-
Chiso Chake Nenguo Zvinoshanduka Achiratidza Zvaanenge Akaita MuumamboJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Jesu paari kudzidzisa vanhu munharaunda yeKesariya Firipi, iyo iri makiromita 25 kubva kuGomo reHemoni, anotaura mashoko anoshamisa vadzidzi vake okuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingazomboraviri rufu kusvikira vatanga vaona Mwanakomana womunhu achiuya muumambo hwake.”—Mateu 16:28.
Vadzidzi vanofanira kunge vari kushamiswa kuti Jesu ari kurevei. Papera rinenge vhiki, anotora vaapostora vake vatatu vanoti Petro, Jakobho, naJohani oenda navo mugomo refu refu. Hunofanira kuva usiku, nekuti vadzidzi vatatu ava vane hope. Paanenge achinyengetera, Jesu anoshanduka vakatarisa. Vaapostora ava vanoona chiso chake chichipenya sezuva uye nguwo dzake dzakati ngwee sechiedza dzichibwinya.
-
-
Chiso Chake Nenguo Zvinoshanduka Achiratidza Zvaanenge Akaita MuumamboJesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
-
-
Chiratidzo ichi chinofanira kunge chasimbisa Jesu nevaapostora zvikuru! Charatidza zvichange zvakaita Kristu muUmambo hwake. Saka vadzidzi vakaona “mwanakomana womunhu achiuya muumambo hwake,” sezvakanga zvavimbiswa naJesu. (Mateu 16:28) Vari mugomo, vakava “zvapupu zvakaona ukuru hwake.” Kunyange zvazvo vaFarisi vaida chiratidzo chekuti Jesu aizova Mambo akasarudzwa naMwari, Jesu haana kuvapa chiratidzo ichocho. Asi vadzidzi vaJesu vepedyo vakaona achishanduka izvo zvakabva zvasimbisa uprofita hweUmambo. Ndokusaka Petro akazonyora kuti: “Tine shoko rouprofita rakaitwa kuti rive rechokwadi kwazvo.”—2 Petro 1:16-19.
-