-
Tingaita Sei Kuti Tive Vanhu Vakachena Kuna Mwari?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
4. Kukurira maitiro asina kuchena
Kana uchiputa kana kuti uchiita zvemadhiragi, unogona kunge uchitoziva kuti zvakaoma sei kuzvirega. Chii chingakubatsira? Funga kuti kuzviita kunokuvadza zvakadii. Verengai Mateu 22:37-39, mobva makurukura kuti kuputa kana kuti kuita zvemadhiragi kunokanganisa sei . . .
ushamwari hwako naJehovha.
mhuri yako nevamwe vari pedyo newe.
Ita zvekutoronga kuti ungakurira sei maitiro asina kuchena.a Ngationei VHIDHIYO.
Verengai VaFiripi 4:13, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Kuva nepurogiramu yekunyengetera, kudzidza Bhaibheri, uye kupinda misangano kunogona kubatsira sei munhu kukurira maitiro asina kuchena?
5. Rwisa pfungwa nemaitiro zvisina kuchena
Verengai VaKorose 3:5, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Tinoziva sei kuti kuona zvinonyadzisira, kutumira mameseji anonyadzisira, uye bonhora hazvina kuchena kuna Jehovha?
Jehovha anenge achitiomesera here kana achitarisira kuti tive netsika dzakachena? Nei uchidaro?
Ona kuti ungarwisa sei pfungwa dzisina kuchena. Ngationei VHIDHIYO.
Jesu akashandisa mufananidzo wairatidza kuti tinofanira kutotora matanho akasimba kuti tirambe tiine tsika dzakachena. Verengai Mateu 5:29, 30, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Kunyange zvazvo Jesu akanga asingarevi kuti tinofanira kuzvikuvadza, airatidza kuti pane zvatinofanira kutoita. Idanho ripi rakasimba ringaitwa nemunhu kuti asafunga zvinhu zvisina kuchena?b
Kana uri kurwisa kuti ukurire pfungwa dzisina kuchena, Jehovha anofadzwa nezvauri kuedza kuita. Verengai Pisarema 103:13, 14, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Kana uri kurwisana neimwe tsika isina kuchena, rugwaro urwu rungakubatsira sei kuti urambe uchirwisa?
Kana zvikambokukunda mumwe musi hazvirevi kuti watokundikana!
Zviri nyore kufunga kuti, ‘Ndakundikana saka hazvibatsiri kuti ndirambe ndichiedza.’ Asi ziva kuti kana munhu ari kumhanya munhangemutange akadonha, hazvirevi kuti atokundikana uye hazvirevi kuti anofanira kudzokera paatangira. Saka newewo hazvirevi kuti watokundikana kana zvikaitika kuti waita tsika yawakanga watosiya. Uye hazvireviwo kuti zvese zvawakaita kumashure pakuirwisa hazvisisina basa. Izvi zvinoitika kumunhu wese uye zvinoratidza kuti uri kutorwisa. Usadzokera shure! Uchibatsirwa naJehovha, unogona kukurira tsika isina kuchena.
-
-
MuKristu Anofanira Kuona Sei Nyaya Yekunwa?Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
-
-
6. Kurira dambudziko reudhakwa
Ona kuti mumwe murume aiva chidhakwa akakurira sei dambudziko rake. Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:
Muvhidhiyo, doro raikanganisa sei Dmitry?
Akakwanisa kubva angosiya kunwa pakarepo here?
Akazokwanisa sei kusiya zvachose?
Verengai 1 VaKorinde 6:10, 11, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:
Chii chinoratidza kuti udhakwa chivi chakakura?
Chii chinoratidza kuti munhu anogona kuchinja kana anga ari chidhakwa?
Verengai Mateu 5:30, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Kudimbura ruoko kuri kufananidzira kubvuma kurasikirwa nechimwe chinhu chaunoda uchiitira kufadza Jehovha. Ungaite sei kana zviri kukuomera kukunda dambudziko rekudhakwa?a
Verengai 1 VaKorinde 15:33, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:
Kungwarira shamwari dzaunotamba nadzo kunogona kukubatsira sei kukurira dambudziko rekudhakwa?
-