-
“Uchenjeri Hunobva Kumusoro” Huri Kushanda Muupenyu Hwako Here?Swedera Pedyo naJehovha
-
-
11 Unofanira kuita sei kana ukaona kuti hama yako yakakugumbukira? Jesu akati: “Saka kana uchiuya nechipo chako kuatari wobva wayeuka uri ikoko kuti hama yako ine chigumbu newe, siya chipo chako ipapo pamberi peatari, woenda. Tanga wayanana nehama yako, wozodzoka wopa chipo chako.” (Mateu 5:23, 24) Unogona kushandisa zano iroro nekutanga iwe kuenda kunotaura nehama yako. Nechinangwa chei? Kuti ‘uyanane nehama yako.’b Kuti izvozvo zviitike, pamwe ungatofanira kubvuma kuti zvawakaita zvinorwadza, kwete kuramba. Kana ukaenda kuhama yako nechinangwa chekudzorera rugare uye woramba uine pfungwa iyoyo, kazhinji kacho munogadzirisa pamusina kunzwisisana, mokumbirana ruregerero, uye moregererana. Paunoita zvese zvaunogona kuti pave nerugare, unenge uchiratidza kuti uri kutungamirirwa neuchenjeri hwaMwari.
-
-
“Uchenjeri Hunobva Kumusoro” Huri Kushanda Muupenyu Hwako Here?Swedera Pedyo naJehovha
-
-
b Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “yanana” rinotsanangurwa richireva “kuita kuti mubve pakuva vavengi muchienda pakuva shamwari; kudzorera ukama hwanga hwakanganisika.” Saka chinangwa chako ndechekuita kuti zvinhu zvichinje, uye kana zvichiita, kubvisa zvakaipa zvawanga uchifungirwa nemunhu wawatadzira.—VaRoma 12:18.
-