RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Rambai Muchitsvaka Umambo Nokururama kwaMwari
    Nharireyomurindi—1990 | October 1
    • 1, 2. Vanyori navaFarise vaitendeudzira mabasa akanga akanaka maari amene muchii, uye inyeveroi iyo Jesu akapa kuvateveri vake?

      VANYORI navaFarise vaitsvaka kururama nenzira yavo vamene, iyo yakanga isiri nzira yaMwari. Kwete ikoko bedzi, asi apo vaiita mabasa akanga akanaka maari amene, vaiatendeudzira muzviito zvounyengeri kuti vaonekwe navanhu. Vakanga vachibatira, kwete Mwari, asi rudado rwavo vamene. Jesu akanyevera vadzidzi vake pakunyengera kwakadaro, achiti: “Chenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muonekwe navo; kana madaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kudenga.”—Mateo 6:1.

  • Rambai Muchitsvaka Umambo Nokururama kwaMwari
    Nharireyomurindi—1990 | October 1
    • 3. (a) Vanyori navaFarise vakaripirwa zvakazara munzirai nokuda kwokupa kwavo? (b) Chimiro chaJesu pakupa chakanga chakasiana sei?

      3 Shoko rechiGiriki nokuda kwa‘vari kuva zvakazara’ (a·peʹkho) rakanga riri shoko rakanga richioneka kazhinji kazhinji mumarisiti ebhizimisi. Kushandiswa kwaro muMharidzo yapaGomo kunoratidzira kuti “vakagamuchira tuso yavo,” ndiko kuti, “vakasaina risiti yetuso yavo: maruramiro avo okugamuchira tuso yavo anozivikanwa, zvikurukuru sokunge vakanga vatopa risiti rwawo.” (An Expository Dictionary of New Testament Words, rakanyorwa naW. E. Vine) Zvipo zvavarombo zvaivimbiswa pachena mumigwagwa. Mazita avapi vezvipo aiziviswa mumasinagoge. Avo vaipa zvitsama zvikuru vaikudzwa zvikuru kupfurikidza nokuva nezvigaro zviri pedyo navanarabhi mukati mokunamata. Ivo vaipa kuti vaonekwe navanhu; vaionekwa uye vairumbidzwa navanhu; nokudaro, vaigona kudhinda risiti nokuda kwetuso yaibva mukupa kwavo “Waripirwa Zvakazara.” Chimiro chaJesu chakanga chakasiana sei! Ipa “pakavanda; ipapo Baba vako vanoona pakavanda vachakupa mubairo.”—Mateo 6:3, 4; Zvirevo 19:17.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe