RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • “Kristu Isimba raMwari”
    Swedera Pedyo naJehovha
    • 18-20. (a) Jesu ainyanya kufunga nezvei paaishandisa simba rake? (b) Maporesero akaita Jesu mumwe murume aiva matsi anoita kuti unzwe sei?

      18 Murume uyu ane simba, akanga akasiyana nekure nevatongi vanoshandisa simba ravo zvine utsinye vasingambofungi nezvekutambura kwevamwe. Jesu aida vanhu. Akanga asingatombodi kuona vanhu vachitambura; aingoti kuvaona chete obva atoona zvekuita. (Mateu 14:14) Paaishandisa simba rake aitanga afunga kuti vanhu vaari kuda kubatsira vari kunzwa sei, uye kuti vaida kubatsirwa sei uye nei. Izvi tinozviona patinoverenga pana Mako 7:31-37.

      19 Musi uyu, vanhu vakawanda vakaunzira Jesu vanhu vairwara, uye akavaporesa vese. (Mateu 15:29, 30) Asi Jesu akatora mumwe murume waakaona kuti akanga akati siyanei nevamwe akaenda naye pake ega. Murume wacho aiva matsi, asingagoniwo kunyatsotaura. Jesu anogona kunge akaona kuti murume uyu aiti nyarei. Achifunga izvi, Jesu akamutora akaenda naye kure nevanhu. Jesu akabva ashandisa zviratidzo kuudza murume wacho zvaakanga ava kuda kuita. “Akabva aisa zvigunwe zvake munzeve dzemurume wacho, uye akasvipa mate, akabata rurimi rwake.”c (Mako 7:33) Jesu akazotarisa kudenga, ndokutura befu achiratidza kuti ari kutaura naMwari. Zvaiita sekuti aitoudza murume wacho kuti, ‘Zvandava kuda kukuitira ndichazviita nesimba rinobva kuna Mwari.’ Jesu akazoti: “Vhurika.” (Mako 7:34) Murume uya akatanga kunzwa uye kutaura sezvinongoita vamwe.

  • “Kristu Isimba raMwari”
    Swedera Pedyo naJehovha
    • c Kusvipa mate yaiva nzira kana kuti chiratidzo chekurapa chaizivikanwa nevaJudha nevanhu vemamwe marudzi, uye mabhuku avanarabhi anotaurawo nezvekushandisa mate pakurapa. Pamwe Jesu akasvipa achida kuratidza murume wacho kuti akanga ava kuda kumuporesa. Asi chatinoziva ndechekuti Jesu akanga asiri kushandisa mate ake sechinhu chekurapa nacho.

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe