-
Jehovha Akaverenga “Bvudzi Romusoro Wenyu Chairo”Nharireyomurindi—2005 | August 1
-
-
6 Kuti abatsire vaapostora vake kunzwisisa kuti nei vakanga vasingafaniri kutya, Jesu akavaudza mifananidzo miviri. Akati kwavari: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari inokosha zvishoma here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi bvudzi romusoro wenyu chairo rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya: munokosha kupfuura shiri duku dzakawanda.” (Mateu 10:29-31) Ona kuti Jesu akabatanidza kusatya paunenge uchitambudzwa nokuva nechivimbo chokuti Jehovha ane hanya nesu somunhu oga. Zviri pachena kuti muapostora Pauro aiva nechivimbo chakadaro. Akanyora kuti: “Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa? Iye asina kunyange kurega Mwanakomana wake asi akamupa nokuda kwedu tose, angaregerereiko kutipawo zvimwe zvinhu zvose naye?” (VaRoma 8:31, 32) Pasinei nokuti unotarisana nematambudziko akaita sei, iwewo unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha ane hanya newe somunhu oga chero bedzi ukaramba wakavimbika kwaari. Izvi zvichatonyanya kuva pachena sezvatinonyatsoongorora zano raJesu raakapa vaapostora vake.
Kukosha Kweshiri Duku
7, 8. (a) Shiri duku dzaionekwa sei muzuva raJesu? (b) Sezviri pachena, nei Mateu 10:29 ichishandisa shoko rechiGiriki rokuti “shiri duku” rinoratidza chinhu chiduku duku?
7 Mifananidzo yaJesu inonyatsorondedzera kuti Jehovha ane hanya nomushumiri Wake mumwe nomumwe. Kutanga, funga nyaya yeshiri duku. Munguva yaJesu, shiri duku dzaidyiwa, asi dzainyanya kuonekwa sezvipembenene nokuti dzaiparadza zvirimwa. Shiri duku dzakanga dzakawanda kwazvo uye dzakachipa zvokuti mbiri dzaigona kutengwa nemari isingasviki masenzi mashanu okuUnited States (Z$310). Masenzi gumi aitenga shiri duku shanu, kwete ina—imwe shiri yaiwedzerwa sebhasera, sezvinonzi yakanga isingatombokoshi!—Ruka 12:6.
8 Fungawo nezvokukura kweshiri iyi yaizivikanwa. Ichienzaniswa nedzimwe shiri dzakawanda, kunyange shiri duku inenge yakura zvakakwana iduku zvikuru. Asi, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “shiri duku” pana Mateu 10:29 rinonyanya kureva shiri duku duku. Zviri pachena kuti Jesu aida kuti vaapostora vake vafungidzire shiri isinganyanyi kukosha pashiri dzose. Sokutaura kunoita rimwe bhuku, “Jesu anotaura nezvekashiri kaduku zvikuru uye anoshandisa mashoko anoratidza kuti chinhu chiduku!”
9. Ipfungwa ipi inokosha inobudiswa mumufananidzo waJesu weshiri duku?
9 Fananidzo yaJesu yeshiri duku inosimbisa pfungwa iyi yakasimba: Zvinhu zvinoita sezvisingakoshi kune vanhu zvinokosha kuna Jehovha Mwari. Jesu akasimbisazve chokwadi ichi achiwedzera kuti shiri duku yaisazo“wira pasi” Jehovha asingazivi.c Chidzidzo chacho chakajeka. Kana Jehovha Mwari achiziva shiri duku zvikuru uye isingakoshi, achava nehanya zvakadini nemamiriro ezvinhu omunhu anenge asarudza kumushumira!
-
-
Jehovha Akaverenga “Bvudzi Romusoro Wenyu Chairo”Nharireyomurindi—2005 | August 1
-
-
c Dzimwe nyanzvi dzinoti kuwira pasi kunoita shiri duku kungareva zvinopfuura kungofa kwayo. Dzinoti mashoko omutauro wepakutanga angareva kumhara pasi kunoita shiri ichitsvaka zvokudya. Kana zviri izvo, zvingareva kuti Mwari anoona uye ane hanya neshiri pane zvose zvainoita, kwete chete painofa.—Mateu 6:26.
-