RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kudzidziswa Kuti Vazoparidza Pasinei Nekutambudzwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
    • Jesu anopa vaapostora vake mirayiridzo yakanaka zvikuru yekuti vangaita sei basa ravo rekuparidza pavari kuenda vari vaviri vaviri. Asi haagumiri ipapo. Anovayambira nezvevanhu vachavapikisa achiti: “Ndiri kukutumai semakwai ari pakati pemhumhi . . . Chenjererai vanhu; nokuti vachakuisai kumatare omunzvimbo imomo, uye vachakuzvamburai mumasinagogi avo. Chokwadi, muchamanikidzwa kuenda pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu.”—Mateu 10:16-18.

  • Kudzidziswa Kuti Vazoparidza Pasinei Nekutambudzwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
    • Mirayiridzo, yambiro nekurudziro zvinopiwa naJesu kuvaapostora vake 12 zvakanaka chaizvo! Asi unogona kuonawo kuti mashoko aya achabatsira vaya vachazoita basa rekuparidza pashure pekufa nekumutswa kwaJesu. Izvi zvinobudiswa pachena nemashoko aakaudza vadzidzi vake okuti “Muchavengwa nevanhu vose,” kwete vanhu vari kuparidzirwa nevaapostora chete. Uye hapana patinoverenga panoti vaapostora vakaendeswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo panguva iyi pfupi yavakaparidza muGarireya, kana panoti vakaurayiswa nevanhu vemumhuri dzavo.

      Zviri pachena kuti Jesu ari kufunga nezveramangwana paari kuudza vadzidzi vake zvinhu izvi. Funga mashoko ake ekuti vadzidzi havazopedzi kutenderera maguta aIsraeri “mwanakomana womunhu asati asvika.” Jesu ari kuratidza kuti vadzidzi havazopedzi kuparidza nezveUmambo hwaMwari Mambo Jesu Kristu anokudzwa asati asvika semutongi akagadzwa naMwari.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe