Rarama Upenyu Hwakadzikama, Hwakapfava
“Rambai muchingwarira zvikuru kuti mafambire enyu asave seavasina kuchenjera asi ave avanhu vakachenjera . . . sokuti mazuva akaipa.”—VAEFESO 5:15, 16, “NW.”
1, 2. Chii chiri denho chaiyoiyo nhasi, uye iyo ingaenzaniswa nechii?
IDENHO kupatsanura zvokutanga, kuronga mitoro, uye kupa nguva nesimba kumativi anokosha oupenyu nenzira ine mufungo. Idenhowo kudzivisa kunyanyisa ndokuchengeta kutsiga kwendangariro nokwemifungo.—VaEfeso 5:17; 1 Timotio 4:8; 1 Petro 1:13.
2 Iyi denho ingaenzaniswa neiyo inotarisanwa nayo nomutambi uyo anoedza kufamba pawaya nhete yakareba. Kurasika kwedzikamo kwaizova ngwavaira nokuda kwake. Nenzira yakafanana, kurasikirwa nedzikamo yomudzimu kwaizova kune ngwavaira nokuda kwedu. Munhu anofamba pawaya yakareba zvirokwazvo haasati achizviremedza amene nezvinhu zvakawanda. Iye anongotakura bedzi zvinokosha. Kuti tichengete dzikamo yedu yomudzimu, naizvozvo, tinofanira kurarama upenyu hwakapfava, husina kuremedzwa.—VaHebheru 12:1, 2.
3. Chii chatinofanira kuita kuti tirarame upenyu hwakapfava?
3 Kana tichizorarama upenyu hwakapfava, tinofanira kuzvibatanidza timene bedzi nezvinhu zvinodikanwa kuchengeta kurarama kuno mufungo. Mukupesana neizvo vadzidzi vake vanofanira kutsvaka—Umambo hwaMwari nokururama Kwake—Jesu Kristu akataura nezve“zvinhu izvo marudzi anoronda nokudisa.” (Mateo 6:32, 33, NW) Naizvozvo Jesu akatipa zano rokudzivisa kuunganidza zvakawanda zveizvi zvinhu. Neiko? Nemhaka yokuti izvo zvinogona kuomesa upenyu hwedu ndokutitsausa. (Ruka 12:16-21; 18:25) Iri izano rakanaka, pasinei zvapo nokuti takapfuma here kana kuti tiri varombo, takasanodzidza here kana kuti kwete.
Chikonzero Nei Kuchikosha Kwazvo Nhasi
4. Neiko kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava kuchikosha kwazvo zvino?
4 Kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava kunokosha zvikuru zvino nemhaka yokuti Satani namadhemoni ake vakaganhurirwa kupasi uye vakatsunga kutiremedza nokubvisa ngwariro yedu pabasa raMwari. (Zvakazarurwa 12:7-12, 17) Naizvozvo, kugara nokugara murairo weBhaibheri hauna kutongova unoshanda zvikuru kupfuura zvino, unoti: “Rambai muchingwarira zvikuru kuti mafambire enyu asave seavasina kuchenjera asi ave avanhu vakachenjera, muchizvitengera nguva yakafanira, sokuti mazuva akaipa.” (VaEfeso 5:15, 16, NW) Hungu, tiri kurarama munyika yakaipa yaSatani, kwete munyika itsva yaMwari. Nokudaro, hatigoni kutsunga kuva vakagutsikana.—2 VaKorinte 4:4; 2 Petro 3:7, 13.
