RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Zvipo Zvaikodzera Kupiwa Mambo
    Nharireyomurindi—2015 | March 1
    • Zvinonhuwirira zvakasiyana-siyana

      Zvipo Zvaikodzera Kupiwa Mambo

      “Vazivi venyeredzi vokumativi okumabvazuva . . . vakasunungurawo pfuma yavo vakamupa zvipo, ndarama nezvinonhuhwirira zvichena nemura.”​—Mateu 2:1, 11.

      UNGASARUDZA chipo chakaita sei kuti upe munhu anokosha chaizvo? Munguva inotaurwa muBhaibheri zvimwe zvinonhuhwirira zvaikosha segoridhe, zvokuti zvaitova zvipo zvaikodzera kupiwa mambo.a Ndosaka pazvipo zvakauya nevazivi venyeredzi vachinopa “mambo wevaJudha” paivawo zviviri zvinonhuhwirira.​—Mateu 2:1, 2, 11.

      Mafuta eBharisamu

      Mafuta eBharisamu

      Bhaibheri rinotaurawo kuti mambokadzi weShebha akashanyira Soromoni, ndokumupa “matarenda endarama zana nemakumi maviri, nemafuta ebharisamu mazhinji kwazvo, nematombo anokosha; uye pakanga pasati pambova nemafuta ebharisamu akaita seakapiwa Mambo Soromoni namambokadzi weShebha.”b (2 Makoronike 9:9) Kwaivawo nemadzimambo aipa Soromoni mafuta ebharisamu nekuti vaimufarira.​—2 Makoronike 9:23, 24.

      Munguva inotaurwa muBhaibheri, chii chaiita kuti zvinonhuhwirira izvozvo zvikoshe uye zvidhure? Zvaishandiswa pakuita zvinhu zvinokosha zvakasiyana-siyana zvakadai sepakupoda poda, pakunamata uye pakuviga mufi. (Ona bhokisi rakanzi “Kushandiswa Kwezvinonhuhwirira Munguva Inotaurwa muBhaibheri.”) Zvinonhuhwirira zvaidhura nekuti zvaidiwa nevanhu vakawanda uyewo kuzvitakura kwaidhura.

      KUPFUURA NEMUGWENGA REARABIA

      Kasiya

      Kasiya

      Munguva inotaurwa muBhaibheri mimwe miti yaigadziriswa zvinonhuhwirira yaimera muBani reJodhani. Asi zvimwe zvinonhuhwirira zvaitengwa kune dzimwe nyika. MuBhaibheri munotaurwa zvinonhuhwirira zvakasiyana-siyana. Zvainyanya kuzivikanwa zvacho zvinosanganisira, safuroni, arosi, bharisamu, sinamoni, zvinonhuhwirira zvichena uye mura. Kunewo zvimwe zvainyanya kuzivikanwa zvinoti kumini, mindi nedhiri, zvaiiswa mune zvekudya.

      Zvimwe zvinonhuhwirira zvaibva kunyika dzipi? Arosi, kasiya, nesinamoni zvaibva kunyika dzava kunzi China, India uye Sri Lanka. Zvinonhuhwirira zvichena uye zvimwe zvakadai semura zvaibva pamiti uye makwenzi aimera munzvimbo dzakaita gwenga kutangira kumaodzanyemba kweArabia kusvika kuSomalia, muAfrica. Uyewo nadhi yaingowanika kuIndia chete, mumakomo eHimalaya.

      Safuroni

      Safuroni

      Kuti zvinonhuhwirira zvakawanda zvisvike kuIsrael, zvaipfuura nemuArabia. Izvi ndizvo zvimwe zvakaita kuti mumakore ekuma2000 B.C.E. uye 1000 B.C.E., “zvinhu zvakawanda zvaitengeseranwa nevaiva kumabvazuva nevekumadokero zvigume zvava kungopfuura” nemuArabia chete, rinodaro The Book of Spices. Maguta neshongwe, uye zviteshi zvevafambi zvekare zviri mugwenga reNegev, riri nechekumaodzanyemba muIsrael, zvinoratidza maipfuura nevaitenga uye vaitengesa zvinonhuhwirira. Nzvimbo idzi “dzinoratidzawo kuti pane bhizimisi raiva nepurofiti yakakura raiitwa . . . kubva kumaodzanyemba kweArabia kusvika kuMediterranean,” inodaro UNESCO World Heritage Centre.

      “Sezvo zvaitengeswa zviri zvishoma, zvichidhura, ukuwo zvichidiwa nevanhu, bhizimisi rezvinonhuhwirira raidiwa nevakawanda.”​—The Book of Spices

      Mapoka evanhu vainge vakaremerwa nezvinonhuhwirira izvi vaigara vachifamba makiromita anenge 1 800 vachipfuura nemuArabia. (Jobho 6:19) Bhaibheri rinotaura nezveboka revafambi vaitengesa vechiIshmaeri vainge vakatakura zvinonhuhwirira zvinoti, “rabhudhanamu nebharisamu nemakwati anobudisa zvinonama,” kubva kuGiriyedhi vachienda nazvo kuIjipiti. (Genesisi 37:25) Vanakomana vaJakobho vakatengesa munin’ina wavo Josefa kuti ave muranda wevanhu ivavo.

  • Zvipo Zvaikodzera Kupiwa Mambo
    Nharireyomurindi—2015 | March 1
    • Zvinonhuhwirira Zviviri Zvakapiwa Jesu

      Zvinonhuhwirira zvichena uye mura zvaibva pamuto unonama unobuda panochekwa makwati emiti miduku kana kuti emakwenzi ane minzwa.

      Miti yezvinonhuwirira zvichena inowanikwa kumahombekombe ekumaodzanyemba kweArabia, uye makwenzi emura aikura munharaunda dzakaita segwenga munyika dzava kunzi Somalia neYemen. Kunhuwirira kwazvaiita kwakaita kuti zvifarirwe nevanhu. Jehovha pachake akasarudza kuti zvishandiswe pakumunamata. Mura yaigadziriswa mafuta matsvene ekuzodza nawo uye zvinonhuwirira zvichena zvaishandiswa pakugadzira rusenzi tsvene. (Eksodho 30:23-25, 34-37) Mura nezvinonhuhwirira zvichena zvaishandiswa nenzira dzakasiyana.

      Zvinonhuwirira zvichena, izvo zvaiwanzoshandiswa serusenzi, zvaipiswa kuti zvibudise kunhuwirira kwacho. Asi muto waibuda pamura, waingoshandiswa wakadaro. Mura inotaurwa nezvayo katatu munhoroondo dzaJesu: sepaya paakaipiwa sechipo achiri muduku (Mateu 2:11), uye vanhu pavakaedza kumupa yakavhenganiswa newaini kuti aderedze marwadzo akarovererwa padanda, (Mako 15:23), uye payakashandiswa pakugadzirira mutumbi wake kuti uzovigwa (Johani 19:39).

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe