-
Mararamiro Ako Ngaaenderane Nemunyengetero Womuenzaniso—Chikamu 1Nharireyomurindi—2015 | June 15
-
-
“BABA VEDU VARI KUMATENGA”
4. Mashoko okuti “Baba vedu” anotiyeuchidzei, uye nei vaKristu vane tariro yokurarama panyika vachiti “Baba” kuna Jehovha?
4 Jesu akatanga munyengetero womuenzaniso nemashoko okuti “Baba vedu,” kwete kuti “Baba vangu.” Izvi zvinotiyeuchidza kuti Jehovha ndiBaba vehama nehanzvadzi dzedu dziri munyika yose. (1 Pet. 2:17) Uku kukomborerwa chaiko! VaKristu vakazodzwa, avo vane tariro yokudenga, vakagamuchirwa sevanakomana vaMwari, saka zvakakodzera kuti vati “Baba” kuna Jehovha. (VaR. 8:15-17) VaKristu vane tariro yokurarama nokusingaperi panyika vanogonawo kuti “Baba” kuna Jehovha. Ndiye anovapa upenyu uye zvokurarama nazvo. Vachazonyatsova vana vaMwari pavanenge vasisina chivi uye varatidza kuti vakatendeka pachauya muedzo wokupedzisira.—VaR. 8:21; Zvak. 20:7, 8.
-
-
Mararamiro Ako Ngaaenderane Nemunyengetero Womuenzaniso—Chikamu 1Nharireyomurindi—2015 | June 15
-
-
“ZITA RENYU NGARITSVENESWE”
7. Tine ropafadzo yei, uye zvii zvatisingafaniri kuita?
7 Takaropafadzwa chaizvo kuziva zita raMwari uyewo kuzivikanwa ‘sevanhu vezita rake.’ (Mab. 15:14; Isa. 43:10) Tinonyengetera kuna Baba vedu vokudenga tichiti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” Tinokumbirawo kuti Jehovha atibatsire kuti tisataura kana kuita chimwe chinhu chinozvidzisa zita rake dzvene. Hatidi kufanana nevamwe vaKristu vekutanga vainge vasingaiti zvaienderana nezvavaiparidza. Muapostora Pauro akavanyorera kuti: “Zita raMwari riri kumhurwa pakati pemamwe marudzi nemhosva yenyu.”—VaR. 2:21-24.
8, 9. Taura muenzaniso unoratidza kuti Jehovha anokomborera vaya vanoda kuti zita rake ritsveneswe.
8 Tinoda kuti zvose zvatinoita zvitsvenese zita raMwari. Imwe hanzvadzi yokuNorway yakangoerekana yafirwa nemurume ikasiyiwa nemwanakomana aiva nemakore maviri. Hanzvadzi yacho inoti, “Iyi ndiyo nguva yainge yakaoma chaizvo muupenyu hwangu. Ndainyengetera zuva nezuva, inenge awa yoga yoga, ndichikumbira Jehovha kuti andibatsire kuti ndisaita chinhu chingapa Satani mukana wokuti ashore Jehovha. Ndaida kutsvenesa zita raJehovha uye kuti mwana wangu azoonanazve nababa vake muParadhiso.”—Zvir. 27:11.
9 Jehovha akapindura minyengetero yehanzvadzi iyi here? Hongu. Yakabatsirwa nokugara kwayaiita ichishamwaridzana nehama nehanzvadzi. Pashure pemakore mashanu, yakazoroorwa nemukuru muungano. Mwanakomana wayo ava nemakore 20 uye akabhabhatidzwa. Hanzvadzi iyi inoti, “Ndiri kufara chaizvo kuti murume wangu akandibatsira kurera mwana wangu.”
10. Mwari achatsvenesa sei zita rake zvokuti harizombosvibiswizve?
10 Mwari achaitei kuti zita rake ritsveneswe zvokuti harizombosvibiswizve? Achabvisa vanhu vose vanoramba kuti ndiye Mutongi wavo. (Verenga Ezekieri 38:22, 23.) Chivi chatinacho chichatanga kubviswa zvishoma nezvishoma. Takamirira chaizvo nguva yokuti munhu wose ari kudenga nepanyika ange ava kukudza zita dzvene raJehovha! Kana izvi zvaitika, Baba vedu vokudenga vane rudo vachabva vava “zvinhu zvose kuvanhu vose.”—1 VaK. 15:28.
-