Unotya Vakafa Here?
VAKAWANDA vanopindura mubvunzo uyu nokungoti “Kwete. Ndingagovatyirei?” Vanodavira kuti vashakabvu, vakafa zvechokwadi. Zvisinei, mamiriyoni anogutsikana kuti vakafa vanopfuurira kurarama vari vanhu vomudzimu.
MuBenin, West Africa, vakawanda vanodavira kuti vakafa vanogona kudzoka kuzouraya vamwe vomumhuri yavo vanenge vasara. Vanhu vanotengesa zvinhu kana kuti vanopinda muzvikwereti kuti vabhadhare zvibayiro zvemhuka nemabira okuti vafadze hama dzavo dzakafa. Vamwe vanoita zvemidzimu, zvinosanganisira pfungwa yokuti mweya uri pamunhu unopona parufu uye unogona kutaura nevapenyu. Vamwe vane zvinhu zvinotyisa zvakaitika muupenyu hwavo zvavanofunga kuti zvakakonzerwa nemidzimu yevakafa.
Mumwe murume anonzi Agboola anogara pedyo nomuganhu wenyika yeBenin neNigeria akati izvi zvakaitikawo kwaari. Anoti: “Zvemidzimu zvakadzika midzi chaizvo kwandinogara. Itsika kugeza zvitunha nechinangwa chokuzvigadzirira kuti zvizova munyikadzimu. Ndaiwanzounganidza sipo yainge yasara ndoisanganisa nemamwe mashizha. Ndadaro, pandaizora musanganiswa wacho papfuti yangu yokuvhimisa ndaibva ndataura mhuka yandaida kuuraya. Tsika dzakadai dzinoitwa chaizvo uye dzinoita sedzinoshanda. Zvisinei, zvimwe zvinhu zvemidzimu zvaiitwa zvaityisa.
“Pakafa vanakomana vangu vaviri zvandisina kunyatsonzwisisa, ndakanyumwira kuti mumwe munhu akanga aroya vana vangu. Kuti ndive nechokwadi, ndakaenda kune imwe harahwa, n’anga yaiva nembiri. Yakatsigira zvandaifungira. Zvaitonyanya kurwadza ndezvokuti, yakandiudza kuti vanakomana vangu vakanga vava munyikadzimu vakamirira kuti vave varanda vomunhu akanga avauraya paaizofa. Harahwa yacho yakatopamhidza kuti ndizvo zvaizoitikazve kumwanakomana wangu wechitatu. Mazuva mashomanana akatevera, naiye akafawo.”
Agboola akabva asangana naJohn, mumwe weZvapupu zvaJehovha aibva kuNigeria yaiva pedyo. Zvakatsanangurwa naJohn nezvevakafa zvaibva muBhaibheri. Tsananguro iyoyo ndiyo yakachinja upenyu hwaAgboola. Inogona kuchinjawo upenyu hwako.
Vakafa Vapenyu Here?
Ndiani anogona kupindura mubvunzo uyu zvakarurama? Zvisinei, hapana n’anga inogona kuupindura pasinei nokuti ine mbiri yakaita sei. Asi Jehovha, Musiki wezvinhu zvose zvipenyu “zviri kumatenga nezviri panyika, zvinhu zvinooneka nezvinhu zvisingaoneki,” ndiye anogona kuupindura. (VaKorose 1:16) Akasika ngirozi kuti dzigare kudenga uye kuti vanhu nemhuka vagare panyika ino. (Pisarema 104:4, 23, 24) Zvinhu zvose zvipenyu zviri kudenga nepanyika zvinotsigirwa naye. (Zvakazarurwa 4:11) Saka chimboona zvinotaurwa neShoko raMwari, Bhaibheri, nezvevakafa.
Jehovha ndiye akatanga kutaura nezverufu. Akayambira kuti Adhamu naEvha vaizofa kudai vaisazomuteerera. (Genesisi 2:17) Izvozvo zvairevei? Jehovha akatsanangura kuti: “Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.” (Genesisi 3:19) Parufu muviri unoora, unodzokera kuvhu. Upenyu hunoguma.
