Kudza “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”
“Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—MAKO 10:9.
1, 2. VaHebheru 13:4 inofanira kutikurudzira kuti tiitei?
TESE zvedu tinoda kukudza Jehovha. Zvakakodzera kuti umukudze uye anovimbisa kuti achakukudzawo. (1 Sam. 2:30; Zvir. 3:9; Zvak. 4:11) Anodawo kuti ukudze vamwe vanhu, vakadai sevakuru vakuru vehurumende. (VaR. 12:10; 13:7) Asi pane pamwe paunofanira kunyanya kuratidza rukudzo. Iva nerukudzo muwanano.
2 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa.” (VaH. 13:4) Paakataura mashoko iwayo, Pauro akanga achirayira vaKristu kuti vakudze wanano. Ndiwo maonero aunoita wanano here, kunyanya wanano yako kana wakaroora kana kuroorwa?
3. Jesu akapa zano ripi rinokosha nezvewanano? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)
3 Kana uchikudza wanano unenge uchitevedzera muenzaniso wakanaka. Jesu akakudza wanano. VaFarisi pavakabvunza Jesu nezvekurambana, akataura zvakanga zvambotaurwa naMwari nezvewanano yekutanga achiti: “Nokuda kweizvi murume achasiya baba vake naamai, uye vaviri vacho vachava nyama imwe.” Jesu akawedzera kuti: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Verenga Mako 10:2-12; Gen. 2:24.
4. Paakatanga wanano Jehovha aiva nechinangwa chipi?
4 Jesu akaratidza kuti wanano yakatangwa naMwari uye inofanira kuva yeupenyu hwese. Mwari haana kuudza Adhamu naEvha kuti vaigona kurambana. Muwanano iyoyo Mwari aiva nechinangwa chekuti “vaviri vacho” vagare vese kweupenyu hwavo hwese.
ZVINHU ZVAKACHINJA WANANO
5. Rufu runovhiringidza sei wanano?
5 Chivi chaAdhamu chakaita kuti zvinhu zvichinje. Vanhu vakatanga kufa, uye izvozvo zvakavhiringidza wanano. Tinozviona kubva pane zvakanyorwa nemuapostora Pauro paaitsanangura kuti vaKristu havasi pasi peMutemo waMosesi. Akataura kuti rufu runogumisa wanano uye kuti anenge asara ari mupenyu anogona kuzoroora kana kuroorwa zvakare.—VaR. 7:1-3.
6. Mutemo waMosesi wairatidza sei maonero anoita Mwari wanano?
6 Mutemo waMosesi wakapiwa vaIsraeri naMwari wairatidza zvaifanira kuitwa muwanano. Waibvumira barika, iro rakatanga vaIsraeri vasati vatombopiwa Mutemo naJehovha. Asi Mutemo wacho waidzivirira madzimai uye vana kuti vasabatwa zvisina kunaka. Semuenzaniso, muIsraeri paairoora muranda uye ozoroora mumwe mukadzi wechipiri, aifanira kuramba achipa mukadzi wekutanga zvese zvaaifanira kumupa. Mwari aida kuti murume wacho adzivirire uye achengete mudzimai iyeye. (Eks. 21:9, 10) Hatisi pasi peMutemo waMosesi, asi unotiratidza kuti Jehovha anokoshesa wanano. Izvi zvinotibatsira kuti tikoshese wanano.
7, 8. (a) Maererano naDheuteronomio 24:1, Mutemo waitii nezvekurambana? (b) Jehovha anoona sei kurambana?
7 Mutemo waiti kudii nezvekurambana? Mwari akaramba achikoshesa wanano, asi pane paaibvumira kurambana. (Verenga Dheuteronomio 24:1.) Murume wechiIsraeri aigona kuramba mudzimai wake kana “aona chimwe chinhu chisina kunaka paari.” Mutemo wakanga usingatsananguri kuti “chinhu chisina kunaka” chaiva chii. Chinofanira kunge chaiva chinhu chinonyadzisa kana kuti chakaipa kwazvo, kwete kachikanganiso kadiki. (Dheut. 23:14) Zvinorwadza chaizvo kuti panguva yaJesu vaJudha vakawanda vairamba madzimai avo “nokuda kwechikonzero chero chorudzi rupi zvarwo.” (Mat. 19:3) Hatingadi kuva nemafungiro avo.