5. Vabatiri vaMwari vomunguva dzakare vakatigadzira sei muenzaniso wakaisvonaka?
5 Vabatiri vaMwari vakararama munyika ino inotongwa naDhiabhorosi munguva dzakare vatigadzira muenzaniso wakaisvonaka. Ivo “vakazivisa pachena kuti vakanga vari vaenzi navagari vechinguvana munyika.” Naizvozvo, ivo vakatsvaka “nzvimbo iri nani, ndiko kuti, yokudenga.” (VaHebheru 11:13-16, NW) Ruvimbiko rwavo rwakanga rwuri kuUmambo hwokudenga hwaMwari, kunyange sezvinofanira kuita rwedu. Nokuda kweichi chikonzero, muapostora Petro akadana maKristu kuti “vaenzi navagari vechinguvana.” (1 Petro 2:11, NW; VaFiripi 3:20) Kutaura idi, Jesu akataura kuti vateveri vake vechokwadi “havazati vari rutivi rwenyika.” Ikoku kunoreva, sezvakataura muapostora Pauro, kuti maKristu haasati achifanira ‘kuva achishandisa nyika zvakazara.’—Johane 17:16, NW; 1 VaKorinte 7:31.
6. (a) Chii chatinofanira kuyeuka, uye mugariro wedu unogona kuenzaniswa nechii? (b) Muenzanisoi unonyevera uyo isu tose tinofanira kuteerera?
6 Naizvozvo nguva dzose tinofanira kuyeuka kuti nyika ino iri yaSatani indima ine ngozi mokugara. Chikanganiso chinogona kureva ngwavaira. (1 Johane 5:19; 1 Petro 5:8) Mugariro wedu ungaenzaniswa nouyo womunhu ari kufamba munzvimbo makachererwa zvinoputika. Achidudza muenzaniso unonyevera maKristu, muapostora Pauro akataura nezvavaIsraeri vakanga vakagadzirira kupinda muNyika Yakapikirwa. Vazhinji vakarasikirwa nedzikamo yavo yomudzimu, vakabatanidzwa muutere, uye vakaurawa naMwari. “Naizvozvo,” Pauro akanyora kudaro, “unoti ndinomira, ngaachenjere kuti arege [kurasikirwa nedzikamo yake yomudzimu ndo]kuwa.”—1 VaKorinte 10:12.
Chikonzero Nei Kuri Dziviriro
7. Kuzvinzverai kwatinofanira kuita nokuchenjera?
7 Kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava kuchakudzivirira nemhaka yokuti kuchakubvumira nguva yakawanda nesimba zvezvinhu zvomudzimu. Naizvozvo zvibvunze umene nokuchenjera, kuti: Ko ini ndiri kupfavisa upenyu hwangu here, kana kuti ndiri kuhuomesa? Ndizvinhui zvinouya pakutanga chaizvoizvo muupenyu hwangu? Vamwe vanotaura kuti vane nguva shoma yokufunda Bhaibheri kana kuti yokugoverana muushumiri hwomumunda. Asi chii chiri chikonzero? Sezvingabvira, kukundikana kwavo kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava. Kuregerereiko kuenzanisa chitsama chenguva chaunopedzera panhandaro, zvakadai sokutarira terevhizheni, nenguva yaunopedza uchibatira Jehovha murutivi rumwe rwomubato wechiKristu kana kuti rumwe rwacho? Ko kushandisa kwako nguva kwakadzikama here? Kupfavisa upenyu hwako kuchakubvumira nguva yezvinhu zvinokosha zvikuru, uko kunobatanidza kugoverana kusvikira patambanuko huru mukucheka kwomudzimu kunokosha zvikuru.—VaFiripi 1:9, 10; Mateo 9:37.
8. Munhu anoteerera sei zano raJesu rokutanga kutsvaka Umambo, uye chii chinoratidzira ukoshi hwefambiro mberi?
8 Zvomenemene, mubato wako womudzimu mwero wokuti uri kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava. MaKristu ari kuteerera zano raJesu rokutanga kutsvaka Umambo hwaMwari ari kufambira mberi panhano yakanaka mufundo yeBhaibheri yenguva dzose, kupinda misangano, uye ushumiri hwomumunda. Kufambira mberi kwakadaro idziviriro chaiyoiyo pakuwa. Kungaenzaniswa nokutasva bhasikoro. Avo vakaedza kudzikamisa bhasikoro iro rodokumira vanonzwisisa ukoshi hwokufambira mberi. Nenzira yakafanana, chero bedzi uri kufambira mberi panhano yakanaka mumubato womudzimu, unodzivirirwa pakurasikirwa nedzikamo yako ndokuwa.—VaFiripi 3:16.
9. (a) Chii chiri chiyeuchidzo chakanaka chedu tose? (b) Pakurangarira basa, mibvunzoi yatingazvibvunza timene?
9 Bva, kune kudikanwa kwokungwarira, kuyeuka kuti kuzvibvisira timene zvinhu kunogona kubvumira nguva yakawanda yefundo, yokugadzirira misangano, uye yokubetsera vamwe. “Panguva ipi kana ipi ndinoedzwa kutenga chimwe chinhu chandisingadi, kana kuti kutora basa randisingadi,” akadaro mumwe murume webhizimisi wechiKristu, “ndinozvimisa ndimene nechiyeuchidzo chokuti huchengete hwakapfava. Pane dzimwe nguva ndinofanira kuzvivirimira ndimene.” Ichocho hachizi chiyeuchidzo chakanaka chedu tose here? Paunorangarira basa rakati, zvichida kuvaka wedzero kuimba yako kana kuti chimwe chinhuwo zvacho, wadiiko kuzvibvunza umene, kuti: Ko ikoku kuchagovera kuumudzimu hwangu nouhwo hwemhuri yangu here kana kuti kuchahudzivisa here? Ko ndinoda chaizvoizvo here zvinhu zvose izvo vanhu venyika vanoronda nokudisa, kana kuti ndinogona kurarama here ndisinazvo?
10. Mirangariro yo“munhu wenyama” inosiana sei neiyo yo“munhu womudzimu”?
10 Zvisinei, mumwe munhu angaramba, achiti: ‘Ko kuzvinyima kwakadaro kuri madikanwa chaizvoizvo here? Tinodikanirwa here kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava?’ Eya, Pauro akataura nezve“zvinhu zvomunhu” uye “zvinhu zvaMwari” ndokuti: “Munhu wenyama haagamuchiri zvinhu zvomudzimu waMwari, nokuti izvo hupenzi kwaari; uye iye haagoni kusvika pakuzviziva, nemhaka yokuti izvo zvinonzvera nomudzimu. Zvisinei, munhu womudzimu anonzvera zvamazvirokwazvo zvinhu zvose.” (1 VaKorinte 2:11, 14, 15, NW) Iwe ungagona kusatana kuva “munhu wenyama” kupfurikidza nokutsvaka nokuwana zvinhu zvisiri madikanwa zvokunyama. Muchinoitika chakadaro, kuzvinyima kunoratidzika kuva kunyanyisa, kunyange kwoupenzi. Asi ikoko ndiko murangariro wo“munhu wenyama,” kwete murangariro wo“munhu womudzimu.”
11. Chii chingadai chakava nzira isina kudzikama nokuda kwaNoa, uye tinorarama sei upenyu hwakadzikama nhasi?
11 Munhu womudzimu ndiuyo anorangarira zvinhu nameso okutenda. Iye anoona zvinhu mumurangariro waMwari. Rangarira Noa. Angadai akava akadzikama here kudai, pashure pokuziva nezvedonzo raMwari rokuparadza nyika namafashamo, iye akanga apedza nguva yake achivaka musha mukuru uri nani nokuwana zvinhu zvokunyama zvakawanda? Nyangwe! Areka yakanga iri chengeteko yake yechokwadi. Nokuda kwaNoa, kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava kwakabatanidza kupa ngwariro yakazara kukuvaka areka nokuva “muparidzi wokururama,” pasinei zvapo nokuseka kwa‘vanhu venyama’ vasina kutenda. (2 Petro 2:5; Mateo 24:37-39) Nenzira yakafanana, sezvo takaziviswa nezvokuva pedyo kwomugumo wenyika, nzira bedzi yakadzikama youpenyu nokuda kwedu kunangidzira ngwariro yedu pakuita kuda kwaMwari nokuzivisa mashoko akanaka, kunyange zvazvo ikoko kungabatanidza izvo vazhinji vangarangarira sokurega inonzi nzira yomuzvarirwo youpenyu.—1 Johane 2:17.
