-
Mibvunzo Inobva KuvaraviNharireyomurindi—1990 | March 15
-
-
Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Tinofanira kugumisa here kubva muna Mateo 7:13, 14 naRuka 13:24 kuti kunyange murumuko, vanhu vazhinjisa vacharamba kunamata kwechokwadi?
Aiwa, idzi ndima hadzitsigiri mhedziso iyoyo. Panzvimbo pezvo, idzo dzine chokuita zvikurukuru nokuwana upenyu muUmambo hwokudenga.
Mashoko aJesu ari pana Mateo 7:13, 14 rutivi rweMharidzo yapaGomo. Iye akati: “Pindai nesuo rakamanikana nokuti suo rakafara, nenzira yakapamhama, inoenda kukuparadzwa; vanopinda naro vazhinji. Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.”
Zvakawanda zveizvo Jesu akataura panhambo iyoyi zvakava nechokuita zvikuru muno Umambo hwokudenga. Somuenzaniso, iye akavamba namashoko, anoti: “Vanofara ndivo avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu, sezvo umambo hwamatenga huri hwavo.” Iye akataura kuti vakachena mumwoyo vaizo“ona Mwari” uye kuti “umambo hwamatenga” ndohwaavo “vanotambudzwa nokuda kwokururama.” (Mateo 5:3, 8, 10, NW) Gare gare muhurukuro imwe cheteyo, Jesu akataura nezvenzira yakafara inotungamirira muruparadziko nenzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu. Murutivi, iye akawedzera, kuti: “Haasati ari munhu ari wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwamatenga, asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari mumatenga.”—Mateo 7:13, 14, 21, NW.
-
-
Mibvunzo Inobva KuvaraviNharireyomurindi—1990 | March 15
-
-
Somuuyo, tinogona kuona mumashoko akapoteredza muzvinoitika zvose zviri zviviri kuti tsinhiro dzaJesu (pamusoro pavashomanene vari munzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu ndokuponeswa) vakava nechokuita zvikurukuru nokuva netendero yaMwari panguva iyoyo apo Iye akanga achipa tariro youpenyu hwokudenga. Vashomanene zvikuru vakanzwa shoko rezvokwadi ndokudzidza zvaidikanwa vakagamuchira ndokubvumikisa kuva vakatendeka.—Mateo 22:14; 24:13; Johane 6:60-66.
-