Waizviziva Here?
Varume Vakachenjera vakauya kuzoona Jesu ari mucheche vaiva vanaani?
▪ Maererano nenhoroondo yokuberekwa kwaJesu iri muEvhangeri yaMateu, vashanyi vaibva “kumativi okumabvazuva” vakauya kuzopa Jesu muduku zvipo mushure mokunge vaona nyeredzi yairatidza kuti kwava namambo mutsva. Magwaro echiGiriki eEvhangeri yacho anodana vashanyi ava kuti maʹgoi, kureva kuti “varume vakachenjera.” (Mateu 2:1) Tinozivei nezvavo?
Munyori wenhoroondo wechiGiriki ainzi Herodotus ndiye akatanga-tanga kunyora nezveVarume Vakachenjera. Paakararama muzana remakore rechishanu B.C.E., Herodotus akanyora kuti Varume Vakachenjera vaiva veboka revapristi vekuPezhiya vaiita zvokuongorora nyeredzi, kududzira hope uye kukanda zvitsinga. Munguva yakararama Herodotus, chitendero chePezhiya chaiva cheZoroastrianism. Naizvozvo, Varume Vakachenjera vaaireva vanofanira kunge vaiva vapristi vechitendero cheZoroastrianism. The International Standard Bible Encyclopedia inoti, “Varume vakachenjera vairarama panguva youmambo hweGirisi vaizivikanwa sevanhu vaiziva chaizvo uye vaikwanisa kuita zvinhu kudarika vamwe vose uye dzimwe nguva vaiita mashiripiti.”
Vanyori vekare vakati wandei vaitaura nezve“chiKristu” vakadai saJustin Martyr, Origen, naTertullian, vakatsanangura Varume Vakachenjera vakashanyira Jesu sevazivi venyeredzi. Somuenzaniso, Tertullian akanyora mubhuku rake rinonzi On Idolatry kuti: “Tinoziva kuti mashiripiti nokuongorora nyeredzi zvinoenderana. Vanhu vaidudzira nyeredzi panguva iyoyo ndivo vaiva vokutanga . . . kumupa [Jesu] ‘zvipo.’” Maererano nemashoko aya, shanduro dzeBhaibheri dzakawanda dzinotaura nezvevamaʹgoi ava se“vazivi venyeredzi.”
Nei Mateu akati mashoko ari mubhuku raZekariya ndeemuprofita Jeremiya?
▪ Mashoko atiri kureva ari pana Mateu 27:9, 10, apo munyori weEvhangeri yacho akataura nezvemari yakapiwa Judhasi Iskariyoti pamusana pokuti akanga atengesa Jesu. Ndima dzacho dzinoti: “Zvakataurwa pachishandiswa muprofita Jeremiya zvakabva zvazadzika, zvichinzi: ‘Zvino vakatora masirivha makumi matatu, mutengo womunhu akatemerwa mutengo, . . . vakatenga nawo munda womuumbi.’” Uprofita hwemasirivha makumi matatu hwakanyorwa naZekariya, kwete Jeremiya.—Zekariya 11:12, 13.
Zvinoita sokuti pamuunganidzwa wemabhuku anonzi “evaprofita,” dzimwe nguva bhuku raJeremiya raimboiswa pekutanga panzvimbo peraIsaya. (Mateu 22:40) Saka Mateu paakataura ‘nezvaJeremiya,’ akanga achireva chikamu chose cheMagwaro chinodanwa nezita rebhuku rokutanga. Chikamu ichi chaisanganisira bhuku raZekariya.
Saizvozvowo, Jesu akadana mabhuku emuBhaibheri akawanda anozivikanwawo seZvakanyorwa achiati “Mapisarema.” Saka paakati zvose zvakanyorwa nezvake “mumutemo waMosesi neZvakanyorwa nevaprofita nomuMapisarema” zvaifanira kuzadzika, aireva uprofita huri muMagwaro ose echiHebheru.—Ruka 24:44.