RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 9/15 p. 32
  • Chidzidzo Chinobva Mushiri Namaruva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chidzidzo Chinobva Mushiri Namaruva
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 9/15 p. 32

Chidzidzo Chinobva Mushiri Namaruva

CHII icho vanhu vanowanzoitira hanya zvikuru nhasi kupfuura chinhu chipi nechipi zvacho? Nokuda kwovoruzhinji, kuva nezvakakwana kuti vagovere mhuri dzavo kana kuti kukwanisa kuvandudza mupimo wavo wokurarama.

Kuwana mari yakakwana kwakangawo kuri itiro hanya huru apo Jesu Kristu akanga ari pasi pano. Asi akanyevera kuti iyi itiro hanya yapamutemo ingagona kuva funganyo huru ichidzivisa zvinhu zvomudzimu. Kuenzanisira pfundo rake, Jesu akaudza vadzidzi vake kusanotarira shiri namaruva.

Shiri dzinoda kudya zuva riri rose—mumwero mukuru zvikuru kupfuura zvatinoita nemhaka yemwero wadzo wakakwirira wokushandiswa kwezvokudya mumuviri. Uyezve, hadzigoni kudyara mbeu, kukohwa, kana kuti kuchengeta zvokudya nokuda kwenguva yemberi. Bva, sokutaura kwakaita Jesu, “Baba [venyu] vokudenga vanodzipa zvokudya.” (Mateo 6:26) Nenzira yakafanana, Mwari anopfekedza muzvishongo zvakaisvonaka “maruva ebundo” akaisvonaka.—Mateo 6:28-30.

Jesu anotivimbisa kuti kana tikachengeta zvinodikanwa zvokunyama mumurangariro wakafanira ndokupa zvinhu zvomudzimu nzvimbo yokutanga, Mwari achava nechokwadi chokuti tinovawo nezvokudya nezvokupfeka zviri madikanwa. Kana Jehovha Mwari achitarisira shiri namaruva, zvirokwazvo achatarisira avo vanomuda uye vano‘ramba vachitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.’ (Mateo 6:33) Uri kuisa fariro dzoUmambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwako here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe