Taura Pamsoro Pembiri Youmambo hwaMwari
“Vachataura vachireva kubwinya kwoushe hwenyu, nokuparidza simba renyu.”—PISAREMA 145:11.
1. Zvikurukuru, neiko Jehovha akatipa kutaura?
JEHOVHA aiva nedonzo mukutipa kutaura. (Eksodho 4:11) Zvikurukuru, kwakanga kuri kuti miromo yedu “itaure rumbidzo” kwaari. (Pisarema 119:171, 172) Wezvamapisarema Dhavhidhi akati: “Mabasa enyu ose achakuongai Jehovha; navatsvene venyu vachakurumbidzai. Vachataura vachireva kubwinya kwoushe hwenyu, nokuparidza simba renyu; kuti vazivise vanakomana vavanhu mabasa ake neane simba, nokubwinya kwoumambo hwoushe hwake. Ushe hwenyu ndihwo ushe husingaperi, noumambo hwenyu huchagara nokusingaperi.”—Pisarema 145:10-13.
2. Tinosundwa ku“taura rumbidzo” kuna Mwari munzirai?
2 Vateveri vakazodzwa vaJesu Kristu neshamwari dzavo dze“boka guru” vanodisa kurumbidza Jehovha, “mambo wokusingagumi.” (Zvakazarurwa 7:9; 15:3, NW) Kupfurikidza nefundo yokushingaira yeBhaibheri neNharireyomurindi nezvimwe zvinyorwa zvechiKristu seyamuro, tinogona kuwana zivo yakarurama pamsoro paMwari iyo yakafanana norwizi rwemvura yakachena, inozorodza, inopa upenyu. Nokudaro muchinoitika chedu ‘tsime rouchenjeri rinova rukova runoyerera.’ (Zvirevo 18:4) Tinogombedzerwa ku“taura rumbidzo” mukupupurira paimba neimba nezvimwe zvimiro zvoushumiri hwomumunda. Asi kunewo chikonzero chapaMagwaro chokupupurira kwamasanga.
Mienzaniso yapaMagwaro
3. Tapota dudza muenzaniso wokupupurira kwamasanga kwaJesu Kristu.
3 Kuparidzira kwokutanga uko Jesu akaita pashure pokuzodzwa nomudzimu mutsvene kwaiva panzvimbo yake yokugara, kwaakakoka Johane, Andrea, uye sezviri pachena Petro. Ivo vakapedza zuva varipo, sezvinooneka vachigamuchira uchapupu hwakati mumugariro iwoyo wamasanga. (Johane 1:35-42) Makanga muriwo mumigariro yamasanga—“achipfuura”—apo Jesu akaona Mateo ari pahofisi yemitero ndokuwana miuyo yakanaka paakati: “Iva muteveri wangu.”—Mateo 9:9, NW.
4. Chii chakataura Jesu pakupupurira kumukadzi weSamaria, uye ikoku kwakatungamirira kuchii?
4 Jesu akanga ari muenzaniso wakanakisisa wo‘rwizi rwouchenjeri runoyerera.’ Kunyange zvazvo akagara ane nzara uye aneta patsime raJakobho pedyo neSikari, iye akapupurira kumukadzi weSamaria uyo akauya kuzochera mvura. “Ani naani, unonwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi,” akadaro Jesu, “asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kuupenyu husingaperi.” Uku kupupurira kwamasanga kwakatungamirira kukuparidzira kwaJesu kuboka iro mukadzi akanyandura kuti riungane ndokunzwa izvo iye aifanira kutaura.—Johane 4:6-42.
5. Firipo muevhangeri nomuapostora Pauro vanogovera mienzanisoi yokupupurira kwamasanga?
5 Firipo muevhangeri akagamuchira ngoro yaipfuura ndokupupurira namasanga kumukwiri wayo, uyo akanga achirava uporofita hwaIsaya. Akokwa kupinda mungoro, Firipo akatsanangura “mashoko akanaka pamsoro paJesu” kungomwa iyoyo yeEtiopia, ine kugamuchira kwokuonga kwakaguma norubhapatidzo rwayo. (Mabasa 8:26-38, NW) Apo zvisungo zvetorongo zvomuapostora Pauro zvakasunungurwa mukudengenyeka kwapasi kukuru paFiripi, iye akapupurira namasanga kumurindi wetorongo. Muuyo wacho? “Vose, iye nevake vakabhapatidzwa pasina kunonoka.”—Mabasa 16:19-34, NW.
6. Kupupurira kwamasanga sezvingabvira kwakaita rutivi mumibatoi yavadzidzi vaJesu pashure pokunge Stefano atakwa namabwe?
6 Nhasi, kupupurira kwamasanga mutoo mumwe wokuzivisa nawo mashoko akanaka uko basa redu rechiKristu rinenge riri muganhuriro. Kunyange zvazvo tichitambudzwa, zvisinei, mwoyo yedu inotisunda kutaura pamsoro pembiri yoUmambo hwaMwari. Pashure pokunge Stefano atakwa namabwe kusvikira kurufu, vazhinjisa vavadzidzi vakatambudzwa vakaparadzirwa. Bva, ivo vakapfuurira kuzivisa mashoko akanaka, uye pasina panikiro kupupurira kwamasanga kwakabatanidzwa munhamburiko dzavo dzokuparidzira Umambo.—Mabasa 8:4-8; 11:19-21.
7. Paakanga akapfigirwa, chii chakaita Pauro, ichochi chichimutsa mubvunzoi?
7 Kupupurira kwamasanga inzira imwe yokutaura nayo pamsoro pembiri yoUmambo hwaMwari kana tikapinzwa mutorongo kana kuti tikaganhurirwa kumisha yedu nemhaka yechirwere kana kuti utera. Pauro akapfigirwa kwamakore maviri achichengetwa nomurindi weRoma. Asi panzvimbo pokusuruvara, iye akatuma kundodana vanhu uye “aigamuchira nomutsa vose vaipinda kwaari, achiparidzira umambo hwaMwari kwavari nokudzidzisa zvinhu pamsoro paShe Jesu Kristu norusununguko rukurusa rwokutaura.” (Mabasa 28:16-31, NW) Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini! Kana iwe uri musungwa chapupu chaJehovha, ungagona kuita chimwe chinhu chakafanana here?
8. Kupupurira kwamasanga kwaPauro kwakabudirira sei?
8 Sezvo varindi vaPauro vaichinja panguva nenguva, vakasiana-siana vaimunzwa achitaura kuvamwe pamsoro pembiri yoUmambo hwaMwari. Tinogona kuva nechokwadi, kunyanguvezvo, chokuti iye akapupurirawo zvakananga kuvarindi ivavo. Uku kupupurira kwamasanga kwakanga kuchibudirira kwazvo zvokuti Pauro aigona kunyora, kuti: “Izvo zvakandiwira zvakatofambisa evhangeri; nokudaro kuti kusungwa kwangu kwakazivikanwa muimba yaShe yose, nokuna vamwe vose kuti kuri muna Kristu. Nehama zhinji munaShe, dzakasimbiswa nokusungwa kwangu, vonyanya kutsunga kuparidza shoko raMwari vasingatyi.” (VaFiripi 1:12-14) Kufanana naPauro, kana tikafanira kupinzwa mutorongo ndokunyimwa mabanza okupupurira zvakarongwa, tinogona kungotaura pamsoro poumambo hwaMwari. Uye ushingi hwakadini uhwo ikoku kucharoverera muhama dzedu!
9, 10. Hufakazii hwenyika huripo hwokuti maKristu apakuvamba aipupurira namasanga?
9 Kupupurira namasanga kwaizivikanwa navose kwazvo pakati pamaKristu apakuvamba zvokuti kunyange nezvamakore akatevera kwaigona kunzi: “Kumunyori wechiKristu, zvimwe muCarthage munenge muna 200, tinowana mufananidzo . . . [uyo] une chokuita navanhu vakanga vakadzidza zvikuru. Magweta maduku matatu, shamwari dzapedyo, vakapedza zororo rezuva rimwe vari pamhenderekedzo yegungwa. Vaviri maKristu, wechitatu muhedheni. Kutaura kwavo kunokurumidza kutendeukira kurudzidziso . . . Nhauro yenharo refu inoguma, ‘Takaenda kumusha tichifara, vose vatatu. Mumwe akanga achifara nemhaka yokuti akanga asvika kukutenda kwechiKristu, vamwe nemhaka yokuti vakanga vamutungamirira kwakuri.’ Kunyora kwacho hakusati kuchinyepedzera kuva nhau chaiyoiyo; iyo iTsananguro, yakaitwa naMinucius Felix. Asi inomirira rudzi rwechinhu chaiitika pakati pavanhu vakaropafadzwa zvikuru.” (Church History 1—The First Advance: AD 29—500, rakanyorwa naJohn Foster, mapeji 46, 48) Hungu, uye iyi nhauro inoratidza kuti kupupurira kwamasanga kwakanga kusina kupera pakati pavaitaura kuti maKristu venguva iyoyo.
10 Pamsoro pamaKristu apakuvamba, kwakanziwo: “Kwaingova chete nechiverengero chinowedzera nguva dzose chavatendi vechiKristu vamwe navamwe, avo, kupi kana kupi kwavaienda, pangave pabasa ravo renguva dzose kana kuti vadzingwa nechitambudzo, vakaparidzira Kristu . . . Nezvaavo vakaita mushando wavo, murimo wavo, basa ravo rezuva riri rose, rorudzi rupi norupi, mutoo wokupa nawo kutenda kwavo, paiva navazhinji.” (The Missionary Enterprise, rakanyorwa naEdwin Munsell Bliss, peji 14) Hungu, vazivisi voUmambo vapakuvamba vaipupurira zvakarongwa uye namasanga.
Kungwarira Negadziriro
11. Chii chatinogona kudzidza kuna Jesu pamsoro pokunangidzira ngwariro pazvokwadi yaMwari?
11 Kufanana naJesu navateveri vake vapakuvamba, tinofanira kupupurira zvose zviri zviviri zvakarongwa uye namasanga. Kuita saizvozvo nenzira inobudirira kunoda kungwarira negadziriro. Kuti apupurire namasanga kana kuti kupa muraidzo, Jesu akanongedzera kuvana, zvokudya, zvokupfeka, shiri, maruva, migariro yokunze, uye mabasa. (Mateo 4:18, 19; 6:25-34; 11:16-19; 13:3-8; 16:1-4) Isuwo tinogona kushandisa chinodokuva chinhu chipi nechipi sohwaro hwokunangidzira ngwariro pazvokwadi yaMwari.
12. Pakuronga rwendo, munhu anogona sei kugadzirira nokuda kwokupupurira kwamasanga?
12 Tinogona kupupurira namasanga kuvanhu vakagara muminhanga, vakamira mumitsetse panzvimbo dzokutenga, uye zvichingodaro. MuAtene, Pauro akarangarira “zuva riri rose mumusika naavo vaivapo.” (Mabasa 17:17, NW) Asi tinodikanirwa kugadzirira nokuda kwokupupurira kwamasanga. Somuenzaniso, ko iwe uri kuronga rwendo nendege, chitima, kana kuti bhazi here? Ipapo enda neBhaibheri namaturakiti, magazini, kana kuti mabhurocha. Kurava zvinyorwa zvechiKristu muchokufambisa chavose kana kuti pane imwe nzvimbo kazhinji kazhinji kunonyandura kurukurirano.
13. Enzanisira kuti ungatanga sei kupupurira kumunhu akwegura muchifamba.
13 Sumo youshamwari sezvinooneka inotanga kuuya. Bhuku rinonzi Reasoning From the Scriptures rinokarakadza sumo dzokushandisa muushumiri hwomumunda, asi dzimwe dzaidzodzi dzinogona kugadziridzwa nokuda kwokushandisa pakupupurira namasanga. Somuenzaniso, kana pakufamba wakagara pedyo nomunhu akura, ungati: “Zita rangu ndi . Ndave ndichifunga zvakawanda chose pamsoro pedonzo roupenyu. Vanhu vazhinji vari kubatikana kwazvo nokuwana chokurarama nacho zvokuti havatongorina nenguva yokufunga pamsoro pedonzo roupenyu. Sezvatinokura, kunyanguvezvo, tinoziva kuti upenyu hwakati pfupikei uye tingashamisika: ‘Ko kwose ikoku ndiko kwakarehwa kuti upenyu huve here?’ Munofunga here kuti Mwari ane donzo nokuda kwokuvapo kwedu?” Bvumira mhinduro. Ipapo ungataura pamsoro pedonzo raMwari nokuda kworudzi rwomunhu ndokutsinhira pamsoro pezvinhu zvakaisvonaka zvinopikirwa pana Zvakazarurwa 21:3, 4. Nokuda kwokupupurira kwamasanga kunobudirira, unogona kushandisawo mamwe mapfundo akaisvonaka akadzidzwa pamisangano yeungano nomuzvinyorwa zvechiKristu.
Miuyo Yakanaka Inogona Kukarirwa
14. Ibudiriroi yakava neimwe hama mukupupurira namasanga mukati morwendo?
14 Kufanana naJesu navateveri vake vapakuvamba, tinogona kuva nebudiriro pakupupurira namasanga. Kuenzanisira: Mukati merwendo nendege, chimwe Chapupu chakataura kumurwi uyo akanga ave akaroora kwamakore 20. Mudzimai womurume iyeyo aishandisa mirimo, akanga aedza kuzviuraya nguva dzinoverengeka, uye akanga odokumusiya nokuda kwejaya. Apo Chapupu chakataura nezvebetsero yapaMagwaro yachakanga chichigamuchira muNharireyomurindi namagazini biyayo Mukai!, murwi akazvinyoresa ndokuda kuita kuti magazini acho atumirwe kumudzimai wake. Vamwe vakwiri vakanzwa izvo Chapupu chakataura. Muuyo wacho? Chokwadi, nemhaka yokupupurira panhambo iyoyo iye akawana kuzvinyoresa 22 ndokugovera magazini 45 namabhuku 21!
15, 16. (a) Ipa mienzaniso yokupupurira kwamasanga kunobudirira kuvashandi biyedu. (b) Iyi miuyo inokarakadzei kwauri?
15 Zvakadiniko nezvokupupurira namasanga kuvashandi biyako? Imwe hama yakasiya makopi amagazini edu mukamuri rokushambira panzvimbo yayo yebasa. Mushandi biyayo akarava magazini acho, akaonana nehama yacho, uye akazvinyoresa nokuda kwawo. Murume wacho akabvumawo fundo yeBhaibheri ndokurega upenyu hwake hwakashata, asi mudzimai wake aibva pamba nguva iri yose zita raMwari raidudzwa. Apo murume wacho aida kubuda muchechi yomunzvimbomo, mufundisi akauya kuzokurukura ikoku, achingowana bedzi mudzimai womurume ari pamusha. Kushaiwa kwomufundisi kutenda nenhema dzake pamsoro peZvapupu zvaJehovha zvakamukatyamadza, nokuti iye akanga aona murume wake achichinja nokuda kwezviri nani. Iye akaudza mufundisi, kuti: “Munogona kunyora rugwaro rwokubuda nokuda kwangu navanawo!” Pashure penguva yakati, uyu murume nomudzimai wake vakava Zvapupu zvakabhapatidzwa.
16 Makore akati apfuura, imwe hama zvino iri kugara muUnited States yakapupurira namasanga kumushandi biyayo muEngland ndokuendesa jaya racho kubhaisikopo rakarongwa neZvapupu zvaJehovha. Makore ane makumi matatu nerimwe gare gare, hama yakagamuchira iyi tsamba: “Ndingada kukuudzai zvino kuti uchapupu hwamakapa [jaya] hwakabhadhara, nokuti anenge makore maviri gare gare imwe hama yakataura kwariri, yakagovera magazini, uye yakaenda naro kuHoro yoUmambo yomunzvimbomo . . . Iro rakava Chapupu, rakabhapatidzwa muna 1959, uye zvino mukuru muungano make . . . Pashure pamakore 14 mudzimai wake akava Chapupu uye akabhapatidzwawo. Makore maviri gare gare mwanasikana wake akabhapatidzwa uye zvino ndipiona wenguva dzose muNorth Derbyshire . . . Kubva mukupupurira kuduku ikoko kwamakaita shure ikoko muAshford, munhu iyeyo, mudzimai wake nomwanasikana, hama yokunyama nomwanasikana wayo, murume navana vashanu, uye mwana mumwe womumwe mwanasikana wehama yokunyama vose vakava Zvapupu. . . . Ndingada kukutenda, Ted, zvikurukuru kwazvo, nokuti ini ndiri mumisi wesimbi, uye nhau yandichangobva kurondedzera inhau yangu ndimene youchapupu hwako kwandiri uye kuti hwakaita sei.”
17. Mabanzai okupupurira namasanga ane vabatiri vaduku vaJehovha?
17 Imi vabatiri vaduku vaJehovha munewo ndima yakaisvonaka yokupupurira—vokuchikoro biyenyu navadzidzisi. Ko imi munopa uchapupu hwamasanga here munhauro, mishumo inotaurwa, uye zvichingodaro? Samanyuko amashoko nokuda kwenhauro, mumwe mudzidzi wapachikoro chapamusoro cheEcuador uyo akanga achiitiswa fundo yeBhaibheri akashandisa nhevedzano yebutiro yaMukai! wechiNgezi waAugust 22, 1985 “Hiroshima—Chifundo Chayo Chakarasika Here?” Kombozisheni yake yakawana rumbidzo yavasarudzi mumakwikwi amarudzi ose ndokuguma norwendo rwapachena kuJapan. Chokwadika, kukunda mukwikwidzano hakusi donzo rezvinyorwa zvechiKristu. Asi ikoku kunoratidzira ukoshi hwamabhuku akadaro nokubudirira kupa uchapupu kurumbidzo yaMwari muchikoro.
18. Chii chakava muuyo wokupa uchapupu hupfupi kumunhu aitsvaka kurenda kamuri?
18 Nokuda kwezvikonzero zvemari, imwe hanzvadzi yaitofanira kurendesa kamuri. Pakugamuchira mubvunzo worunhare pamsoro paro, iyo yakaudza mukadzi akaridza runhare kuti iye akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha uye aisagona kubvumidza kusasarura muvatano mumusha make. Vashanyi vaizofanira kubuda paawa yokukurumidza, uye vashanyirume vaifanira kuva vanooneka nguva dzose. Muridzi worunhare akazengurira, uye ipapo akati: “Ndakafunda apo ndaiva wechiduku, asi hakuna kundiorora. Naizvozvo ndakaenda kukoreji.” Abvunzwa kana aida kutangazve fundo yake yeBhaibheri, iye akapindura kuti, “Hungu.” Pashure penguva yakati, muridzi worunhare, amai vake, uye mukoma wake vakava vabatiri vakazvitsaurira vaJehovha—zvose nemhaka yokuti hanzvadzi yakapupurira namasanga.
19. Kupupurira kwamasanga kwakaita nei muchinoitika chomumwe mukadzi muBahamas?
19 MuBahamas hana yomumwe mukadzi weKaturike yakamutambudza nemhaka yokuti akanga asina kuenda kuchechi kwamakore mashanu. Naizvozvo mamwe mangwanani eSvondo, ainaya akatanga kufamba mumugwagwa achienda kuchechi. Kwakasvika Zvapupu zvitatu, izvo zvakamutakura nemotokari—uye uchapupu. Apo vakasvika kuchechi, iye aida kunzwa zvakawanda ndokuramba anazvo sezvo zvakapfuurira kuchaira kundotakura mumwe mudzidzi weBhaibheri. Ivo vakapfuurazve chechi, bva iye akada kunzwa zvakawanda naizvozvo akapfuurira kuenda kuHoro yoUmambo. Hurukuro yavose yaiva pamusoro umene wakakurukurwa mumotokari. Fundo yeBhaibheri yakatangwa nomukadzi wacho, uyo akadzinga murume waakanga achigara naye (baba wavana vake vana), uye iye akabhapatidzwa mukati mekokorodzano muNassau muna 1986. Akafara sei kuti mumwe munhu akapupurira kwaari namasanga!
Ramba Uchitaura Pamsoro poUmambo hwaMwari!
20. (a) Kupupurira kwamasanga kunofanira kurangarirwa sei mukuwirirana noushumiri hwomumunda? (b) Chii chinokarakadzwa kana munhu achizengurira kupupurira namasanga?
20 Kupupurira namasanga hakutsivi ushumiri hwomumunda hwenguva dzose hweZvapupu zvaJehovha. Kuparidzira paimba neimba nenzira yakajeka kuri zvose zviri zviviri kwapaMagwaro nokunobudirira. (Mabasa 5:42; 20:20, 21) Kunyanguvezvo, kupupurira kwamasanga kunobudirira, uye vabatiri vaJehovha vanofanira kugoverana makuri. Kupi kana kupi kuna vanhu—hama dzokunyama, vadzidzi biyako, vashandi biyako, vamwe—pane mabanza okutaura pamsoro pembiri youmambo hwaMwari. Naizvozvo usarega rutyo kana kuti ruzazu zvichikudzivisa. (Zvirevo 29:25; 2 Timotio 1:6-8) Kana uchizengurira kupupurira namasanga, wadiiko kunyengetera sezvakaita vadzidzi vakatambudzwa vaJesu? Ivo vakati: “Jehovha, . . . bvumirai varanda venyu kuramba vachitaura shoko renyu noushingi hwose.” Ko munyengetero wavo wakapindurwa here? Hungu, nokuti “nzvimbo mavakanga vakaungana pamwe chete yakazunungutswa; uye ivo vose vakazadzwa nomudzimu mutsvene uye vakanga vachitaura shoko raMwari noushingi.”—Mabasa 4:23-31, NW.
21. Chii chichasunda munhu kupa uchapupu mumigariro yose?
21 Naizvozvo, ipapoka, sakurira chimiro chakananga kukupupurira kwamasanga. Ita kuti rudo nokuda kwaMwari rukusunde kupa uchapupu mumarudzi ose emigariro. Iva nembavarira, uchidokupfachukira nezvokwadi pabanza riri rose. Zvamazvirokwazvo, ramba uchitaura pamsoro pembiri youmambo hwaMwari.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Kupupurira kwamasanga kune hwaroi hwapaMagwaro?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokugadzirira nadzo kupupurira kwamasanga?
◻ Kana tikapupurira namasanga, miuyoi yatingakarira?
◻ Tinofanira kurangarira sei kupupurira kwamasanga mukuwirirana noushumiri hwomumunda hwenguva dzose?
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kana iwe uri musungwa, unopupurira here sezvakaita Pauro akapfigirwa?
[Mufananidzo uri papeji 25]
Gadziriro yapachine nguva mberi ichatigonesa kupupurira namasanga nenzira inobudirira