Ganhuro 11
‘Rambai Muchitanga Kutsvaka Umambo’
1. (a) Ko nei makore ane 1 900, Jesu akataura kutanga kutsvaka Umambo? (b) Mubvunzoi watinofanira kuzvibvunza timene?
KWAMAKORE 1 900 akapfuura, mune imwe hurukuro yakakurukurwa muGarirea, Jesu akakuchidzira vanzwi vake, kuti: “Naizvozvo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” Asika neiko? Ko nguva yokugadzwa pachigaro choumambo kwaKristu yakanga isati iri kure namakore mazhinji here? Yakanga iri kure. Asi Umambo ihwohwo hwaMesia ndihwo mutoo uyo zita dzvene raJehovha amene richarevererwa kupfurikidza nawo uye donzo rake rakaisvonaka kupasi richazadzika kupfurikidza nawo. Munhu upi noupi anonzwisisa zvamazvirokwazvo kukosha kwaikoku achapa Umambo nzvimbo yokutanga muupenyu hwake. Ikoku kwakaitika muzana rokutanga ramakore uye zvamazvirokwazvo kwakadaro iye zvino sezvo Umambo huri kubata ushe. Ko mararamire ako anoratidzira kuti uri kutanga kutsvaka Umambo hwaMwari here?—Mat. 6:33.
2. Zvii zviri zvinhu izvo vanhu vose zvavo vanoronda nokudisisa?
2 Vanhu vose zvavo vanofarira zvikuru zvimwe zvinhu. Vanorondesesa pfuma nezvipfeko, zvokudya nedzimwe pfuma dzokunyama nemifaro zvinogona kutengwa nemari. (Mat. 6:31, 32) Mararamire avo anoratidzira kuva vakabatikana nezvavo vamene nemifarwa. Muupenyu hwavo, Mwari anoiswa munzvimbo yechipiri-kana vachitongomudavira.
3. (a) Ko Jesu akakurudzira vadzidzi vake kutsvaka rudzii rwepfuma, uye nei? (b) Neiko pakanga pasina dikanwo yokunyanyoitira hanya pamsoro pezvinodikanwa zvokunyama?
3 Asi Jesu akapa vadzidzi vake zano, rinoti: “Regai kuzviunganidzira imi mumene pfuma pasi pano,” nokuti hakuna pfuma yakadaro inogara nokusingaperi. “Panzvimbo pezvo,” iye akati, “zviunganidzirei imi mumene pfuma mudenga,” kupfurikidza nokubatira Jehovha. Akakuchidzira vateveri vake kuti vaite kuti ziso ravo rirambe “rakanaka,” vachinangidzira ngwariro yavo pachinhu chimwe bedzi, kuita kuda kwaMwari. Iye akavaudza, kuti: “Imi hamungagoni kubatira Mwari uye Pfuma.” Asika zvakadiniko nezvinodikanwa zvokunyama—zvokudya, zvokupfeka nepokugara? Jesu akavapa zano, kuti: “Regai kuva vanofunganya.” Iye akarereudzira ngwariro yavo kushiri—dzinodzyiswa naMwari. Iye akakurudzira vateveri vake kudzidza chifundo mumaruva—Mwari anoapfekedza zvakaisvotsvinda. Ko vabatiri vakangwara vohunhu vaJehovha havapfuuri zvikuru zvipi nezvipi zvaizvozvi here? “Naizvozvo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake,” Jesu akadaro, “uye izvi zvimwe zvinhu [zviri madikanwa] zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:19-34) Unodavira izvozvo here? Ko zviito zvako zvinokuratidzira here?
