa kuchengetawo uyu murairo chaiwo.
11. (a) Musengwai waiva paungano yechiKristu muzana rokutanga ramakore? (b) Chii chiri madikanwa kuti munhu aponeswe, uye ikoku kunobatanidzei?
11 Ungano yechiKristu yomuzana rokutanga ramakore yakanzi ‘vanhu vaMwari vepfuma chaiyo kuti vafanire kuzivisa kwakafara zvakaisvonaka zvouyo akavadana kubuda muzarima ndokupinda muchiedza chinoshamisa.’ (1 Petro 2:9) Mitezo yayo yakapupurira Umambo hwaMwari nokushingaira. (Mabasa 8:4 12) “Vatsvene” vose, maKristu akazodzwa, vaiva muRoma vakaudzwa kuti “nomuromo munhu anoita ziviso yapachena nokuda kworuponeso” uye kuti “munhu ari wose anodana pazita raJehovha achaponeswa.” (VaRoma 1:7; 10:9, 10, 13, NW) Iyi ziviso yapachena nokuda kworuponeso, inoitwa panguva yorubhapatidzo rwomunhu, inobatanidzawo kuparidzirwa pachena kwamashoko akanaka oUmambo hwaJehovha.
12, 13. (a) “Kuziviswa pachena kwetariro yedu” kunodudzwa pana VaHebheru 10:23, NW kunobatanidzei? (b) Pisarema 96 rinoratidza sei kudikanwa kwokuzivisa pachena kunze kweungano, uye Zvakazarurwa 7:9, 10 inotsigira sei ikoku?
12 Muapostora Pauro akanyorera maKristu eHebheru, kuti: “Ngatibatisisei ziviso yapachena yetariro yedu pasina kuzununguka, nokuti iye akapikira akatendeka.” (VaHebheru 10:23, NW) Iyi ziviso yapachena haina kuganhurirwa kumisangano yeungano. (Pisarema 40:9, 10) PaPisarema 96:2, 3, 10 tinoona zvakajeka murairo wouporofita wokuparidzira kunze kweungano, kumarudzi, muaya mashoko: “Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe. Dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni, mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose. . . . Itii pakati pavahedheni: ‘Jehovha ndiye unobata ushe.’” Zvamazvirokwazvo, pana Mateo 28:19, 20 naMabasa 1:8, Jesu akaraira maKristu kuparidzira kumarudzi.
13 Uku kuparidzirwa kwapachena kunonongedzerwa kwakuri mumamwe mashoko aPauro kumaKristu eHebheru akazodzwa: “Kupfurikidza naye nguva dzose ngatipe kuna Mwari chibairo cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake.” (VaHebheru 13:15, NW) Mubhuku raZvakazarurwa, “boka guru,” rinounganidzwa richibva mumarudzi ose, rinoonwa richidanidzira nenzwi guru, kuti: “Tine ngava yoruponeso kuna Mwari wedu, uyo agere pachigaro choumambo, uye kuGwaiana.” (Zvakazarurwa 7:9, 10, NW) Nokudaro, munguva ino yemhedziso yetsika yezvinhu, kuparidzirwa kwamashoko akanaka kunoitwa neZvapupu zvakazvitsaurira zvaJehovha, vakasarira vehama dzomudzimu dzaKristu neshamwari dzavo dzakafanana namakwai idzo dzinoumba “boka guru.” Asi ivo vanofanira kuita sei iri basa zvomenemene?
“Pachena Uye Paimba Neimba”
14. Ndokupi uko Jesu akaita kuparidzira kwake, uye inheyoi yatinogona kudzidza muna ikoku?
14 Jesu akaparidzira zvakananga kuvanhu. Tinorava, somuenzaniso, kuti iye akaparidzira mumasinagoge. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti vanhu vaiunganamo paSabata ndokuteerera kukuraviwa nokukurukurwa kwaMagwaro. (Mateo 4:23; Ruka 4:15-21) Jesu aiparidzirawo kuvanhu munzira, parutivi pegungwa, pamateru egomo, patsime kunze kweguta, uye mumisha. Panzvimbo ipi neipi paiva navanhu, Jesu aiparidzira kwavari.—Mateo 5:1, 2; Marko 1:29-34; 2:1-4, 13; 3:19; 4:1, 2; Ruka 5:1-3; 9:57-60; Johane 4:4-26.
15. (a) Miraidzoi yakapa Jesu vadzidzi vake paakavatuma kundoparidzira? (b) Vamwe vatsinhiri veBhaibheri vakatsanangura sei ikoku?
15 Apo Jesu akatuma vadzidzi vake kundoparidza, akavatumawo zvakananga kuvanhu. Ikoku kunoonwa mumiraidzo yake yakanyorwa pana Mateo 10:1-15, 40-42. Mundima 11 iye akati: “Muguta kana musha pose pamunopinda, bvunzai kuti ndiani urimo wakafanira; mugarepo kusvikira muchibva.” The Jerusalem Bible rinoshandura iyi ndima: “Bvunzai mumwe munhu akavimbika,” sokunge kuti vadzidzi vaifanira kubvunza munhu akati akatanhamara kana kuti anoziva ari mumusha kuti vawane aiva nomukurumbira wakanaka uye nokudaro akanga akafanirwa neshoko. (Onawo Weymouth neKing James Version.) Uye iyi ndiyo tsananguro iyo vamwe vatsinhiri veBhaibheri vanopa yendima 11.
16. Ndikumwei kurangarirwa kwakanaka kwamashoko aJesu ari pana Mateo 10:11 kunoratidzira kuti vaapostora vaizotsvaka sei vakafanira?
16 Kunofanirwa kurangarirwa, zvisinei, kuti zvikurusa, vafundisi vechiKristudhomu havaendi paimba neimba, uye vatsinhiri vazhinji veBhaibheri vanokombamira kududzira Magwaro muruzivo rwavo vamene rwokuzviwanira. Kurangarirwa kwakanaka zvikuru kwomuraidzo waJesu kunoratidzira kuti iye akanga achitaura pamsoro pokutsvaka kwavadzidzi vake vanhu somunhu mumwe nomumwe, paimba neimba kana kuti zvimwe pachena, uye kupa kwavari shoko roUmambo. (Mateo 10:7) Mhinduro yavo yaizoratidzira kana ivo vakanga vakafanira kana kuti kwete.—Mateo 10:12-15.
17. Chii chinobvumikisa kuti vadzidzi vaJesu vakanga vasati vachingoshanyira bedzi vanhu vakafanira kwakavakirwa parumbidzo kana kuti rangano?
17 Ikoku kunoonwa mumashoko aJesu ari pana Mateo 10:14: “Ani naani usingakugamuchirii, kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro muzuze guruva riri patsoka dzenyu.” Jesu akanga achitaura pamsoro pokuita kwavadzidzi vake shanyo dzisina kukumbirwa pavanhu kuti vaparidze kwavari. Chokwadi, ivo vaizogamuchira pokugara nomumwe wavanasaimba uyo akagamuchira shoko racho. (Mateo 10:11) Asi chinhu chikuru chakanga chiri basa rokuparidzira. Pana Ruka 9:6 kunotaurwa, kuti: “Ipapo vakabva, vakapota nemisha, vakaparidza evhangeri, nokuporesa panzvimbo dzose.” (Onawo Ruka 10:8, 9.) Vakafanira avo vakagamuchira vadzidzi mumisha yavo savaporofita, zvichida vachivapa “mukombe wemvura inotonhora” kana kuti kunyange pokugara, havasati vaizorasikirwa netuso yavo. Ivo vaizonzwa shoko roUmambo.—Mateo 10:40-42.
18, 19. (a) Mukuwirirana naMabasa 5:42, maKristu apakuvamba aiita sei basa rawo rokuparidzira? (b) Mashoko aPauro ari pana Mabasa 20:20, 21 anoratidza sei kuti iye akanga achitaura pamsoro poushumiri kuvaisava vatendi, kwete basa rokufudza romukati?
18 Pashure pokunge ungano yechiKristu yavambwa, tinorava pamsoro pavaapostora kuti: “Uye zuva riri rose mutembere napaimba neimba ivo vakapfuurira vasingaregi kudzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamsoro paKristu, Jesu.” (Mabasa 5:42, NW; ona Reference Bible, mashoko omuzasi.) Kutaura kuri muchiGiriki kwakashandurwa kuti “paimba neimba” ndikat’ oiʹkon. Pano ka·taʹ ari mupfungwa yokuparadzira. Nokudaro kungataurwa kuti kuparidzira kwavadzidzi kwakaparadzirwa paimba neimba. Ivo vakanga vasati vachingoita zvavo shanyo dzokufambidzana dzakarongwa pachine nguva mberi. Kushandiswa kwakafanana kwaka·taʹ kunowanwa pana Ruka 8:1 mukutaura kwokuti “paguta neguta uye pamusha nomusha.”
19 Kutaura kumwe cheteku muzvizhinji, kat’ oiʹkous, kunoshandiswa nomuapostora Pauro pana Mabasa 20:20, NW. Ipapo iye akati: “Handina kurega . . . kukudzidzisai pachena napaimba neimba.” Kutaura kwokuti “paimba neimba” kunoshandurwa kuti “mumisha menyu” mudzimwe shanduro. Naizvozvo, vamwe vavatsinhiri veBhaibheri vechiKristudhomu vanotaura kuti Pauro ari kunongedzera pano kushanyo dzokufudza mumisha yavatendi. Asi mashoko anotevera aPauro anoratidza kuti iye akanga achitaura pamsoro poushumiri kuvasingatendi, nokuti iye anoti: “Asi ndakasanopupurira kuvose vari vaviri vaJudha nokuvaGiriki pamsoro porupfidzo kuna Mwari nokutenda munaShe wedu Jesu.”—Mabasa 20:21, NW.
20. (a) Zvapupu zvaJehovha zvakaparidzira mashoko akanaka oUmambo munguva yedu kusvikira patambanukoi? (b) Vamwe vangarangarira sei nhau yokupfuurira nokuparidzira?
20 Uyu mutoo wokusvika vanhu naizvozvo unofanira kushandiswa munguva yedu apo “mashoko akanaka oumambo” anofanira “kuparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mateo 24:14, NW) Kwaanopfuura makore 65, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiparidzira nokushingaira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa pachena uye paimba neimba—zvino munyika 210. Haiwa huchapupu hwakaisvonaka hwakadini huri kuitwa! Uye ikoku pasinei zvapo neidi rokuti vanhu vazhinjisa nhasi vanonzwa shoko “pasina mhinduro,” vamwe kunyange nokutsamwiswa. (Mateo 13:15) Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichipfuurira mukuparidzira munzvimbo umo vanhu vanoramba kuteerera kana kuti kunyange kuzvishora? Uyu mubvunzo uchakurukurwa munyaya inotevera.
Ungapindura Sei?
◻ Chii chinoratidza Magwaro kuti chakaratidzira ushumiri hwaJesu?
◻ Inhungamiroi dzakapiwa kuvapostora muushumiri hwavo?
◻ Ibasai rinofanira kuitwa munguva yedu, uye nei?
◻ Ndivanaani avo Jehovha aizoshandisa kuparidzira mashoko akanaka muzuva redu?
◻ Basa rokuparidzira rinofanira kuitwa kupi uye sei?