CHIDZIDZO 17
Jesu Munhu Akaita Sei?
Patinodzidza zvinhu zvakaitwa naJesu uye zvaakataura paaiva pasi pano, pane zvatinodzidza zvinotiswededza pedyo naye uye naBaba vake Jehovha. Ndezvipi zvinhu zvakanaka uye zvinofadza zvatinodzidza nezvaJesu? Tingamutevedzera sei muupenyu hwedu?
1. Jesu akafanana papi naBaba vake?
Paaiva kudenga, Jesu aiona zvaiitwa naBaba vake vane rudo uye aidzidza kwavari kwemabhiriyoni emakore. Izvi zvakaita kuti ave nemafungiro uye maitiro akangofanana neaBaba vake. (Verengai Johani 5:19.) Jesu anonyatsotiratidza zvakaita Baba vake chaizvo zvekuti iye pachake akatomboti: “Munhu wese anenge aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Paunenge uchidzidza nezvaJesu, uchasvikawo pakunyatsoziva Jehovha. Mabatiro aiita Jesu vanhu netsitsi anoratidza kuti Jehovha anonzwawo sei nezvako iwe.
2. Jesu akaratidza sei kuti anoda Jehovha?
Jesu akati: “Kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, ndava kuita zvandakaudzwa chaizvo naBaba kuti ndiite.” (Johani 14:31) Paaiva panyika, Jesu akanyatsoratidza kuti aida Baba vake nekuvateerera kwaaiita kunyange pazvakanga zvakaoma. Jesu aifarira kutaura nezvaBaba vake uye aidawo kubatsira vamwe kuti vave neushamwari naBaba vake.—Johani 14:23.
3. Jesu akaratidza sei kuti anoda vanhu?
Bhaibheri rinotaura kuti Jesu “aifarira kwazvo vanakomana vevanhu.” (Zvirevo 8:31) Akaratidza rudo irworwo nekukurudzira kwaaiita vanhu uye kuvabatsira nemwoyo wese. Zvishamiso zvaakaita zvairatidza kuti ane simba uye ainzwira vanhu tsitsi. (Mako 1:40-42) Aibata vanhu zvakanaka uye ainge asingasaruri. Mashoko ake ainyaradza vanhu vanoda chokwadi uye aivapa tariro. Jesu akazvipira kutambura uye kufa nekuti anoda vanhu, kunyanya vaya vanoteerera zvaakadzidzisa.—Verengai Johani 15:13, 14.
WEDZERA KUONGORORA
Dzidza zvakawanda nezvekuti Jesu aiva munhu akaita sei. Dzidzawo kuti ungamutevedzera sei pakuva nerudo uye pakupawo vamwe zvauinazvo.
4. Jesu anoda Baba vake
Zvakaitwa naJesu zvinotidzidzisa maratidziro atingaita kuti tinoda Mwari. Verengai Ruka 6:12 uye Johani 15:10; 17:26. Verengai rugwaro rumwe chete panguva, mokurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza kuti tinoda Jehovha?
5. Jesu anonzwira tsitsi vanhu vanoda kubatsirwa
Jesu aitanga kufunga zvakanakira vamwe asati afunga nezvake iye. Kunyange paainge aneta, aishandisa nguva yake uye simba rake kuti abatsire vamwe. Verengai Mako 6:30-44, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:
6. Jesu anofarira kupa
Jesu akanga asinganyimi kunyange zvazvo ainge asina zvinhu zvakawanda zvekurarama nazvo, uye akatikurudzira kuti nesuwo tipe vamwe zvatiinazvo. Verengai Mabasa 20:35, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:
Jesu akati tinofanira kuita sei kuti tifare?
Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera:
Tingaita sei kuti tive vanhu vanopa kunyange tisina zvakawanda zvekurarama nazvo?
Waizviziva here?
Bhaibheri rinodzidzisa kuti tinyengetere muzita raJesu. (Verengai Johani 16:23, 24.) Patinonyengetera nenzira iyoyo tinenge tichiratidza kuti tinoziva zvakaitwa naJesu kuti atibatsire kuva shamwari dzaJehovha.
VAMWE VANOTI: “Mwari haarwadziwe nekutambura kwatinoita.”
Sezvo Jesu achitiratidza zvakaita Jehovha, zvaakaita zvinoratidza sei kuti Jehovha anorwadziwa kana tichitambura?
PFUPISO
Jesu anoda Jehovha uye vanhu. Sezvo Jesu akafanana naBaba vake, paunenge uchidzidza nezvake uchasvikawo pakunyatsoziva Jehovha.
Kudzokorora
Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza kuti tinoda Jehovha?
Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza kuti tinoda vamwe?
Chii chaunonyanya kufarira pana Jesu?
WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
Verenga kuti tingaita sei kuti tikwanise kutevedzera Jesu.
“Kuti Ukwanise Kutevedzera Jesu Unofanira . . .” (Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu, peji 317)
Verenga uone kuti nei tichifanira kunyengetera muzita raJesu.
“Nei Tichifanira Kunyengetera Muzita raJesu?” (Nharireyomurindi, February 1, 2008)
Bhaibheri rinotaura here kuti Jesu aive nechimiro chakaita sei?
Tinodzidzei pamabatiro aiita Jesu vanhukadzi?
“Mwari Ane Hanya Nevanhukadzi Uye Anovaremekedza” (Nharireyomurindi, September 1, 2012)