Upenyu hwaJesu Noushumiri
Ngoni Nokuda Kwavanotambudzika
PASHURE pokushurikidza vaFarise nokuda kwamagamuchidzanwa avo okuzvibatira, Jesu anoenda navadzidzi vake. Isiri nguva refu pamberi paikoku, ungayeuka, kuedza kwake kuenda navo kundozorora zvishoma kwakadzongonyedzwa apo mapoka akavawana. Zvino, ane vadzidzi vake, iye anoenda kumaruwa eTire neSidhoni, mamaira akawanda kuchamhembe. Irworwu sezviri pachena ndirwo rwendo bedzi Jesu anoita navadzidzi vake kupfuura miganhu yaIsraeri.
Pashure pokuwana imba yokugara, Jesu anoita kuti kuzivikanwe kuti iye haadi kuti munhu upi noupi azive kwavari. Bva, kunyange munyika iyi isiri yaIsraeri, iye haagoni kunzvenga kuonekwa. Mumwe mukadzi wechiGiriki, akaberekerwa muno muSirofenike yeSiria, anomuwana uye anovamba kukumbira, achiti: “Ndinzwirei ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi. Mwanasikana wangu wakabatwa kwazvo nomweya wakaipa.” Jesu, zvisinei, haatauri shoko mukupindura.
Pakupedzisira, vadzidzi vake vanoudza Jesu, kuti: “Mumuendesei, nokuti unodanidzira shure kwedu.”
Achitsanangura chikonzero chake chokumufuratira, Jesu anoti: “Ndakangotumirwa kumakwai akarashika eimba yavaIsraeri.”
Zvisinei, mukadzi wacho haaregi. Iye anosvika Jesu, anozvizvambaradza amene pamberi pake, uye anoteterera, “Ishe, ndodibatsirai henyu!”
Mwoyo waJesu unofanira kusundwa sei nechikumbiro chapachokwadi chomukadzi! Bva, iye anonongedzerazve kumutoro wake wokutanga, kushumira vanhu vaMwari vaIsraeri. Panguva imwe cheteyo, sezviri pachena kuedza kutenda kwake, iye anoshandisa murangariro wokufungira mano akaipa wavaJudha waavo vamamwe marudzi, achiti: “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira imbwanana.”
Kupfurikidza nechimiro chenzwi rake nechitarisiko chechiso, Jesu zvirokwazvo anozivisa mirangariro yake amene minyoro kuvasiri vaJudha. Iye anotopfavisa enzaniso yokufungira mano akaipa yavamarudzi kumbwa kupfurikidza nokunongedzera kwavari se“mbwanana,” kana kuti kutu. Panzvimbo pokugumbuka, mukadzi wacho anonongedzera kunongedzero yaJesu kufungira mano dzavaJudha uye anotaura zvinyoro, achiti: “Hungu, Ishe, kunyange nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.”
“Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru,” Jesu anopindura kudaro. “Zvaunoda ngazviitwe.” Uye kunodaro! Apo iye anodzokera kumusha kwake, iye anowana mwanasikana wake ari pamubhedha, aporeswa chose chose.
Vachibva panharaunda yapamhenderekedzo yegungwa yeSidhoni, Jesu navadzidzi vake vanoyambuka nyika vakananga kumanyuko oRwizi rwaJoridhani. Sezviri pachena vanoyambuka Joridhani pane imwe nzvimbo kumusoro kweGungwa reGarirea ndokupinda munharaunda yeDhekapori, kumadokera kwegungwa. Ikoko ivo vanokwira mugomo, asi mapoka anovawana ndokuunza kuna Jesu zvirema zvavo, vanokamhina, mapofu, uye mbeveve, uye vazhinji avo vanorwara kana kuti vakaremara. Ivo vanovakandira zvakanaka patsoka dzaJesu, uye iye anovarapa. Vanhu vanoshamiswa sezvavanoona mbeveve dzichitaura, vakaremara vachifamba, uye mapofu achiona uye ivo vanorumbidza Mwari waIsraeri.
Murume mumwe uyo ari matsi naasingambokwanisi kutaura anopiwa ngwariro chaiyo yaJesu. Matsi dzinowanzosatana kukwenudzwa, zvikurukuru muboka. Jesu angaacherechedza rutyo rwouyu murume akati. Naizvozvo Jesu anomubvisa nengoni muboka pachivande. Vava voga, Jesu anoratidzira chaachamuitira. Iye anoisa minwe yake munzeve dzomurume wacho uye, pashure pokupfira mate, anobata rurimi rwake. Ipapo, achitarira kudenga, Jesu anogomera zvikuru ndokuti: “Dziuka.” Pana ikoko, masimba okunzwa omurume wacho anodzorerwa, uye iye anokwanisa kutaura nomuzvarirwo.
Apo Jesu akanga aita uku kurapa kuzhinji, mapoka anopindura nokuonga, achiti: “Wakaita zvose zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nembeveve kuti dzitaure.” Mateo 15:21-31; Marko 7:24-37.
◻ Neiko Jesu asati achikurumidza kuporesa mwana womukadzi wechiGiriki?
◻ Pashure pezvo, Jesu anoenda kupi navadzidzi vake?
◻ Jesu anobata sei nengoni nematsi isingambogoni kutaura?