Kuzarura Nzira Yokudzokera kuParadhiso
“[Jesu] akati kwaari: ‘Zvirokwazvo ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.’”—RUKA 23:43, “NW.”
1, 2. (a) “Paradhiso” inorevei, uye bindu reEdheni rinofanira kuva rakanga rakafanana nechii? (b) Shoko rechiHebheru rokuti “bindu” rinoshandurwa sei muMagwaro echiGiriki echiKristu?
MHURI yavanhu yakawana mavambo ayo muParadhiso. Pamusoro pokusikwa kwomunhu, tinorava mubhuku rokutanga raMagwaro Matsvene, kuti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu. Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisamo munhu waakanga aumba.” (Genesi 2:7, 8) Zita rokuti “Edheni” rinoreva “Mufarwa,” uye nokudaro bindu reEdheni rakanga riri munhanga muhombe womufarwa, une mativi akawanda naakasiana-siana akaisvonaka.
2 Shoko rokuti “paradhiso” rinotorwa mumutauro wechiGiriki, uye mumutauro iwoyo iro rinoreva bindu rakafanana nomunhanga. Shoko rechiGiriki rinoshandiswa kushandura zita rechiHebheru gan, rinoreva “bindu,” ndipa·raʹdei·sos. Magwaro kuvambira pana Mateo kusvikira kuna Zvakazarurwa akanyorwa mumutauro wechiGiriki, uye iri shoko rechiGiriki rakashandiswa mukunyora kutaura kwaIshe Jesu Kristu paakanga achitambura chirango chorufu padanda rokutambudzira paKarivhari pana Nisani 14 wegore ra 33 N.V.
Chipikirwa chaJesu cheParadhiso Kumuiti Wezvakaipa
3. (a) Chii icho muiti wezvakaipa anonzwira tsitsi akakumbira Jesu? (b) Chikumbiro chomuiti wezvakaipa chakaratidza chii pamusoro pechitendero chake pamusoro paJesu?
3 Panguva iyoyo, vaiti vezvakaipa vaviri vakarovererwa parutivi paJesu. Mumwe wavo akanga arega kutuka Jesu nomutoo uyo gororo rechipiri rakarovererwa parumwe rutivi rwaJesu rakapfuurira kuita. Muiti wezvakaipa anonzwira tsitsi akatendeuka ndokuti: “Jesu, ndiyeukei apo munopinda muumambo hwenyu,” nokudaro achiratidzira kutenda kuti Jesu, kunyange zvazvo akanga akarembera parutivi pake, akanga ari mumutsara woumambo hwomunguva yemberi. (Ruka 23:42, NW; Marko 15:32) Ikoko kunofanira kuva kwakaorora sei mwoyo waIshe Jesu! Tsotsi roushamwari iroro rakadavira kuti Jesu Kristu akanga asina mhaka uye kuti akanga asingafanirwi nechirango chakakomba chakadaro sokurovererwa muruzvidzo rwapachena. (Ruka 23:41) Iro rakaratidza nechikumbiro charo kuti raidavira kuti Jesu aizomutswa muna vakafa uye aizopinda muumambo. Muiti wezvakaipa akaratidzawo kutenda kwokuti iye amene aigona kuva norumuko uye kuti Jesu aizova Uyo wokumudana kubva muna vakafa ndokumupa upenyu hwakamutsidzirwa pasi pano.
4. Jesu akapindura sei chikumbiro chomuiti wezvakaipa, kuchiratidzira chii?
4 Apo Jesu akati kwaari: “Zvirokwazvo ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso,” iye akanongedzera kurumuko rwomuiti wezvakaipa iyeyo anonzwira tsitsi. Iyoyo inofanira kuva yaiva nyaradzo chaiyoiyo kutsotsi rakaratidza kutenda. Kuti rumuko rwomurume iyeyo ruitike, Jesu aifanira kutanga kumutswa. Ipapo, achishandisa simba rake rorumuko rakapiwa naMwari, Jesu aizodana kuti adzokere uyu muiti wezvakaipa achibva muna vakafa pazuva rorumuko rwenyika yorudzi rwomunhu.—Ruka 23:43, NW; Johane 5:28, 29; 1 VaKorinte 15:20, 23; VaHebheru 9:15.
5, 6. (a) Chii icho Gavhuna Pontio Pirato akaita kuti chinyorwe pamusoro paJesu akarovererwa? (b) Sezvingabvira Jesu akataura kumuiti wezvakaipa mumutauroi?