Adhamu naEvha vakarega nemaune kuteerera saka vakatongerwa rufu. Zvisinei, havasi ivo vakatanga kufa. Mwanakomana wavo Abheri ndiye akatanga. Mukoma wake Kaini, akamuponda. (Genesisi 4:8) Kaini haana kutya kuti munun’una wake akanga afa aizomutsiva. Asi Kaini aitotya zvaaigona kuitirwa nevanhu vapenyu.—Genesisi 4:10-16.
Mazana emakore akazotevera, Mambo Herodhi akanetseka paakaudzwa nevazivi venyeredzi kuti munyika yake makanga maberekwa “mambo wevaJudha.” Atsunga kuti auraye mwana uyu aizova mambo, Herodhi akaronga kuti vakomana vose vaiva muBhetrehema vaiva nemakore maviri zvichidzika vaurayiwe. Asi ngirozi yakanyevera Josefa kuti atore Jesu naMariya vobva ‘vatizira kuIjipiti.’—Mateu 2:1-16.
Pakafa Herodhi, ngirozi yakaudza Josefa kuti adzokere kuIsraeri, “nokuti vaya vaitsvaka mweya womwana muduku [vakanga vafa].” (Mateu 2:19, 20) Ngirozi yacho, yaiva munhu womudzimu, yaiziva kuti Herodhi akanga asingachakwanisi kukuvadza Jesu. Josefa akanga asingatyi Mambo Herodhi akanga afa. Zvisinei, Josefa aitya zvaigona kuitwa nemwanakomana waHerodhi aidzvinyirira ainzi Akerausi. Saka Josefa akagara nemhuri yake muGarireya, nharaunda yakanga isingatongwi naAkerausi.—Mateu 2:22.
Nhoroondo idzi dzinotibatsira kuona kuti vakafa havana simba. Saka, zvakaitika kuna Agboola nekune vamwe zvingatsanangurwa sei?
“Madhimoni,” Kana Kuti Midzimu Isina Kuchena
Akura, Jesu akasangana nemidzimu yakaipa. Yakaziva Jesu uye yakamuti aiva “Mwanakomana waMwari.” Jesu aizivawo kuti yaiva vanaani. Yakanga isiri midzimu yevanhu vakafa. Asi, Jesu akati yaiva “madhimoni,” kana kuti midzimu isina kuchena.—Mateu 8:29-31; 10:8; Mako 5:8.
Bhaibheri rinotaura nezvemidzimu yakavimbika kuna Mwari uye neiya yakamupandukira. Bhuku raGenesisi rinoti Jehovha paakadzinga Adhamu naEvha mumunda weEdheni pavakanga vatadza kumuteerera, akaisa makerubhi, kana kuti ngirozi, kumabvazuva kwomunda wacho kuitira kuti pasava neaizopindamo. (Genesisi 3:24) Zviri pachena kuti aka kaiva kokutanga kuti midzimu ioneke kuvanhu.
Papfuura nguva yakati, dzimwe ngirozi dzakauya panyika ino ndokupfeka miviri yakafanana neyevanhu. Jehovha akanga asina kudzituma kuti dziite basa chero ripi zvaro panyika. Asi “dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera” iri kudenga. (Judha 6) Dzaiva nevavariro dzoudyire. Dzakazviwanira vakadzi, avo vakabereka vana vainzi vaNefirimu. VaNefirimu ava nemadzibaba avo akapanduka vakaita kuti panyika pazare nechisimba uye uipi hwakakura. (Genesisi 6:1-5) Jehovha akaruramisa mamiriro acho ezvinhu nokuunza Mafashamo epasi rose omuzuva raNoa. Mafashamo aya akaparadza varume nevakadzi vaiva vakaipa pamwe chete nevaNefirimu. Chii chakaitika kungirozi dziya?
Mafashamo akaita kuti dzidzokere kudenga. Zvisinei Jehovha haana kudzibvumidza kuti dzidzokere pa“nzvimbo yadzo yepakutanga.” (Judha 6) Bhaibheri rinoti: “Mwari haana kurega kuranga ngirozi dzakatadza, asi, nokudzikanda muTatarosi, akadziisa mumakomba erima guru kuti dzichengeterwe kutongwa.”—2 Petro 2:4.