Usarega Zvokwadi Youmambo Ichivhungwa
4. Kana munhu achinyanyosimbisa zvinhu zvokunyama, chii chingava muuyo? Enzanisira.
4 Kana munhu achinyanyoitira hanya zvinhu zvokunyama, miuyo yacho inogona kuva ine ngozi. Kunyange zvazvo iye achikambira kufarira Umambo, kana mumwoyo make achiisa zvimwe zvinhu pakutanga, zvokwadi yoUmambo ichavhungwa. (Mat. 13:18, 19, 22) Somuenzaniso, pane imwe nhambo mumwe mubati ushe wechiduku akapfuma akabvunza Jesu kuti, “Ko ini ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka upenyu husingaperi?” Kudavidza kwake kukupindura kwaJesu kwakaratidzira kuti iye airarama upenyu hwetsika dzakanaka uye aibata vamwe vanhu zvakanaka. Asika akanga achinyanyodisa pfuma yake yokunyama. Iye haasati aigona kuzviparadzanisa nayo nokuda kwokuva muteveri waKristu. Naizvozvo iye akaramba hake banza ringadai rakaparira kuva kwake mubati ushe pamwe chete naKristu muUmambo hwokudenga. Sokutaura kwakaita Jesu panhambo iyeyo, kuti: “Haiwa chichava chinhu chakaoma sei kuti avo vane mari vapinde muumambo hwaMwari!”—Marko 10:17-23.
5. (a) Ko Pauro akakurudzira Timotio kuva anogutsikana nezvinhui, uye nei? (b) Ko Satani anoshandisa sei kuda “mari” somusungo unoparadza?
5 Makore akati kuti gare gare, muapostora Pauro akanyorera Timotio, uyo zvino akanga ari muEfeso, nzvimbo yakapfuma yezvokutengeserana. Akamuyeuchidza, kuti: “Nokuti hatina chatakapinda nacho munyika, uyewo hapana chinhu chatingabuda nacho. Naizvozvo, zvatine zvokudya nezvokupfeka, tichagutswa nezvinhu izvi.” Kushanda kuti ugogovera “zvokudya nezvokupfeka” zvakafanira zvako umene nezvemhuri yako kwakarurama. Asika Pauro akanyevera, kuti: “Avo vanorunda kupfuma vanowira mumuidzo nomumusungo nomukuchiva kuzhinji kwoupenzi kunokuvadza, zvinonyudza vanhu muruparadziko nokuparadzwa.” Satani ana manomano. Pakutanga iye akaedza munhu munzira duku. Ikoku kunowanzoteverwa nedzvinyiriro huru zvikuru—zvimwe banza rokusimudzirwa pabasa rinobhadhara zvikuru asi rinoda nguva yaichimbova yakatsaurirwa zvinhu zvomudzimu. Kutoti tikarinda, “kuda mari” kungavhunga fariro dzinoisvokosha zvikuru dzoUmambo. Sokutaura kwakaita Pauro kuti, “Kupfurikidza nokusvasvavirira kuda ikoku [mari] vamwe vakatsauswa pakutenda uye vakazvibaya vamene pose pose nokurwadziwa kuzhinji.”—1 Tim. 6:7-10.
6. (a) Kudzivisa kuva vanobatwa mumusungo, chii chatinofanira kuita? (b) Ko ikoko ndokwechokwadi here mukurangarira mugariro wezvemari wenyika nhasi?
6 Achida chaizvoizvo hama yake yechiKristu, Pauro akakurudzira Timotio, kuti: “Tiza zvinhu izvozvi,” uye, “Irwa kurwa kwakaisvonaka kwokutenda.” (1 Tim. 6:11, 12) Nhamburiko dzokudisisa dzinodikanwa kana tichizodzivisa kuva vanokukurwa nenzira yokudisa zvenyika youpenyu yenyika yakatipota. Asi kana tikazvishandisa isu timene mukutsinhirana nokutenda kwedu, Jehovha haazotongotisiyi. Pasinei zvapo nemitengo yakakwirira nourovha hunopararira, iye achasimbisira kuti isu tine zvatinoda zvomenemene.—VaH. 13:5, 6.
Vadzidzi Vapakuvamba Vanogovera Muenzaniso
7. Apo Jesu akatumira vaapostora vake kundoparidza muna Israeri, mirairidzoi yaakavapa, uye neiko iyoyi yakanga yakakodzera?
7 Pashure pokunge Jesu apa vaapostora vake rovedzo yakafanira akavatumira muna Israeri kunoparidza mashoko akanaka. “Umambo hwamatenga hwaswedera pedyo.” Haiwa rakanga riri shoko rinofadza sei! Jesu Kristu, Mambo woUmesia, akanga ari pakati pavo. Vaapostora zvavakanga vachizvipira vamene kubasa raMwari, Jesu akavakuchidzira kuva nechivimbo kuti Mwari aizovatarisira. Naizvozvo iye akati: “Musatora chinhu nokuda kworwendo, kunyange tsvimbo kana kuti homwe yezvokudya, kana kuti zvokudya kana kuti mari yesirvheri; kana kuti kuva nenguvo mbiri dzapasi. Asi papi kana papi pamunopinda mumusha, garaipo uye bvirai ipapo.” (Mat. 10:5-10; Ruka 9:1-6; 10:4-7) Jehovha aizotarisira kuti zvinodikanwa zvavo zvaigoverwa kupfurikidza navaIsraeri biyavo, avo kuitira mutsa vaeni kwakanga kuri muitiro pakati pavo.
8. (a) Neiko Jesu akapa mirairidzo yakasiana-siana chinguvana pamberi porufu rwake? (b) Hunyanguvezvo, chii chaifanirazve kuva munzvimbo yokutanga muupenyu hwavo?
8 Gare gare, chinguvana pamberi porufu rwake, Jesu akasvinudzira vaapostora vake kuidi rokuti vaizoshandira mumigariro yakachinja. Somuuyo wechishooro chapamutemo, mutsa ungava usati waizoitwa nyore nyore muna Israeri. Zvakare, nokukurumidza vaizoendesa shoko roUmambo kunyika dzaMarudzi. Zvino vaizoenda ne“chikwama” ne“homwe yezvokudya.” Hunyanguvezvo, vaizopfuurira kutanga kutsvaka Umambo hwaJehovha nokururama kwake, vachivimba kuti Mwari aizokomborera nhamburiko dzavo dzokuwana zvokudya nezvokupfeka zvinodikanwa.—Ruka 22:35-37.
9. (a) Ko Pauro akaita sei kuti Umambo hurambe huri munzvimbo yokutanga? (b) Ko zvinodikanwa zvake zvokunyama zvaitarisirwa sei? (c) Izanoiko raakapa kuna vamwe panhau idzodzi?
9 Muapostora Pauro akapa muenzaniso wakaisvonaka wamashandisirwe ezano raJesu. Pauro akavakira upenyu hwake pahushumiri. (Mabasa 20:24, 25) Paaipinda munharaunda kundoparidza iye aitarisira zvinodikanwa zvake amene zvokunyama kupfurikidza nokushanda pakuita matende. Iye haana kukarira vamwe kumutarisira. (Mabasa 18:1-4; 1 VaT. 2:9; 1 VaK. 9:18) Asi iye aigamuchira mutsa nezvipo nomutoo wokuonga apo vamwe vaida kuratidzira rudo rwavo nokuonga munzira iyi. (Mabasa 16:15, 34; VaF. 4:15-17) Iye haana kukuchidzira varume navakadzi vechiKristu kuregeredza misengwa yemhuri dzavo kuti vagondoparidzira, asi panzvimbo pakwo kutarisira mitoro yavo yakasiana-siana nenzira yakadzikama. Akavazanura kushanda namaoko avo, kuda mhuri dzavo uye kuva vanorupo mukugoverana navamwe. (VaEf. 4:28; 2 VaT. 3:7-12; Tito 2:3-5) Akavakurudzira kuisa chivimbo chavo, musati muri mupfuma yokunyama, asi muna Mwari uye kushandisa upenyu hwavo munzira yairatidzira kuti vainzwisisa zvomenemene zviri zvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu. Mukutsinhirana nedzidziso dzaJesu, ikoko kwakareva kutanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake.—VaF. 1:9-11.
Ita Kuti Umambo Hurambe Huri Hwokutanga Muupenyu Hwako
10. (a) Chii chinorehwa no‘kutanga kutsvaka Umambo’? (b) Asika chii chisati chichifanira kuregeredzwa?