5 Jesu akapa chipikirwa ichocho mumutauroi? Inoverengeka yaishandiswa imomo panguva yacho. Ikoku kunoratidzwa namashoko ayo Gavhuna Pontio Pirato akaparira kunyorwa pamusoro pomusoro waJesu Kristu akarovererwa, aimuzivisa kuti vapfuuri vose varave. Nhauro iri pana Johane 19:19, 20 inoti: “Pirato akanyorawo rugwaro, akaruisa [padanda rokutambudzira, NW]. Kwakanga kwakanyorwawo, kuchinzi: ‘Jesu weNazareta, Mambo wavaJudha.’ Zvino vaJudha vazhinji vakarava rugwaro urwu; nokuti panzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu, yaiva pedyo neguta; rwakanga rwakanyorwa nechiHebheru, nechiRatini, nechiGiriki.”
6 Kupfurikidza nokuberekwa kwake muBhetrehema naamai vake mhandara, Maria, Jesu akaberekwa ari muJudha, kana kuti muHebheru. Naizvozvo, mukuparidzira kwake kwamakore matatu nehafu munyika yokuberekwa kwake, iye sezviri pachena akaparidzira mumutauro wapanguva yacho wechiJudha, kana kuti chiHebheru. Nokudaro, apo iye akaita tsinhiro dzinonyaradza kumuiti wezvakaipa anonzwira tsitsi, iye sezvingabvira akataura muchiHebheru. Naizvozvo iye aizova akashandisa shoko rechiHebheru gan pakunongedzera kuParadhiso—shoko rinowanwa pana Genesi 2:8. Ipapo, shanduro yeSeptuagint yechiGiriki yaMagwaro Anoyera inoshandisa shoko rokuti pa·raʹdei·sos pakushandura shoko rapakuvamba gan.
7. Jesu akapiwa mbiri sei paakamutswa?
7 Jesu akamutswa muna vakafa pazuva rechitatu pashure pokurovererwa kwake, kana kuti pana Nisani 16 wekarenda yechiHebheru. Mazuva ane makumi mana gare gare iye akadzokera kudenga, musha wake wapakuvamba, zvino bedzi mumugariro wakakwirira zvikuru. (Mabasa 5:30, 31; VaFiripi 2:9) Iye zvino akapfekedzwa kusafa, vara rinogoveranwa naBaba vake vokudenga. Jehovha Mwari akanga ave ari Mwene bedzi wokusafa kutozosvikira parumuko rwaJesu muna vakafa paSvondo iroro, Nisani 16.—VaRoma 6:9; 1 Timotio 6:15, 16.
Rudzikinuro Runozarura Nzira
8. Nderipi raiva donzo rapakuvamba raJehovha pamusoro papasi, uye chii chinoratidza kuti iye anonamatira kudonzo iroro?
8 Dzose idzodzi dzakanga dziri nhano mudonzo raMwari rokuita kuti pasi rose rifukidzwe norunako rweparadhiso, hungu, rive paradhiso yapasi pose. (Genesi 1:28; Isaya 55:10, 11) Pana 1 VaKorinte 15:45, muapostora Pauro anonongedzera kuna Jesu sa“Adhama wokupedzisira.” Ikoku kunoratidzira kuti Mwari akabatirira kudonzo rake rapakuvamba pamusoro papasi uye kuti mumwe munhu achazadzika donzo iro Adhama wokutanga akakundikana kuita.
9. Chii chakagovera Jesu kuzarura nzira yokudzokera kuParadhiso?
9 Mukuwirirana naPauro, Jesu akagovera “rudzikinuro runowirirana.” (1 Timotio 2:6, NW) Jesu Kristu amene akanga ati: “Somwanakomana womunhu akavinga, kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake sorudzikinuro mutsinhano nokuda kwavazhinji.” Ikoku kwakabvirisa avo vanoshandisa kutenda muna Jesu Kristu kuwana upenyu husingaperi.—Mateo 20:28, NW; Johane 3:16.
10. (a) Chii chakasarudza Mwari pamusoro pechiverengero chakaganhurirwa chavanhu vanodiwa? (b) Kusarudzwa kwe“boka duku” kwakavamba rini, uye naani?
10 Apo Jesu akakwira kudenga pashure porumuko rwake muna vakafa, aigona kupa runako rwechibairo chake chorudzikinuro kuna Mwari nokuda kwemhuri yavanhu. Zvisinei, rakanga riri donzo raBaba vake vokudenga, Jehovha Mwari, kutora mumarudzi apasi “vanhu vezita rake.” (Mabasa 15:14, NW) Mukuwirirana naZvakazarurwa 7:4 na 14:1-4, ivava vachasvika vanhu vamwe navamwe vane 144 000 chete, “boka duku,” rinodanwa kuUmambo hwokudenga hwaMwari. (Ruka 12:32, NW) Kusarudzwa kwavanodiwa zvikuru vaJehovha Mwari kwakavamba nokusarudzwa kwavaapostora 12 vaJesu Kristu. (Mateo 10:2-4; Mabasa 1:23-26) Jesu akati kumitezo yenheyo yeungano yake: “Imi hamuna kundisarudza, asi ini ndakakusarudzai.” (Johane 15:16, NW) Ivava vaizotungamirira basa rokuzivisa Paradhiso inouya yapasi rose mukutonga kwoUmambo.
Kufanira kwoUmambo
11. Umambo hwouMesia hwaifanira kugadzwa rini?
11 Muzita raShe Jesu Kristu, isu nhasi tinopfuurira kupa munyengetero kuna Jehovha wokuti Umambo Hwake huuye. (Mateo 6:9, 10; Johane 14:13, 14) Umambo hwaMesia hwaifanira kugadzwa pamugumo pe“nguva dzakagadzwa dzamarudzi.” (Ruka 21:24, NW) Nguva dzaVamarudzi idzodzo dzakazadzikwa pakasvika gore ra 1914.a
12. Chii chakaitika muna 1914 mutsinhirano nouporofita hwaJesu hwezvinhu zvinoshamisa izvo zvaizoratidzira kuvapo kwake kusingaoneki?
12 Gore iroro rakaratidzirwa nehondo yokutanga yenyika yenhau yavanhu. Ikoku kwakanga kuri mutsinhirano nouporofita hwaJesu pamusoro pezvinhu zvinoshamisa zvaizoratidzira kuvapo kwake kusingaoneki musimba roUmambo pamusoro papasi. Vadzidzi vake vakanga vamubvunza mubvunzo, unoti: “Tiudzei, Zvinhu izvozvi zvichavapo rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” Mumhinduro Jesu akati: “Rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo, uye munzvimbo imwe neimwe muchava neperevedzo dzezvokudya nokudengenyeka kwapasi. Zvinhu zvose izvozvi mavambo amarwadzo enhamo. Uye aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:3, 7, 8, 14, NW; Marko 13:10.
13. (a) Kuparidzirwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari mashoko akanaka munzirai? (b) Minyengetero yokuti Umambo hwaMwari huuye yakapiwa kwenguva yakareba sei, uye Zvapupu zvake pasi pano zvakatongoneta here nokupa iyi minyengetero?
13 Aya mashoko akanaka oUmambo hwaJehovha zvino ari kuparidzirwa munyika dzinopfuura 200, uye nhamburiko dziri kuitwa dzokuapinza mudzimwe ndima. Iwo mashoko, kwete ehurumende yenyika ichigere kuuya, asi oumambo zvino hwava kutonga, hwava kutobata ushe. Umambo ihwohwo hwakagadzwa muna 1914. Ihwo hwakatanga nhambo yemhinduro kumunyengetero uyo Jesu akaratidza anopfuura makore 1 900 apfuura. Munyengetero iwoyo wakapiwa kuMuvambi woUmambo ihwohwo chibviro chaapo uyo aizova Mambo wehurumende iyoyo akadzidzisa vadzidzi vake kuhunyengeterera. Naizvozvo Muvambi woUmambo ihwohwo ave achinzwa chikumbiro chahwo kwenguva refu zvikuru. Iye akafadzwa kunzwa munyengetero uchipiwa kwaari nezvapupu zvake pasi pano mukati menguva iyoyo yose, nokuti kwakaratidzira kuti ivo vakanamatira kukutenda kwavo mukuuya kwoUmambo ihwohwo. Ivo havana kuneta kupa munyengetero iwoyo kuna “Baba vari mumatenga,” sokunge wakanga wava chimwe chinhu chakaipa kwavari.—Mateo 6:9, 10, NW.
14. Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichipfuurira mukuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari?
14 Nepo Zvapupu zvaJehovha zvichidavira uye zvichizivisa kuti Umambo hwakagadzwa mumatenga muna 1914, izvo zvinopfuurira mukuparidzira aya mashoko akanaka oUmambo. Izvo zvinoita saizvozvo nemhaka yokuti Umambo ihwohwo hwakagadzwa hahusati hwadzora chose chose pasi asi hwakabvumidza maumambo enyika ino kupfuurira kushandisa simba rahwo nechiremera pamarudzi ose namadzinza orudzi rwomunhu. (VaRoma 13:1) Naizvozvo hunofanira kuuya mupfungwa yakazara, ndiko kuti, kumwero wokuti iyo ihurumende chose chose inodzora mupasi rose.—Dhanieri 2:44.