8 Muprofita Maraki akataura kuti Mwari anoona sei kurambana. Panguva iyoyo zvainge zvakajairika kuti murume anyengedze ‘mudzimai weudiki hwake,’ zvimwe kuti aroore mudzimai wechidiki aisashumira Jehovha. Achitaura nezvemaonero aMwari, Maraki akanyora kuti: “[Mwari] anovenga kurambana.” (Mar. 2:14-16) Izvi zvaienderana nezvinotaurwa neShoko raMwari nezvewanano yekutanga zvekuti: “[Murume] achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.” (Gen. 2:24) Jesu akatsigira maonero aBaba vake panyaya yewanano paakati: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mat. 19:6.
CHIKONZERO CHIMWE CHETE CHEKURAMBANA
9. Mashoko aJesu ari pana Mako 10:11, 12 anorevei?
9 Mumwe munhu anogona kubvunza kuti, ‘Pane here chikonzero chekuti muKristu arambane nemumwe wake oroora kana kuroorwa nemumwe?’ Jesu akataura maonero aanoita kurambana achiti: “Munhu wose anoramba mudzimai wake oroora mumwe anoita upombwe, achimutadzira, uye kana mukadzi akaroorwa, pashure pokunge aramba murume wake, iye anoita upombwe.” (Mako 10:11, 12; Ruka 16:18) Zviri pachena kuti Jesu aikudza wanano uye aida kuti vamwe vaitewo saizvozvo. Murume airamba mudzimai wake akatendeka (kana mudzimai airamba murume wake akatendeka) oroora kana kuroorwa nemumwe, ainge achiita upombwe. Izvi zvakadaro nekuti kungodimburwa kwemuchato hakuparadzi wanano. Kuna Mwari, vaviri vacho vanenge vachiri “nyama imwe.” Jesu akataurawo kuti murume anoramba mudzimai wake akatendeka anomuisa pamuedzo wekuita upombwe. Izvozvo zvinoitika sei? Kare ikako, mudzimai ainge arambwa aigona kupedzisira afunga kuroorwazve kuti awane anomuchengeta. Paairoorwa zvakare ainge ava kutoita upombwe.
10. Chikonzero chipi chingaita kuti muKristu arambe mumwe wake osununguka kuroora kana kuroorwa zvakare?
10 Jesu akataura chikonzero chimwe chete chingaita kuti wanano iparare paakati: “Ndinoti kwamuri munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve [chiGiriki, por·neiʹa], akaroora mumwe, iye anoita upombwe.” (Mat. 19:9) Akanga ambotaura pfungwa iyoyo muMharidzo yepaGomo. (Mat. 5:31, 32) Paaitaura nezvekurambana, Jesu akataura ‘nezveufeve.’ MuchiGiriki shoko iri rinosanganisira zvivi zvakadai seupombwe, upfambi, kuita bonde kwevanhu vasina kuroorana, ungochani uye kurara nemhuka. Semuenzaniso, kana murume akaita ufeve, mudzimai wake anogona kusarudza kuti omuramba here kana kuti kwete. Kana akamuramba, kuna Mwari vanenge vasisiri murume nemudzimai.
11. Nei muKristu angasarudza kusaramba mumwe wake kunyange zvazvo aine chikonzero chemuMagwaro chekumuramba?
11 Ona kuti Jesu haana kuti kana mumwe angoita ufeve (por·neiʹa) mumwe wake anotofanira kumuramba. Semuenzaniso, mudzimai anogona kusarudza kusaramba murume wake pasinei nekuti anenge aita ufeve. Anogona kunge achiri kumuda, achida kumuregerera uye achida kushanda pamwe chete naye kuti vasimbise wanano yavo. Chokwadi ndechekuti kana akamuramba orega kuroorwa zvakare, anewo mamwe matambudziko aachasangana nawo. Achawana sei zvekurarama nazvo uye achaita sei panyaya dzebonde? Zvakadii nekusurukirwa? Pane vana vanofanira kufungwa nezvavo here? Kurambana kuchaita kuti zviome kuvarera muchokwadi here? (1 VaK. 7:14) Zviri pachena kuti anenge atadzirwa oramba mumwe wake ane matambudziko akakura aanosangana nawo.
12, 13. (a) Chii chakaitika muwanano yaHosiya? (b) Nei Hosiya akadzokerana naGomeri, uye chii chatinodzidza pawanano yake?
12 Zvakaitika kumuprofita Hosiya zvinotidzidzisa kuti Jehovha anoona sei wanano. Mwari akaudza Hosiya kuti aroore Gomeri, uyo aizova “mudzimai woufeve [uye aizova] nevana voufeve.” Gomeri ‘akava nepamuviri uye akaberekera Hosiya mwanakomana.’ (Hos. 1:2, 3) Akazova nemwanasikana nemwanakomana, uye kunenge kuti vaviri ava vaiva vana veupombwe. Pasinei nekuti airamba achiita upombwe, Hosiya haana kumuramba. Gomeri akazosiya Hosiya ndokuva muranda. Kunyange zvakadaro, Hosiya akamutenga kuti avezve mudzimai wake. (Hos. 3:1, 2) Jehovha aishandisa Hosiya kuti aratidze kukanganwira kwaaiita vaIsraeri vakanga vasina kutendeka, vainamata vamwe vanamwari. Chii chatingadzidza panyaya iyi?
13 Kana murume kana mudzimai wemuKristu akaita ufeve, muKristu wacho anenge atadzirwa anofanira kuita chisarudzo. Jesu akati anenge atadzirwa ane chikonzero chekuramba mumwe wake osununguka kuroora kana kuroorwa zvakare. Asi anogonawo kuregerera mumwe wake. Izvozvo hazvina kuipa. Hosiya akadzokerana naGomeri. Paakadzoka kuna Hosiya, Gomeri akanga asisafaniri kurara nemumwe murume. Hosiya akamboita kanguva asingarari naGomeri. (Hos. 3:3) Asi anofanira kunge akazotangazve kurara naye, achiratidza chido chaiva naJehovha chekugamuchirazve vanhu vake oita kuti vave neushamwari naye. (Hos. 1:11; 3:3-5) Izvi zvinotidzidzisei nezvewanano mazuva ano? Kana anenge atadzirwa akasarudza kusarambana nemumwe wake, kutanga kurarazve naye kunoratidza kuti amuregerera. (1 VaK. 7:3, 5) Paanongoita izvozvo panenge pasisina chikonzero chekuramba mumwe wake. Vanofanira kuzoshanda nesimba semurume nemudzimai kuti vaone wanano sezvainoitwa naMwari.
KUDZA WANANO KUNYANGE MUINE MATAMBUDZIKO AKAKURA
14. Maererano na1 VaKorinde 7:10, 11, chii chinogona kuitika muwanano?
14 VaKristu vese vanofanira kushanda nesimba kuti vakudze wanano sezvinoitwa naJesu naJehovha. Kunyange zvakadaro, vamwe vanogona kutadza kuita izvozvo nekuti tese tine chivi. (VaR. 7:18-23) Ndokusaka zvisingatishamisi kuti vamwe vaKristu vepakutanga vaiva nezvinetso muwanano dzavo. Pauro akanyora kuti “mudzimai haafaniri kubva kumurume wake.” Kunyange zvakadaro, izvi zvaimboitika.—Verenga 1 VaKorinde 7:10, 11.
15, 16. (a) Kunyange kana wanano ikava nematambudziko, murume nemudzimai vanofanira kuva nechinangwa chipi, uye nei? (b) Izvi zvinoshanda sei kana mumwe asiri mushumiri waMwari?