10 Ko isu timene tinogovera mashoko akanaka oUmambo kuna vamwe kusvikira kutambanuko yakadini? Ikoko kunotsamira, mukupfupikisa, pamigariro yedu uye, kusvikira kutambanuko huru, paukuru hwokunzwisisa kwedu. Yeuka kuti Jesu haana kutaura kuti, ‘Tsvaka Umambo paunenge usina chimwe chinhu chokuita.’ Uyewo haana kuti, ‘Chero bedzi uchitaura pamsoro poUmambo kamwe chete panguva yakati kuti, uri kuita zvose zviri madikanwa.’ Haana kuti, ‘Tanga norushingairo nokuda kwefariro dzoUmambo; asi kana Nhevedzo Itsva ichiratidzika kuva inononoka kuuya, pfuurira hako kuita chimwe chinhu mubasa raMwari asi uchirarama zvikuru mukufanana navamwe vanhu.’ Achisanoziva kukosha kwoUmambo, iye akaratidzira kuda kwaBaba vake munhauyo, achiti: “Pfuurirai kutsvaka umambo hwake.” Kana kuti, sokunyora kwakaita muapostora Mateo: “Naizvozvo, pfuurirai kutanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” (Ruka 12:31; Mat. 6:33) Kunyange zvazvo vazhinjisa vedu vachikuwana kuri madikanwa kuita rudzi rwakati kuti rwebasa kutarisira zvinodikanwa zvokunyama zvedu timene nezvemhuri dzedu, kana zvomenemene tichitenda, upenyu hwedu huchavakirwa pabasa iro Mwari akatipa pamsoro poUmambo hwake. Panguva imwe cheteyo hatisati tichizoregeredza mitoro yedu yemhuri.—1 Tim. 5:8; Zvir. 29:15.
11. (a) Ko Jesu akaratidzira sei kuti handi vose vaizova vanokwanisa kuita ukuru humwe chetehwo mukuparadzira shoko roUmambo? (b) Zvitemesoi zvine chokuita pamsoro paikoku?
11 Vamwe vedu vanokwanisa kupira nguva yakawanda kupinda inogona vamwe muhushumiri hwomumunda. Asika mumufananidzo wake pamsoro pamarudzi akasiana evhu Jesu akaratidzira kuti vose vane mwoyo yakafanana nevhu rakaisvonaka vaizobereka zvibereko. Kutambanukoiko? Migariro yavanhu inosiana. Zera, utano nemitoro yemhuri zvose zvitemeso. Asika pakunenge kune kunzwisisa chaikoiko, zvizhinji zvinogona kuitwa.—Mat. 13:19, 23.
12. Ko vechiduku vanokurudzirwa zvikurukuru kurangarira nharidzanoi yomudzimu yakaisvonaka?
12 Kwakanaka kuva nenharidzano dzichatibetsera kufutunura kupinda kwedu muhushumiri hwoUmambo. Vechiduku vanofanira kufungisisa pamsoro pomuenzaniso wakaisvonaka waTimotio pwere iya inoshingaira yechiKristu. (VaF. 2:19-22) Chiiko chingava chakaisvonaka zvikuru nokuda kwavo chinopfuura kupinda muhushumiri hwenguva yakazara pavanopedza kufunda kwavo kwokunyika? Vakuruwo, vachabetserekana kupfurikidza nokugadza nharidzano dzomudzimu dzakaisvonaka.
13. (a) Ndianiko anotema icho iwe umene unokwanisa kuita mubasa roUmambo? (b) Kana tichitanga kutsvaka zvomenemene Umambo ikoku hufakazi hwei?