15. Chii chave chichiitika chifo chePentekosta 33 N.V. icho chiri pamwero mukuru zvikuru kupfuura apo madzimambo aIsraeri akazodzwa?
15 Kunyange zvazvo akasarudzwa saMambo woUmambo ihwohwo, Jesu haatongi ari oga. Jehovha Mwari akagadza vateveri 144 000 voMwanakomana wake woUmambo kuti vave vadyi venhaka pamwe chete muUmambo hwaMesia hwaMwari. (Dhanieri 7:27) Kungofanana namadzimambo aIsraeri wakare aizodzwa namafuta okuzora matsvene nomuprista mukuru, naizvozvo chibviro chezuva rePentekosta 33 N.V., Jehovha akaita kuti vadyi venhaka pamwe chete vane 144 000 vaJesu Kristu vazodzwe nomudzimu mutsvene Wake, achivaberekera kuupenyu hwomudzimu mumatenga na“Mambo wamadzimambo naShe wamadzishe.”—Zvakazarurwa 19:16; enzanisa na 1 Madzimambo 1:39.
Paradhiso Ichadzorerwa na“Adhama Wokupedzisira”
16. Chii chakanga chiri chitarisiko choUmambo pakurovererwa kwaJesu, asi neiko iye akanga ave asiri muzivisi wamashoko akaipa?
16 Pakurovererwa kwaJesu muna 33 N.V., hakuna kutongotarisika sokunobvira kuti iye aigona kutongova noumambo. Asi mukuparidzira kwake Umambo hwaMwari, iye akanga ave ari asiri muzivisi wamashoko akaipa. Pazuva rechitatu pashure pokurovererwa kwake, Muvambi woUmambo akava nechokwadi chokuti vadzidzi vaJesu havasati vaizopa munyengetero wehurumende yakanga isingabviri. Jehovha akamutsa Uyo aizomirira Iye woUmambo hwainyengetererwa ndokumupfekedza kusafa.
17, 18. (a) Chii chiri revo yokudanwa kwaJesu kuti “Adhama wokupedzisira”? (b) Chii icho zvinoitika zvenyika chibviro cha 1914 zvinoratidzira?
17 Jesu aziva kuti Musiki weParadhiso yokutanga pasi pano aizoisa paari musengwa wokumutsidzira Paradhiso ndokutarisira kuzadzwa kwebindu rapasi rose. Pana 1 VaKorinte 15:45, 47, tinorava, kuti: “Zvakanyorwawo saizvozvo, zvichinzi: ‘Munhu wokutanga, Adhama, wakaitwa mupenyu;’ Adhama wokupedzisira wakaitwa [mudzimu, NW], unopa upenyu. Munhu wokutanga ndowenyika, wevhu; munhu wechipiri wakabva kudenga.” Adhama wechipiri akaburuka achibva kudenga uye ndiye uyo Jehovha anoshandisa kutangazve Paradhiso pano pasi pano. Pakanga pari pahwaro ihwohwu kuti Ishe Jesu akati kumuiti wezvakaipa anonzwira tsitsi: “Iwe uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43, NW) Kubva muiyi kurukurirano kuri pachena zvakare kuti Paradhiso ichatangwa pasi pano muUmambo hwokudenga musimba raJesu Kristu akapiwa mbiri, “Adhama wokupedzisira.”
18 Zvinoitika zvenyika chibviro cha 1914 zvinotsinhirana namauporofita akataurwa naJesu Kristu nokudaro ndokubvumikisa kuti Jesu ave achitonga chibviro chenguva iyeyo. Kwamakore anopfuura makumi manomwe zvino, vanhu vechizvarwa chezana rino ramakore rechi 20 vanorarama chibviro cha 1914 vakawana zadziko yezvinoitika zvakarongwa muuporofita hwaJesu hunowanwa pana Mateo ganhuro 24. Naizvozvo, iyi nhambo yenguva yava kusvika mugumo wayo, nokudzorerwa kweParadhiso pasi pano kwava pedyo.—Mateo 24:32-35; enzanisa nePisarema 90:10.
Nguva Inofadza Yenyika Itsva Yava Pamberi Apa
19, 20. (a) Pashure peArmagedhoni, Jehovha achaisa vadi vake muchii? (b) Chii chichafanira kuitwa nokukurumidza pashure peArmagedhoni?