Jesu Akatidzidzisa Nzira Yacho
12. (a) Chii chakataura Jesu kuti tinofanira kurega kuita, uye chii chatinofanira kuita panzvimbo pezvo? (b) Neiko iyi chinjo yedonzo ichidikanwa?
12 MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu akapa zano rakaisvonaka pamusoro pokurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava. Iye akati: “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfunho nengura zvinopedza, napane mbavha dzinopaza dzichiba.” Jesu akashandisa shoko rokuti “regai” nemhaka yokuti vanhu kazhinji kazhinji vanongoramba zvavo vachi“zviunganidzira” vamene zvinhu zvokunyama. Asi munhu anova mudzidzi waJesu haagoni kuva achaitazve ikoku. Upenyu hwake hunofanira kuva nedonzo rakasiana, sezvinoratidzwa nomurairo unotevera waJesu: “Asi muzviunganidzire pfuma kudenga, pasine zvipfunho nengura zvinopedza, pasine mbavha dzinopaza dzichiba.” Achipa chikonzero nei iyi chinjo yedonzo ichidikanwa, Jesu akati: “Pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.”—Mateo 6:19-21.
13. Kana uchizounganidza pfuma mudenga, unofanira kupwiswa nezvechii?
13 Pfuma yako ndiicho unorangarira kuva chinokosha zvirokwazvo. Ko zvinhu zvokunyama ndizvo pfuma yako here? Kana kuti kutsveneswa kwezita raJehovha Mwari netuso yake yakapikirwa here? Kuti ushandise upenyu hwako uchiunganidza pfuma mudenga panzvimbo papasi pano, unofanira kuva anopwiswa zvakakwana nezvouchokwadi hwoUmambo. Nyika itsva inofanira kuva chaiyoiyo kwazvo kwauri zvokuti unogona kuiona muziso rendangariro yako uye kuzviona umene urimo uchishanda wakananga kukuitwa kwamadonzo aJehovha nokuda kwapasi. Kufanana naMosesi, unofanira ‘kuona Uyo asingaoneki’ uye kupwiswa zvakasimba kuti ‘iye achatusa avo vanomutsvaka zvapachokwadi.’—VaHebheru 11:6, 27.
14. Ndeipi ichava miuyo kana mwoyo yedu iri pazvinhu zvokunyama?
14 Zvakadiniko kana mwoyo wako, uyo unobatanidza zvishuvo zvako nezvidakadaka, uri papfuma yokunyama? Bhaibheri rinoti: “Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.” Kuronda zvinhu zvokunyama izvo mari inogona kutenga hakugoveri zvako gutsikano yechokwadi neisingagumi. (1 Timotio 6:10; Muparidzi 5:10) Asi kune ngwavaira zvikurusa kwazvose, rudo rwemari nezvinhu zvokunyama ruchakuvadza ukama hwako naMwari, uyo anotikarira kumubatira no“mwoyo wakakwana.”—1 Makoronike 28:9.
15. (a) Muenzanisiroi wakapa Jesu pamusoro peziso? (b) Mupfungwa dzose dziri mbiri yokunyama neyomudzimu, munhu anochengeta sei ziso rakanaka? (c) Kana ziso redu rakanaka, chiono chedu chomudzimu chichava sei chakafanana neicho chavatatu vavaapostora vaJesu?
15 Kutibetsera kudzivisa musungo wokudisa zvenyika, Jesu akapa mienzanisiro miviri. Kutanga, iye akati: “Mwenje womuviri iziso; zvino kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchavhenekerwa. Asi kana ziso rako rakaipa, miviri wako wose uchava nerima.” (Mateo 6:22, 23) Mupfungwa yokunyama, ziso “rakanaka” ndiriya rinoona zvakanaka, rinopa mifananidzo yakajeka kundangariro. Ziso risingaoni zvakanaka rinopa mifananidzo yakavhiringidzika neisina kujeka. Nenzira yakafanana, ziso romudzimu iro riri “rakanaka,” kana kuti rinoona zvakanaka, rinopa mufananidzo wakajeka woUmambo hwaMwari, kwete mufananidzo usina kujeka, usingaoneki zvakanaka uyo unoita kuti nyika itsva iratidzike kuva yakafanana norungano kana kuti ngano. Kana ziso rako romudzimu richiona zvakanaka, nyika itsva yakapikirwa yaMwari ichava chaiyoiyo kwauri sezvakanga zvakaita Umambo kuvaapostora vatatu avo vakaropafadzwa kuona chiono chahwo muchiono chenenji mukati mokushandisa chitarisiko kwaJesu.—Mateo 16:28–17:9; Johane 1:14; 2 Petro 1:16-19.
16. Mumuenzanisiro wechipiri, Jesu akaratidza sei kudikanwa kwokuva nedonzo rimwe?
16 Jesu akapa muenzanisiro wechipiri. “Hapana munhu ungabatira vatenzi vaviri,” iye akadaro, “nokuti uchavenga mumwe, akada mumwe; kana uchanamatira mumwe, akazvidza mumwe.” Achijekesa pfundo racho, iye akasimbisa zvakare kudikanwa kwokuratidza donzo rimwe, achiti: “Hamungabatiri Mwari nePfuma.” (Mateo 6:24) Ikoko hakusati kuchizomboshanda hako. Naizvozvo Jesu akapfuurira, kuti: “Saka ndinoti kwamuri: Regai kufunganya pamusoro poupenyu hwenyu, muchiti, ndichadyei, kana kuti ndichanwei; kana kuti pamusoro pomuviri wenyu, muchiti, ndichafukei? . . . Nokuti vahedheni vanotsvaka izvozvi zvose, nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoshaiwa izvozvi zvose.”—Mateo 6:25-32.
17. (a) Ipfundoi Jesu akanga achiita kupfurikidza nemiraidzo yake pamusoro pezvinhu zvokunyama? (b) Chii icho Jesu akanga achisimbisa pano, uye kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava kunobatanidzei?
17 Jesu haana kureva kuti vateveri vake vanofanira kusiira kugoverwa kwezvinodikanwa zvokunyama kutsaona kana kuti ivo vanofanira kuva nousimbe ndokuramba kushanda kuti vazvigovere vamene nemhuri dzavo. (1 Timotio 5:8) Aiwa, asi pfundo nderokuti izvi zvinhu zvokunyama zvinorondwa nokudisa namarudzi hazvifaniri kuva nenzvimbo yokutanga. Panzvimbo pezvo, sezvakapa zano Jesu: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka Umambo nokururama kwake, uye zvimwe zvinhu zvose izvozvi zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33, NW) Naizvozvo Jesu pano akanga achitaura pamusoro penharidzano muupenyu uye akanga achisimbisa kusava namaturo kwokuronda zvinhu zvokunyama. Kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava kunobatanidza kunangidzira meso edu chete chete pafariro dzoUmambo, kuita chinhu chiri chose zvacho chechipiri.
Muenzaniso waJesu Navamwe
18. Jesu akatigadzira sei muenzaniso wakarurama?
18 Pakukurudzira maKristu kuti “ngatibvisei chinorema chiri chose nechivi [chokushaiwa kana kuti kurasikirwa nokutenda] chisingatani kutipinza mumusungo,” Pauro akakurudzira, kuti: “Ngatimhanyei netsungiriro nhangemutange yatakaisirwa pamberi pedu, sezvatinotarisisa Mumiriri Mukuru noMukwanisi wokutenda kwedu, Jesu.” (VaHebheru 12:1, 2, NW) Jesu akanga akazvipira chose chose kwazvo kufariro dzoUmambo zvokuti mugariro wake wakanga wakaita sezvaakarondedzera, kuti: “Mhunguhwe dzine mwena, neshiri dzokudenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” (Mateo 8:20) Panguva imwe cheteyo, Jesu akanga asiri muzvinyimi. Magwaro anoratidza kuti iye aifarikanya zvokudya zvakaisvonaka nezvokupfeka, bva nharidzano yake huru muupenyu yakanga iri kuita ushumiri hwake. Nokudaro Jesu akararama upenyu hwakadzikama, hwakapfava.—Ruka 5:29; Johane 19:23, 24.
19, 20. (a) Muenzanisoi wakagadza Pauro pamusoro pezvinhu zvokunyama? (b) Chidzidzoi chakafunda vazhinji nhasi, uye ivo vanonzwa sei pamusoro penzira yavo youpenyu?
19 Muapostora Pauro aivawo nezvokutanga zvake munhevedzano yakafanira. Iye akatsanangura, kuti: “Handine hanya noupenyu hwangu, handihudi, kuti ndipedze rwendo rwangu nebasa randakapiwa naShe Jesu, rokupupura evhangeri.” (Mabasa 20:24) Hungu, kuti aite ushumiri hunokosha zvikuru, Pauro aigutswa nezvinodikanwa zvishomanene asi aifadzwa nokufarikanya zvakawanda panhambo nenhambo. Iye akanyora, kuti: “Ndinoziva urombo, ndinoziva kuvawo nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushaiwa.”—VaFiripi 4:12.
20 Makumi ezviuru chaiwoiwo avanhu akadzidza chidzidzo chimwe chetecho nhasi. Vazhinji vavo vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha, kubatanidza vafundisi, mapiona, vatariri vanofambira, uye avo vanobatira padzimbahwe resangano ramarudzi ose nehofisi dzamapazu. Pashure pamakore ebasa renguva yazara, vazhinjisa vanoti: “Kudai ndaizokuitazve, handisati ndaizoita chinhu chipi nechipi zvakasiana.”
Zvikomborero Zvaunogona Kufarikanya
21, 22. (a) Itusoi dzinofarikanywa kunyange zvino apo tinorarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava? (b) Zvikomboreroi zvomunguva yemberi zvaunogona kufarikanya?
21 Nepo kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava kuchibatanidza kurega zvimwe zvinhu, zvikomborero nemifaro hazvienzaniswi. Iwe nokudaro uchava nenguva yakawanda yokufambisira mberi fariro dzoUmambo nebanza guru zvikuru rokuwana vanofarira ndokuvadzidzisa pamusoro pamadonzo aMwari. Gutsikano yechokwadi nokugutswa zvichava zvako, kubatanidza rugare rwendangariro nevimbiso yokuti uri kufadza Jehovha Mwari. Iyoyo ituso yaungafarikanya kunyange zvino.—VaFiripi 4:6, 7.
22 Asi zvikomborero zvomunguva yemberi zvichava zvikuru zvikuru, zvichiparira zvinhu zvaungarega zvipi nezvipi kunyangarika mukuenzanisa. Zvikomborero zvaJehovha zvinobatanidza “upenyu kusvikira kunguva isingazivikanwi.” Hungu, ikoko kunogona kuva chikomborero chako—upenyu husingagumi mumufarwa munyika itsva yakarurama yaJehovha. Rarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava, usingatongoregi zvinhu zvenyika ino zvichiita kuti uve usina kudzikama. Yeuka kuti Mwari iye achakupa zvikumbiro zvomwoyo wako.—Pisarema 21:3, 4; 37:4; 133:3.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Mienzanisoi nemienzanisiro zvawacherechedza zvinogona kukubetsera kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava?
◻ Kurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava kuchatidzivirira sei?
◻ Kana ziso redu romudzimu rakanaka, ikoku kucharevei kwatiri?
◻ Jesu akatidzidzisa sei kurarama upenyu hwakapfava?
◻ Ndezvipi zviri zvikomborero zvokurarama upenyu hwakadzikama, hwakapfava?