13 Panokutsoropodza avo vatingarangarira kuti vanogona kuita zvakawanda, tinofanira kusundwa nokutenda kushandira vandudziko yedu timene kuti tigobatira Mwari kusvikira kutambanuko izere iyo migariro yedu timene inobvumira. (VaR. 14:10-12; VaG. 6:4) Sezvinoratidzirwa mune chakaitika chaJobho, Satani anotaura kuti tinofarira zvikurukuru pfuma yedu yokunyama, nyaradzwo yedu timene negarikano yedu timene, uye kuti vavariro yedu timene mukubatira Mwari ndeiya youdyire. Asika kana tichitanga zvomenemene kutsvaka Umambo, tiri kuva norutivi mukubvumikisa Dhiabhorosi kuva murevi wenhema mukurusa. Tinobvumikisa kuti chinotanga kuuya muupenyu hwedu hachizati chiri pfuma yokunyama kana kuti nyaradzwo yomunhu mumwe nomumwe asi basa raMwari. Mushoko nechiito nenzira iyeyo tinobvumikisa kuda kwedu Jehovha, kutsigira kwedu kwakavimbika uchangamire hwake nokuda kwedu vanhu biyedu.—Zvir. 27:11; Jobho 1:9-11; 2:4, 5.
14. (a) Neiko rudungwe rwebasa romumunda ruchibetsera? (b) Ko Zvapupu zvizhinji zvinopinda muhushumiri hwomumunda kusvikira kutambanukoi, uye nei?
14 Rudungwe runogona kutibetsera kuita zvinopfuura zvatingaita neimwe nzira. Jehovha iye amene ane‘nguva dzakagadzwa’ dzokuitwa kwedonzo rake, uye tinoita zvakanaka mukutevedzera ikoko. (Eks. 9:5; Marko 1:15; VaG. 4:4) Kana kuchibvira, kwakanaka kupinda muhushumiri hwomumunda panguva yakagadzwa kana kuti dzinopfuura vhiki rimwe nerimwe. Makumi ezviuru eZvapupu zvaJehovha kupote nyika akanyoresa samapiona ebetsero nokudaro anofarikanya kupedza maawa maviri kana kuti anopfuura pazuva, paavhareji, mukuparidza mashoko akanaka. Vamwe vanogaroita ikoku; vamwe, kanoverengeka gore rimwe nerimwe. Zvimwe zviuru zvizhinji zvinobatira samapiona enguva dzose, zvichishandisa anenge maawa matatu pazuva, paavhareji, kuparidzira shoko roUmambo. Vamwe, samapiona chaiwo navafundisi, vanopedzera nguva yakatowanda mubasa roUmambo. Uye kunyange zvomenemene tiri muhushumiri hwomumunda kana kuti kwete, tinogona kutsvaka mabanza okugovera tariro yoUmambo panhambo iri yose yakakodzera kuna vapi navapi vangateerera. (Enzanisa naJohane 4:7-15.) Isu tose tinofanira kufungisisa pamsoro perevo dzechiporofita chaJesu chokuti “aya mashoko akanaka oUmambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” Chishuvo chedu chinofanira kuva chokuva nokugoverana zvizere mubasa iroro kana migariro yedu ichibvumira.—Mat. 24:14; VaEf. 5:15-17.
15. Pamsoro pohushumiri hwedu, neiko uchirangarira kuti zano riri pana 1 VaKorinte 15:58 rinowirirana nomusi?
15 Zvakabatana, mumativi ose apasi, pasinei zvapo norudzi rwazvinogara marwuri, Zvapupu zvaJehovha zvinopinda nokushingaira mune iyi ropafadzo yakaisvonaka yebasa. Zvinoshandisira kwazviri zvimene zano rakafuridzirwa reBhaibheri, rinoti: “Ivai vakatsiga, musingazununguswi, nguva dzose muchiva nezvizhinji zvokuita mubasa raIshe, muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi kusina maturo pamsoro paIshe.”—1 VaK. 15:58.
Kurukurirano Yehwirudzuro
● Apo Jesu akataura kutanga kutsvaka Umambo, iye akanga achiratidzira kuti chii chinofanira kuiswa munzvimbo yechipiri?
● Ko tinofanira kuva nomurangariroi kukutarisira zvinodikanwa zvokunyama zvedu timene nemhuri dzedu? Ko Mwari achatipa betseroi?
● Ko kuti tinoita zvakadini mubasa roUmambo chero bedzi tichiva norutivi rwakati kuti kunoita musiano upi noupi here? Neiko?