15 Pauro haana kutaura kuti chii chaiita kuti murume nemudzimai vaparadzane. Semuenzaniso, dambudziko raisava pakuti murume ainge aita ufeve, mudzimai ova nechikonzero chekumuramba oroorwazve. Pauro akataura kuti mukadzi anenge abva kumurume wake anofanira kuramba “asina kuroorwa kana kuti zvimwe ngaadzokerane nomurume wake.” Saka vaviri vacho vainge vachiri kuonekwa naMwari semurume nemudzimai. Pauro akataura kuti pasinei nematambudziko avanenge vachisangana nawo, kana pasina ufeve hunenge hwaitwa, vanofanira kuva nechinangwa chekudzokerana. Vaviri vacho vanogona kutsvaga mazano eBhaibheri kuvakuru veungano. Vakuru havana wavachatsigira pakati pavo, asi vachavapa mazano anobva muBhaibheri.
16 Zvisinei, ko kana muKristu ari muwanano nemunhu asingashumiri Jehovha? Kana vasangana nematambudziko, vanofanira kuparadzana here? Sezvataona, Bhaibheri rinotaura kuti ufeve chete ndihwo hungaita kuti vanhu varambane, asi haritauri kuti chii chingaita kuti vaparadzane. Pauro akanyora kuti: “Mukadzi ane murume asingatendi, asi murume wacho achida hake kugara naye, ngaarege kusiya murume wake.” (1 VaK. 7:12, 13) Izvi zvinoshandawo mazuva ano.
17, 18. Nei vamwe vaKristu vachiramba vari muwanano kunyange zvazvo wanano dzavo dziine matambudziko?
17 Kunyange zvakadaro, pane pamwe pekuti “murume asingatendi” anenge achiratidza kuti haadi “kugara” nemudzimai wake. Anogona kunge achirova mudzimai zvakanyanyisa, zvekuti mudzimai wacho anoona kuti utano hwake kana kuti upenyu hwake huri pangozi. Anogona kuramba kuriritira mudzimai nevana kana kuti anogona kumutadzisa kunamata zvachose. Pakadaro, muKristu anogona kusarudza kuti pasinei nezvingataurwa nemurume wake, murume wacho anenge asiri kuda “kugara naye” uye anoona kuti zvakakodzera kuti vaparadzane. Asi vamwe vaKristu vari mumatambudziko akadaro vakatsungirira uye vakaedza kushanda nesimba kuti vasimbise wanano yavo. Nei vakaita izvozvo?
18 Kana vakaparadzana, vaviri vacho vanenge vachiri murume nemudzimai uye vanosangana nematambudziko ambotaurwa. Muapostora Pauro akataura chimwe chikonzero chekuti varambe vari pamwe chete. Akanyora kuti: “Murume asingatendi anotsveneswa nomudzimai wake, uye mudzimai asingatendi anotsveneswa nehama yacho; dai zvisina kudaro, chokwadi vana venyu vaizova vasina kuchena, asi zvino ivo vatsvene.” (1 VaK. 7:14) VaKristu vakawanda vakatendeka vakaramba vari muwanano kunyange zvinhu zvakaoma. Mumwe wavo paakazova munamati wechokwadi, vakafara chaizvo kuti vakanga varamba vari muwanano yacho.—Verenga 1 VaKorinde 7:16; 1 Pet. 3:1, 2.
19. Nei ungano yechiKristu yakazara nevanhu vane wanano dzakasimba?
19 Jesu akataura nezvekurambana, uye muapostora Pauro akapa zano panyaya yekuparadzana. Vese vaida kuti vashumiri vaMwari vakudze wanano. Pasi rese, ungano yechiKristu yakazara nevanhu vane wanano dzakasimba. Unogona kuona mhuri dziri kufara muungano yako. Dzine hama dzakavimbika dzinoda madzimai adzo uye madzimai akazvipira anoda varume vawo, vachiratidza kuti wanano inogona kukudzwa. Tinofara kuti vakawanda vari kuratidza kuti mashoko aMwari ndeechokwadi ekuti: “Murume achasiya baba vake naamai vake, onamatira mudzimai wake, uye vaviri vacho vachava nyama imwe.”—VaEf. 5:31, 33.