Une “Pfungwa dzaKristu” Here?
“Mwari anogovera kutsungirira nenyaradzo ngaakubvumirei kuti . . . muve nemafungire akafanana neaiva naKristu Jesu.”—VAROMA 15:5.
1. Jesu anorondedzerwa sei mumifananidzo yakawanda yechiKristudhomu, uye nei uku kusiri kuratidzwa kwakanaka kwaJesu?
“HAANA kumboonekwa achiseka.” Ndiwo matsanangurirwe anoitwa Jesu mune rimwe gwaro rinotaura zvenhema kuti rakanyorwa nomumwe mukuru mukuru wekare weRoma. Gwaro iri, rave richizivikanwa riri zvariri panguva ino kubvira munenge muzana ramakore rechi11, rinonzi rakapesvedzera vanyori vemifananidzo vakawanda.a Mumifananidzo yakawanda, Jesu anooneka somunhu akasuwa akanga asinganyemwereri nhando nhando, ndokunge aitombonyemwerera. Asi ikoko hakusi kurondedzerwa kwakanaka kwaJesu, uyo anoratidzwa neEvhangeri somurume ane kunzwa kwakadzama ane ushamwari, ane mwoyo une mutsa.
2. Tingaita sei kuti tive ne“mafungire akafanana neaiva naKristu Jesu,” uye izvi zvichatishongedzera kuita chii?
2 Nenzira yakajeka, kuti tizive Jesu chaiyeiye, tinofanira kuzadza pfungwa nemwoyo zvedu nenzwisiso yakarurama yokuti Jesu ainyatsova munhu worudzii paaiva pasi pano. Naizvozvo ngationgororei dzimwe nhoroondo dzeEvhangeri dzinoita kuti tinzwisise “pfungwa dzaKristu”—ndiko kuti, manzwire aaiita, manzwisisire aaiita, pfungwa dzake, uye kufunga kwake. (1 VaKorinde 2:16) Patinenge tichidaro, ngatifungei kuti tingaita sei kuti tive ne“mafungire akafanana neaiva naKristu Jesu.” (VaRoma 15:5) Saka, tingave takashongedzerwa zviri nani muupenyu hwedu uye mukubata kwedu nevamwe kutevedzera muenzaniso waakatigadzira.—Johani 13:15.
Aiva Nyore Kutaura Naye
3, 4. (a) Chii chaiitika munhoroondo yakanyorwa pana Mako 10:13-16? (b) Jesu akaita sei vadzidzi vake pavakaedza kudzivisa vana vaduku kuti vauye kwaari?
3 Vanhu vainzwa vachiswededzwa pedyo naJesu. Panguva dzakasiyana-siyana, vanhu vamazera akasiyana-siyana uye vomugariro wakasiyana-siyana vakataura naye vakasununguka. Funga chiitiko chakanyorwa pana Mako 10:13-16. Chakaitika nechokumapeto kwoushumiri hwake paakanga achinanga kuJerusarema kokupedzisira, kunotarisana norufu runorwadza.—Mako 10:32-34.
4 Fungidzira mugariro wacho. Vanhu vanotanga kuunza vana, kusanganisira vacheche, kuti Jesu agovakomborera.b Zvisinei, vadzidzi vanoedza kudzivisa vana kuuya kuna Jesu. Zvichida vadzidzi vacho vanofunga kuti Jesu haasi kutomboda kunetswa nevana mumavhiki aya anokosha. Asi havana kururama. Jesu paanoziva zviri kuitwa nevadzidzi, haafadzwi. Jesu anodana vana vacho, achiti: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedze kuvadzivisa.” (Mako 10:14) Ipapo anoita chimwe chinhu chinozivisa maitiro ounyoro uye orudo rwechokwadi. Nhoroondo yacho inoti: “Akafungatira vana mumaoko ake akatanga kuvakomborera.” (Mako 10:16) Zviri pachena kuti vana vacho vanonzwa vakasununguka sezvo Jesu anovafungatira mumaoko ake ane hanya.
5. Nhoroondo iri pana Mako 10:13-16 inotiudzei nezvorudzi rwomunhu rwaiva Jesu?
5 Nhoroondo pfupi iyoyo inotiudza zvakawanda nezvokuti Jesu aiva rudzii rwomunhu. Cherechedza kuti akanga achibvira kutaura naye. Kunyange zvazvo akanga ambova nenzvimbo yakakwirira mudenga, akanga asingatyisi kana kuti asingazvidzi vanhu vasina kukwana. (Johani 17:5) Hazvikoshiwo here kuti kunyange vana vainzwa vakasununguka kwaari? Zvechokwadi vangadai vasina kunzwa vachiswededzwa pedyo nomunhu asina ushamwari, akanga asingafari aisambonyemwerera kana kuseka! Vanhu vamazera ose vaiuya kuna Jesu nokuti vaiona kuti aiva munhu ane ushamwari, ane hanya, uye vaiva nechivimbo chokuti haaizovadzosa.
6. Vakuru vangazviita sei vanotaurika navo zvikuru?
6 Tichifunga nezvenhoroondo iyi, tingazvibvunza kuti, ‘Ndine pfungwa dzaKristu here? Ndiri munhu anobvira kutaura naye here?’ Munguva ino inonetsa, makwai aMwari anoda vafudzi vanotaurika navo, varume vakaita so“utiziro pamhepo.” (Isaya 32:1, 2; 2 Timoti 3:1) Vakuru, kana mukafarira hama dzenyu zvechokwadi, zvinobva pamwoyo uye muchida kuzvipa kwadziri, dzichaona kuva nehanya kwenyu. Dzichazviona nechitarisiko chechiso chenyu, dzichazvinzwa mumataurire enyu, uye dzichazvicherechedza mumaitire enyu omutsa. Ushamwari uye kuva nehanya zvechokwadi kwakadaro kungakonzera kuvimbana kunogona kuita kuti zvive nyore kune vamwe, kusanganisira vana, kuti vataure nemi. Mumwe mukadzi wechiKristu anotsanangura kuti nei akakwanisa kutaura nomumwe mukuru achiti: “Akataura neni nounyoro netsitsi. Kudai zvanga zvisina kudaro, zvichida ndingadai ndisina kumbotaura shoko rimwe. Akaita kuti ndinzwe ndakachengeteka.”
Kufunga Vamwe
7. (a) Jesu akaratidza sei kuti aifunga vamwe? (b) Nei Jesu angave akaita kuti mumwe murume aiva bofu aonezve zvishoma nezvishoma?
7 Jesu aifunga vamwe. Ainzwa manzwire aiita vamwe. Kungoratidzika kwaiita vaitambudzika kwaimurwadza zvakanyanya zvokuti aida kubvisa kutambura kwavo. (Mateu 14:14) Aifungawo zvaiva zvisingagoni kuitwa nevamwe uye zvavaishayiwa. (Johani 16:12) Imwe nguva, vanhu vakamuunzira murume aiva bofu ndokukumbira Jesu kuti amurape. Jesu akaita kuti murume wacho aonezve, asi akazviita zvishoma nezvishoma. Pakutanga, murume wacho akaona vanhu mumadzerere bedzi—“zvinoratidzika semiti, asi vari kufamba-famba.” Ipapo, Jesu akaita kuti anyatsoona zvakakwana. Nei akaita kuti murume wacho aonezve zvishoma nezvishoma? Izvi zvingave zvakaitirwa kuti munhu akanga ajaira zvikuru kuva murima asavhunduka nokungoerekana aona chiedza chezuva uye nyika ine zvinhu zvakawanda.—Mako 8:22-26.
8, 9. (a) Chii chakaitika nokukurumidza Jesu nevadzidzi vake vachangopinda munharaunda yeDhekaporisi? (b) Rondedzera kuporesa kwakaita Jesu mumwe murume aiva matsi.
8 Fungawo chimwe chiitiko chakaitika Paseka ya32 C.E. yapera. Jesu nevadzidzi vake vakanga vapinda munharaunda yeDhekaporisi, kumabvazuva kweGungwa reGarireya. Ikoko, mapoka makuru akakurumidza kuvaona ndokuuya nevakawanda vairwara nevakaremara kuna Jesu, uye akavaporesa vose. (Mateu 15:29, 30) Zvinofadza kuti, Jesu akasarudza murume mumwe wokunyatsoporesa. Munyori weEvhangeri Mako, munhu mumwe bedzi akanyora chiitiko ichi, anoshuma zvakaitika.—Mako 7:31-35.
9 Murume wacho aiva matsi uye asingatombokwanisi kutaura. Jesu angave akaona kutya kana kuti kunyara kwainyanyoita murume uyu. Ipapo Jesu akaita chimwe chinhu chisina kunyatsojairika. Akasuduruka nomurume wacho kubva muboka ravanhu, achienda kunzvimbo yakanga isina vanhu. Zvadaro Jesu akashandisa zviratidzo kuzivisa murume wacho zvaakanga ava kuda kuita. “Akaisa minwe yake munzeve dzomurume wacho uye, akati apfira mate, akabata rurimi rwake.” (Mako 7:33) Apedza, Jesu akatarira kudenga ndokutura befu mumunyengetero. Izvi zviito zvomuenzaniso zvaizoti kumurume wacho, ‘Zvandava kuda kukuitira zvinoitwa nesimba raMwari.’ Pakupedzisira, Jesu akati: “Dziuka.” (Mako 7:34) Ipapo, kunzwa kwomurume wacho kwakadzorerwa, uye akanga ava kukwanisa kutaura zvakanaka.
10, 11. Tingaratidza sei kufunga manzwire anoita vamwe muungano? mumhuri?
10 Jesu airatidza kufunga vamwe zvakadini! Ainzwa manzwire avaiita, uye kuita kwokunzwira tsitsi uku kwakamuitawo kuti ashandise nzira dzisina kukuvadza kunzwa kwavo kwomukati. SevaKristu, tinoita zvakanaka kushandira kuva nepfungwa dzaKristu nokudziratidza munhau iyi. Bhaibheri rinotirayira kuti: “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi zvikuru, muchizvininipisa.” (1 Petro 3:8) Zvechokwadi izvi zvinoita kuti titaure nokushanda munzira dzinoratidza kufunga manzwire anoita vamwe.
11 Muungano, tinogona kuratidza kufunga manzwire anoita vamwe nokuvaremekedza, kuvabata sezvataizoda kubatwawo. (Mateu 7:12) Izvozvo zvingasanganisira kungwarira zvatinotaura uyewo mataurire atinozviita. (VaKorose 4:6) Yeuka kuti ‘mashoko anoratidza kusafunga angabaya somunondo.’ (Zvirevo 12:18) Zvakadini nomumhuri? Murume nomukadzi vanodanana zvechokwadi vanonzwa manzwire anoita mumwe nomumwe wavo. (VaEfeso 5:33) Vanodzivisa mashoko ehasha, kutsoropodza kunopfuurira, uye kutaura kwokutuka kunokuvadza—zvose zvinogona kukonzera kunzwa kurwadziwa kusingarapiki nyore. Vana vanewo kunzwa kwomukati, uye vabereki vane rudo vanofunga nezvakwo. Kururamisa pakunodiwa, vabereki vakadaro vanokuita munzira yokuremekedza chiremera chevana vavo ndokuita kuti vasanyara zvisingadikanwi.c (VaKorose 3:21) Saka patinoratidza kufunga vamwe, tinoratidza kuti tine pfungwa dzaKristu.
Kuda Kuvimba Vamwe
12. Jesu aiona sei vadzidzi vake zviri pakati nepakati?
12 Jesu aiona vadzidzi vake chaizvoizvo, zviri pakati nepakati. Ainyatsoziva kuti vaiva vasina kukwana. Pashure pezvose, aigona kuziva zviri mumwoyo yavanhu. (Johani 2:24, 25) Kunyange zvakadaro, haana kungovaona mukusakwana kwavo asi muunhu hwavo hwakanaka. Akaonawo zvaikwanisa kuitwa nevarume ivavo vakanga vakwehwa naJehovha. (Johani 6:44) Maonere akanaka aiita Jesu vadzidzi vake aiva pachena munzira yaaivabata nayo. Kutanga, airatidza kuda kuvavimba.
13. Jesu akaratidza sei kuti aivimba nevadzidzi vake?
13 Jesu akaratidza sei kuvimba ikoko? Paakabva panyika, akapa vadzidzi vake vakazodzwa basa rinokosha. Akavapa basa rokutarisira kufarira kwenyika yose Umambo hwake. (Mateu 25:14, 15; Ruka 12:42-44) Muushumiri hwake, akaratidza kunyange munzira duku, dzisina kunanga kuti aivimba navo. Paakaita kuti zvokudya zviwande nenzira inoshamisa kuti adyise mapoka, akapa vadzidzi vake basa rokugovera zvokudya.—Mateu 14:15-21; 15:32-37.
14. Ungapfupisa sei nhoroondo yakanyorwa pana Mako 4:35-41?
14 Fungawo nezvenhoroondo yakanyorwa pana Mako 4:35-41. Panguva iyi Jesu nevadzidzi vake vakakwira igwa ndokuenda kumabvazuva mhiri kweGungwa reGarireya. Nokukurumidza pashure pokunge vabva, Jesu akarara shure kweigwa ndokukotsira. Zvisinei, nokukurumidza “dutu rine simba kwazvo rakamuka.” Madutu akadaro aizivikanwa paGungwa reGarireya. Nemhaka yokuderera kwaro (anenge mamita 200 pasi pemwero wegungwa), mhepo inodziya zvikuru imomo kupfuura munzvimbo dzakapoteredza, uye izvi zvinoita kuti mhepo yakapoteredza ikanganiswe. Kuwedzera kune izvi, mhepo ine simba inomhanya ichidzika nomuMupata weJodhani kubva kuGomo reHermoni, riri kuchamhembe. Kuterama kwenguva imwe kungaerekana kwachinja kuva dutu rine hasha. Funga nezveizvi: Hapana mubvunzo kuti Jesu aiziva nezvemadutu aizivikanwa, nokuti akarererwa muGarireya. Asi, akarara murugare, achivimba nounyanzvi hwevadzidzi vake, vamwe vavo vaiva varedzi.—Mateu 4:18, 19.
15. Tingatevedzera sei kuda kwaiita Jesu kuvimba nevadzidzi vake?
15 Tingatevedzera kuda kwaJesu kuvimba nevadzidzi vake here? Vamwe vanozviona zvakaoma kupa mabasa kune vamwe. Zvinoita sokuti vanofanira kugara vachitungamirira. Vangafunga kuti, ‘Kana ndichida kuti chimwe chinhu chiitwe zvakanaka, ndini ndinofanira kuchiita!’ Asi kana tichifanira kuita zvinhu zvose pachedu, tiri pangozi yokuneta uye zvichida tichitorera mhuri yedu nguva yataisafanira kuitorera. Kunze kwezvo, kana tisingapi vamwe mabasa nemitoro zvakakodzera, tingava tichivanyima unyanzvi nokurovedza kunodiwa. Kungava kuchenjera kudzidza kuvimba nevamwe, tichivapa zvokuita. Tinoita zvakanaka kuzvibvunza nokutendeka kuti, ‘Ndine pfungwa dzaKristu panhau iyi here? Ndinoda kupa mamwe mabasa kune vamwe here, ndichivimba kuti vachaita zvakanakisisa?’
Airatidza Kuvimba Nevadzidzi Vake
16, 17. Pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwapasi, Jesu akavimbisei vaapostora vake, kunyange zvazvo aiziva kuti vaizomusiya?
16 Jesu akaratidza kuona vadzidzi vake zvakanaka mune imwe nzira inokosha. Akavaita kuti vazive kuti aivimba navo. Izvi zvaiva pachena mumashoko ake okuvimbisa aakataurira vaapostora vake usiku hwokupedzisira hwoupenyu hwake hwapasi. Cherechedza zvakaitika.
17 Hwaiva usiku hwakazara kuna Jesu. Akapa vaapostora vake chidzidzo chokuzvininipisa chinoratidzwa nokugeza tsoka dzavo. Pashure paizvozvo, akatanga kudya kwamanheru kwaizova chirangaridzo chorufu rwake. Zvadaro, vaapostora vakabatanidzwazve munharo huru dzokuti ndiani pakati pavo airatidzika kuva mukuru. Achingoshivirira, Jesu haana kuvatuka asi akakurukura navo. Akavaudza zviri mberi achiti: “Imi mose muchagumburwa pamusoro pangu usiku huno, nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Ndicharova mufudzi, uye boka remakwai richapararira kwose.’” (Mateu 26:31; Zekaria 13:7) Aiziva kuti shamwari dzake dzapedyo dzaizomusiya panguva yaaidzida. Kunyange zvakadaro, haana kuvapa mhosva. Zvakatopesana, akavaudza kuti: “Asi kana ndamutswa, ndichafanoenda Garireya.” (Mateu 26:32) Hungu, akavavimbisa kuti kunyange zvazvo vaizomusiya, iye aisazovasiya. Kana kutambudzika uku kwaityisa kwapera, aizosanganazve navo.
18. MuGarireya, Jesu akapa vadzidzi vake basai rinokosha, uye vaapostora vacho vakariita sei?
18 Jesu akachengeta shoko rake. Gare gare, muGarireya, Jesu akanga amutswa akaonekwa nevaapostora vake vakatendeka 11, sezviri pachena avo vakanga vaungana nevamwe vakawanda. (Mateu 28:16, 17; 1 VaKorinde 15:6) Ikoko, Jesu akavapa basa rinokosha achiti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Bhuku raMabasa rinotipa uchapupu hwakajeka hwokuti vaapostora vakaita basa iroro. Vakatungamirira nokutendeka basa rokuparidza mashoko akanaka muzana ramakore rokutanga.—Mabasa 2:41, 42; 4:33; 5:27-32.
19. Zvakaitwa naJesu amutswa zvinotidzidzisa chii nezvepfungwa dzaKristu?
19 Nhoroondo iyi inoita kuti tinzwisise chimwe chinhu inotidzidzisei nezvepfungwa dzaKristu? Jesu aiva aona vaapostora vake pavaiita zvakaipisisa, asi “akavada kusvika kumugumo.” (Johani 13:1) Pasinei zvapo nezvikanganiso zvavo, akavaudza kuti aivimba navo. Cherechedza kuti chivimbo chaJesu chaiva chisina kuitwa zvisina kufanira. Kuvimba uye kutenda zvaakanga avaratidza pasina mubvunzo zvakavasimbisa kuti vatsunge mumwoyo yavo kuita basa raakanga avarayira.
20, 21. Tingaratidzira sei kuti tinoona zvakanaka vatinonamata navo?
20 Tingaratidza sei pfungwa dzaKristu munhau iyi? Usava asina tariro pamusoro pevaunotenda navo. Kana uchifunga zvakaipisisa, mashoko nezviito zvako zvingangozvizivisa. (Ruka 6:45) Zvisinei, Bhaibheri rinotiudza kuti rudo “runotenda zvinhu zvose.” (1 VaKorinde 13:7) Rudo rwune tariro, harushayi tariro. Runovaka panzvimbo pokuputsa. Vanhu vanokurumidza kudavidza kurudo nokukurudzira pane kutyisidzira. Tinogona kuvaka uye kukurudzira vamwe nokuratidza kuvimba navo. (1 VaTesaronika 5:11) Kana tichiona hama dzedu zvakanaka, kufanana naKristu, tichadzibata nenzira dzinodzivaka uye dzinoita kuti dziite zvakanakisisa.
21 Kushandira kuva nepfungwa dzaKristu uye kukuratidza kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura kungotevedzera zvimwe zvinhu zvakaitwa naJesu. Sezvakataurwa munyaya yakatangira ino, kana tichizoita saJesu zvechokwadi, tinofanira kutanga kudzidza kuona zvinhu sezvaaiita. Evhangeri dzinoita kuti tikwanise kuona chimwe chinhu chounhu hwake, pfungwa dzake uye manzwire aanoita pamusoro pebasa rake raakapiwa, sezvichakurukurwa nenyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mugwaro racho, munyengeri wacho anorondedzera chitarisiko chinofungidzirwa chomuviri waJesu, kusanganisira ruvara rwevhudzi rake, ndebvu, uye maziso. Mushanduri weBhaibheri Edgar J. Goodspeed anotsanangura kuti kunyengera uku kwa“kaitwa kuti rondedzero iri mumabhuku evapendi yechitarisiko chomunhu oga chaJesu ibvumwe.”
b Sezviri pachena, vana vacho vaiva vamazera akasiyana-siyana. Shoko rinoshandurwa pano kuti “vana vaduku” rinoshandiswawo kumwanasikana waJairosi aiva nemakore 12. (Mako 5:39, 42; 10:13) Zvisinei, munhoroondo yakafanana, Ruka anoshandisa shoko rinoshandiswawo nokuda kwevacheche.—Ruka 1:41; 2:12; 18:15.
c Ona nyaya inoti “Unoremekedza Chiremera Chavo Here?” iri mumagazini yeNharireyomurindi yaApril 1, 1998.
Ungatsanangura Here?
• Jesu akaita sei vadzidzi vake pavaiedza kudzivisa vana kuuya kwaari?
• Jesu akaratidza kufunga vamwe munzirai?
• Tingatevedzera sei kuda kwaiita Jesu kuvimba nevadzidzi vake?
• Tingatevedzera sei chivimbo chakaratidzwa naJesu muapostora vake?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Vana vainzwa vakasununguka kuna Jesu
[Mufananidzo uri papeji 17]
Jesu aibata vamwe netsitsi
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vakuru vanotaurika navo chikomborero