Tatarosi haisi nzvimbo; asi mamiriro ezvinhu akaderera, akafanana nejeri, anoita kuti dzisakwanisa kuita zvinhu zvakawanda. Madhimoni haachakwanisi kupfeka miviri yakaita seyevanhu, asi achine simba uye achiri kukwanisa kuvhiringidza pfungwa uye upenyu hwevanhu. Anogona kushandisa vanhu nemhuka. (Mateu 12:43-45; Ruka 8:27-33) Anonyengerawo vanhu nokuedzesera kuva midzimu yevakafa. Nei? Kuitira kuti vanhu vasanamata Jehovha nenzira inomufadza uye kuvhiringidza vanhu nezvezvakaita vakafa.
Zvingakubatsira Kuti Usatya
Agboola akaona kuti Bhaibheri rinotaura zvine musoro parinotsanangura nezvevakafa uye nezvezvisikwa zvomudzimu. Akanzwisisa kuti aifanira kudzidza zvakawanda. Akatanga kuverenga Bhaibheri uye mabhuku eBhaibheri pamwe chete naJohn. Agboola akanyaradzwa nokuziva kuti vanakomana vake vakanga varere muguva, vakanga vasiri kunyikadzimu vachimirira kuzoita varanda veakanga avauraya.—Johani 11:11-13.
Agboola akanzwisisa kuti aifanira kuregawo zvachose tsika dzokuita zvemidzimu. Akapisa zvinhu zvose zvaiva nechokuita nemashiripiti. (Mabasa 19:19) Vamwe vakamuti midzimu yaizotsamwa yomutambudza. Asi Agboola akanga asingatyi. Akatevedzera zano riri pana VaEfeso 6:11, 12 rinoti: ‘Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari nokuti tinorwa nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.’ Nhumbi idzi dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari dzinosanganisira chokwadi, kururama, mashoko akanaka orugare, kutenda, uye bakatwa romudzimu, iro Shoko raMwari. Nhumbi dzakadai dzinongobva kuna Mwari uye dzine simba!
Dzimwe shamwari uye hama dzaAgboola dzakamuvenga paakasiya tsika dzaiva nechokuita nemidzimu. Zvisinei, akawana shamwari itsva dzinodavira zvinodzidziswa neBhaibheri paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yekwaaigara.
Agboola ava kuziva kuti Jehovha achachenesa nyika ino nokukurumidza, achabvisa zvakaipa uye achamisa mabasa emadhimoni. Pakupedzisira achazoaparadza. (Zvakazarurwa 20:1, 2, 10) Mwari achaita kuti vaya ‘vose vari mumakuva vayeukwe’ vomutsirwa kuupenyu hwepano panyika. (Johani 5:28, 29) Izvi zvichasanganisira Abheri, vana vakanga vasina mhosva vakapondwa naMambo Herodhi uye mamiriyoni evamwe. Agboola anotenda kuti vanakomana vake vatatu vachamutswawo. Vadiwa vako vakafa vanogonawo kumutswa. Vose vachamutswa vachataura kuti kubva pavakafa kusvikira vamutswa, vakanga vasina chavaiziva, vasingatombozivi kuti vaiitirwa mabira.
Hapana chikonzero chokuti utye vakafa. Asi unogona kutarisira kuzova pamwe chete navo. Iye zvino, wadii kudzidza Bhaibheri kuti usimbise kutenda kwako? Wadzana nevaya vanodavira zvinodzidziswa neBhaibheri. Kana uchida kumboita zvemidzimu, ibva watoregera. Zvidzivirire kubva kumadhimoni nokupfeka “nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari.” (VaEfeso 6:11) Zvapupu zvaJehovha zvinoda nomwoyo wose kukubatsira. Zvinodzidzisa Bhaibheri pachena mudzimba, zvichishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a
Agboola haachatyi vakafa, uye akadzidza kudzivisa madhimoni. Anoti: “Handizivi kuti ndiyani akauraya vanakomana vangu vatatu. Asi kubva zvandakatanga kushumira Jehovha, ndakava nevamwe vana vanomwe. Hapana munhu ari kunyikadzimu akambovakuvadza.”
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]
Agboola haachatyi vakafa, uye akadzidza kudzivisa madhimoni
[Mufananidzo uri papeji 12]
Kaini haana kutya kuti munun’una wake akanga afa aizomutsiva