Iva Nechokwadi Chokuisa Zvinhu Zvokutanga Pakutanga!
Usiku hwemisangano, asi une basa rokuita. Ndechipi chauchaisa pakutanga?
URI murume uye baba. Sezvo zuva rakareba, rokushanda zvakaoma rinoswedera pedyo nokuguma, unotanga kufunga nezvemusangano weungano wakarongwa manheru acho. Kana ukakurumidza kurega basa, uchava nenguva yakakwana yokungogeza, kuchinja mbatya dzako, uye kukurumidza kudya zvokudya usati waenda kumusangano wacho. Ipapo chaipo, mushandirwi wako anosvika ndokukukumbira kuti ushande nguva yomuraudzo. Anovimbisa kukubhadhara zvakanaka. Unoda mari yacho.
Kana kuti uri mukadzi uye amai. Sezvauri kugadzirira zvokudya zvamanheru, maziso ako anocherekedza murwi wembatya dzisina kuchiswa, dzimwe dzacho dzichadiwa mangwana. Unozvibvunza kuti, ‘Kana ndikapinda musangano wacho manheru ano, ndichawanepi nguva yokuchisa?’ Uchangobva kugamuchira basa renguva yakazara, wava kudzidza maomero azvakaita kutarisira mabasa apamba nepo uchishanda.
Kana kuti uri mudzidzi. Mukamuri rako, dhesiki rako rakazadzwa nomurwi webasa rinoitirwa kumba. Rakawanda racho wakaripiwa nguva yakati yapfuura, asi wakaverengera, uye zvino mabasa anoverengeka ava kudiwa panguva imwe chete. Unoedzwa kuti ukumbire vabereki vako kuti vakutendere kusara kuenda kumusangano kuti upedzise basa rako rinoitirwa kumba.
Ndechipi chawaizoisa pakutanga: basa romuraudzo rokunyika, kuchisa, basa rinoitirwa kumba, kana kuti musangano weungano here? Tichitaura nenzira yomudzimu, zvinorevei kuisa zvinhu zvokutanga pakutanga? Jehovha anozviona sei?
Ndechipi Chinofanira Kutanga?
VaIsraeri vachangobva kugamuchira Mirayiro Gumi, mumwe murume akawanwa achiunganidza huni musi weSabata. Izvi zvairambidzwa zvachose noMutemo. (Numeri 15:32-34; Dheuteronomio 5:12-15) Waizodai wakatonga sei nhau yacho? Waizoregerera murume wacho, uchitaura kuti, kunyange zvakadaro, akanga asiri kushandira kuti ararame zvoumbozha asi kuti agovere zvinodikanwa nemhuri yake here? Waizopa mufungo wokuti pane mikana yakawanda yokuchengeta Sabata mugore rose uye kuti mukana mumwe chete wakapotswa, zvichida nemhaka yokukundikana kuronga pachine nguva mberi kwomurume wacho, kwaigona kukanganwirwa nyore nyore here?
Jehovha akarangarira nhau yacho nenzira yakakomba zvikuru. Bhaibheri rinoti, “Jehovha akati kuna Mosesi: Munhu uyu, zvirokwazvo, unofanira kuurawa.” (Numeri 15:35) Nei Jehovha akatsamwa kwazvo pamusoro pezvakaitwa nomurume wacho?
Vanhu vaiva namazuva matanhatu okuunganidza huni pamwe nokutarisira zvinodikanwa zvavo pamusoro pezvokudya, zvokupfeka, uye pokugara. Zuva rechinomwe raifanira kutsaurirwa kune zvinodikanwa zvavo zvomudzimu. Nepo zvaiva zvisina kuipa kuunganidza huni, zvaiva zvakaipa kushandisa nguva yaifanira kuva yakatsaurirwa kunamata Jehovha kuita izvozvo. Kunyange zvazvo vaKristu vasiri pasi poMutemo waMosesi, zvakaitika izvi hazvitidzidzisi chidzidzo chokuronga zvinhu zvinokosha nenzira yakafanira nhasi here?—VaFiripi 1:10.
Pashure pokupedza makore 40 vari murenje, vaIsraeri vakagadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa. Vamwe vakanga vaneta nokudya mana yaigoverwa naMwari murenje uye pasina mubvunzo vaitarisira kuchinja zvokudya. Kuti avabatsire kuramba vane murangariro wakarurama sezvavakapinda munyika “inoyerera mukaka nouchi,” Jehovha akavayeuchidza kuti: “Munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.”—Eksodho 3:8; Dheuteronomio 8:3.
VaIsraeri vaifanira kushanda zvakaoma nokuda kwe“uchi nomukaka” zvavo. Paiva namauto okukunda, dzimba dzokuvaka, minda yokurima. Kunyange zvakadaro, Jehovha akavarayira kutsaura nguva zuva rimwe nerimwe yokufungisisa zvinhu dzomudzimu. Vaifanirawo kuwana nguva yokudzidzisa vana vavo nzira dzaMwari. Jehovha akati: “Munofanira ku[i]dzidzisa [mitemo yangu] vana venyu, muchitaurirana pamusoro pa[y]o, kana iwe ugere paimba yako, kana uchifamba panzira, kana uchivata pasi, uye kana uchimuka.”—Dheuteronomio 11:19.
Katatu pagore murume wose wechiIsraeri nomupuroserite aiva munyika yacho airayirwa kuti aoneke pamberi paJehovha. Ichiziva kuti mhuri yose yaizobatsirwa mumudzimu panguva dzakadai, misoro yemhuri yakawanda yakaronga kuti vadzimai navana vayo vaikumbanire. Asi ndiani aizochengeta misha yavo neminda yavo pakudenha kwavavengi apo mhuri yacho yaizova isipo? Jehovha akavimbisa kuti: “Hakungavi nomunhu uchachiva nyika yako, kana uchikwira katatu pagore kuti uzviratidze pamberi paJehovha Mwari wako. (Eksodho 34:24) Zvaida kutenda kuti vaIsraeri vadavire kuti kana vakatanga kufarira zvinhu zvomudzimu, havaizorasikirwa nezvokunyama. Jehovha akabvumikisa kuva wechokwadi kushoko rake here? Akadaro zvechokwadi!
Ramba Uchitanga Kutsvaka Umambo
Jesu akadzidzisa vateveri vake kuisa zvinokosha zvomudzimu pamberi pezvimwe zvinhu zvose. MuMharidzo yapaGomo, akapa vateereri vake zano rokuti: “Musambofunganya muchiti: ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ . . . Rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose [zvokunyama zvinodikanwa] zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:31, 33) Jesu achangobva kufa, vaKristu vakanga vachangobva kubhabhatidzwa vakatevera zano iroro. Vakawanda vaiva vaJudha kana kuti vapuroserite vechiJudha vakanga vaenda kuJerusarema kunochengeta mutambo wePendekosti muna 33 C.E. Vachiri ikoko, chimwe chinhu chaisakarirwa chakaitika. Vakanzwa ndokugamuchira mashoko akanaka pamusoro paJesu Kristu. Vachida kudzidza zvakawanda pamusoro pokutenda kwavo kwakanga kuchangowanwa, vakaramba vari muJerusarema. Zvinhu zvavo zvakavamba kupera, asi tsigiro yokunyama yaisanyanya kukosha. Vakanga vawana Mesiya! Hama dzavo dzechiKristu dzakagoverana zvinhu zvokunyama zvadzaiva nazvo kuti vose vagone kupfuurira “k[u]tsungirira pakudzidzisa kwavaapostora . . . napaminyengetero.”—Mabasa 2:42.
Pashure penguva yakati, vamwe vaKristu vakaregeredza kudikanwa kwokusonganirana nguva dzose pamisangano. (VaHebheru 10:23-25) Zvichida vakanyanyodisa zvenyika, vachiregeredza zvinhu zvomudzimu nepo vachiedza kuva nechokwadi chokuti ivo pachavo nemhuri dzavo vaiva vakachengeteka mune zvemari. Pashure pokukurudzira hama dzake kuti dzisarega kuungana, muapostora Pauro akanyora kuti: “Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene wakati: Handingotongokuregeri, handingatongokusiyi.”—VaHebheru 13:5.
