RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Panouya Matsotsi Ane Zvombo
    Nharireyomurindi—1998 | December 15
    • Panouya Matsotsi Ane Zvombo

      Kunyange zvakadaro, unofanira kuitei kana matsotsi akakwanisa kupinda mumusha mako ndokukudenha? Yeuka kuti upenyu hwako hunokosha zvikuru kupfuura zvinhu. Kristu Jesu akati: “Musadzivisa wakaipa, asi unokurova padama rorudyi, umurinzire rimwewo. Kana munhu achida . . . kuti akutorere nguvo yako yomukati, umutendere nenguvo yokunzewo.”—Mateo 5:39, 40.

      Iri izano rokuchenjera. Kunyange zvazvo vaKristu vasingamanikidzwi kutaurira matsotsi pane zvinhu, matsotsi anowanzova anoda zvokurwisa kana akaona kuti uri kuramba, hausi kuita zvaanoda, kana kuti uri kunyengedza. Akawanda awo, “asisina kana nepfungwa yose zvayo yokuzvibata,” anova nehasha noutsinye nyore nyore.—VaEfeso 4:19, NW.

      Samuel anogara muchivako chemafurati. Matsotsi akavhara chivako chacho ndokupinda furati nefurati, achipamba. Samuel akanzwa kurira kwepfuti, masuo achiroverwa, uye vanhu vachidanidzira, kuchema, uye kurira. Kutiza kwakanga kusingaiti. Samuel akaudza mudzimai wake nevanakomana vatatu kuti vapfugame pauriri, vasimudze maoko avo, vavhare maziso avo, ndokumirira. Pakapinda matsotsi acho, Samuel akataura navo maziso akatarira pasi, achiziva kuti kana akatarira zviso zvavo, vangafunga kuti angazovaziva pane imwe nguva. “Pindai,” akadaro. “Chero chipi chamunoda, torai. Makasununguka kutora chero chinhu chipi zvacho. Tiri Zvapupu zvaJehovha, uye hatisi kuzokudzivisai.” Matsotsi acho akashamiswa neizvi. Muawa yakatevera yacho kana kuti kupfuura, varume 12 vaiva nezvombo vakauya vakaita zvikwata. Kunyange zvazvo vakaba zvishongo zvinokosha, mari, nezvinhu zvemagetsi, mhuri yacho haina kurohwa kana kuchekwa nemapanga sezvakanga zvaitwa vamwe vaiva muchivako chacho. Mhuri yaSamuel yakaonga Jehovha nokuda kwoupenyu hwavo.

      Izvi zvinoenzanisira kuti kana totaura nezvemari nezvinhu zvokunyama, vanobirwa vasingadzivisi vangaderedza zvingangoita kuti vakuvadzwe.a

  • Panouya Matsotsi Ane Zvombo
    Nharireyomurindi—1998 | December 15
    • a Ichokwadi kuti kuita zvinenge zvichidiwa kune pakunogumira. Vashumiri vaJehovha havaiti zvinenge zvichidiwa munzira chero ipi zvayo inoputsa mutemo waMwari. Somuenzaniso, muKristu haazobvumi kubatwa chibharo achida.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe