“Ndakuitirai Muenzaniso”
‘Munofanira kuva vadzidzisi kana tichitarira nguva.’—VAHEBHERU 5:12.
1. Nei mashoko aVaHebheru 5:12 sezvingatarisirwa angaita kuti muKristu anzwe kunetseka kwakati nezvake?
SEZVAUNOVERENGA mashoko akafuridzirwa orugwaro rwedu runotungamira, unombonzwa kunetseka here paunofunga nezvako pachako? Kana zvakadaro, hausi woga. Sevateveri vaKristu, tinoziva kuti tinofanira kuva vadzidzisi. (Mateu 28:19, 20) Tinoziva kuti nguva yatiri kurarama inoita kuti zvinyanye kudiwa kuti tidzidzise zvakanaka sezvatinogona. Uye tinoziva kuti kudzidzisa kwedu kunogona kutoreva upenyu kana rufu kune vatinodzidzisa! (1 Timoti 4:16) Saka sezvingatarisirwa, tingazvibvunza kuti: ‘Ndiri mudzidzisi wandinofanira kuva chaizvo here? Ndingaita sei kuti ndivandudze?’
2, 3. (a) Mumwe mudzidzisi akarondedzera sei hwaro hwokudzidzisa kwakanaka? (b) Jesu akatiitira muenzaniso wei pamusoro pokudzidzisa?
2 Kunetseka kwakadaro hakufaniri kutiodza mwoyo. Kana tikangofunga nezvokudzidzisa sohumwe unyanzvi hwakadzidzirwa chete, tingapedzwa simba nokufunga kuti tinofanira kuvandudza. Zvisinei, hwaro hwokudzidzisa kwakanaka hahusi unyanzvi asi chimwe chinhu chinokosha zvikuru. Cherechedza zvakataurwa mune rimwe bhuku nomumwe mudzidzisi agara nebasa pamusoro penhau iyi: “Kudzidzisa kwakanaka haisi nhau younyanzvi kana kuti zvitaera, zvirongwa kana kuti zviito. . . . Chinhu chikuru pakudzidzisa inhau yorudo.” Chokwadi, maonero ake anga ari omudzidzisi wenyika. Kunyange zvakadaro, pfungwa yake ingatonyanya kushanda pakudzidzisa kwatinoita sevaKristu. Zvinodaro sei?
3 Hatina mumwe muenzaniso womudzidzisi kunze kwaJesu Kristu, uyo akaudza vateveri vake kuti: “Ndakuitirai muenzaniso.” (Johani 13:15) Akanga achitaura pamusoro pomuenzaniso wake mukuratidza kuzvininipisa, asi muenzaniso uyo Jesu akatiitira zvechokwadi unosanganisira basa rake guru somunhu pasi pano—rokudzidzisa vanhu mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Ruka 4:43) Naizvozvo, dai waizosarudza shoko rimwe kurondedzera ushumiri hwaJesu, zvimwe waizosarudza shoko rokuti “rudo,” handizvo here? (VaKorose 1:15; 1 Johani 4:8) Rudo rwaJesu kuna Baba vake vokudenga, Jehovha, rwakanga ruchikosha. (Johani 14:31) Zvisinei, somudzidzisi, Jesu akaratidza rudo mune dzimwe nzira mbiri. Aida chokwadi chaaidzidzisa, uye aida vanhu vaaidzidzisa. Ngatimboisa pfungwa dzedu dzose pazvinhu izvi zviviri zvomuenzaniso waakatiitira.
Kuda Chokwadi chaMwari Kwava Nenguva Refu
4. Jesu akava sei norudo nedzidziso dzaJehovha?
4 Manzwiro anoita mudzidzisi nezvechidzidzo chake anoreva zvakawanda pamusoro porudzi rwokudzidzisa kwake. Kusava nehanya kunogona kuonekwa kwotopararira nokuvadzidzi vake. Jesu haana kumboratidza kusava nehanya nechokwadi chinokosha chaaidzidzisa pamusoro paJehovha noUmambo hwake. Kuda kwaiita Jesu nyaya iyi kwakanga kwakadzama. Akatanga kuva norudo rwacho achiri mudzidzi. Mumazana ose emakore aakavapo asati ava munhu, Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga akanga ari mudzidzi anoshingaira. Pana Isaya 50:4, 5 pane mashoko aya akakodzera: “Ishe Jehovha wakandipa rurimi rwevakadzidziswa, kuti ndizive kusimbisa vakaneta namashoko; unondimutsa mangwanani ose, unomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa. Ishe Jehovha wakadzivura nzeve dzangu, handina kuramba kana kudzokera shure.”
5, 6. (a) Sezviri pachena chii chakaitika kuna Jesu paakabhabhatidzwa, uye zvakaguma nei kwaari? (b) Musiyano wei watinowana pakati paJesu naSatani pakushandisa Shoko raMwari?
5 Paakanga achikura somunhu pasi pano, Jesu akaramba achida uchenjeri hwaMwari. (Ruka 2:52) Zvino panguva yokubhabhatidzwa kwake, pane chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika kwaari. Pana Ruka 3:21 panoti: “Denga rakazaruka.” Sezviri pachena, kubva ipapo Jesu akakwanisa kuyeuka upenyu hwake asati ave munhu. Pashure paizvozvo akapedza mazuva 40 achitsanya ari murenje. Anofanira kuve aifadzwa zvikuru nokufungisisa pamusoro penguva yakawanda yokudzidziswa kwaaiitwa ari kudenga naJehovha. Zvisinei, pasina nguva ngani, kuda kwake chokwadi chaMwari kwakaedzwa.
6 Jesu paakanga aneta uye ave nenzara, Satani akada kumuedza. Musiyano wakadini watinowana pakati pevanakomana vaMwari vaviri ava! Vose vaishandisa mashoko omuMagwaro echiHebheru—asi nemafungiro akasiyana zvachose. Satani akamonyanisa Shoko raMwari, achirishandisa nokuzvidza kuti riite zvido zvake zvoudyire. Chokwadi, mhandu iyoyo yaingotsvaka kuzvidza chokwadi chaMwari chete. Kune rumwe rutivi, Jesu aishandisa Magwaro achiratidza pachena kuada kwake, achishandisa Shoko raMwari nokungwarira pamhinduro imwe neimwe. Jesu akanga agara ariko kwenguva yakareba mashoko iwayo akafuridzirwa asati ambonyorwa kokutanga, asi aiaremekedza. Aiva chokwadi chinokosha chakabva kuna Baba vake vokudenga! Akaudza Satani kuti mashoko akadaro akabva kuna Jehovha aikosha kupfuura zvokudya. (Mateu 4:1-11) Hungu, Jesu aida chokwadi chose icho Jehovha akanga amudzidzisa. Zvisinei, akaratidza sei rudo irworwo somudzidzisi?
Kuda Chokwadi Chaaidzidzisa
7. Nei Jesu akarega kutanga dzidziso dzake pachake?
7 Kuda kwaJesu chokwadi chaaidzidzisa kwaiva pachena nguva dzose. Pamusoro pazvo, aigona kudai akava nepfungwa dzake pachake zviri nyore. Aiva nedura guru kwazvo rezivo nouchenjeri. (VaKorose 2:3) Kunyange zvakadaro akayeuchidza ayeuchidzazve vateereri vake kuti zvose zvaaidzidzisa zvakanga zvisingabvi kwaari pachake, asi kuna Baba vake vokudenga. (Johani 7:16; 8:28; 12:49; 14:10) Aida chokwadi chaMwari zvikuru kwazvo zvokusagona kuchitsiva nemafungiro ake.
8. Pakutanga kwoushumiri hwake, Jesu akaratidza sei muenzaniso wokuvimba neShoko raMwari?
8 Jesu akaratidza muenzaniso nokukurumidza paakatanga ushumiri hwake hwapachena. Funga nezvenzira iyo akatanga kuzivisa nayo kuvanhu vaMwari kuti akanga ari iye Mesiya akapikirwa. Akangoenda pamberi peboka revanhu, ndokuzvizivisa kuti akanga ari Kristu, achibva aita zvishamiso zvinoshamisira kuti aratidze kuti akanga achirevesa here? Aiwa. Akaenda kusinagogi, uko vanhu vaMwari vaiva netsika yokuverenga Magwaro. Ari ikoko akaverenga zvinonzwika uprofita hwaIsaya 61:1, 2 ndokutsanangura kuti chokwadi chouprofita ichi chaishanda kwaari. (Ruka 4:16-22) Zvishamiso zvake zvizhinji zvakabatsira kuratidza kuti aitsigirwa naJehovha. Kunyange zvakadaro, nguva dzose aivimba neShoko raMwari mukudzidzisa kwake.
9. Mukutaura kwake nevaFarise, Jesu akaratidza sei rudo rwake rwakavimbika nokuda kweShoko raMwari?
9 Jesu paaibvunzwa nevairwisana nechitendero chake, haana kuedza kuvakunda panharo kunyange zvazvo aigona kudai akavakunda nyore mumakwikwi akadaro. Asi akarega Shoko raMwari richiratidza kuti vainyepa. Somuenzaniso, yeuka apo vaFarise vakapomera vateveri vaJesu kuti vakanga vaputsa mutemo weSabata nokutanha hura shomanana mumunda vachidya sezvavaipfuura nemo. Jesu akapindura kuti: “Hamuna kurava here zvakaita Dhavhidhi apo iye nevarume vaiva naye vakanzwa nzara?” (Mateu 12:1-5) Chokwadi, varume ivavo vaizviidza vakarurama vangave vakanga vaverenga nhoroondo yakafuridzirwa iyoyo yakanyorwa pana 1 Samueri 21:1-6. Kana zvakadaro, vakanga vakundikana kunzwisisa chidzidzo chinokosha chayaiva nacho. Zvisinei, Jesu akanga asina kungoverenga nhoroondo yacho chete. Akanga afungisisa zvayaireva ndokuisa chidzidzo chayo mumwoyo. Aida zvidzidzo izvo Jehovha akadzidzisa nenyaya iyoyo. Naizvozvo akashandisa nhoroondo iyoyo, pamwe chete nomuenzaniso womuMutemo waMosesi, kuratidza pfungwa yakadzikama yoMutemo. Saizvozvowo, rudo rwakavimbika rwaJesu rwakamuita kuti adzivirire Shoko raMwari pakuedza kwevatungamiriri vechitendero kuriminamisa kuti riwirirane nokuda kwavo kana kuti kuriviga mugumbeze retsika dzevanhu.
10. Jesu akazadzisa sei uprofita pamusoro pemadzidzisiro ake?
10 Kuda kwaJesu nyaya yake kwaisazombomubvumira kungodzidzisa zvokuti chero ndaita, nenzira yakaneta kana kuti yokungoita zvetsika. Uprofita hwakafuridzirwa hwakanga hwaratidza kuti Mesiya aizotaura ‘nokunaka pamiromo yake,’ achishandisa “mashoko akanaka.” (Pisarema 45:2; Genesi 49:21) Jesu akazadzisa uprofita ihwohwo nokuita kuti shoko rake rirambe richinakidza uye riri benyu, achishandisa “mashoko anofadza” sezvaaidzidzisa chokwadi chaaida zvikuru. (Ruka 4:22) Zviri pachena kuti chido chake chaiita kuti muviri wake uve noupenyu, uye meso ake aipenya nokufarira zvikuru nyaya yake. Zvinofanira kuve zvainakidza sei kumuteerera, uye muenzaniso wakanaka sei wokuti titevere patinotaura nevamwe pamusoro pezvatinenge tadzidza!
11. Nei mano aJesu somudzidzisi asina kumboita kuti azvitutumadze?
11 Kunzwisisa chokwadi chaMwari zvakadzama kwaiitwa naJesu uye kubudirira kwake pakutaura kwakamuita kuti azvitutumadze here? Izvozvo zvinowanzoitika kuvadzidzisi vevanhu. Zvisinei, yeuka kuti Jesu akanga akachenjera munzira yaMwari. Uchenjeri hwakadaro hahubvumiri kuzvikudza, nokuti “uchenjeri huri kune vanozvininipisa.” (Zvirevo 11:2) Pane chimwe chinhu zvakare chakaita kuti Jesu asazvikudza kana kuti kuzvitutumadza.
Jesu Aida Vanhu Vaaidzidzisa
12. Jesu akaratidza sei kuti akanga asingadi kuti vateveri vake vamutye?
12 Kuda vanhu zvakadzama kwaJesu kwaionekwa nguva dzose mukudzidzisa kwake. Kudzidzisa kwake kwakanga kusiri kwokumbovhundutsira vanhu, kusiyana nokwevanhu vanozvikudza. (Muparidzi 8:9) Pashure pokuona chimwe chezvishamiso zvaJesu, Petro akashamiswa zvikuru, uye akawira pasi pamabvi aJesu. Asi Jesu akanga asingadi kuti vateveri vake vamutye. Nomutsa akati, “Usatya,” ndokuudza Petro nezvebasa rinofadza rokuita vadzidzi raaizoita. (Ruka 5:8-10) Jesu akanga achida kuti vadzidzi vake vakurudzirwe ivo pachavo nokuda kwavo chokwadi chinokosha pamusoro paMwari, kwete nokutya murayiridzi wavo.
13, 14. Jesu akaratidza kunzwira vanhu tsitsi sei?
13 Kuda kwaJesu vanhu vaaidzidzisa kwakapupurirwawo netsitsi dzaaivanzwira. “Achiona mapoka evanhu akasiririswa navo, nokuti aibatwa zvisina kufanira uye akanga akapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:36) Akavanzwira tsitsi mumamiriro avo ezvinhu aisiririsa uye akanzwa kuda kuvabatsira.
14 Cherechedza kunzwira tsitsi kwaJesu pane imwe nhambo. Apo mumwe mukadzi aibuda ropa akauya kwaari muboka revanhu ndokubata mupendero wenguo yake, akaporeswa nenzira inoshamisa. Jesu akanzwa simba rake richibuda, asi haana kuona kuti ndiani akanga aporeswa. Akaramba achitsvaka mukadzi wacho. Nei? Kwete kuti amutuke nokuda kwokuputsa Mutemo kana kuti mirayiro yevanyori nevaFarise, sezvaangave aitya. Asi akatoti kwaari: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda murugare, uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.” (Mako 5:25-34) Cherechedza tsitsi dziri mumashoko iwayo. Haana kungoti, “Naya.” Asi, akati: “Uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.” Mako pano anoshandisa shoko rinogona kureva “kurova,” rudzi rwokurova nechihwepu runowanzoshandiswa sokutambudza. Nokudaro Jesu akabvuma kuti kurwara kwake kwakanga kwamutambudza, zvimwe kwamuparira marwadzo akakomba mumuviri nomupfungwa. Akamunzwira urombo.
15, 16. Zviitiko zvipi zvomuushumiri hwaJesu zvinoratidza kuti aitsvaka zvakanaka muvanhu?
15 Jesu akaratidzawo kuda vanhu nokutsvaka zvakanaka zvavaiva nazvo. Funga zvakaitika paakasangana naNatanaeri, uyo akazova muapostora. “Jesu akaona Natanaeri achiuya kwaari akati nezvake: ‘Onai, muIsraeri zvechokwadi, maari hamuna kunyengera.’” Nenzira inoshamisa Jesu akatarira mumwoyo maNatanaeri, nokudaro achidzidza zvakawanda nezvake. Chokwadi, Natanaeri akanga ari kure nokukwana. Akanga ane zvikanganiso zvake, sezvatakangoita tose. Kutaura zvazviri, paakanzwa nezvaJesu, akangotaura asina kufunga zvakanaka kuti: “Pane chinhu chakanaka chingabva muNazareta here?” (Johani 1:45-51) Zvisinei, pazvinhu zvose zvaigona kutaurwa pamusoro paNatanaeri, Jesu akasarudza chimwe chinhu chakanaka chokutarira, kutendeka kwomurume wacho.
16 Saizvozvowo, apo mumwe mukuru wemauto—zvimwe weVemamwe Marudzi, muRoma—akaenda akakumbira Jesu kuti arape muranda airwara, Jesu aizviziva kuti murwi wacho aiva nezvikanganiso. Mukuru wemauto wemazuva iwayo zvimwe aizodaro aizivikanwa nezviito zvechisimba zvakawanda, kudeura ropa, nokunamata kwenhema. Asi Jesu akaisa pfungwa dzake pane chimwe chinhu chakanaka—kutenda kunoshamisa kwomurume wacho. (Mateu 8:5-13) Pane imwewo nguva izvi zvapfuura, Jesu paakataura nomutadzi akanga akaturikwa padanda rokutambudzira pedyo naye, Jesu haana kutuka murume wacho nokuda kwoutsotsi hwake hwaaiita asi akamukurudzira netariro yomunguva yemberi. (Ruka 23:43) Jesu ainyatsoziva kuti kutarisa zvakaipa zvevamwe nokuvatsoropodza zvinongoshanda kuvaodza mwoyo. Hapana mubvunzo kuti kuedza kwake kuwana zvakanaka zviri mune vamwe kwakakurudzira vazhinji kutoita zviri nani.
Kuda Kushumira Vanhu
17, 18. Pakugamuchira mugove wokuuya pasi pano, Jesu akaratidza sei chido chokushumira vamwe?
17 Humwe uchapupu hune simba hworudo rwaJesu kuvanhu vaaidzidzisa kwaiva kuda kwake kuvashumira. Asati ava munhu, Mwanakomana waMwari akanga agara achifarira vanhu. (Zvirevo 8:30, 31) Se“Shoko” raJehovha, kana kuti mutauriri, angava ane zvakawanda zvaakaita nevanhu. (Johani 1:1) Zvisinei, chimwe chikonzero chokuuya kwake chaiva chokuzodzidzisa vanhu zvakananga, “akazvidurura akava somuranda ndokuva akafanana nevanhu,” achisiya nzvimbo yake yakakwirira mudenga. (VaFiripi 2:7; 2 VaKorinde 8:9) Paakanga ari pasi pano, Jesu akanga asingatarisiri kushandirwa nokushumirwa. Mukupesana neizvi, iye akati: “Mwanakomana womunhu akauya, kwete kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.” (Mateu 20:28) Jesu akararama mukuwirirana nemashoko iwayo zvizere.
18 Jesu akashumira nokuzvininipisa kuzvaidiwa zvevaakadzidzisa achivashandira asingazezi. Akabvongodza Nyika Yakapikirwa netsoka, achifamba mazana emakiromita munzendo dzokuparidza achiedza kusvika kune vakawanda sezvinobvira. Kusiyana nevaFarise nevanyori vaizvikudza, akaramba achizvininipisa uye akasununguka kuvanhu. Vanhu vemarudzi ose—vanoremekedzwa, varwi, magweta, vakadzi, vana, varombo, varwere, kunyange vaisadiwa munzanga—vakauya kwaari nechido, vasingatyi. Kunyange zvazvo akanga akakwana, Jesu akanga ari munhu, achinzwawo kuneta nenzara. Zvisinei, kunyange paakanga aneta kana kuti achida kuzorora kana kuti nguva yakanyarara yokunyengetera, akatungamidza zvaidiwa nevamwe mberi kwezvake.—Mako 1:35-39.
19. Jesu akaratidza sei muenzaniso wokubata nevadzidzi vake nokuzvininipisa, nokushivirira, uye nomutsa?
19 Jesu akanga achidawo kushumira vadzidzi vake. Akaita kudaro nokuvadzidzisa nomutsa uye nokushivirira. Pavainonoka kubata zvimwe zvidzidzo zvaikosha, haana kukanda mapfumo pasi, kuita hasha, kana kuti kuvapopotera. Akaramba achitsvaka nzira itsva dzokuita kuti pfungwa yake ijeke. Somuenzaniso, imbofunga kuti vadzidzi vakaitisana nharo kakawanda sei pamusoro pokuti ndiani aiva mukuru pakati pavo. Kasingaperi, kusvikira pausiku hwakatangira kuurawa kwake, Jesu akawana nzira itsva dzokuvadzidzisa kubata pamwe nokuzvininipisa. Panhau iyi yokuzvininipisa, somune zvimwe zvinhu zvose, Jesu aigona kutaura nenzira yakarurama kuti: “Ndakuitirai muenzaniso.”—Johani 13:5-15; Mateu 20:25; Mako 9:34-37.
20. Inzira ipi yokudzidzisa yaisiyanisa Jesu nevaFarise, uye nei nzira yacho yaibudirira?
20 Cherechedza kuti Jesu haana kungoudza vadzidzi waiva muenzaniso wacho; ‘akaita muenzaniso.’ Akavadzidzisa nokuita muenzaniso. Haana kutaura navo achivatarisira pasi ari pakakwirira, sokunge aizviona seakanga asingafaniri kuita zvinhu zvaakanga achivaudza kuti vaite. Iyoyo ndiyo yakanga iri nzira yevaFarise. Jesu akataura nezvavo achiti, “vanotaura asi havaiti.” (Mateu 23:3) Jesu nokuzvininipisa akaratidza vadzidzi vake zvaireva dzidziso dzake chaizvo nokurarama sezvaaidzidzisa, kushandisa dzidziso dzake. Naizvozvo paakakurudzira vateveri vake kuti vararame upenyu huri nyore husina kuvhiringidzwa nokuda zvenyika, vaisafanira kuita zvokufungidzira zvaaireva. Vaigona kuona chokwadi chemashoko ake okuti: “Makava ane maguru uye shiri dzedenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.” (Mateu 8:20) Jesu akashumira vadzidzi vake nokuvaitira muenzaniso nokuzvininipisa.
21. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
21 Pasina mubvunzo, Jesu ndiye akanga ari Mudzidzisi mukuru ati ambofamba panyika! Kuda kwake zvaaidzidzisa uye kuda kwake vanhu vaaidzidzisa zvakanga zviri pachena kuvanhu vose vane mwoyo yakatendeka vakamuona nokumunzwa. Zvinongovawo pachena kune avo vedu nhasi vanodzidza muenzaniso waakaratidza. Zvisinei, tingatevedzera sei muenzaniso wakakwana waKristu? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.
Ungapindura Sei?
• Nheyo yokudzidzisa kwakanaka chii, sezvakaratidzwa nomuenzaniso waani?
• Munzira dzipi idzo Jesu akaratidza nadzo kuda chokwadi chaaidzidzisa?
• Jesu akaratidza sei kuda vanhu vaaidzidzisa?
• Mienzaniso ipi inoratidza kuda kwaJesu kwokuzvininipisa kushumira vaaidzidzisa?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Jesu akaratidza sei kuti aida nheyo dzemitemo dziri muShoko raMwari?