-
Takaneta asi Hatisi Kupera SimbaNharireyomurindi—2004 | August 15
-
-
1, 2. (a) Chikumbiroi chinofadza chiri kuitwa kune vose vanoda kunamata kwakachena?(b) Chii chingaisa kunamata kwedu pangozi?
SEVADZIDZI vaJesu, takajairana chaizvo nemashoko echikumbiro chake anofadza anoti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. . . . Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.” (Mateu 11:28-30) VaKristu vanopiwawo “mwaka yokusimbaradzwa . . . [kubva] kuna iye Jehovha.” (Mabasa 3:19) Chokwadi ungave wakazvionera kuzorodza kunoita kudzidza chokwadi cheBhaibheri, kuva netariro yakajeka yenguva yemberi, uye kushandisa mirayiro yaJehovha muupenyu hwako.
2 Asi, vamwe vevanamati vaJehovha vanomboneta mupfungwa. Dzimwe nguva kuora mwoyo uku kupfupi. Dzimwe nguvawo manzwiro okuneta aya angagara kwenguva refu. Nokufamba kwenguva, vamwe vanganzwa kuti mabasa avo echiKristu ava mitoro inorema panzvimbo pokuzorodza sezvakavimbiswa naJesu. Manzwiro akadaro angava nengozi zvikuru kuukama hwomuKristu naJehovha.
-
-
Takaneta asi Hatisi Kupera SimbaNharireyomurindi—2004 | August 15
-
-
ChiKristu Hachidzvinyiriri
5. Kupesana kupi kunoita sokuripo kune chokuita nokuva mudzidzi wechiKristu?
5 Ichokwadi kuti kuva muKristu zvinoda kushanda nesimba. (Ruka 13:24) Jesu akatotiwo: “Munhu wose asiri kutakura danda rake rokutambudzikira achinditevera haagoni kuva mudzidzi wangu.” (Ruka 14:27) Kana asina kufungisiswa mashoko aya angaita seanopesana nemashoko aJesu anotaura nezvokuti mutoro wake wakareruka uye unozorodza, asi chaizvoizvo hapana kupesana.
6, 7. Nei zvinganzi kunamata kwedu hakunetesi?
6 Kushanda nesimba uye zvakaoma, kunyange zvazvo kuchipedza simba, kunogona kugutsa uye kuzorodza kana kukaitwa nechikonzero chakanaka. (Muparidzi 3:13, 22) Uye ndechipi chingava chikonzero chakanaka kudarika kuudza vavakidzani vedu chokwadi chakaisvonaka cheBhaibheri? Uyewo, kutamburira kwedu kurarama maererano nezvinodiwa naMwari zvakakwirira kunova kusingakoshi pakunoenzaniswa nokubatsirika kwatinoita. (Zvirevo 2:10-20) Kunyange patinotambudzwa, tinozviona sorukudzo kutamburira Umambo hwaMwari.—1 Petro 4:14.
7 Zvechokwadi mutoro waJesu unozorodza, zvikurukuru kana uchienzaniswa nerima mune zvokunamata rine vaya vanoramba vari pajoko rechitendero chenhema. Mwari anotida noushamwari uye haatirayiri zvisina musoro. “Mirayiro yake [Jehovha] hairemi.” (1 Johani 5:3) ChiKristu chechokwadi, sokutaurwa kwachinoitwa muMagwaro, hachidzvinyiriri. Zviri pachena kuti kunamata kwedu hakunetesi uye hakuodzi mwoyo.
-