RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Chokuita Apo Unotadzira Vamwe
    Mukai!—1996 | February 8
    • MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu akati: “Naizvozvo kana iwe uchiuya nechipo chako paatari, ukarangarira ipapo kuti hama yako ine mhosva newe, usiye chipo chako ipapo pamberi peatari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozouya woisa chipo chako.” (Mateo 5:23, 24) Cherekedza kuti mashoko aJesu pano akanangidzirwa pamutadzi. Mutoroi waainawo wokupedza nhau yacho? Kupindura ikoko, ngatirangarirei izvo mashoko aJesu akareva kuvateereri vake vechiJudha vezana rokutanga ramakore.

  • Chokuita Apo Unotadzira Vamwe
    Mukai!—1996 | February 8
    • “Usiye Chipo Chako . . . , Uende”

      “Usiye chipo chako ipapo pamberi peatari,” Jesu anotsanangura kudaro, “uende.” Nemhaka yei? Chii chaigona kuva chinokosha panguva iyoyo chinopfuura kupa chibayiro kuna Jehovha? “Umbondoyanana nehama yako,” Jesu anopfuurirazve kutsanangura, “ugozouya woisa chipo chako.” Naizvozvo munamati anosiya chipiriso chake chiri chipenyu paatari yezvipiriso zvinopiswa ndokuenda kundotsvaga hama yake yakatadzirwa.

      Sezvo uri mutambo, hama yatadzirwa pasina panikiro iri pakati pevanoenda kunzvimbo tsvene vakadirana kuJerusarema. Nemigwagwa yakamanikana nedzimba dzakabatana zvikuru, Jerusarema rine chiverengero chavanhu chakati. Asi uyu mutambo, uye guta rakazadzwa navashanyi.b

      Kunyange kana vanhu vaibva mutaundi rimwe chetero vakafamba ndokuungana pamwe chete, kupinda napakati peguta rakazadzwa navanhu kuzowana mumwe munhu kwaida nhamburiko yakati. Somuenzaniso, mukati moMutambo waMatumba, vashanyi vaivaka matumba muguta mose uye munzira nomuminda yakanga yakapota Jerusarema. (Revhitiko 23:34, 42, 43) Kunyange zvakadaro, munamati wechiJudha anofanira kutsvaka hama yake yakatadzirwa kusvikira aiwana. Ndokuitei ipapo?

      “Umbondoyanana nehama yako,” anodaro Jesu. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa “umbondoyanana” rinobva muchiito (di·al·lasʹso) rinoreva “‘ kuita kuti chinjo ishande, kutsinhanisa,’ uye nokudaro, ‘kuyananisa.’” Achinge aita nhamburiko yakati yokutsvaga hama yake yakatadzirwa, munamati wechiJudha anotsvaka kuita rugare naye. Ipapo, anodaro Jesu, angadzokera kutembere ndokupa chipo chake, nokuti zvino Mwari achachigamuchira.

      Mashoko aJesu ari pana Mateo 5:23, 24 nokudaro anodzidzisa chidzidzo chinokosha: Kuyanana, kana kuti rugare, zvinotangira chibayiro. Nzira iyo tinobata nayo vanamati biyedu ine chokuita chakananga paukama hwedu naMwari.—1 Johane 4:20.

      Chokuita Apo Unotadzira Vamwe

      Zvakadiniko, ipapoka, kana ukazviwana umene uri mumamiriro ezvinhu anorondedzerwa pamavambo enyaya iyi—wakaziva kuti watadzira munamati biyako here? Unofanira kuitei?

      Kushandisa zano raJesu, tanga kusvika hama yako. Uine vavariroi? Yokumupwisa kuti haana chikonzero chokunzwa agumburwa here? Nyangwe! Chinetso chacho chingava chinopfuura kusanzwisisa hako. “Umbondoyanana,” akadaro Jesu. Bvisa, kana zvichibvira, chigumbu mumwoyo make. (VaRoma 14:19) Nechinangwa ichocho, ungada kubvuma, kwete kuramba, mirangariro yake yokukuvadzwa. Ungadawo kubvunza kuti, ‘Chii chandinogona kuita kugadzirisa mhosho?’ Kazhinji, kazhinji kukumbira ruregerero kwapachokwadi ndiko bedzi kunodikanwa. Muzvimwe zviitiko, zvisinei, munhu atadzirwa angada nguva yokupedza mirangariro yake.

      Zvakadiniko, kunyange zvakadaro, kana pasinei zvapo nenhamburiko dzako dzinodzokororwa usingakwanisi kuita kuyanana? VaRoma 12:18 inoti: “Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.” Unogona nokudaro kuva nechivimbo chokuti apo bedzi unogona zvishandise umene kuti uite rugare, Jehovha achafara kugamuchira kunamata kwako.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe