-
Jesu Anokurira muNazaretaJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Josefa naMariya vanouya naJesu muguta iri vachibva kuIjipiti zvichida ava nemakore maviri. Zvinoita sekuti panguva iyi ndiye chete mwana wavainaye. Asi anozova nevanun’una vanoti Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi. Josefa naMariya vanozovawo nevana vasikana, hanzvadzi dzaJesu. Izvi zvinoita kuti Jesu ave nevamwe vakaberekwa pashure pake vanogona kusvika vatanhatu kana kupfura.
-
-
Jesu Anokurira muNazaretaJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Josefa anofanira kutoshanda nesimba kuti akwanise kuriritira mhuri yake iri kukura. Josefa anoita basa rekuveza uye anorera Jesu semwanakomana wake chaiye, zvokuti anonzi “mwanakomana womuvezi.” (Mateu 13:55) Josefa anodzidzisawo Jesu basa iri, uye anoribata. Vanhu vanotozopedzisira vava kuti iye Jesu wacho “muvezi.”—Mako 6:3.
-