19 Haisati ichizova tsika inofinha, isingafadzi yezvinhu umo Jehovha achapinza vadi vake pashure pokunge areverera uchangamire hwake hwapose pose pasina panikiro yose panhandare yehondo yeArmagedhoni. Nguva iri kuuya yemhuri yomunhu mukutonga kwakanaka kwaMambo hwouMesia, Jesu, Mwanakomana waMwari, ichava inofadza zvikurusa zvamazvirokwazvo. Haiwa, kuchava nezvakawanda sei zvinofanira kuitwa zvorudzi runobetsera! Kuvadziko ipi neipi neyose yakasiiwa pamusoro papasi nerwisano yakapoteredza pasi rose pakati pehondo dzokudenga dzaJehovha namauto akaunganidzwa ezvakaipa ichabviswa. Hakuna chisaririra chichasiiwa.
20 Asi zvakadiniko nezveshongedzero yose yehondo iyo marudzi achasiya shure? Nemhaka yokuratidzirwa kwokufananidzira kwourefu hwenguva kuchatora kurasa mativi anotsva azvo, huwandu hwazvo huchava hukuru. (Ezekieri 39:8-10) Vapukunyuki veArmagedhoni vangakwanisa kuchinjira zvinhu zvezvisaririra zvipi nezvipi zvehondo zvamarudzi kumadonzo anobetsera.—Isaya 2:2-4.
21. Kufanana nechinoitika chavapukunyuki vaMafashamo, mugariroi uchatarisana navapukunyuki veArmagedhoni, asi nomusianoi mukuru?
21 Vamabiyake vakakomborerwa vomuzuva razvino uno vaNoa nemhuri yake savapukunyuki venenji veBoporodzi rapasi pose vachasangana nomugariro wapasi wakafanana nouyo mhuri yaNoa yakawana. Zvisinei, Satani Dhiabhorosi namauto ake amadhemoni havasati vachizotambudzazve matenga asingaoneki akapoteredza pasi asi achaitwa kuti ave asingashandi chose chose kwamakore ane chiuru. (Zvakazarurwa 20:1-3) Vapukunyuki veArmagedhoni vachava nebasa rinodenha rokurima pasi iro rakapfuura nomu“zuva guru raMwari Wamasimba ose,” kutarisana nemiuyo ipi kana ipi iyo ikoku kuchave kwasiya panyika ino.—Zvakazarurwa 16:14, NW.
22. Vapukunyuki veArmagedhoni vachaita sei kudenho yokutambanudza Paradhiso mupasi rose?
22 Vashomanene zvikuru muchiverengero, ava vapukunyuki vehondo yeArmagedhoni kazhinji kazhinji vangakarirwa kuva vanotyiswa zvikuru pavanopiwa basa guru rokutambanudza Paradhiso mupasi rose. Asi mukupesana, vafadzwa zvikurusa, ivo vachaita mavambo oushingi nokuteerera kwakuri. Ivo vanoziva zvizere kuti pasi rino chitsiko chetsoka dzaMwari chokufananidzira, uye ivo vanoda zvapachokwadi kuita kuti denderedzwa rino rapasi risvitswe kumugariro worutsvindo norunako wakafanirwa nokuita kuti tsoka dzake dzizorore pano.
23. Itsigiroi iyo vapukunyuki veArmagedhoni vachava nayo sevimbiso yokuti basa ravo rokudzorera Paradhiso richabudirira?
23 Kunofadza nokukurudzira kuziva kuti ivo havasati vachizosiiwa vari voga uye vasingayamurwi pashure pokutanga iri basa rinofadza muzadziko yomurairo woumwari pamusoro papasi. (Enzanisa naIsaya 65:17, 21-24.) Ivo vachava netsigiro yakazara, isina kuganhurirwa yoUyo akaita chipikirwa cheParadhiso ichadzorerwa uye uyo akati pazuva rokukwira kwake kudenga: “Chiremera chose chakandipiwa mudenga napasi pano.” (Mateo 28:18, NW) Iye achine chiremera ichocho, uye iye anokwanisa kuzadzika chipikirwa chake chinoshamisa kumuiti wezvakaipa anonzwira tsitsi, sezvatichaona munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwoudzame, ona bhuku rinonzi “Let Your Kingdom Come,” rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 135-9. Onawo Ezekieri 21:27.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Chipikirwa chaJesu paKarivhari chinovimbisei nokuda kworudzi rwomunhu uye nokuda kwetsotsi rimwe?
◻ Chii chiri chikuru kukuzarura nzira yokudzokera kuParadhiso?
◻ Chii icho Adhama wokutanga akakundikana kuita, asi chii icho “Adhama wokupedzisira” achaita?
◻ Pashure peArmagedhoni, Jehovha achapinza vadi vake mutsikai yezvinhu?
[Mufananidzo uri papeji 13]
Nyaya inoti “End of All Kingdoms in 1914” yakaoneka mu“The World Magazine” yaAugust 30, 1914