Zano raPauro rakava rakakodzera nguva zvikuru. Anenge makore mashanu pashure pokunge Pauro anyora tsamba yake kuvaHebheru, uto reRoma raCestius Gallus rakakomberedza Jerusarema. VaKristu vakatendeka vakarangarira nyevero yaJesu yokuti: “Zvino kana muchiona [izvi] . . . , uri pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make. Nouri mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake.” (Marko 13:14-16) Vaiziva kuti kupukunyuka kwavo kwaitsamira, kwete pakugadzikana kwebasa ravo kana kuti kukosha kwezvinhu zvavo, asi pakuteerera kwavo mirayiro yaJesu. Avo vakanga vagamuchira zano raPauro ndokufarira zvinhu zvomudzimu pakutanga pasina mubvunzo vakawana zviri nyore kusiya musha, basa, mbatya, uye pfuma yomunhu oga yavaikoshesa ndokutizira kumakomo kupfuura zvakaitwa navaya vakanga vasina kugura rudo rwemari.
Nzira Iyo Vamwe Vanoisa Nayo Zvinhu Zvokutanga Pakutanga Nhasi
VaKristu vakatendeka nhasi vanokoshesa kusonganirana nguva dzose nehama dzavo, uye vakawanda vanorega zvimwe zvinhu kuti vapinde misangano. Mudzimwe nzvimbo, basa rinowanika bedzi rinobatanidza basa ramashifiti. Imwe hama inozvipira kutsiva vainoshanda navo usiku hwoMugovera, uhwo vanhu vakawanda vomunzanga yayo vanosarudza kushandisa nokuda kwenhandaro, kana vachizoishandirawo pashifiti yayo usiku hwemisangano. Dzimwe hama dzinoshanda basa ramashifiti dzinopinda misangano yeungano yapedyo kana basa radzo richidzidzivisa kupinda yadzo. Nenzira iyi, kashoma kuti vapotse misangano. Mumwe munhu achangobva kufarira muCanada akakurumidza kuziva kukosha kweChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari noMusangano Webasa, asi rudungwe rwake rwokubasa rwaibonderana nokupinda kwake. Nokudaro, akabhadhara waaishanda naye kuti amushandire shifiti yake kuti agone kusununguka kupinda misangano iyi inokosha.
Vakawanda vanotambura nechirwere chinopfuurira havawanzopotsa misangano. Vanoteerera purogiramu yacho vari kumba kupfurikidza norunhare rwakabatanidzwa kana kuti netepi yakarekodhwa kana vasingagoni kuva paHoro yoUmambo. Vanoratidza kuonga kunorumbidzwa nokuda kwegadziriro yomudzimu yaJehovha kupfurikidza “nomuranda [wake] wakatendeka, wakangwara”! (Mateo 24:45) VaKristu vanoshanda savatarisiri vavabereki vavo vakura vanoonga zvechokwadi apo hama kana kuti hanzvadzi inozvipira kusara nomubereki wacho kuti mutarisiri wacho apinde musangano weungano.
Ronga Pachine Nguva Mberi!
Vabereki vanoziva zvinodikanwa zvavo zvomudzimu vanobatsira vana vavo kuti vakoshese misangano yechiKristu. Senguva dzose, vanokarira vana vavo kuita basa ravo rinoitirwa kumba pavanoripiwa panzvimbo pokubvumira kuti basa riungane. Pausiku hwemisangano vana vanoita basa ravo rinoitirwa kumba pavanongodzoka kumba vachibva kuchikoro. Basa rokuzvifadza namamwe mabasa hazvibvumirwi kubonderana nemisangano yeungano.
Somurume uye baba, unokoshesa kupinda misangano here? Somudzimai uye amai, unoedza kuronga mabasa ako kuti uzvipe mukana nokuda kwemisangano here? Sowechiduku, unorangarira misangano seinokosha kupfuura basa rako rinoitirwa kumba kana kuti basa rako rinoitirwa kumba serinokosha kupfuura misangano here?
Musangano weungano igadziriro yaJehovha yorudo. Nhamburiko yose inofanira kuitwa kuti tigoverane mugadziriro iyoyo. Jehovha achakukomberera zvikuru kana ukaisa zvinhu zvokutanga pakutanga!